Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Luke

24

1Zvino nemusi wekutanga wevhiki, mambakwedza, vakauya kuguva, vakatakura zvinonhuhwira zvavakange vagadzirira, nevamwe vanavo.
1耶稣复活(太28:1-8;可16:1-8;约20:1-10)
2Zvino vakawana ibwe rakakunguruswa kubva paguva.
2发现石头已经从坟墓辊开了,
3Vakabva vapinda vakasawana mutumbi waIshe Jesu.
3就进去,却找不着主耶稣的身体。
4Zvino zvikaitika vakakanganiswa nazvo, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo vakapfeka nguvo dzinopenya;
4她们正为此事猜疑的时候,忽然有两个人,穿着闪烁耀目的衣服,站在她们旁边。
5zvino vachiri kutya, ndokukotamisa zviso pasi, varume vakati kwavari: Munotsvakirei mupenyu pevakafa?
5她们害怕,把脸伏在地上。那两个人对她们说:“为什么在死人中找活人呢?
6Haasi pano, asi wamuka; rangarirai kuti wakataura sei kwamuri achiri muGarirea,
6他不在这里,已经复活了。你们应当记得他还在加利利的时候,怎样告诉你们,
7achiti: Mwanakomana wemunhu unofanira kukumikidzwa mumaoko evanhu vezvivi, nekurovererwa pamuchinjikwa, uye pazuva retatu amukezve.
7说:‘人子必须被交在罪人手里,钉在十字架上,第三日复活。’”
8Zvino vakarangarira mashoko ake.
8她们就想起他的话,
9Zvino vakadzoka vachibva guva, akaudza zvinhu izvi zvose kuvanegumi neumwe nekune vamwe vose.
9于是从坟地回去,把这一切事告诉十一个使徒和其余的人。
10Vaiva Maria Magidharini naJohwana naMaria mai vaJakobho, nevamwe vavaiva navo, vakaudza vaapositori zvinhu izvi.
10那些妇女就是抹大拉的马利亚,约亚拿和雅各的母亲马利亚,以及其他在一起的妇女,她们把这些事向使徒说了。
11Zvino mashoko avo akaonekera sekutaura kusina maturo pamberi pavo, uye havana kuvatenda.
11使徒以为这些话是无稽之谈,就不相信。
12Asi Petro wakasimuka akamhanyira kuguva; ndokukotama akadongorera, akaona micheka yerineni yakaradzikwa yoga; ndokuenda, ashamisika mukati make nezvakange zvaitika.
12彼得却起来跑到坟墓那里,屈身往里观看,只见细麻布在那里,就回去了,对所发生的事非常惊奇。
13Zvino tarira, pazuva irero vaviri vavo vaifamba vachienda kumusha wainzi Emausi, wakange uri masitadhia* makumi matanhatu kubva kuJerusarema.
13在以马午斯路上显现(可16:12-13)同一天,门徒中有两个人往一个叫以马午斯的村子去,那村子距耶路撒冷约十一公里;
14Zvino ivo vaitaurirana pamusoro pezvinhu izvi zvose zvakange zvaitika.
14他们彼此谈论所发生的这一切事。
15Zvino zvakaitika kuti vachitaurirana nekubvunzana, Jesu amene wakaswedera akafamba navo,
15正在交谈议论的时候,耶稣亲自走近他们,与他们同行,
16asi meso avo akange abatwa kuti vasamuziva.
16但他们的眼睛却给蒙蔽了,认不出他来。
17Zvino wakati kwavari: Mashoko ei awa amunokurukura muchifamba, uye makasuruvara?
17耶稣说:“你们走路的时候,彼此讨论的是什么事呢?”他们就站住,面带愁容;
18Umwe, zita rake rainzi Kiriyopasi, ndokupindura akati kwaari: Ndiwe woga mutorwa muJerusarema, usati aziva zvakaitikamo mumazuva ano here?
18一个名叫革流巴的回答他:“在耶路撒冷作客的,难道只有你不知道这几天在那里所发生的事吗?”
19Zvino akati kwavari: Zvinhui? Ivo vakati kwaari: Zviri maererano naJesu weNazareta, waiva murume muporofita une simba pachiito nepashoko pamberi paMwari nevanhu vose;
19他说:“什么事呢?”他们说:“就是拿撒勒人耶稣的事。他是先知,在 神和众人面前,说话行事都有大能。
20uye kuti vapristi vakuru nevatongi vedu vakamukumikidza sei kuti atongerwe rufu, uye vakamuroverera pamuchinjikwa.
20我们的祭司长和官长,竟把他交出去,判了死罪,钉在十字架上。
21Asi isu taivimba kuti ndiye waizodzikunura Israeri. Asiwo kunze kweizvi zvose, nhasi rino zuva retatu kubva zvaitika zvinhu izvi.
21但我们素来盼望要救赎以色列的就是他。不但这样,这些事发生到今天,已经是第三天了。
22Asi vamwewo vakadzi vekwedu vatishamisa, vanga vafumira kuguva;
22而且我们中间有几个妇女使我们惊奇,她们清早到坟墓那里去,
23zvino vati vasingawani mutumbi wake, vauya vachiti vaona chiratidzo chevatumwawo, vati mupenyu.
23却找不到他的身体。她们回来说看见天使显现,天使说他活了。
24Uye vamwe vevaiva nesu vaenda kuguva, vakawanawo zvakadaro vakadzi sezvavakange vareva; asi iye havana kumuona.
24又有我们中间的几个人到坟墓那里去,所看见的正如妇女们所说的,只是没有看见他。”
25Zvino iye akati kwavari: Haiwa imwi vekusanzwisisa, uye mune moyo ine chinono kutenda zvose vaporofita zvavakataura!
