1Zvino mabiko ezvingwa zvisina mbiriso akaswedera, anonzi pasika.
1商议怎样杀害耶稣(太26:1-5;可14:1-2、10-11。参约11:45-53)
2Vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamuuraya sei; nekuti vaitya vanhu.
2祭司长和经学家设法怎样杀害耶稣,因为他们惧怕群众。
3Zvino wakapinda Satani kuna Judhasi unotumidzwa Isikariyoti, waiverengwa pavanegumi nevaviri.
3那时,撒但已经进入加略人犹大的心,他原是十二门徒中的一个。
4Akaenda, akanotaura nevapristi vakuru nevatungamiriri, kuti ungamutengesa sei kwavari.
4他去与祭司长和守殿官商量怎样把耶稣交给他们。
5Zvino vakafara, vakatenderana kumupa mari.
5他们很高兴,约定了给他银子。
6Zvino wakatenda, akatsvaka mukana wakafanira wekumutengesa kwavari pasina chaunga.
6他答应了,就寻找机会,要趁群众不在的时候,把耶稣交给他们。
7Zvino zuva rezvingwa zvisina mbiriso rakasvika, paifanira kubaiwa pasika.
7预备逾越节的筵席(太26:17-19;可14:12-16)除酵日到了,在这一天应当宰杀逾越节的羊羔。
8Zvino wakatuma Petro naJohwani, achiti: Endai munotigadzirira pasika, kuti tidye.
8耶稣差派彼得和约翰,说:“你们去为我们预备逾越节的晚餐给我们吃。”
9Zvino vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tigadzirire?
9他们说:“你要我们在哪里预备呢?”
10Zvino wakati kwavari: Tarirai, kana mapinda muguta, munhu uchasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere mumba maanopinda.
10他说:“你们进了城,必有一个人顶着水罐,迎面而来,你们就跟着他,到他所进的那一家,
11Uye muti kumwene weimba: Mudzidzisi unoti kwauri: Imba yevaeni iripi, mandingadyira pasika nevadzidzi vangu?
11对家主说,老师问你:‘客厅在哪里?我和门徒好在那里吃逾越节的晚餐。’
12Uye iye uchakuratidzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa; gadzirirai ipapo.
12他必指示你们楼上一间布置整齐的大房子,你们就在那里预备。”
13Zvino vakaenda vakanowana sezvaakange avaudza; ndokugadzirira pasika.
13他们去了,所遇见的正像耶稣所说的一样,就预备好了逾越节的晚餐。
14Zvino awa rakati rasvika, akagara pakudya, nevaapositori gumi nevaviri vanaye.
14最后的晚餐(太26:20-24、26-29;可14:17-21;约13:21-30。参林前11:23-25)到了时候,耶稣和使徒一同吃饭。
15Ndokuti kwavari: Nechishuwo ndakashuva kudya pasika iyi nemwi ndisati ndatambudzika;
15他说:“我十分愿意在受难以前,跟你们吃这逾越节的晚餐。
16nekuti ndinoti kwamuri: Handichazodyizve pairi, kusvikira yazadziswa muushe hwaMwari.
16我告诉你们,我决不再吃这晚餐,直到它成就在 神的国里。”
17Zvino wakatora mukombe, avonga akati: Torai ichi, mugogovana.
17耶稣接过杯来,感谢了,说:“你们拿这个,大家分着喝。
18Nekuti ndinoti kwamuri: Handichatongomwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvikira ushe hwaMwari hwasvika.
18我告诉你们,从今以后,我决不再喝这葡萄酒,直到 神的国来临。”
19Zvino wakatora chingwa, akavonga, akamedura, ndokuvapa, achiti: Uyu muviri wangu, unopirwa imwi; izvi itai muchindirangarira.
19他拿起饼来,感谢了,擘开递给他们,说:“这是我的身体,为你们舍的,你们应当这样行,为的是记念我。”
20Saizvozvowo mukombe shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwa imwi.
