Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Luke

21

1Zvino wakati atarira kumusoro akaona vafumi vachikanda zvipo zvavo muchivigiro chezvipo.
1穷寡妇的奉献(可12:41-44)
2Uye wakaona imwe chirikadzi murombo ichikandamo tumari twemhangura tuviri tuduku.
2他又看见一个穷寡妇,投入两个小钱,
3Ndokuti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda kupfuura vose;
3就说:“我实在告诉你们,这个穷寡妇所投的,比众人投的更多。
4nekuti avo vose vakanda muzvipo zvaMwari pamuraudziro wavo, asi iye, paurombo hwake wakanda chose chaaiva nacho chaairarama nacho.
4因为这些人都是把自己剩余的投进去作奉献,这寡妇是自己不足,却把所有养生的都投进去了。”
5Zvino vamwe vachiri kutaura pamusoro petembere, kuti yakange yakashongedzwa nemabwe akanaka nezvipo, wakati:
5预言圣殿被毁(太24:1-2;可13:1-2)有人在谈论圣殿,是用美丽的石头和供物装饰的。耶稣说:
6Zvinhu izvi zvamunoona, mazuva achasvika okuti ibwe harizosiiwi pamusoro pebwe, risingazoputsirwi pasi.
6“你们看见的这些,到了日子,必没有一块石头留在另一块石头上面,每一块都要拆下来。”
7Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, ko zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chii, kana izvozvi zvoitika?
7这世代终结的预兆(太10:17-22,24:3-14;可13:3-13)那些人问他:“老师,什么时候会有这些事呢?这些事要发生的时候,有什么预兆呢?”
8Iye ndokuti: Chenjerai kuti musatsauswa; nekuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye: Nguva yaswedera. Naizvozvo musavatevera.
8他说:“你们要小心,不要被人迷惑。因为有许多人要来,假冒我的名说:‘我就是基督’,又说:‘时候近了。’你们不要跟从这些人。
9Zvino kana muchinzwa zvehondo nenyonganyonga, musavhunduswa; nekuti zvinhu izvi zvinofanira kutanga kuitika; asi kuguma hakuvipo pakarepo.
9你们要听见战乱和暴动,但不要惊慌,因为这些事是必先发生的,不过结局却不会立刻就到。”
10Ipapo wakati kwavari: Rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe.
10过了一会儿,耶稣又对他们说:“一个民族要起来攻打另一个民族,一个国家要起来攻打另一个国家。
11Uye kudengenyeka kwenyika kukuru kuchava kunzvimbo dzakasiyana siyana, nenzara nematenda, uye zvinotyisa kuona nezviratidzo zvikuru zvichabva kudenga zvichavapo.
11到处必有大地震、饥荒和瘟疫,天上必有又恐怖又巨大的预兆。
12Asi mberi kwaizvozvi zvose vachaisa maoko avo pamuri, nekushusha, vachikukumikidzai kumasinagoge nemumatirongo, muchiiswa pamberi pemadzimambo nevabati, nekuda kwezita rangu.
12但在这一切以先,人必为我的名,下手拘捕、迫害你们,把你们交给会堂,下在监里,甚至押到君王和总督面前,
13Uye izvi zvichashandukira kwamuri kuva uchapupu.
13结果却成了你们见证的机会。
14Naizvozvo zviisei mumoyo menyu, kuti murege kufanofunganya zvamuchazvidavirira.
14所以,你们应当心里镇定,用不着预先思虑怎样申辩。
15Nekuti ini ndichakupai muromo nenjere, vavengi venyu vose zvavachakonewa kupikisa kana kuramba.
15因为我必赐给你们口才、智慧,是你们所有的敌人不能抵抗,也不能驳倒的。
16Zvino muchatengeswa kunyange nevabereki, nevanakomana vamai venyu, nehama, neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.
16你们也会被父母、弟兄、亲戚、朋友出卖,他们又要害死你们一些人。
17Uye muchavengwa nevose nekuda kwezita rangu.
17你们要因我的名,被众人恨恶,
18Asi hakungatongoparari ruvhudzi rwemusoro wenyu.
18然而连你们的一根头发,也必不失落。
19Mukutsungirira kwenyu wanai mweya yenyu.
