1Kwaiva nemunhu wekuvaFarisi, Nikodhimo riri zita rake, mutungamiriri wevaJudha.
1人必须重生
2Uyu wakauya kuna Jesu usiku, akati kwaari: Rabhi*, tinoziva kuti muri Mudzidzisi wakabva kuna Mwari; nekuti hakuna unogona kuita zviratidzo izvi zvamunoita imwi, kana Mwari asinaye.
2他夜间来到耶稣那里,对他说:“拉比,我们知道你是从 神那里来的教师,因为如果没有 神同在,你所行的这些神迹,就没有人能行。”
3Jesu akapindura ndokuti kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kunze kwekuti munhu aberekwa kutsva, haagoni kuona ushe hwaMwari.
3耶稣回答:“我实实在在告诉你,人若不重生,就不能见 神的国。”
4Nikodhimo akati kwaari: Munhu unogona kuberekwa sei ava mukuru? Ungapinda rwechipiri mudumbu ramai vake agoberekwa here?
4尼哥德慕说:“人老了,怎能重生呢?难道他能再进母腹生出来吗?”
5Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asina kuberekwa nemvura neMweya, haagoni kupinda muushe hwaMwari.
5耶稣回答:“我实实在在告诉你,人若不是从水和圣灵生的,就不能进 神的国。
6Icho chakaberekwa nenyama inyama; nechakaberekwa neMweya, mweya.
6从肉身生的就是肉身,从灵生的就是灵。
7Usashamisika kuti ndati kwauri: Zvakafanira kuti muberekwe kutsva.
7你不要因为我对你说‘你们必须重生’而感到希奇。
8Mhepo inovhuvhuta painoda, uye unonzwa inzwi rayo, asi hauzivi painobva nepainoenda; wakadaro wose wakaberekwa neMweya.
8风随意而吹,你听见它的响声,却不知道它从哪里来,往哪里去;凡从圣灵生的,也是这样。”
9Nikodhimo akapindura ndokuti kwaari: Zvinhu izvi zvinogona kuitika sei?
9尼哥德慕说:“怎能有这事呢?”
10Jesu akapindura, ndokuti kwaari: Iwe uri mudzidzisi waIsraeri, asi haunzwisisi zvinhu izvi here?
10耶稣说:“你是以色列人的教师,还不明白这事吗?
11Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Tinotaura zvatinoziva, tichipupura zvatakaona; asi hamugamuchiri uchapupu hwedu.
11我实实在在告诉你,我们知道的,才讲论;见过的,就作证,然而你们却不接受我们的见证。
12Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika uye mukasatenda, muchatenda sei kana ndichikuudzai zvinhu zvekudenga?
12我对你们讲地上的事,你们尚且不信,如果讲天上的事,怎能相信呢?
13Uye hakuna munhu wakakwira kudenga, kunze kwewakaburuka kudenga, Mwanakomana wemunhu uri kudenga.
13除了那从天上降下来的人子(有些抄本作“除了那从天上降下来仍旧在天上的人子”),没有人升过天。
14Uye Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvowo Mwanakomana wemunhu unofanira kusimudzwa;
14摩西在旷野怎样把铜蛇举起,人子也必照样被举起来,
15kuti ani nani unotenda maari arege kuparara asi ave neupenyu hwusingaperi.
15使所有信他的人都得永生。
16Nekuti Mwari wakada nyika zvakadai, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa umwe woga, kuti ani nani unotenda kwaari arege kuparara, asi ave neupenyu hwusingaperi.
16“ 神爱世人,甚至把他的独生子赐给他们,叫一切信他的,不至灭亡,反得永生。
17Nekuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake munyika kuti ape nyika mhosva, asi kuti nyika iponeswe naye.
17因为 神差他的儿子到世上来,不是要定世人的罪,而是要使世人借着他得救。
18Unotenda kwaari haapiwi mhosva; asi usingatendi watopiwa mhoswa, nekuti haana kutenda kuzita reMwanakomana waMwari wakaberekwa umwe woga.