20饭后,他照样拿起杯来,说:“这杯是用我的血所立的新约,这血是为你们流的。
21Asi tarirai, ruoko rweunonditengesa rwuneni patafura.
21你看,出卖我的人的手和我一同在桌子上,
22Zvino zvirokwazvo Mwanakomana wemunhu unoenda sezvazvakatemwa; asi une nhamo munhu uyo waanotengeswa naye!
22人子固然要照所预定的离世,但出卖人子的那人有祸了!”
23Zvino ivo vakatanga kubvunzana kuti ko ndiani pavari uchaita chinhu ichi.
23于是,门徒彼此对问,他们中间谁要作这事。
24Zvino gakava rakavapowo pakati pavo kuti ndiani kwavari unoverengwa semukurusa.
24门徒再争论谁最大门徒中间又起了争论:他们中间谁是最大的。
25Zvino wakati kwavari: Madzimambo evechirudzi anotonga zvakaoma pamusoro pavo, nevatongi vavo vanonzi vabatsiri.
25耶稣对他们说:“各国都有君王统治他们,他们的掌权者称为恩主,
26Asi imwi zvisadaro; asi mukurusa kwamuri ngaave semuduku, nemutungamiriri seunoshandira.
26但你们却不要这样;你们中间最大的,应当像最小的;作首领的,应当像服事人的。
27Nekuti ndiani mukuru, uyo ugere pakudya kana unoshandira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu seunoshandira.
27哪一个大呢?是坐着吃喝的还是服事人的呢?不是坐着吃喝的吗?然而我在你们中间,如同服事人的。
28Nemwi ndimwi makagara neni pamiidzo yangu;
28我在磨炼之中,常常和我同在的就是你们。
29zvino ini ndinogadza kwamuri ushe, saBaba vangu vakagadza kwandiri;
29父怎样把王权赐给我,我也照样赐给你们,
30kuti mudye nekumwa patafura yangu muushe hwangu, nekugara pazvigaro zveushe, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri.
30叫你们在我的国里坐在我的席上吃喝,又坐在宝座上审判以色列的十二支派。
31Ishe ndokuti: Simoni, Simoni, tarira, Satani wakukumbirai kuti akuzungurei segorosi;
31预言彼得不认主(太26:31-35;可14:27-31;约13:36-38)“西门,西门,撒但设法要得着你们,好筛你们像筛麦子一样;
32asi ini ndakunyengeterera, kuti rutendo rwako rwurege kupera; newe kana watendeuka, usimbise hama dzako.
32但我已经为你祈求,叫你的信心不至失掉。你回头的时候,要坚固你的弟兄。”
33Asi wakati kwaari: Ishe, ndakagadzirira kuenda nemwi zvose mutirongo nemurufu.
33彼得说:“主啊!我已经准备好要跟你一同下监,一同死。”
34Asi iye wakati: Ndinokuudza, Petro, jongwe haringatongoriri nhasi, usati waramba katatu kuti unondiziva.
34耶稣说:“彼得,我告诉你,今天鸡叫以前,你会三次说不认得我。”
35Zvino wakati kwavari: Pandakakutumai musina chikwama nehombodo neshangu, makashaiwa chinhu here? Vakati: Hapana.
35要带钱囊、口袋和刀耶稣又对他们说:“从前我差你们出去,没有带钱囊、口袋、鞋子,你们缺乏什么没有?”他们说:“没有。”
36Zvino akati kwavari: Asi ikozvino, une chikwama ngaatore, saizvozvowo nehombodo; neusina, ngaatengese nguvo yake, atenge munondo.
36耶稣说:“但现在,有钱囊的应当带着,有口袋的也是这样;没有刀的,要卖掉衣服去买刀。
37Nekuti ndinoti kwamuri: Izvi zvakanyorwa zvichakafanira kuzadziswa mandiri, zvinoti: Wakaverengwa pamwe nevadariki; nekuti zvinhu izviwo zviri maererano neni zvine mugumo.