19你们要以坚忍的心志,赢取自己的灵魂。
20Zvino kana muchiona Jerusarema rakombwa nemauto, zivai ipapo kuti kuparadzwa kwaro kwaswedera.
20预言耶路撒冷被毁(太24:15-21;可13:14-19)“当你们看见耶路撒冷被军队围困的时候,就知道它荒凉的日子近了。
21Panguva iyo vari muJudhiya ngavatizire kumakomo; nevari mukati maro ngavabude; nevari kuruwa ngavarege kupinda mariri.
21那时,住在犹太的,应该逃到山上;住在城里的,要离开;住在乡下的,不要进城。
22Nekuti awa mazuva etsividzo, kuti zvinhu zvose zvakanyorwa zvizadziswe.
22因为这是报仇的日子,使经上的一切话都得应验。
23Asi vane nhamo vane mimba nevanomwisa mumazuva iwayo! Nekuti kuchavapo kutambudzika kukuru munyika, nehasha pamusoro perudzi urwu.
23当那些日子,怀孕的和乳养孩子的有祸了!因为大灾难要临到这地,烈怒要临到这民。
24Uye vachawa nemuromo wemunondo, nekutapirwa kumarudzi ose; uye Jerusarema richatsikirwa pasi nevechirudzi, kusvikira nguva dzevechirudzi dzazadziswa.
24他们将倒在刀下,被掳到各国,耶路撒冷必被外族人践踏,直到外族人的日期满足。
25Zvino zviratidzo zvichavapo pazuva nepamwedzi nepanyeredzi; nepanyika kutambudzika kwemarudzi nekukanganiswa; gungwa nemafungu zvichitinhira,
25人子必驾云降临(太24:29-35;可13:24-31)“日月星辰将有异兆;在地上,各国也要因着海洋波涛的咆哮而困苦不安。
26vanhu vachapera simba nekutya nekutarisira zvinhu izvo zvinouya panyika; nekuti masimba ekumatenga achazungunuswa.
26天上的万象震动,人因为等待即将临到世界的事,都吓昏了。
27Zvino ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mugore ane simba nekubwinya kukuru.
27那时,他们要看见人子,带着能力,满有荣耀,驾着云降临。
28Zvino kana zvinhu izvi zvichitanga kuitika, zvino itii tasa, uye musimudze misoro yenyu, nekuti rudzikunuro rwenyu rwaswedera.
28一有这些事,你们就当挺身昂首,因为你们的救赎近了。”
29Zvino wakavataurira mufananidzo achiti: Tarirai muonde nemiti yose;
29耶稣又给他们讲了一个比喻:“你们看看无花果树和各样的树。
30kana ikozvino yotunga, munozvionera nekuziva kuti zhizha ikozvino rava pedo.
30它们什么时候发芽,你们看见了,就知道夏天近了。
31Saizvozvo imwiwo, kana moona zvinhu izvozvi zvichiitika, zivai kuti ushe hwaMwari hwava pedo.
31同样,你们什么时候看见这些事发生,也应该知道 神的国近了。
32Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringapfuuri, kusvikira zvose zvaitika.
32我实在告诉你们,这一切都必定发生,然后这世代才会过去。
33Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
33天地都过去,但我的话决不会废去。
34Zvino zvichenjererei, kuti moyo yenyu irege kuremedzwa nekudyisa nekudhakwa nekufunganya zveupenyu huno, zuva iro rikusvikirei musingafungiri.
34警醒祈求“你们应当自己小心,免得在贪食醉酒和生活的挂虑压住你们的心的时候,那日子突然临到你们,
35Nekuti seriva richasvika pamusoro pevose vagere pachiso chenyika yose.
35正如网罗临到全地的所有居民。
36Naizvozvo rindai panguva dzose munyengetere kuti muverengwe makafanira kupukunyuka zvinhu izvo zvose zvichaitika, nekumira pamberi peMwanakomana wemunhu.
36你们要时刻警醒,常常祈求,好让你们能逃避这一切要发生的事,可以站在人子面前。”
37Zvino waidzidzisa masikati mutembere; asi usiku waibuda, achinogara mugomo rinonzi reMiorivhi.
37耶稣白天在殿里教导人,晚上就到橄榄山上去过夜。
38Vanhu vose ndokuuya kwaari mangwanani-ngwanani mutembere kuti vamunzwe.
38群众清早起来上圣殿,到他那里要听他讲道。