1Kwaiva neumwe wairwara, wainzi Razaro weBhetaniya, mumusha waMaria nemukoma wake Marita.
1拉撒路死了
2Waiva iye Maria wakazodza Ishe nemafuta, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake, hanzvadzi yake Razaro wakange achirwara.
2这马利亚就是后来用香膏抹主,并且用头发把主的脚擦干的那人;患病的拉撒路是她的兄弟。
3Naizvozvo hanzvadzi dzakatumira kwaari dzichiti: Ishe, tarirai uyo wamunoda unorwara.
3姊妹二人派人到耶稣那里去,说:“主啊,你所爱的人病了。”
4Jesu wakati anzwa akati: Ukosha uhwu hahwusviki murufu, asi ndehwembiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari arumbidzwe nahwo.
4耶稣听见,就说:“这病不至于死,而是为了 神的荣耀,使 神的儿子因此得到荣耀。”
5Zvino Jesu wakange achida Marita nemunin'ina wake naRazaro.
5耶稣向来爱马大和她的妹妹马利亚,以及拉撒路。
6Naizvozvo wakati anzwa kuti unorwara, ipapo akagara amwe mazuva maviri panzvimbo paakange ari.
6他听说拉撒路病了,仍然在原来的地方住了两天,
7Shure kweizvozvo wakati kuvadzidzi: Hendeizve Judhiya.
7然后对门徒说:“我们再到犹太去吧。”
8Vadzidzi vakati kwaari: Rabhi*, vaJudha vachangobva kutsvaka kukutakai nemabwe; zvino moendazve ikoko here?
8门徒对他说:“拉比,近来犹太人要拿石头打你,你还到那里去吗?”
9Jesu akapindura akati: Hapana maora gumi nemaviri masikati here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nekuti unoona chiedza chenyika ino.
9耶稣说:“白昼不是有十二小时吗?人若在白昼行走,就不会跌倒,因为他看见这世上的光;
10Asi kana munhu achifamba usiku, unogumburwa, nekuti hamuna chiedza maari.
10人若在夜间行走,就会跌倒,因为他没有光。”
11Wakataura zvinhu izvi, shure kweizvozvo ndokuti kwavari: Shamwari yedu Razaro yarara; asi ndinoenda kuti ndimumutse.
11耶稣说完了这些话,跟着又对他们说:“我们的朋友拉撒路睡了,我要去唤醒他。”
12Naizvozvo vadzidzi vake vakati: Ishe, kana arere, uchanaya.
12门徒说:“主啊,如果他睡了,就会好过来的。”
13Asi Jesu wakareva zverufu rwake; asi ivo vakafunga kuti unoreva kuzorora kwehope.
13其实耶稣是指着拉撒路的死说的,门徒却以为他是指正常的睡眠说的。
14Naizvozvo ipapo Jesu akavaudza pachena: Razaro wafa.
14于是,耶稣公开地告诉他们:“拉撒路死了。
15Zvino ndinofara nekuda kwenyu kuti ndakange ndisipo, kuti mugotenda; asi hendei kwaari.
15我为你们欢喜,因为我不在那里,是要使你们相信。现在我们到他那里去吧。”
16Naizvozvo Tomasi, wainzi Dhidhimo, wakati kuna vamwe vadzidzi pamwe naye: Hendei isuwo kuti tinofa naye.
16那称为“双生子”的多马,对其他的门徒说:“我们也去跟他一同死吧!”
17Zvino Jesu wakati achisvika, akawana atova muguva mazuva mana.
17耶稣是复活是生命耶稣到了,知道拉撒路在坟墓里已经四天了。
18Zvino Bhetaniya rakange riri pedo neJerusarema, masitadhiya* anenge gumi nemashanu kubva ipapo;
18伯大尼靠近耶路撒冷,相距约有三公里。
19nevazhinji vevaJudha vakange vauya kuna Marita naMaria, kuti vavanyaradze pamusoro pehanzvadzi yavo.
19有许多犹太人来到马大和马利亚那里,为了拉撒路的死来安慰她们。
20Zvino Marita wakati angonzwa kuti Jesu wouya, akaenda kunomuchingamidza; asi Maria wakagara mumba.
20马大听见耶稣来了,就去迎接他,马利亚却仍然坐在家里。
21Marita ndokuti kuna Jesu: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.
