1Jesu wakataura zvinhu izvi, ndokusimudzira meso ake kudenga, akati: Baba, awa rasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyuwo akukudzei;
1耶稣临别为门徒祷告
2sezvo makamupa simba pamusoro penyama yose, kuti vose vamakamupa, avape upenyu hwusingaperi.
2正如你把管理全人类的权柄给了他,使他赐永生给你所赐给他的人。
3Uye uhwu upenyu hwusingaperi, kuti vakuzivei imwi Mwari woga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.
3认识你是独一的真神,并且认识你所差来的耶稣基督,这就是永生。
4Ini ndakakukudzai panyika; ndapedza basa ramakandipa kuti ndiite;
4我在地上已经荣耀了你,你交给我要作的工,我已经完成了。
5uye ikozvino ndikudzei imwi, Baba, kwamuri pachenyu nerukudzo rwandaiva narwo ndinemwi nyika isati yavapo.
5父啊,现在让我在你自己面前得着荣耀,就是在创世以前我与你同享的荣耀。
6Ndaratidza zita renyu kuvanhu vamakandipa kubva munyika; vakange vari venyu, uye makavapa ini; uye vakachengeta shoko renyu.
6“你从世上分别出来赐给我的人,我已经把你的名显明给他们了。他们是你的,你把他们赐给了我,他们也遵守了你的道。
7Ikozvino voziva kuti zvose-zvose zvamakandipa, zvinobva kwamuri;
7现在他们知道,你所给我的,无论是什么,都是从你那里来的;
8nekuti ndakapa kwavari mashoko amakandipa; uye ivo vakagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabuda kwamuri, uye vakatenda kuti imwi makandituma.
8因为你赐给我的话,我已经给了他们,他们也领受了,又确实知道我是从你那里来的,并且信你差了我来。
9Ini ndinokumbirira ivo; handikumbiriri nyika, asi avo vamakandipa, nekuti ndevenyu;
9我为他们求;我不为世人求,而是为你赐给我的人求,因为他们是你的。
10uye zvose zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; uye ndakakudzwa mavari.
10我的一切都是你的,你的一切也是我的,并且我因着他们得了荣耀。
11Uye handichisiri munyika, asi ava vari munyika; uye ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, vachengetei muzita renyu vamakandipa, kuti vave vamwe, sesu.
11我不再在这世上,他们却在这世上,我要到你那里去。圣父啊,求你因你赐给我的名,保守他们,使他们合而为一,好像我们一样。
12Pandaiva navo munyika, ini ndaivachengeta muzita renyu; avo vamakandipa, ndikachengetedza, uye hapana umwe wavo wakarasika, kunze kwemwanakomana wekurashwa, kuti rugwaro rwuzadziswe.
12我跟他们在一起的时候,因你赐给我的名,我保守了他们,也护卫了他们;他们中间除了那灭亡的人以外,没有一个是灭亡的,这就应验了经上的话。
13Asi ikozvino ndinouya kwamuri, uye zvinhu izvi ndinotaura munyika, kuti vave nemufaro wangu wakazadziswa mavari.
13现在我到你那里去,我在世上说这些话,是要他们心里充满我的喜乐。
14Ini ndakavapa shoko renyu, uye nyika yakavavenga, nekuti havasi venyika, seni ndisiri wenyika.
14我把你的道赐给了他们;世人恨他们,因为他们不属于这世界,像我不属于这世界一样。
15Handikumbiri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete pane wakaipa.
15我不求你使他们离开世界,只求你保守他们脱离那恶者。
16Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.
16他们不属于这世界,像我不属于这世界一样。
17Vaitei vatsvene muchokwadi chenyu; shoko renyu ichokwadi.
17求你用真理使他们成圣;你的道就是真理。
18Sezvamakandituma panyika, neniwo ndavatuma panyika.
18你怎样差我到世上来,我也怎样差他们到世上去。
19Uye ini ndinozviita mutsvene nekuda kwavo, kuti ivowo vaitwe vatsvene muchokwadi.
19我为了他们的缘故,自己分别为圣,使他们也因着真理成圣。
20Uye handikumbiriri ava chete, asi naivo vachatenda kwandiri neshoko ravo;
20祈求使门徒合而为一“我不但为他们求,也为那些因他们的话而信我的人求,
21kuti vose vave vamwe; semwi, Baba, mandiri, neni mamuri; kuti ivowo vave umwe matiri; kuti nyika itende kuti imwi makandituma.
21使他们都合而为一,像父你在我里面,我在你里面一样;使他们也在我们里面,让世人相信你差了我来。
22Nekubwinya kwamakandipa, ini ndakavapa, kuti vave umwe, sesu tiri umwe.
22你赐给我的荣耀,我已经赐给了他们,使他们合而为一,像我们合而为一。
23Ini mavari, nemwi mandiri, kuti vapedzeredzwe vave umwe; uye kuti nyika izive kuti imwi makandituma, uye makavada, sezvamakandida.
23我在他们里面,你在我里面,使他们完完全全合而为一,让世人知道你差了我来,并且知道你爱他们,好像爱我一样。
24Baba, ndinoda kuti ivowo vamakandipa, vave neni apo pandiri ini, kuti vaone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nekuti makandida mavambo enyika asati avapo.
24父啊,我在哪里,愿你赐给我的人也和我同在哪里,让他们看见你赐给我的荣耀,因为在创立世界以前,你已经爱我了。
25Baba vakarurama, nenyika haina kukuzivai, asi ini ndakakuzivai, neava vakaziva kuti imwi makandituma;
25公义的父啊,世人虽然不认识你,我却认识你,这些人也知道你差了我来。
26uye ndakazivisa kwavari zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari, neni mavari.
26我已经把你的名指示他们,还要再指示,使你爱我的爱在他们里面,我也在他们里面。”