1Zvino chaunga chavo chose chakasimuka, chikamutungamidza kuna Pirato.
1耶稣被押交彼拉多(太27:1-2、11-14;可15:1-5;约18:28-38)
2Zvino vakatanga kumupomera, vachiti: Tawana uyu achitsausa rudzi, nekudzivisa kupa mutero kuna Kesari, achiti iye pachake ndiKristu Mambo.
2控告他说:“我们查出这个人煽惑我们的同胞,阻止纳税给凯撒,并且自称是基督,是王。”
3Zvino Pirato wakamubvunza achiti: Iwe uri Mambo wevaJudha here? Ndokumupindura, akati: Unoreva iwe.
3彼拉多问他:“你是犹太人的王吗?”耶稣回答:“这是你说的。”
4Pirato ndokuti kuvapristi vakuru nezvaunga: Handiwani mhosva kumunhu uyu.
4彼拉多对祭司长和众人说:“我在这人身上,查不出有什么罪。”
5Asi vakasimbisa, vachiti: Unopesva vanhu, achidzidzisa muJudhiya rose, kutanga paGarirea kusvikira pano.
5但他们极力说:“他在犹太全地教导人,煽动群众,从加利利直到这里。”
6Pirato wakati anzwa zveGarirea, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea.
6希律王藐视耶稣彼拉多听见了,就问耶稣是不是加利利人。
7Zvino paakangoziva kuti ndeweushe hwaHerodhe, wakamutumira kuna Herodhe, iye waivawo muJerusarema pamazuva iwayo.
7既然知道他是从希律管辖下来的,就把他送回希律那里;那时希律正在耶路撒冷。
8Zvino Herodhe paakaona Jesu wakafara zvikurusa; nekuti waishuva kumuona kwenguva refu, nekuti wakange anzwa zvinhu zvizhinji pamusoro pake; uye wakatarisira kuona chimwe chiratidzo chichiitwa naye.
8希律看见耶稣,非常欢喜,因为他曾经听过耶稣的事,早就想要见他,希望看他行个神迹。
9Ndokumubvunza nemashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu.
9于是他问了耶稣许多话,但耶稣什么也不回答。
10Zvino vapristi vakuru nevanyori vakamira vakamupomera zvine simba.
10祭司长和经学家站着,猛烈地控告他。
11NaHerodhe nemauto ake vakamuzvidza, nekusweveredza, vakamupfekedza nguvo inobwinya, vakamudzosera kuna Pirato.
11希律和他的侍卫就藐视耶稣,戏弄他,给他穿上华丽的衣服,把他送回彼拉多那里。
12Nemusi iwoyo Pirato naHerodhe vakava shamwari neshamwari; nekuti paimbova neruvengo pakati pavo.
12希律和彼拉多从前原是彼此为仇,在那一天就成了朋友。
13Zvino Pirato wakati adanira pamwe vapristi vakuru nevatungamiriri nevanhu,
13彼拉多判耶稣钉十字架(太27:15-26;可15:6-15;约18:39-19:16)彼拉多召集了祭司长、官长和民众,
14akati kwavari: Mauyisa munhu uyu kwandiri seunotsausa vanhu; zvino tarirai ini ndaongorora pamberi penyu, handina kuwana mhosva kumunhu uyu yezvinhu zvamunomupomera;
14对他们说:“你们把这人押到我这里来,说他煽惑群众,我已经在你们面前审讯过,在他身上一点也找不到你们控告他的罪状,
15kwete, kunyange Herodhe; nekuti ndinokutumai kwaari; zvino tarirai, hapana chakafanira rufu chakaitwa naye.
15连希律也找不到,又把他送回我这里,可见他没有作过该死的事。
16Naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.
16我要责打他,然后把他释放。”
17Nekuti zvaiva zvakafanira kuti avasunungurire umwe pamutambo.
17(有些抄本有第17节:“每逢节期,他必须照例给他们释放一个囚犯。”也有些抄本把这句放在第19节后)
18Asi vose vakadanidzira pamwe vachiti: Kure neuyu, asi mutisunungurire Bharabhasi.
18众人齐声喊叫:“除掉这个人,给我们释放巴拉巴!”
19(Iye wakange akandirwa mutirongo nemhaka yerimwe bongozozo rakange raitika muguta, uye nemhaka yeumhondi).
