Shona

聖經新譯本 (Simplified)

John

18

1Jesu areva zvinhu izvi wakabudira mhiri kwerukova Kedhironi nevadzidzi vake, paiva nebindu, maakapinda iye nevadzidzi vake.
1耶稣被捕(太26:47-56;可14:43-50;路22:47-53)
2NaJudhasiwo, wakamutengesa, wakange achiziva nzvimbo iyi; nekuti Jesu kazhinji waiunganapo nevadzidzi vake.
2出卖耶稣的犹大也知道那地方,因为耶稣和门徒常常在那里聚集。
3Naizvozvo Judhasi, atora boka remauto, nemapurisa kubva kuvapristi vakuru nevaFarisi, wakauyapo nemwenje nemarambi nezvombo.
3那时,犹大带着一队兵,还有祭司长和法利赛人的差役,拿着灯笼、火把、武器,来到园子里。
4Naizvozvo Jesu, achiziva zvinhu zvose zvaizomuwira, wakabuda akati kwavari: Ndiani wamunotsvaka?
4耶稣知道快要临到他身上的一切事,就出来对他们说:“你们找谁?”
5Vakamupindura vakati: Jesu muNazareta. Jesu akati kwavari: Ndini. NaJudhasiwo wakamutengesa wakange amire navo.
5他们回答:“拿撒勒人耶稣!”耶稣说:“我就是。”出卖耶稣的犹大和他们站在那里。
6Zvino wakati achiti kwavari: Ndini; vakasudurukira shure, vakawira pasi.
6耶稣一说“我就是”,他们就往后退,倒在地上。
7Zvino akavabvunzazve achiti: Ndiani wamunotsvaka? Ivo vakati: Jesu muNazareta.
7他再问他们:“你们找谁?”他们说:“拿撒勒人耶稣!”
8Jesu akapindura achiti: Ndakuudzai kuti ndini iye; naizvozvo kana muchitsvaka ini, regai ava vaende;
8耶稣回答:“我已经告诉你们,我就是了。如果你们来找我,就让这些人走吧。”
9kuti shoko rizadziswe raakareva rekuti: Vamakapa kwandiri, handina kurasa umwe wavo.
9这应验了耶稣说过的话:“你赐给我的人,我一个也没有失落。”
10Naizvozvo Simoni Petro ane munondo wakauvhomora ndokutema muranda wemupristi mukuru, ndokugura nzeve yake yerudyi. Uye zita remuranda uyo raiva Marikosi.
10西门.彼得带着一把刀,就拔出来,向大祭司的仆人马勒古砍去,削掉他的右耳。
11Naizvozvo Jesu wakati kuna Petro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe Baba wavakandipa, handingatongoumwi here?
11耶稣对彼得说:“把刀收入鞘里去!父给我的杯,我怎能不喝呢?”
12Zvino boka remauto nemukuru wechuru nemapurisa evaJudha vakabata Jesu, vakamusunga,
12大祭司审问耶稣(太26:57)于是那一队兵和千夫长,以及犹太人的差役拿住耶稣,把他绑起来,
13ndokutanga kumuisa kuna Anasi; nekuti wakange ari mukarabwa waKayafasi, waiva mupristi mukuru gore iroro.
13先带到亚那面前。亚那是当年的大祭司该亚法的岳父。
14Zvino Kayafasi ndiye wakange araira vaJudha, kuti zvakanaka kuti munhu umwe afire rudzi.
14该亚法就是从前向犹太人提议说“一个人代替人民死,这是有益的”那个人。
15Zvino Simoni Petro wakatevera Jesu, neumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu waizikamwa nemupristi mukuru, akapinda naJesu muruvanze rwemupristi mukuru;
15彼得首次不认主(太26:69-70;可14:66-68;路22:55-57)西门.彼得和另一个门徒跟着耶稣;那门徒是大祭司认识的。他跟耶稣一起进了大祭司的院子,
16asi Petro wakange amire pamukova panze. Naizvozvo kwakabuda umwe mudzidzi waizikamwa nemupristi mukuru, akataura nemurindikadzi wemukova, ndokupinza Petro.
16彼得却站在门外。大祭司所认识的那门徒出来,对看门的婢女说了一声,就带了彼得进去。
17Zvino murandakadzi murindi wemukova akati kuna Petro: Iwewo hausi umwe wevadzidzi vemunhu uyu here? Iye akati: Handisi.
17那看门的婢女对彼得说:“你不也是这个人的门徒吗?”他说:“我不是。”
18Zvino varanda nemapurisa vakange vamire vavesa moto wemazimbe, nekuti kwaitonhora, uye vaidziya. Petrowo akamira navo achidziya.
18因为天气寒冷,仆人和差役就生了炭火,站着取暖;彼得也和他们站在一起取暖。
19Naizvozvo mupristi mukuru wakabvunza Jesu nezvevadzidzi vake, nezvedzidziso yake.
19公议会审问耶稣(太26:59-68;可14:55-65;路22:63-71)那时,大祭司查问耶稣有关他的门徒和他的教训的事。
20Jesu akamupindura akati: Ini ndataura pachena kunyika; ini ndaidzidzisa nguva dzose mumasinangoge nemutembere, panoungana vaJudha nguva dzose, uye handina kureva chinhu pakavanda.
20耶稣对大祭司说:“我向来对世人讲话都是公开的,我常常在会堂和圣殿里,就是在所有犹太人聚集的地方教导人,暗地里我并没有讲什么。
21Unobvunzirei ini? Bvunza avo vainzwa, zvandaitaura kwavari; tarira, ndivo vanoziva ini zvandakareva.
21你为什么查问我呢?问问那些听过我讲话的人吧,他们知道我讲过什么。”
