Shona

聖經新譯本 (Simplified)

John

1

1Pakutanga wakange aripo Shoko, uye Shoko wakange ana Mwari, uye Shoko wakange ari Mwari.
1道成肉身
2Iye uyu wakange ana Mwari pakutanga.
2这道太初与 神同在。
3Zvinhu zvose zvakaitwa naye, uye kunze kwake hakuna kuitwa chinhu chimwe chakaitwa.
3万有是借着他造的;凡被造的,没有一样不是借着他造的。
4Maari maiva neupenyu, uye upenyu hwaiva chiedza chevanhu,
4在他里面有生命,(有些抄本第3、4节或译:“万有是借着他造的,没有一样不是借着他造的;凡被造的,都在他里面有生命......”)这生命就是人的光。
5uye chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchigamuchira.
5光照在黑暗中,黑暗不能胜过光。
6Kwakauya munhu wakatumwa kubva kuna Mwari, zita rake riri Johwani.
6有一个人,名叫约翰,是 神所差来的。
7Iye wakauyira uchapupu, kuti apupure zvechiedza, kuti vose vatende naye.
7他来是要作见证,就是为光作见证,使众人借着他可以相信。
8Iye wakange asiri icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupure pamusoro pechiedza.
8他不是那光,而是要为那光作见证。
9Chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu umwe neumwe unouya panyika.
9那光来到世界,是普照世人的真光。
10Wakange ari munyika, nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva.
10他在世界,世界也是借着他造的,世界却不认识他。
11Wakauya kune zvake, asi vake havana kumugamuchira.
11他到自己的地方来,自己的人却不接受他。
12Asi vose vakamugamuchira, wakavapa kodzero kuti vave vana vaMwari, ivo vanotenda kuzita rake;
12凡接受他的,就是信他名的人,他就赐给他们权利,成为 神的儿女。
13vakaberekwa kwete neropa, kana nechido chenyama, kana nechido chemurume, asi naMwari.
13他们不是从血统生的,不是从肉身的意思生的,也不是从人意生的,而是从 神生的。
14Shoko ndokuzova nyama, akagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya sekwewakaberekwa umwe woga waBaba, azere nenyasha nechokwadi.
14道成了肉身,住在我们中间,满有恩典和真理。我们见过他的荣光,正是从父而来的独生子的荣光。
15Johwani wakapupura pamusoro pake, akadanidzira achiti: Uyu ndiye wandaireva ndichiti: Uyu unouya shure kwangu wakanditangira; nekuti wakange aripo mberi kwangu.
15约翰为他作见证,大声说:“这一位就是我所说的:‘那在我以后来的,位分比我高,因为他本来是在我以前的。’”
16Nepakuzara kwake isu tose takagamuchira, uye nyasha nenyasha.
16从他的丰盛里我们都领受了,而且恩上加恩。
17Nekuti murairo wakapiwa naMozisi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu.
17律法是借着摩西颁布的,恩典和真理却是借着耶稣基督而来的。
18Hakuna wakatongoona Mwari; Mwanakomana wakaberekwa umwe woga, uri pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa.
18从来没有人见过 神,只有在父怀里的独生子把他彰显出来。
19Uye uhwu ndihwo uchapupu hwaJohwani, apo vaJudha vakatuma vapristi nevaRevhi kubva kuJerusarema kuti vanomubvunza kuti: Iwe ndiwe ani?
19施洗约翰的见证(太3:1-12;可1:1-8;路3:1-18)以下是约翰的见证:犹太人从耶路撒冷派祭司和利未人到约翰那里,问他:“你是谁?”
20Akabvuma, uye haana kuramba; ndokubvuma achiti: Ini handisi Kristu.
20约翰并不否认,坦白地承认说:“我不是基督。”
21Zvino vakamubvunza vachiti: Saka kudini? Iwe uri Erija here? Akati: Handisi. Iwe uri uya muporofita here? Akapindura akati: Kwete.
21他们又问:“那么你是谁?是以利亚吗?”他说:“我不是。”“是那位先知吗?”他回答:“不是。”
22Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Kuti tipe mhinduro vatituma; unoti kudini pamusoro pako?
22于是他们再问:“你是谁?好让我们回复派我们来的人。你说你自己是谁?”
23Akati: Ini ndini inzwi reunodanidzira murenje: Ruramisai nzira yaIshe; sezvakareva muporofita Isaya.
23他说:“我就是在旷野呼喊者的声音:‘修直主的路!’正如以赛亚先知所说的。”
24Ava vakange vatumwa vaibva kuvaFarisi.
24这些人是法利赛人派来的。
25Zvino vakamubvunza, vakati kwaari: Unogobhabhatidzirei, kana iwe usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya?
25他们问约翰:“你既然不是基督,不是以利亚,也不是那位先知,那么你为什么施洗呢?”
26Johwani akavapindura, achiti: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire umwe imwi wamusingazivi;
26约翰回答:“我是用水施洗,但有一位站在你们中间,是你们不认识的;
27ndiye unouya shure kwangu, uri mberi kwangu, wandisina kufanira ini kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.
27他是在我以后来的,我就是给他解鞋带也不配。”
28Izvozvi zvakaitika paBhetabhara, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johwani.
28这些事发生在约旦河东的伯大尼,约翰施洗的地方。