19这巴拉巴是因为在城作乱杀人而入狱的。
20Naizvozvo Pirato achida kusunungura Jesu, wakataurazve kwavari.
20彼拉多再向他们说明,愿意释放耶稣。
21Asi vakadanidzira, vachiti: Roverera pamuchinjikwa, muroverere pamuchinjikwa!
21然而他们高声呼叫:“把他钉十字架,把他钉十字架!”
22Akati kwavari rwechitatu: Nemhaka yei, iye waita chakaipa chipi? Handina kuwana mhosva yerufu maari; naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.
22彼拉多第三次对他们说:“这人作过什么恶事呢?我在他身上找不出什么该死的罪。所以我要责打他,然后把他释放。”
23Asi vakasimbisa nemanzwi makuru, vachikumbira kuti arovererwe pamuchinjikwa. Manzwi avo neevapristi vakuru akabudirira.
23但他们大声吵闹,要他把耶稣钉十字架,他们的声音就得了胜。
24Zvino Pirato akagura kuti chikumbiro chavo chiitike.
24彼拉多就宣判,照他们的要求,
25Akavasunungurira uyo wavakakumbira, wakange akandwa mutirongo nekuda kwebongozozo neumhondi; asi akakumikidza Jesu kuchido chavo.
25把他们所求那作乱杀人入狱的释放了,却把耶稣交出来,随他们的意思处理。
26Zvino vakati vachimutungamidza, vakabata umwe Simoni muKurini achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti atakure shure kwaJesu.
26耶稣被钉十字架(太27:33-44;可15:21-32;约19:17-24)他们把耶稣带走的时候,抓住了一个从乡下来的古利奈人西门,把十字架放在他身上,叫他背着跟在耶稣后面。
27Zvino kwakatevera kwaari chaunga chikuru chevanhu, nevakadzi vairirawo nekumuchema.
27一大群人跟随他,有些妇女为他捶胸痛哭。
28Asi Jesu wakatendeukira kwavari akati: Vakunda veJerusarema, musachemera ini, asi muzvichemere imwi nevana venyu;
28耶稣转过身来对她们说:“耶路撒冷的女儿啊,不要为我哭,却要为你们自己和你们的儿女哭。
29nekuti tarirai, mazuva anouya avachati nawo: Dzakaropafadzwa mhanje, nezvizvaro zvisina kubereka, nemazamu asina kumwisa.
29日子将到,人必说:‘不生育的和没有怀过胎的,也没有哺养过婴儿的有福了。’
30Ipapo vachatanga kuti kumakomo: Wirai pamusoro pedu; nekuzvikomo: Tifukidzei.
30那时人要对大山说:‘倒在我们身上!’对小山说:‘遮盖我们!’
31Nekuti kana vachiita zvinhu izvi kumuti munyoro, chii chichaitika kune wakawoma?
31他们在青绿的树上,既然这样作;在枯干的树上,又会怎样呢?”
32Zvino kwakatungamidzwawo vamwe vaiti vezvakaipa vaviri, kuti vaurawe pamwe naye.
32他们另外带来两个犯人,和耶稣一同处死,
33Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi Dehenya, ipapo vakamuroverera pamuchinjikwa, nevaiti vezvakaipa, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe.
33到了那名叫“髑髅”的地方,就把耶稣钉在十字架上,也钉了那两个犯人,一左一右。
34Jesu ndokuti: Baba, vakangamwirei; nekuti havazivi chavanoita. Zvino vakagovana nguvo dzake, vakakanda mujenya.
34耶稣说:“父啊,赦免他们!因为他们不知道自己所作的是什么。”士兵抽签,分了他的衣服。
35Vanhu ndokumira vakatarira. Nevatongiwo pamwe navo vakamusweveredza, vachiti: Wakaponesa vamwe, ngaazviponese, kana iye ari Kristu, musanangurwa waMwari.
35群众站着观看,官长们嗤笑说:“他救了别人,如果他是基督,是 神所拣选的,让他救自己吧!”
36Nemautowo akamusweveredza, achimuvigira vhiniga,
36士兵也上前戏弄他,拿酸酒给他喝,
37uye vachiti: Kana iwe uri Mambo wevaJudha, zviponese.
37说:“如果你是犹太人的王,救你自己吧!”