21马大对耶稣说:“主啊,如果你早在这里,我的兄弟就不会死了!
22Asi naikozvino ndinoziva kuti zvipi zvazvo zvamunokumbira kuna Mwari, Mwari uchakupai.
22就是现在,我也知道无论你向 神求什么, 神必赐给你。”
23Jesu akati kwaari: Hanzvadzi yako ichamukazve.
23耶稣对她说:“你的兄弟必会复活。”
24Marita akati kwaari: Ndinoziva kuti uchamukazve pakumuka nezuva rekupedzisira.
24马大说:“我知道在末日复活的时候,他必会复活。”
25Jesu akati kwaari: Ndini kumuka neupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama;
25耶稣说:“我就是复活和生命;信我的人,虽然死了,也要活着。
26uye umwe neumwe unorarama uye unotenda kwandiri, haangatongofi nekusingaperi. Unotenda izvi here?
26所有活着又信我的人,必定永远不死,你信这话吗?”
27Akati kwaari: Hongu, Ishe; ini ndinotenda kuti ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari, waizouya panyika.
27她说:“主啊,我信;我已经信了,你是基督,是 神的儿子,是那要到世上来的。”
28Zvino wakati areva izvi akaenda, akanodana Maria munin'ina wake pachivande, akati: Mudzidzisi wasvika, unokudana.
28耶稣使拉撒路复活马大说了这些话,就回去暗暗地叫她妹妹马利亚,说:“老师来了,他叫你。”
29Iye wakati achingozvinzwa, akakurumidza kusimuka akaenda kwaari.
29马利亚一听见,就急忙起来,到耶稣那里去。
30Zvino Jesu wakange asati asvika pamusha, asi wakange achiri panzvimbo Marita paakamuchingamidza.
30那时,耶稣还没有进入村子,仍然在马大迎接他的地方。
31Naizvozvo vaJudha vakange vanaye mumba vachimunyaradza, vakati vachiona Maria kuti wakasimuka nekukurumidza achibuda, vakamutevera vachiti: Unoenda kuguva kuti acheme.
31那些在房子和马利亚在一起安慰她的犹太人,见她匆忙地起来出去,就跟着她,以为她要到坟墓那里去哭。
32Zvino Maria, wakati achisvika pakange pana Jesu, achimuona, akawira patsoka dzake, achiti kwaari: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.
32马利亚来到耶稣那里,一看见他,就俯伏在他脚前,说:“主啊,如果你早在这里,我的兄弟就不会死了!”
33Naizvozvo Jesu wakati achimuona achichema, vaJudhawo vachichema vakange vauya naye, akagomera mumweya, akazvitambudza,
33耶稣看见她在哭,和她一同来的犹太人也在哭,就心里激动,难过起来,
34akati: Mamuradzikepi? Vakati kwaari: Ishe, uyai muone.
34说:“你们把他安放在哪里?”他们说:“主啊,请来看。”
35Jesu akachema misodzi.
35耶稣哭了。
36Zvino vaJudha vakati: Tarirai kuti waimuda sei.
36于是犹太人说:“你看,他多么爱这个人!”
37Asi vamwe vavo vakati: Uyu wakasvinudza meso ebofu, haagoni kuita here kuti uyuwo asafa?
37他们中间有人说:“他既然开了瞎子的眼睛,难道不能使这个人不死吗?”
38Naizvozvo Jesu wakagomerazve mukati make asvika paguva. Zvino raiva bako, nebwe rakange rakaradzikwa pamusoro paro.
38耶稣又再心里激动,来到坟墓前面。那坟墓是一个洞穴,洞口有块石头堵住。
39Jesu akati: Bvisai ibwe. Marita hanzvadzi yewakafa akati kwaari: Ishe, wotonhuhwa; nekuti une mazuva mana.
39耶稣说:“把这块石头挪开!”死者的姊姊马大对他说:“主啊,已经四天了,他必定臭了。”
40Jesu akati kwaari: Handina kutaura here kwauri, kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?
40耶稣说:“我不是对你说过‘如果你信,就必定看见 神的荣耀’吗?”
41Naizvozvo vakabvisa ibwe, pakange paradzikwa wakafa. Jesu ndokusimudzira meso kumusoro, ndokuti: Baba, ndinokuvongai nekuti imwi mandinzwa.