37我告诉你们,‘他被列在不法者之中’这句经文,必定应验在我身上,因为关于我的事必然成就。”
38Zvino vakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miviri. Akati kwavari: Zvaringana.
38他们说:“主啊,请看,这里有两把刀。”耶稣说:“够了。”
39Zvino wakabuda akaenda sezvaaisiita kugomo reMiorivhi; nevadzidzi vake vakamutevera.
39在客西马尼祷告(太26:36-46;可14:32-42)耶稣照常到橄榄山去,门徒也跟着他。
40Zvino wakati asvika panzvimbo, akati kwavari: Nyengeterai kuti murege kupinda pamuedzo.
40到了那里,他对门徒说:“你们应当祷告,免得陷入试探。”
41Zvino iye wakasuduruka kwavari, chingava chinhambwe chingaposherwa ibwe; ndokufugama ndokunyengetera,
41于是耶稣离开他们约有扔一块石头那么远,跪下祷告说:
42achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri; asi chisava chido changu, asi chenyu ngachiitwe.
42“父啊,如果你愿意,就把这杯拿走!但不要成就我的意思,只要成就你的旨意。”
43Zvino kwakaonekwa mutumwa kwaari wakabva kudenga achimusimbisa.
43(有些抄本有第43、44节:“有一位天使从天上显现,加给他力量。耶稣非常伤痛,祷告更加恳切,汗如大血点滴在地上。”)
44Zvino, ari pakurwadziwa kukuru, wakanyanya kunyengetera. Zvino ziya rake rikaita semazidomwe eropa achiwira pasi.
44
45Zvino wakati asimuka pamunyengetero, ndokuuya kuvadzidzi vake, akavawana varara neshungu.
45他祷告完了,就起来到门徒那里,看见他们因为忧愁都睡着了,
46Ndokuti kwavari: Mararirei? Mukai munyengetere, kuti murege kupinda pamuedzo.
46就说:“你们为什么睡觉呢?起来祷告!免得陷入试探。”
47Zvino wakati achataura, tarira, chaunga, naiye wainzi Judhasi, umwe wevanegumi nevaviri, akavatungamirira, ndokuswedera kuna Jesu, kuti amutsvode.
47耶稣被捕(太26:47-56;可14:43-50;约18:3-11)耶稣还在说话的时候,来了一群人,十二门徒中的犹大走在前头,到了耶稣跟前要用嘴亲他。
48Asi Jesu wakati kwaari: Judhasi, unotengesa Mwanakomana wemunhu netsvodo here?
48耶稣对他说:“犹大,你用亲嘴作暗号出卖人子吗?”
49Zvino avo vaiva vakamukomba pavakaona zvaizoitika vakati kwaari: Ishe, tichatema nemunondo here?
49左右的人见了,就说:“主啊,我们用刀砍好吗?”
50Zvino umwe wavo wakatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake yerudyi.
50他们中间有一个人砍了大祭司的仆人一刀,削掉他的右耳。
51Asi Jesu wakapindura akati: Regai zvisvike ipapa. Ndokubata nzeve yake, akamuporesa.
51耶稣说:“由他们吧!”就摸那人的耳朵,医好了他。
52Zvino Jesu wakati kuvapristi vakuru nevatungamiriri vetembere nevakuru vakange vauya kwaari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo here?
52耶稣对那些前来捉拿他的祭司长、守殿官和长老说:“你们带着刀棒出来,把我当作强盗捉拿吗?
53Ndaiva nemwi mutembere zuva nezuva mukasatandavadzira ruoko kwandiri; asi zvino iawa renyu, nesimba rerima.
53我天天跟你们在殿里,你们不向我下手;但现在是你们的时候了,也是黑暗掌权的时候了。”
54Zvino vakamutora, vakamutungamidza, vakanomuisa kumba kwemupristi mukuru. Petro ndokutevera ari kure.
