1Zvino nezuva retatu kwakava nemuchato muKana yeGarirea; namai vaJesu vakange varipo.
1迦拿的婚筵
2NaJesuwo wakange akokwa pamwe nevadzidzi vake kumuchato.
2耶稣和门徒也被邀请参加婚筵。
3Waini yakati ichishaikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havana waini.
3酒用尽了,耶稣的母亲对他说:“他们没有酒了。”
4Jesu akati kwavari: Mukadzi, ndinei newe? Nguva yangu haisati yasvika.
4耶稣说:“母亲(“母亲”原文作“妇人”),我跟你有什么关系呢?我的时候还没有到。”
5Mai vake vakati kuvaranda: Chipi nechipi chaanokuudzai, itai.
5他母亲告诉仆人说:“他吩咐你们什么,就作什么。”
6Zvino kwakange kwakaiswapo zvirongo zvitanhatu zvemabwe semanatsiro emaJudha, chimwe nechimwe chaipinda zviyero zviviri kana zvitatu.
6在那里有六口石缸,每口可盛两三桶水,是为犹太人行洁净礼用的。
7Jesu akati kwavari: Zadzai zvirongo nemvura. Vakazvizadza kusvikira pamuromo.
7耶稣吩咐仆人:“把缸都倒满水!”他们就倒满了,直到缸口。
8Ndokubva ati kwavari: Cherai ikozvino, mutakurire kumubati wechikafu. Vakazvitakura.
8耶稣又吩咐他们:“现在舀出来,送给筵席的总管!”他们就送去了。
9Mubati wechikafu wakati aravira mvura ikava waini, asingazivi kwainobva (asi varanda vakange vachera mvura vaiziva), mubati wechikafu akadana muwani,
9总管尝了那水变的酒,不知道是从哪里来的,只有舀水的仆人知道。总管就叫新郎来,
10ndokuti kwaari: Munhu umwe neumwe pakutanga unopa waini yakanaka, kana vanyatsomwa, isina kunyatsonaka; iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.
10对他说:“人人都是先摆上好酒,等到亲友喝够了,才摆上次等的,你倒把好酒留到现在。”
11Uku kutanga kwezviratidzo kwakaita Jesu paKana yeGarirea, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.
11这是耶稣所行的第一件神迹,是在加利利的迦拿行的。他显出了自己的荣耀,他的门徒就信了他。
12Shure kweizvozvo wakaburukira Kapenaume, iye, namai vake, nevanin'ina vake, nevadzidzi vake; vakagarako mazuva asiri mazvinji.
12这事以后,耶稣和母亲、弟弟、门徒,都下到迦百农去,在那里住了没有几天。
13Zvino pasika yevaJudha yakange yaswedera, Jesu ndokukwira kuJerusarema.
13洁净圣殿(太21:12-13;可11:15-17;路19:45-46)犹太人的逾越节近了,耶稣就上耶路撒冷去。
14Akawanawo mutembere avo vanotengesa nzombe nemakwai nenjiva, nevatsinhanisi vemari vagere.
14他在圣殿的外院里看见有卖牛羊鸽子的,和坐在那里兑换银钱的,
15Zvino wakati aita tyava yerwonzi, akavadzinga vose mutembere, nemakwai nemombe; akateura mari yevatsinhanisi, ndokupidigura matafura.
15就用绳索做了一条鞭子,把众人连牛带羊都从外院赶出去,倒掉兑换银钱的人的钱,推翻他们的桌子;
16Akati kune vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvi pano; musaita imba yaBaba vangu imba yekutengeserana.
16又对卖鸽子的说:“把这些东西搬出去,不要把我父的殿当作巿场。”
17Vadzidzi vake ndokurangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi: Kushingairira imba yenyu kwandidya kukandipedza.
17他的门徒就想起经上记着:“我为你的殿心中迫切,如同火烧。”
18Naizvozvo vaJudha vakapindura, vakati kwaari: Unotiratidza chiratidzo chei, chekuti unoita zvinhu izvi?
18犹太人就问他:“你可以显什么神迹给我们看,证明你有权作这些事呢?”
19Jesu akapindura akati kwavari: Pazai tembere iyi, uye mumazuva matatu ndichaimutsa.
19耶稣回答:“你们拆毁这殿,我三天之内要把它建造起来。”
20Naizvozvo vaJudha vakati: Makore makumi mana nematanhatu tembere iyi ichivakwa, zvino iwe ungaimutsa nemazuva matatu here?
20犹太人说:“这殿建了四十六年,你三天之内就能把它建造起来吗?”
21Asi iye waireva zvetembere yemuviri wake.
21但耶稣所说的殿,就是他的身体。
22Naizvozvo wakati amuka kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira kuti wakange areva izvi kwavari; ndokutenda magwaro, neshoko Jesu rakange areva.
22所以当耶稣从死人中复活以后,门徒想起了他说过这话,就信了圣经和耶稣所说的话。
23Zvino wakati ava muJerusarema papasika, pamutambo, vazhinji vakatenda kuzita rake pavakaona zviratidzo zvaaiita.
23耶稣知道人的内心耶稣在耶路撒冷过逾越节的时候,许多人看见他所行的神迹,就信了他的名。
24Asi Jesu pachake haana kuzvikumikidza kwavari, nekuti wakange achivaziva vose.
24耶稣却不信任他们,因为他知道所有的人,
25Uye nekuti wakange asingatsvaki kuti ani nani apupure zvemunhu; nekuti wakange achiziva pachake zvakange zviri mumunhu.
25也不需要谁指证人是怎样的,因为他知道人心里存的是什么。