18信他的,不被定罪;不信的,罪已经定了,因为他不信 神独生子的名。
19Uku ndiko kupiwa mhosva, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima pane chiedza; nekuti mabasa avo akange akaipa.
19光来到世上,世人因为自己的行为邪恶,不爱光倒爱黑暗,定他们罪的原因,就在这里。
20Nekuti umwe neumwe unoita zvakaipa unovenga chiedza, uye haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kutsiurwa.
20凡作恶的都恨光,不来接近光,免得他的恶行暴露出来。
21Asi unoita chokwadi unouya pachiedza, kuti mabasa ake aratidzwe, kuti akaitwa muna Mwari.
21凡行真理的,就来接近光,好显明他所作的都是靠着 神而作的。”
22Shure kwezvinhu izvi wakauya Jesu nevadzidzi vake munyika yeJudhiya; zvino akagarako navo uye akabhabhatidza.
22他必兴旺,我必衰微这事以后,耶稣和门徒来到犹太地,他和他们住在那里,并且施洗。
23NaJohwaniwo wakange achibhabhatidza muAinoni pedo neSarimi, nekuti paiva nemvura zhinji ipapo; uye vaiuyapo vachibhabhatidzwa.
23约翰也在靠近撒冷的艾嫩施洗,因为那里水多;众人都去受洗。
24Nekuti Johwani wakange asati akandwa mutirongo.
24那时约翰还没有入狱。
25Zvino gakava rikamuka pakati pevadzidzi vaJohwani nevaJudha pamusoro pekuchenura.
25约翰的门徒和一个犹太人为洁净礼发生辩论。
26Zvino vakauya kuna Johwani vakati kwaari: Rabhi, uya waiva nemwi mhiri kwaJoridhani, wamaipupura nezvake, tarirai, iye unobhabhatidza, uye vanouya kwaari vose.
26他们来到约翰那里,对他说:“拉比,你看,从前和你在约旦河东,你为他作见证的那一位,他也在施洗,众人都到他那里去了。”
27Johwani akapindura ndoti: Munhu haagoni kugamuchira chinhu, kunze kwekuti achipiwa kubva kudenga.
27约翰回答:“除了从天上赐下来给他的,人就不能得到什么。
28Imwi mumene munopupura nezvangu kuti ndakati: Handisi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa mberi kwake.
28你们自己可以为我作证:我曾说,我不是基督,不过是奉差遣作他的先锋的。
29Uyo une mwenga muwani; asi shamwari yemuwani, imire ichimunzwa, inofara nemufaro nekuda kwenzwi remuwani. Naizvozvo mufaro wangu uyu wazadziswa.
29娶新娘的是新郎。新郎的好友站在那里听着,听见新郎的声音就非常喜乐。因此,我这喜乐满溢了!
30Iye unofanira kukura, asi ini kudukupa.
30他必兴旺,我必衰微。
31Unobva kumusoro uri pamusoro pezvose. Unobva panyika unobva panyika, uye unotaura achibva panyika; unobva kudenga uri pamusoro pezvose.
31从天上来的“那从天上来的,是在万有之上;从地上来的,是属于地,所讲的也是属于地。那从天上来的,是超越万有之上。
32Uye zvaakaona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakuna munhu unogamuchira uchapupu hwake.
32他把所见所闻的见证出来,可是没有人接受他的见证。
33Unogamuchira uchapupu hwake unoisa mucherechedzo kuti Mwari ndewechokwadi.
33那接受他的见证的,就确认 神是真的。
34Nekuti uyo Mwari waakatuma, unotaura mashoko aMwari; nekuti Mwari unopa Mweya kwete nechiyero.
34 神所差来的那一位讲 神的话,因为 神把圣灵无限地赐给他。
35Baba vanoda Mwanakomana, uye vakapa zvinhu zvose muruoko rwake.
35父爱子,已经把万有交在他手里。
36Iye unotenda kuMwanakomana une upenyu hwusingaperi; asi iye usingatendi Mwanakomana, haazooni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.
36信子的,有永生;不信从子的,必不得见永生, 神的震怒却常在他身上。”