38Zvino kwakange kune rugwarowo rwakanyorwa pamusoro pake nemavara echiGiriki nechiRoma nechiHebheru, rwaiti: UYU NDIMAMBO WEVAJUDHA.
38在耶稣的头以上有一个牌子写着:“这是犹太人的王。”
39Uye umwe wevaiti vezvakaipa vakange vakaremberedzwa wakamunyomba achiti: Kana iwe uri Kristu, zviponese iwe nesu.
39悬挂着的犯人中,有一个侮辱他说:“你不是基督吗?救你自己和我们吧!”
40Asi umwe wakapindura achimutsiura, achiti: Iwe hautyi Mwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe?
40另一个就应声责备他说:“你是同样受刑的,还不惧怕 神吗?
41Isu zvirokwazvo zvakarurama, nekuti tinogamuchira zvakafanira mabasa edu; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.
41我们是罪有应得的。我们所受的与所作的相称,然而这个人并没有作过什么不对的事。”
42Zvino akati kuna Jesu: Ishe mundirangarire kana masvika muushe hwenyu.
42他又对耶稣说:“耶稣啊,你得国降临的时候,求你记念我。”
43Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi uchava neni muParadhiso.
43耶稣对他说:“我实在告诉你,今天你必定同我在乐园里了。”
44Zvino rakange rava awa rinenge rechitanhatu; kukavapo rima pamusoro penyika yose, kusvikira paawa repfumbamwe.
44耶稣死时的情形(太27:45-56;可15:33-41)从正午直到下午三点钟,遍地都黑暗了。
45Nezuva rakadzikatirwa, uye vheiri retembere rakabvarurwa nepakati.
45太阳没有光,圣所的幔子从当中裂开。
46Zvino Jesu wakati adanidzira nenzwi guru achiti: Baba, mumaoko enyu ndinokumikidza mweya wangu; akati areva izvozvi, akapa mweya.
46耶稣大声呼叫:“父啊,我把我的灵魂交在你手里。”说了这话,气就断了。
47Zvino mukuru wezana wakati aona zvakaitika, akarumbidza Mwari, achiti: Zvirokwazvo munhu uyu wakange akarurama.
47百夫长看见所发生的事,就颂赞 神,说:“这真是个义人!”
48Nezvaunga zvose zvakange zvakaungana kuzoona izvozvo, zvakati zvichiona zvakaitika, zvikadzokera zvichizvirova zvifuva.
48聚集观看的群众,看见所发生的事,都捶着胸回去了。
49Nevazikanwi vake vose, nevakadzi vaimutevera vachibva Garirea, vakamira kure, vachiona zvinhu izvi.
49与耶稣熟悉的人,和从加利利跟随他来的妇女,都远远地站着,看这些事。
50Zvino tarira, murume wainzi Josefa, nhengo yedare, murume wakanaka uye wakarurama;
50耶稣葬在坟墓里(太27:57-61;可15:42-47;约19:38-42)有一个人名叫约瑟,是个议员,为人良善公义,
51iye wakange asina kutenderana nezano nechiito chavo; waiva weArimatia, guta revaJudha, naiyewo wakange achimirira ushe hwaMwari.
51是犹太地亚利马太城的人,一向等候 神的国,并不附和众人的计谋和行为。
52Iye wakaenda kuna Pirato akakukumbira mutumbi waJesu.
52这人去见彼拉多,求领耶稣的身体。
53Zvino wakauburusa, akauputira nemucheka werineni, ndokuuradzika muguva rakange rakacherwa pabwe, makange musina kumboradzikwa munhu.
53他把身体取下来,用细麻布裹好,放在从石头凿出来的坟墓里,这坟墓是从来没有葬过人的。
54Zvino waiva musi wegadziriro, uye sabata roswedera.
54那天是预备日,安息日就要开始,
55Nevakadziwo, vakange vauya naye vachibva Garirea, vakatevera mumashure, vakaona guva, nekuti mutumbi wake waradzikwa sei.
55那些从加利利和耶稣一起来的妇女,跟着来了。她们看见了坟墓,和他的身体怎样安葬,
56Uye vakadzokera, vakagadzirira zvinonhuhwira nezvizoro. Zvino vakazorora nesabata zvichienderana nemurairo.
56就回去预备香料和香膏。安息日,她们遵着诫命安息。