1Zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti murege kugumburwa.
1“我把这些事告诉了你们,使你们不致后退。
2Vachakubudisai mumasinagoge; hongu nguva inouya, apo umwe neumwe unokuurayai uchafunga kuti unoitira Mwari basa.
2人要把你们赶出会堂;并且时候要到,所有要杀害你们的人,以为这样就是事奉 神。
3Uye zvinhu izvi vachazviita kwamuri, nekuti havana kuziva Baba kana ini.
3他们要作这些事,因为他们不认识父,也不认识我。
4Asi zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti kana nguva yasvika, muzvirangarire kuti ini ndakakuudzai. Asi zvinhu izvi handina kuzvireva kwamuri kubva pakutanga, nekuti ndaiva nemwi.
4我把这些事告诉了你们,让你们到了那个时候,可以想起我告诉过你们了。我起初没有把这些事告诉你们,因为我跟你们在一起。
5Asi ikozvino ndinoenda kune wakandituma, uye hakuna umwe wenyu unondibvunza, achiti: Munoenda kupi?
5圣灵的工作“现在我要到那差我来的那里去,你们中间并没有人问:‘你到哪里去?’
6Asi nekuti ndareva zvinhu izvi kwamuri, kusuruvara kwazadza moyo wenyu.
6然而因为我把这些事告诉了你们,你们心里就充满忧愁。
7Asi ini ndinokuudzai chokwadi: Zvakanaka kwamuri kuti ini ndiende; nekuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haazouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
7但我要把实情告诉你们,我去是对你们有益的。如果我不去,保惠师就不会到你们这里来;我若去了,就会差他到你们这里来。
8Zvino kana asvika, iye uchapwisa nyika nezvechivi, uye nezvekururama, uye nezvemutongo;
8他来了,就要在罪、在义、在审判各方面指证世人的罪。
9zvechivi, nekuti havatendi kwandiri;
9在罪方面,是因为他们不信我;
10uye zvekururama, nekuti ndinoenda kuna Baba vangu, uye hamundionizve;
10在义方面,是因为我到父那里去,你们就再看不见我;
11uye zvemutongo, nekuti mutungamiriri wenyika ino watongwa.
11在审判方面,是因为这世界的统治者已经受了审判。
12Ndichine zvinhu zvizhinji zvekutaura kwamuri, asi hamugoni kuzvitakura ikozvino;
12“我还有许多事要告诉你们,可是你们现在担当不了;
13asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, uchakutungamirirai kuchokwadi chose; nekuti haazozvitauriri pachake, asi choga choga chaanonzwa uchataura, uye uchakupirai zvinhu zvinouya.
13只等真理的灵来了,他要引导你们进入一切真理。他不是凭着自己说话,而是把他听见的都说出来,并且要把将来的事告诉你们。
14Iye uchandirumbidza, nekuti uchatora pane zvangu, uye uchazvipira kwamuri.
14他要荣耀我,因为他要把从我那里所领受的告诉你们。
15Zvose Baba zvavanazvo, ndezvangu; ndokusaka ndichiti uchatora pane zvangu, agopira kwamuri.
15父所有的一切,都是我的;所以我说,他要把从我那里所领受的告诉你们。
16Kwechinguvana uye hamuchandioni, uye kwechinguvana muchandiona, nekuti ini ndinoenda kuna Baba.
16你们的忧愁要变为喜乐“不久,你们不会再看见我;再过不久,你们还要看见我。”
17Zvino vamwe vevadzidzi vake vakataurirana vachiti: Chii ichi chaanoreva kwatiri: Kwechinguvana, hamuchandioni; uyezve kwechinguvana muchandiona; uye: Nekuti ini ndinoenda kuna Baba?
17于是他的门徒中有几个彼此说:“他对我们说:‘不久,你们不会看见我;再过不久,你们还要看见我。’又说:‘因为我到父那里去。’这是什么意思呢?”
18Naizvozvo vakati: Chii ichi chaanoreva: Chinguvana? Hatizivi chaanoreva.