41于是他们把石头挪开。耶稣举目向天,说:“父啊,我感谢你,因为你垂听了我,
42Asi ini ndanga ndichiziva kuti munondinzwa nguva dzose; asi nekuda kwechaunga chakakomberedza ndareva, kuti vatende kuti imwi makandituma.
42我知道你常常听我,但我说这话,是为了周围站着的群众,叫他们信是你差了我来。”
43Zvino wakati areva izvozvi, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda!
43说了这话,就大声呼喊:“拉撒路,出来!”
44Uyo wakange afa ndokubuda, akasungwa makumbo nemaoko nemicheka yeguva, nechiso chake chakapombwa nemucheka wekumeso. Jesu akati kwavari: Musunungurei, mumurege aende.
44那死了的人就出来,他的手脚都缠着布,脸上裹着巾。耶稣说:“解开他,让他走!”
45Naizvozvo vazhinji vevaJudha, vakange vauya kuna Maria vakati vaona Jesu zvaakaita, vakatenda kwaari.
45祭司长等想杀害耶稣有许多到马利亚那里去的犹太人,看见了耶稣所作的事,就信了他。
46Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisi, ndokuvaudza zvinhu Jesu zvaakange aita.
46但他们中间有些人到法利赛人那里去,把耶稣所作的事都告诉他们。
47Naizvozvo vapristi vakuru nevaFarisi vakaunganidza dare remakurukota, vakati: Todini? Nekuti uyu munhu unoita zviratidzo zvizhinji.
47于是祭司长和法利赛人召开公议会,说:“这个人行了许多神迹,我们怎么办呢?
48Kana tikamurega akadaro, vose vachatenda kwaari; nevaRoma vachauya vakatora zviri zviviri nzvimbo nerudzi rwedu.
48我们若让他这样,所有的人都会信他,罗马人就会来,夺取我们的圣地,除灭我们的民族。”
49Asi umwe wavo, Kayafasi, wakange ari mupristi mukuru gore iroro, akati kwavari: Hamuzivi chinhu imwi,
49他们当中有一位该亚法,是那年作大祭司的,对他们说:“你们什么都不知道,
50uye hamurangariri kuti zvakatinakira kuti munhu umwe afire vanhu, uye rudzi rwose rurege kuparara.
50也不去想想,一个人代替人民死,免得整个民族灭亡,这对你们是有益的。”
51Asi haana kureva izvi pachake, asi zvaakange ari mupristi mukuru gore iro, wakaporofita kuti Jesu waizofira rudzi urwo,
51他说这话不是由于自己,而是因为他是那年的大祭司,所以预言耶稣要替犹太民族死;
52uye kwete rudzi urwo rwoga, asi kutiwo aunganidze vana vaMwari vakapararira vave umwe.
52不但替犹太民族死,也要把散居各地的 神的儿女招聚成为一体。
53Zvino kubva pazuva iro vakarangana kuti vamuuraye.
53从那天起,他们就想杀害耶稣。
54Naizvozvo Jesu haana kuzombofamba pachena pakati pevaJudha, asi wakabvapo akaenda kunyika iri pedo nerenje, kuguta rainzi Efuremu, ndokugarako nevadzidzi vake.
54因此,耶稣不再在犹太人中间公开活动,却离开那里,到旷野附近的地方去;到了一座名叫以法莲的城,就和门徒住在那里。
55Zvino pasika yevaJudha yakange yaswedera; vazhinji ndokubuda mumaruwa vakakwira kuJerusarema pasika isati yasvika, kuti vazvichenure.
55犹太人的逾越节快到了,有许多人在过节前从各乡上耶路撒冷去,要在那里洁净自己。
56Naizvozvo vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutembere, vachiti: Munofungei? Kuti haangatongouyi kumutambo here?
56他们到处找寻耶稣,站在圣殿里的时候,彼此说:“你们认为怎样?他不会来过节吧?”
57Zvino vose vapristi vakuru nevaFarisi vakange vapa murairo kuti kana kune unoziva kwaari, azivise, kuti vamubate.
57祭司长和法利赛人早已下了命令:如果有人知道耶稣在哪里,就要前来报告,好去逮捕他。