Shona

聖經新譯本 (Simplified)

John

13

1Zvino mabiko epasika asati asvika, Jesu woziva kuti awa rake rasvika kuti abve munyika ino, aende kuna Baba, ada vake vari munyika, wakavada kusvikira pamagumo.
1耶稣为门徒洗脚
2Zvino chirairo chakati chaitika, dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudhasi Isikariyoti, waSimoni, kuti amutengese,
2吃晚饭的时候(魔鬼已经把出卖耶稣的意念放在西门的儿子加略人犹大的心里),
3Jesu achiziva kuti Baba vakapa zvinhu zvose mumaoko ake, uye kuti wakabva kuna Mwari uye anoenda kuna Mwari,
3耶稣知道父已经把万有交在他手中,并且知道自己从 神而来,又要回到 神那里去,
4akasimuka kubva pachirayiro, akabvisa nguvo, akatora mucheka akazvimonera.
4就起身离席,脱去外衣,拿一条手巾束腰。
5Shure kwaizvozvi wakadira mvura mundiro, ndokutanga kushambidza tsoka dzevadzidzi, nekupusika nemucheka waakange akamonerwa nawo.
5然后他倒了一盆水,洗门徒的脚,并且用束腰的手巾擦干。
6Naizvozvo wakasvika kuna Simoni Petro; iye ndokuti kwaari: Ishe, imwi moshambidza tsoka dzangu here?
6轮到西门.彼得,彼得就说:“主啊,你要洗我的脚吗?”
7Jesu akapindura ndokuti kwaari: Chandinoita ini, iwe hauzivi ikozvino; asi uchaziva shure kweizvi.
7耶稣回答:“我所作的,你现在不知道,以后就会明白。”
8Petro akati kwaari: Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nekusingaperi. Jesu akamupindura akati: Kana ndisingakushambidzi, hauna mugove neni.
8彼得说:“不行,你千万不可洗我的脚!”耶稣说:“如果我不洗你的脚,你就与我没有关系了。”
9Simoni Petro akati kwaari: Ishe, kwete tsoka dzangu dzoga, asi maokowo nemusoro.
9西门.彼得说:“主啊,那就不单洗我的脚,连我的手和头都洗吧!”
10Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa haashaiwi chinhu kunze kwekushamba tsoka, asi wakachena chose; uye imwi makachena asi kwete mose.
10耶稣说:“洗过澡的人,全身都洁净,只需要洗脚就可以了。你们是洁净的,但不是人人都是这样。”
11Nekuti wakange achiziva uyo waizomutengesa; nekuda kwaizvozvi wakati: Hamuna kuchena mose.
11原来耶稣知道谁要出卖他,所以他说“你们不是人人都是洁净的”。
12Naizvozvo ashambidza tsoka dzavo, wakatora nguvo dzake, agarazve pakudya, akati kwavari: Munoziva zvandaita kwamuri here?
12耶稣洗完了门徒的脚,就穿上外衣,再坐下来,对他们说:“我给你们作的,你们明白吗?
13Imwi munondidaidza kuti Mudzidzisi, uye: Ishe; uye munoreva zvakanaka, nekuti ndini iye.
13你们称呼我‘老师,主’,你们说得对,我本来就是。
14Zvino kana ini, Ishe neMudzidzisi, ndashambidza tsoka dzenyu, imwiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.
14我是主,是老师,尚且洗你们的脚,你们也应当彼此洗脚。
15Nekuti ndakupai muenzaniso, kuti nemwi muite ini sezvandaita kwamuri.
15我作了你们的榜样,是要你们也照着我所作的去行。
16Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muranda haazi mukuru kuna ishe wake, uye wakatumwa haasi mukuru kune wakamutuma.
16我实实在在告诉你们,仆人不能大过主人,奉差遣的也不能大过差他的人。
17Kana muchiziva zvinhu izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.
17你们既然知道这些事,如果去实行,就有福了。
18Handitauri maererano nemwi mose; ini ndinoziva vandakasarudza; asi kuti rugwaro ruzadziswe, runoti: Unodya chingwa neni wakandisimudzira chitsitsinho chake.
18我这话不是指着你们全体说的;我认识我所拣选的人,但是经上的话:‘那吃我饭的,用他的脚踢我’,必须应验。
19Kubva ikozvino ndinokuudzai zvisati zvaitika, kuti, kana zvichiitika, mugotenda kuti ndini.
19现在,事情还没有发生,我就告诉你们,使你们到时可以信我就是‘那一位’。
20Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unogamuchira ani nani wandinotuma, unogamuchira ini; neunogamuchira ini, unogamuchira wakandituma.
20我实实在在告诉你们,那接待我所差遣的,就是接待我;接待我的,就是接待那差我来的。”
21Jesu wakati areva saizvozvi akatambudzika mumweya, akapupura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Umwe wenyu uchanditengesa.
21耶稣预言要被人出卖(太26:20-25;可14:17-21;路22:21-23)耶稣说了这话,心里很难过,就明明地说:“我实实在在告诉你们,你们中间有一个人要出卖我。”
22Naizvozvo vadzidzi vakatarirana, vachikahadzika kuti waataura pamusoro paani.
22门徒面面相觑,不知道他是指着谁说的。
23Zvino kwakange kugere pakudya pachifuva chaJesu umwe wevadzidzi vake, Jesu waaida;
23门徒中有一个人,是耶稣所爱的,他坐在耶稣旁边。
24naizvozvo Simoni Petro akamuninira, kubvunza kuti ndiani waanotaura pamusoro pake.
24西门.彼得向他示意,叫他问耶稣是指着谁说的。
25Iye achizendamirawo pachifuva chaJesu, akati kwaari: Ishe, ndiani?
25于是那个门徒贴近耶稣的胸怀,问他:“主啊,是谁呢?”
26Jesu akapindura akati: Ndiye ini wandichapa chimedu kana ndaseva. Zvino aseva chimedu, akapa Judhasi Isikariyoti waSimoni.
26耶稣回答:“我蘸一小块饼给谁,谁就是了。”于是他蘸了一小块饼,递给加略人西门的儿子犹大。
27Zvino shure kwechimedu, ipapo Satani akapinda maari. Jesu ndokuti kwaari: Zvaunoita, ita uchikurumidza.
27犹大接过饼以后,撒但就进入他的心。耶稣对他说:“你要作的,快去作吧。”
28Asi hakuna kune vakange vagere pakudya wakaziva kuti wakazvireverei kwaari.
28在座的人,没有一个知道耶稣为什么对犹大说这话。
29Nekuti vamwe vakafunga kuti, sezvo Judhasi aiva nechikwama, Jesu wakati kwaari: Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chimwe chinhu.
29犹大是管钱的,所以有人以为耶稣叫他去买过节用的东西,或是吩咐他拿点东西去赒济穷人。
30Naizvozvo iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; zvino hwakange hwuri usiku.
30犹大吃了饼,立刻就出去;那时是黑夜了。
31Naizvozvo wakati abuda, Jesu akati: Ikozvino Mwanakomana wemunhu wakudzwa, naMwari wakudzwa maari.
31吩咐门徒要彼此相爱他出去以后,耶稣就说:“现在人子得了荣耀, 神也在人子身上得了荣耀,
32Kana Mwari akudzwa maari, Mwari uchamukudzawo maari pachake, zvino achamukudza pakarepo.
32( 神既然在人子身上得了荣耀,)(有些抄本无此句)也要在自己身上荣耀人子,并且要立刻荣耀他。
33Vana vaduku, ndichinemwi chinguva chiduku. Muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, kuti: Ini kwandinoenda, imwi hamugoni kuuyako, ndinorevawo kwamuri ikozvino.
33孩子们啊,我跟你们在一起的时候不多了。你们要寻找我,但是我对犹太人说过,现在也照样对你们说:‘我去的地方,是你们不能去的。’
34Murairo mutsva ndinopa kwamuri, kuti mudanane; sezvandakakudai, kuti imwi mudananewo.
34我给你们一条新命令,就是要你们彼此相爱;我怎样爱你们,你们也要怎样彼此相爱。
35Pane izvi vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo umwe kune umwe.
35如果你们彼此相爱,众人就会认出你们是我的门徒了。”
36Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoenda kupi? Jesu akamupindura, akati: Kwandinoenda, haungagoni kunditevera ikozvino; asi uchanditevera pashure.
36预言彼得不认主(太26:33-35;可14:29-31;路22:33-34)西门.彼得对耶稣说:“主啊,你往哪里去?”耶稣回答:“我去的地方,你现在不能跟着我去,但后来却要跟着我去。”
37Petro akati kwaari: Ishe, handigoni kukuteverai ikozvino nei? Ndichakuradzikirai upenyu hwangu pasi.
37彼得说:“主啊,为什么我现在不能跟着你去?为了你,我舍命也愿意!”
38Jesu akamupindura, akati: Ucharadzikira upenyu hwako ini here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Jongwe haringatongoriri kusvikira wandiramba katatu.
38耶稣说:“你愿意为我舍命吗?我实实在在告诉你,鸡叫之前,你必定三次不认我。”