54彼得三次不认主(太26:57-58、69-75;可14:53-54、66-72;约18:12-18、25-27)他们拿住耶稣,押到大祭司家里,彼得远远地跟着。
55Zvino vakati vavesa moto pakati pechivanze, ndokugara pasi pamwe, Petro akagara pakati pavo.
55他们在院内生了火,一同坐着,彼得也坐在他们中间。
56Zvino umwe murandakadzi wakamuona agere pamoto, ndokumutarisisa, akati: Uyuwo munhu wakange anaye.
56有一个使女,见他面向火光坐着,就注视他,说:“这人是和他一伙的。”
57Asi iye wakamurambira, achiti: Mukadzi, handimuzivi.
57彼得却否认,说:“你这个女人,我不认得他。”
58Uye shure kwechinguvana, umwe wakamuona akati: Iwewo uri umwe wavo. Petro ndokuti: Iwe munhu, handizi.
58不久,另一个人看见他,就说:“你也是他们中间的一个。”彼得说:“你这个人,我不是。”
59Zvino nguva inenge seawa rimwe yakati yapfuura, umwe wakasimbisa ane chokwadi, achiti: Zvirokwazvo uyuwo wakange anaye; nekuti muGarireawo.
59大约过了一小时,又有一个人肯定地说:“这人真是和他一伙的,因为他也是加利利人。”
60Zvino Petro wakati: Iwe munhu, handizivi zvaunoreva. Pakarepo achataura jongwe rakarira.
60彼得说:“你这个人,我不知道你说的是什么!”他还在说话的时候,鸡就叫了。
61Ishe ndokutendeuka akatarira Petro. Petro ndokurangarira shoko raIshe, kuti akamuudza sei, achiti: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.
61主转过身来看彼得,彼得就想起主对他说过的话:“今天鸡叫以前,你要三次说不认得我。”
62Zvino Petro wakabuda panze akachema zvakaomarara.
62他就出去痛哭。
63Zvino varume vakange vakabata Jesu, vakamusweveredza, vakamurova.
63公议会审问耶稣(太26:59-68;可14:55-65;约18:19-24)看管耶稣的人戏弄他,
64Uye vakati vamuvhara kumeso, vakamurova chiso, ndokumubvunza vachiti: Porofita! Ndiani wakurova?
64蒙住他的眼睛问他:“你说预言吧,说打你的是谁。”
65Nezvimwe zvinhu zvizhinji vakareva kwaari, vachinyomba.
65他们还说了许多别的辱骂他的话。
66Zvino kwakati kuchingoedza, dare revatariri vevanhu nevapristi vakuru nevanyori vakaungana, vakamuisa kudare ravo remakurukota vachiti:
66天一亮,民间的长老、祭司长和经学家就都聚集,把他带到他们的公议会里,说:
67Naizvozvo kana iwe uri Kristu, tiudze. Zvino akati kwavari: Kana ndikakuudzai, hamutongotendi;
67“你若是基督,就告诉我们吧。”耶稣说:“就算我告诉你们,你们也决不相信。
68uye kana ndikabvunza, hamumbondipinduri, kana kundisunungura.
68如果我问你们,你们也决不回答。
69Kubva ikozvino Mwanakomana wemunhu uchagara kuruoko rwerudyi rwesimba rwaMwari.
69从今以后,人子要坐在 神权能的右边。”
70Vose ndokuti: Naizvozvo iwe uri Mwanakomana waMwari kanhi? Iye ndokuti kwavari: Imwi mareva kuti ndini.
70他们说:“那么你是 神的儿子吗?”耶稣说:“你们说了,我是。”
71Zvino vakati: Tichadirei uchapupu? Nekuti tomene tanzwa pamuromo wake.
71他们说:“我们还需要什么证供呢?我们亲自听见他所说的话了。”