25耶稣说:“无知的人哪,先知所说的一切话,你们心里信得太迟钝了!
26Ko Kristu wakange asingafaniri kutambudzika nezvinhu izvi, ndokupinda pakubwinya kwake here?
26基督这样受害,然后进入他的荣耀,不是应当的吗?”
27Ndokutanga kuna Mozisi nekuvaporofita vose, akadudzira kwavari mumagwaro ose zvinhu zviri maererano naye.
27于是他从摩西和众先知起,把所有关于自己的经文,都给他们解释明白了。
28Zvino vakaswedera kumusha kwavakange vachienda; iye ndokuita sewopfuurira.
28他们走近要去的村子,他好像还要往前行,
29Asi vakamumanikidza, vachiti: Garai nesu, nekuti koda kuvira, uye zuva ranyura. Ndokupinda kunogara navo.
29他们强留他说:“天晚了,太阳下山了,请与我们同住吧!”他就进去与他们同住。
30Zvino zvakaitika agere navo pakudya, wakatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa kwavari.
30到了吃饭的时候,他拿起饼来,感谢了,擘开递给他们,
31Zvino meso avo ndokuzarurwa, ndokumuziva; iye ndokunyangarika kwavari.
31他们的眼睛开了,才认出是耶稣来;他却从他们面前不见了。
32Zvino vakataurirana vachiti: Moyo yedu yanga isingapisi mukati medu here paanga achitaura nesu munzira, nepaanga achitizarurira magwaro?
32他们彼此说:“在路上他对我们说话,给我们解释圣经的时候,我们的心不是火热的吗?”
33Zvino vakasimuka neawa iroro, vakadzokera kuJerusarema, vakawana vanegumi neumwe vakaungana nevaiva navo,
33他们就立时起来回耶路撒冷去。在那里遇见十一个使徒和跟他们聚在一起的人,
34vachiti: Ishe wamuka zvirokwazvo, waonekwa naSimoni.
34说:“主果然复活了,已经向西门显现了。”
35Ivo vakarondedzera zvinhu zvakaitika munzira, uye kuti wakazikamwa navo sei pakumedura chingwa.
35两个人就把在路上的事,和擘饼的时候他们怎样认出耶稣来的事,都述说了一遍。
36Zvino vakati vachataura zvinhu izvozvi, Jesu amene wakamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri.
36向众门徒显现(太28:16-20;可16:14-18;约20:19-23。参徒1:6-8)正说这话的时候,耶稣亲自站在他们当中,说:“愿你们平安。”
37Asi vakavhunduswa, vakatya, vakafunga kuti vaona mweya.
37他们非常惊怕,以为看见了灵。
38Zvino akati kwavari: Munotambudzikirei, uye mifungo inomukirei mumoyo yenyu?
38他说:“你们为什么惊慌,为什么心里疑惑呢?
39Tarirai maoko angu netsoka dzangu, kuti ndini ndomene. Ndibatei, muone, nekuti mweya hauna nyama nemafupa, sezvamunoona ndinazvo.
39你们看我的手、我的脚,就知道我是谁。摸我看看,灵没有骨,没有肉;你们看,我是有的。”
40Zvino wakati areva izvi akavaratidza maoko netsoka.
40说了这话,就把手和脚给他们看。
41Zvino vakati vachigere kutenda nekuda kwekufara vachishamisika, akati kwavari: Mune chinodyika pano here?
41他们欢喜到不敢相信,并且很惊奇。耶稣说:“你们这里有什么吃的没有?”
42Zvino vakamupa nhindi yehove yakagochwa neyezinga reuchi.
42他们就给了他一片烧鱼。
43Iye ndokutora akadya pamberi pavo.
43他接过来,在他们面前吃了。
44Zvino wakati kwavari: Awa mashoko andakataura kwamuri ndichiri nemwi, kuti zvinhu zvose zvinofanira kuzadziswa, zvakanyorwa pamurairo waMozisi, nepavaporofita nepaMapisarema maererano neni.
44主对他们说:“这就是我从前与你们同在的时候,对你们说过的话:摩西的律法、先知书和诗篇上所记关于我的一切事,都必定应验。”
45Ipapo akazarura kunzwisisa kwavo, kuti vanzwisise magwaro.
45于是他开他们的心窍,使他们明白圣经;
46Ndokuti kwavari: Zvakanyorwa saizvozvi, saizvozvo zvakafanira Kristu kutambudzika, nekumuka kuvakafa zuva retatu,
46又说:“经上这样记着:基督必须受害,第三天从死人中复活。
47uye kuti kutendeuka nekangamwiro yezvivi zviparidzirwe marudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema.
47人要奉他的名,传讲悔改与赦罪的道,从耶路撒冷起,直传到万国。
48Uye imwi muri zvapupu zvezvinhu izvi.
48你们就是这些事的见证。
49Zvino tarirai, ini ndinotuma chivimbiso chaBaba vangu pamusoro penyu; asi imwi garai muguta reJerusarema, kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.
49我要使我父的应许临到你们身上,你们当在城里等候,直到得着从上面来的能力。”
50Zvino akavatungamirira kunze kusvikira Bhetaniya, ndokusimudza maoko ake akavaropafadza.
50耶稣升天(参可16:19-20;徒1:9-11)主带他们出去,到了伯大尼附近,举手给他们祝福。
51Zvino zvakaitika achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga.
51正在祝福的时候,他就离开他们,被接到天上去了。
52Zvino vakamufugamira, vakadzokera kuJerusarema vane mufaro mukuru;
52他们就敬拜他,欢欢喜喜地回到耶路撒冷,
53uye vakagara nguva dzose mutembere, vachirumbidza nekutenda Mwari. Ameni
53常常在殿里称颂 神。