22Wakati areva zvinhu izvi, umwe wemapurisa wakange amirepo akarova Jesu nembama, achiti: Ko unopindura mupristi mukuru saizvozvo?
22耶稣说了这些话,站在旁边的一个差役,就打他一巴掌,说:“你竟敢这样回答大祭司吗?”
23Jesu akamupindura akati: Kana ndareva zvakaipa, pupura zvezvakaipa zvacho; asi kana zvakanaka, wandiroverei?
23耶稣对他说:“如果我讲错了,你可以指证错在哪里;如果我讲对了,你为什么打我呢?”
24Zvino Anasi akamutumira akasungwa kuna Kayafasi mupristi mukuru.
24亚那仍然绑着耶稣,把他押到大祭司该亚法那里去。
25Zvino Simoni Petro wakange amire achidziya moto; naizvozvo vakati kwaari: Hausiwe umwe wevadzidzi vake here? Iye akaramba, akati: Handisi.
25彼得再三不认主(太26:71-75;可14:69-72;路22:58-62)西门.彼得仍然站在火旁取暖。有人对他说:“你不也是他的门徒吗?”彼得否认说:“我不是。”
26Umwe wevaranda vemupristi mukuru, ari hama yewenzeve Petro yaakagura akati: Ini handina kukuona mubindu unaye here?
26有一个大祭司的仆人,就是彼得削掉耳朵的那个人的亲戚,说:“我不是看见你跟他在园子里吗?”
27Naizvozvo Petro akarambazve; zvino pakarepo jongwe rakarira.
27彼得又否认,立刻鸡就叫了。
28Zvino vakabvisa Jesu kuna Kayafasi vakamuisa kuimba yemutungamiriri; uye aiva mambakwedza, asi ivo havana kupinda mumba memutungamiriri, kuti varege kusvibiswa, asi kuti vadye pasika.
28耶稣被押交彼拉多(太27:11-18;可15:2-5;路23:2-3)清早的时候,犹太人把耶稣从该亚法那里押往总督的官邸。他们自己没有进到官邸里去,恐怕沾染了污秽,不能吃逾越节的晚餐。
29Naizvozvo Pirato akabudira kwavari, akati: Imhosva yei yamunoisa pamunhu uyu?
29于是彼拉多走到外面见他们,说:“你们控告这个人什么呢?”
30Vakapindura vakati kwaari: Dai uyu asaiva unoita zvakaipa, tingadai tisina kumukumikidza kwamuri.
30他们回答:“如果这个人没有作恶,我们就不会把他交给你。”
31Naizvozvo Pirato wakati kwavari: Mutorei imwi, mumutonge zvinoenderana nemurairo wenyu. Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Hazvisi pamutemo kwatiri kuti tiuraye munhu;
31彼拉多对他们说:“你们自己把他带去,按着你们的律法审问他吧。”犹太人说:“我们没有权去判人死罪。”
32kuti shoko raJesu rizadziswe raakareva, achiratidza kuti kufa rudzii kwaaifanira kufa nako.
32这就应验了耶稣预先说到自己将要怎样死的那句话。
33Naizvozvo Pirato wakapindazve mumba memutungamiriri, akadana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo wevaJudha here?
33彼拉多又进了官邸,把耶稣叫来,问他说:“你是犹太人的王吗?”
34Jesu akamupindura akati: Unozvireva izvi pachako here, kana vamwe vakuudza pamusoro pangu?
34耶稣回答:“这话是你自己说的,还是别人对你说到我的呢?”
35Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJudha here? Rudzi rwako nevapristi vakuru vakukumikidza kwandiri; waitei?
35彼拉多说:“难道我是犹太人吗?你本国的人和祭司长把你交给我,你究竟作了什么事?”
36Jesu akapindura akati: Ushe hwangu hahuzi hwenyika ino; kana ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kukumikidzwa kuvaJudha; asi zvino ushe hwangu hahwusi hwepano.
36耶稣回答:“我的国不属于这世界;如果我的国属于这世界,我的臣仆就要作战,使我不至被交给犹太人。不过,我的国不是这世上的。”
37Naizvozvo Pirato wakati kwaari: Saka uri iwe mambo here? Jesu akapindura akati: Unoreva iwe, kuti ini ndiri mambo. Ini ndakaberekerwa izvi, uye ndakauira izvi munyika kuti ndipupurire chokwadi. Umwe neumwe wechokwadi unonzwa inzwi rangu.
37于是彼拉多问他:“那么,你是王吗?”耶稣说:“我是王,这是你说的。我要为真理作见证,我为此而生,也为此来到世上。凡是属于真理的人,都听我的声音。”
38Pirato akati kwaari: Chokwadi chii? Zvino wakati areva izvi, akabudirazve kuvaJudha, akati kwavari: Ini handiwani mhosva kwaari.
38彼拉多问他:“真理是什么?”彼拉多说了这话,又出来见犹太人,对他们说:“我查不出他有什么罪。
39Asi mune tsika, kuti ndikusunungurirei umwe papasika; naizvozvo munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wevaJudha here?
39彼拉多判耶稣钉十字架(太27:20-23、27-31;可15:6-11、16-20;路23:4、13-19)“你们有个惯例,每逢逾越节,要我给你们释放一个囚犯。你们愿意我给你们释放这个犹太人的王吗?”
40Ipapo vakadanidzirazve vose, vachiti: Kwete uyu, asi Bharabhasi; zvino Bharabhasi wakange ari gororo.
40他们又喊叫说:“不要他!要巴拉巴!”这巴拉巴是个强盗。