1Moyo wenyu ngaurege kutambudzika; imwi munotenda kuna Mwari, tendaiwo kwandiri.
1耶稣是道路真理生命
2Mumusha maBaba vangu mune dzimba zhinji; dai zvisina kudaro, ndingadai ndakakuudzai. Ndinoenda kunokugadzirirai nzvimbo.
2在我父的家里,有许多住的地方;如果没有,我怎么会告诉你们我去是要为你们预备地方呢?(下半节或译:“如果没有,我早就对你们说了,因为我去是为你们预备地方。”)
3Zvino kana ndikaenda ndikanokugadzirirai nzvimbo, ndichauyazve ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo ini pandiri, imwi muvepowo.
3我若去为你们预备地方,就必再来接你们到我那里去,好使我在哪里,你们也在哪里。
4Uye ini pandinoenda munoziva, nenzira munoziva.
4我去的地方,你们知道那条路。”
5Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi kwamunoenda; ko tinogona kuziva sei nzira?
5多马说:“主啊,我们不知道你去的地方,怎能知道那条路呢?”
6Jesu akati kwaari: Ini ndiri nzira, nechokwadi, neupenyu; hapana unouya kuna Baba, asi nekwandiri.
6耶稣对他说:“我就是道路、真理、生命,如果不是借着我,没有人能到父那里去。
7Dai maindiziva, maiziva Baba vanguwo; uye kubva ikozvino munovaziva, uye makavaona.
7如果你们认识我,就必认识我的父;从今以后,你们认识他,并且看见了他。”
8Firipi akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, uye zvakatikwanira.
8腓力说:“主啊,请把父显示给我们,我们就满足了。”
9Jesu akati kwaari: Ndava nemwi nguva refu yakadai, hausati wandiziva here, Firipi? Waona ini, waona Baba; zvino unoreva sei uchiti: Tiratidzei Baba?
9耶稣说:“腓力,我跟你们在一起这么久了,你还不认识我吗?那看见了我的就是看见了父,你怎么还说‘把父显示给我们’呢?
10Hautendi here kuti ini ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri ini, handiatauri pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa.
10你不信我是在父里面,父是在我里面吗?我对你们说的话,不是凭着自己说的,而是住在我里面的父作他自己的事。
11Nditendei kuti ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri; kana zvisakadaro nditendei nekuda kwemabasa omene.
11你们应当信我是在父里面,父是在我里面;不然,也要因我所作的而相信。
12Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri, mabasa ini andinoita iye uchaaitawo, uye makuru kune awa uchaaita; nekuti ini ndinoenda kuna Baba vangu.
12我实实在在告诉你们,我所作的事,信我的人也要作,并且要作比这些更大的,因为我往父那里去。
13Uye chero chipi chamunokumbira muzita rangu, icho ndichachiita, kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana.
13你们奉我的名无论求什么,我必定成全,使父在子的身上得着荣耀。
14Kana muchikumbira chero chipi muzita rangu, ini ndichachiita.
14你们若奉我的名向我求什么,我必定成全。
15Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.
15耶稣求父赐下保惠师“如果你们爱我,就要遵守我的命令。
16Neni ndichakumbira Baba, naivo vachakupai umwe Munyaradzi, kuti agare nemwi nekusingaperi,
16我要请求父,他就会赐给你们另一位保惠师,使他跟你们永远在一起。
17Mweya wechokwadi, iyo nyika yausingagoni kugamuchira, nekuti haimuoni, kana kumuziva. Asi imwi munomuziva, nekuti ugere nemwi, uchava mukati menyu.
17这保惠师就是真理的灵,世人不能接受他,因为看不见他,也不认识他。你们却认识他,因为他跟你们住在一起,也要在你们里面。
18Handingakusii muri nherera; ndichauya kwamuri.
18我不会撇下你们为孤儿,我要回到你们这里来。
19Kuchine chinguvana, nenyika haichazondioni; asi imwi muchandiona; nekuti ndinorarama, imwiwo muchararama.
19不久以后,世人不再看见我,你们却要看见我,因为我活着,你们也要活着。
20Nezuva iro imwi muchaziva kuti ndiri muna Baba vangu, nemwi mandiri, neni mamuri.
20到那日,你们就知道我是在我父里面,你们是在我里面,我也在你们里面。
21Une mirairo yangu achiichengeta, ndiye unondida; uye unondida uchadikamwa naBaba vangu; neni ndichamuda, uye ndichazviratidza kwaari.
21那领受我的命令,并且遵守的,就是爱我的;爱我的,我父必定爱他,我也要爱他,并且要亲自向他显现。”
22Judhasi, kwete Isikariyoti, akati kwaari: Ishe, chii kuti munozozviratidza kwatiri, asi kwete kunyika?
22犹大(不是加略人犹大)对耶稣说:“主啊,你为什么要亲自向我们显现,不向世人显现呢?”
23Jesu akapindura akati kwaari: Kana munhu achindida, uchachengeta shoko rangu, naBaba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari, tikaita ugaro naye.
23耶稣回答:“人若爱我,就要遵守我的话,我父必定爱他,并且我们要到他那里去,跟他住在一起。
24Usingandidi, haachengeti mashoko angu; neshoko ramunonzwa harizi rangu, asi raBaba vakandituma.
24不爱我的,就不会遵守我的话。你们所听见的道,不是我的,而是那差我来的父的道。
25Zvinhu izvozvi ndazvitaura kwamuri ndigere nemwi.
25“我还跟你们在一起的时候,就对你们讲了这些事。
26Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, iwo Baba wavachatuma muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvinhu zvose, uye akuyeudzirei zvose zvandakataura kwamuri.
26但保惠师,就是父因我的名要差来的圣灵,他要把一切事教导你们,也要使你们想起我对你们所说过的一切话。
27Rugare ndinosiya kwamuri; rugare rwangu ndinopa kwamuri; kwete nyika sezvainopa, ini ndinopa kwamuri. Moyo yenyu ngairege kutambudzika, kana kutya.
27我留下平安给你们,我把自己的平安赐给你们;我给你们的,不像世界所给的。你们心里不要难过,也不要恐惧。
28Manzwa kuti ini ndati kwamuri: Ndinoenda, uye ndichauya kwamuri. Kana maindida, maifara, nekuti ndati: Ndinoenda kuna Baba; nekuti Baba vangu vakuru kwandiri.
28你们听见我对你们说过:‘我去,但还要回到你们这里来。’你们若爱我,就要喜乐,因为我到父那里去,又因为父是比我大的。
29Uye ikozvino ndakuudzai zvisati zvaitika; kuti kana zvoitika mutende.
29现在事情还没有发生,我就已经告诉你们,使你们在事情发生的时候可以相信。
30Handichazotaurizve zvizhinji nemwi; nekuti mutongi wenyika ino unouya, asi haana chinhu kwandiri;
30我不会再跟你们讲很多的事,因为这世界的统治者将到;他在我身上毫无作用,
31asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, uye Baba sezvavakandiraira, ndinoita saizvozvo. Simukai, ngatibve pano.
31但这些事是要使世人知道我爱父,并且知道父怎样吩咐了我,我就怎样作。起来,我们走吧!”