18他们又说:“他所说的‘不久’,是什么意思呢?我们不晓得他在讲什么。”
19Zvino Jesu waiziva kuti vakange vachishuva kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana pamusoro pezvizvi here kuti ndati: Kwechinguvana hamuchandioni, uyezve kwechinguvana muchandiona?
19耶稣知道他们想问他,就说:“我所说的‘不久,你们不会看见我;再过不久,你们还要看见我’,你们为了这话彼此议论吗?
20Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Imwi muchachema nekurira, asi nyika ichafara; uye imwi muchava nekusuruvara, asi kusuruvara kwenyu kuchava mufaro.
20我实实在在告诉你们,你们要痛哭哀号,世人却要欢喜;你们要忧愁,但你们的忧愁要变为喜乐。
21Mukadzi kana achisununguka une marwadzo, nekuti awa rake rasvika; asi kana angopona mucheche, haacharangaririzve marwadzo, nekufara kuti munhu waponwa panyika.
21妇人生产的时候会有忧愁,因为她的时候到了;但生了孩子以后,就不再记住那痛苦了,因为欢喜有一个人生到世上来。
22Naizvozvo nemwi ikozvino mune kusuruvara; asi ndichazokuonaizve, nemoyo wenyu uchafara; uye hakuna munhu unokutorerai mufaro wenyu.
22现在你们也有忧愁;但我要再见你们,你们的心就会喜乐,你们的喜乐是没有人能够夺去的。
23Zvino nezuva iro hamuchazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchakumbira kuna Baba muzita rangu vachakupai.
23到了那天,你们什么也不会问我了。我实实在在告诉你们,你们奉我的名无论向父求什么,他必定赐给你们。
24Kusvikira ikozvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadzwe.
24你们向来没有奉我的名求什么;现在你们祈求,就必定得着,让你们的喜乐满溢。
25Zvinhu izvi ndataura kwamuri mumadimikira; asi nguva inouya apo ndisingazotaurizve kwamuri nemadimikira, asi ndichakuudzai pachena nezvaBaba.
25耶稣已经胜过世界“我用譬喻对你们说了这些事,时候要到,我不再用譬喻对你们说了,而是把关于父的事明明白白告诉你们。
26Pazuva iro muchakumbira muzita rangu; uye handirevi kwamuri kuti ini ndichakukumbirirai kuna Baba;
26到了那天,你们要奉我的名祈求,我不是说我要为你们请求父;
27nekuti Baba vemene vanokudai, nekuti imwi makandida, mukatenda kuti ini ndakabuda kuna Mwari.
27父自己爱你们,因为你们已经爱我,并且信我是从 神那里来的。
28Ndakabuda kuna Baba, uye ndakauya panyika; ndinobvazve panyika, uye ndinoenda kuna Baba.
28我从父那里来,到了这世界;我又离开这世界,到父那里去。”
29Vadzidzi vake vakati kwaari: Tarirai ikozvino motaura pachena, uye hamutauri madimikira.
29门徒说:“你看,现在你是明说,不是用譬喻说了。
30Zvino tinoziva kuti munoziva zvinhu zvose, uye hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; neizvozvi tinotenda kuti makabuda kuna Mwari.
30现在我们知道你是无所不知的,不需要人向你发问。因此,我们信你是从 神那里来的。”
31Jesu akavapindura akati: Ikozvino munotenda here?
31耶稣对他们说:“现在你们信吗?
32Tarirai, awa rinouya, hongu ikozvino rasvika, rekuti muchaparadzirwa, umwe neumwe kune zvake, uye mundisiye ndoga; izvo handisi ndoga, nekuti Baba vaneni.
32看哪,时候要到,而且已经到了,你们要分散,各人到自己的地方去,只留下我独自一个人。其实我不是独自一个人,因为有父与我同在。
33Ndareva zvinhu izvi kwamuri, kuti muve nerugare mandiri. Munyika muchava nedambudziko; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika.
33我把这些事告诉你们,是要使你们在我里面有平安。在世上你们有患难,但你们放心,我已经胜了这世界。”