29Ava mangwana Johwani wakaona Jesu achiuya kwaari, akati: Tarirai, gwayana raMwari, rinobvisa rotakura chivi chenyika.
29 神的羊羔第二天,约翰见耶稣迎面而来,就说:“看哪, 神的羊羔,是除去世人的罪孽的!
30Uyu ndiye ini wandaitaura nezvake ndichiti: Shure kwangu kunouya murume, wakanditangira, nekuti wakange ariko mberi kwangu.
30这一位就是我所说的:‘有一个人,是在我以后来的,位分比我高,因为他本来是在我以前的。’
31Neni ndakange ndisingamuzivi; asi kuti aziviswe kuna Israeri, nekuda kweizvozvo ini ndakauya ndichibhabhatidza nemvura.
31我本来不认识他,但为了要把他显明给以色列人,因此我来用水施洗。”
32Johwani ndokupupura, achiti: Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.
32约翰又作见证说:“我曾看见圣灵,好像鸽子从天上降下来,停留在他的身上。
33Neni ndakange ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoona Mweya achiburukira pamusoro pake nekugara pamusoro pake, ndiye unobhabhatidza neMweya Mutsvene.
33我本来不认识他,但那差我来用水施洗的对我说:‘你看见圣灵降下来,停留在谁身上,谁就是用圣灵施洗的。’
34Zvino ini ndakaona ndikapupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.
34我看见了,就作见证说:‘这就是 神的儿子。’”
35Ava mangwanazve Johwani wakange amire, nevaviri vevadzidzi vake;
35呼召第一批门徒(太4:18-22;可1:16-20;路5:2-11)过了一天,约翰和他的两个门徒又站在那里。
36zvino wakatarisa Jesu achifamba-famba, akati: Tarirai Gwayana raMwari.
36约翰看见耶稣走过的时候,就说:“看哪, 神的羊羔!”
37Vadzidzi vaviri ndokumunzwa achitaura, ndokutevera Jesu.
37那两个门徒听见他的话,就跟从了耶稣。
38Zvino Jesu atendeuka wakavaona vachitevera, akati kwavari: Munotsvakei? Vakati kwaari: Rabhi* (ndokuti kana zvichishandurwa, Mudzidzisi) munogarepi?
38耶稣转过身来,看见他们跟着,就问:“你们要什么?”他们说:“拉比,你在哪里住?”(“拉比”的意思就是“老师”。)
39Akati kwavari: Uyai muone. Vakauya vakaona paaigara; ndokugara naye zuva iroro; rakange riri awa rinenge regumi.
39他说:“你们来看吧!”于是他们就去看他所住的地方。那一天他们就和耶稣住在一起;那时大约是下午四点钟。
40Andiriya munin'ina waSimoni Petro waiva umwe wevaviri vakange vazvinzwa naJohwani vakamutevera.
40听了约翰的话而跟从耶稣的那两个人,一个是西门.彼得的弟弟安得烈。
41Iye wakatanga kuwana mukoma wake chaiye Simoni akati kwaari: Tamuwana Mesiasi; ndiko kuti Kristu, kana zvichishandurwa.
41他先找到自己的哥哥西门,告诉他:“我们遇见弥赛亚了!”(“弥赛亚”的意思就是“基督”。)
42Zvino akamuisa kuna Jesu. Jesu ndokuti amutarira akati: Iwe uri Simoni mwanakomana waJona; iwe uchanzi Kefasi (zvinoshandurwa kunzi Petro).
42安得烈就带他到耶稣那里。耶稣定睛看着他,说:“你是约翰的儿子西门,你要称为矶法。”(“矶法”翻译出来就是“彼得”。)
43Ava mangwana Jesu akada kubuda aende Garirea, ndokuwana Firipi, ndokuti kwaari: Nditevere.
43呼召腓力和拿但业再过一天,耶稣决定往加利利去;他遇见腓力,就对他说:“来跟从我!”
44Zvino Firipi wakange ari weBhetisaidha, muguta raAndiriyasi naPetro.
44腓力是伯赛大人,与安得烈和彼得同乡。
45Firipi akawana Nataniyeri, ndokuti kwaari: Tamuwana iye Mozisi waakanyora nezvake pamurairo nevaporofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.
45腓力找到拿但业,告诉他:“摩西在律法书上所写的,和众先知所记的那位,我们已经遇见了,他就是约瑟的儿子拿撒勒人耶稣。”
46Nataniyeri ndokuti kwaari: Chinhu chakanaka chinogona kubva muNazareta here? Firipi akati kwaari: Uya uone.
46拿但业说:“拿撒勒还能出什么好的吗?”腓力说:“你来看!”
47Jesu wakaona Nataniyeri achiuya kwaari, ndokuti pamusoro pake: Tarirai muIsraeri wechokwadi, musina kunyengera maari.
47耶稣看见拿但业向他走过来,就论到他说:“看哪,这的确是个以色列人,他心里没有诡诈。”
48Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepi? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, pawanga uri munyasi momuonde, ndakuona.
48拿但业问他:“你怎么认识我呢?”耶稣回答:“腓力还没有招呼你,你在无花果树下的时候,我就看见你了。”
49Nataniyeri akapindura ndokuti kwaari: Rabhi, imwi muri Mwanakomana waMwari, imwi muri Mambo waIsraeri.
49拿但业说:“拉比,你是 神的儿子,你是以色列的王!”
50Jesu akapindura ndokuti kwaari: Unotenda nekuti ndati kwauri, ndakuona munyasi momuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kune izvi.
50耶稣说:“因为我告诉你‘我看见你在无花果树下’,你就信了吗?你还要看见比这些更大的事。”
51Zvino akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva ikozvino muchaona denga razaruka, nevatumwa vaMwari vachikwira nekuburukira pamusoro peMwanakomana wemunhu.
51又对他说:“我实实在在告诉你们,你们要看见天开了, 神的众使者在人子的身上,上去下来。”