Shona

聖經新譯本 (Simplified)

John

5

1Shure kwezvinhu izvi kwakava nemutambo wevaJudha; Jesu ndokukwira kuJerusarema.
1治好病了三十八年的人
2Zvino paJerusarema pedo nesuwo regwai pane dziva rinonzi Bhetisaidha nechiHebheru, rine maberere mashanu.
2在耶路撒冷靠近羊门有一个水池,希伯来话叫作毕士大,池边有五处走廊。
3Mukati mawo makange muvete chaunga chikuru chevarwere, chemapofu, chezvirema, chevakawonyana, vakamirira kubvongodzwa kwemvura.
3在那里躺着许多病人,有瞎眼的、瘸腿的和瘫痪的。
4Nekuti mutumwa waiburukira pane imwe nguva mudziva iro, achibvongodza mvura; koti unoitanga kupinda shure kwekubvongodzwa kwemvura, waiporeswa, pachirwere chipi zvacho chaainge akabatwa nacho.
4(有些抄本有以下一段:“他们等候水动,4因为有主的使者按时下去搅动池水,水动之后,谁先下去,无论什么病,必得痊愈。”)
5Zvino kwaivapo umwe munhu waiva nemakore makumi matatu nemasere ane chifo.
5那里有一个人,病了三十八年。
6Jesu wakati amuona avete, achiziva kuti ikozvino wakange ava nenguva refu, akati kwaari: Unoda kuporeswa here?
6耶稣看见他躺着,知道他病了很久,就问他:“你要痊愈吗?”
7Murwere akamupindura akati: Ishe, handina munhu unondikanda mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi kana ini ndichiuya, umwe unoburukira mberi kwangu.
7病人回答:“先生,水动的时候,没有人把我放在池里;自己想去的时候,总是给别人抢先。”
8Jesu akati kwaari: Simuka, simudza nhovo yako, ufambe.
8耶稣对他说:“起来,拿着你的褥子走吧。”
9Pakarepo munhu uyu akaporeswa, ndokusimudza nhovo yake akafamba. Zvino raiva sabata nemusi iwoyo.
9那人立刻痊愈,就拿起褥子走了。那天正是安息日。
10Naizvozvo vaJudha vakati kune wakaporeswa: Isabata; hazvisi pamutemo kuti utakure nhovo.
10因此犹太人对那医好了的人说:“今天是安息日,你拿着褥子是不可以的。”
11Akavapindura akati: Uyo wandiporesa, ndiye wati kwandiri: Simudza nhovo yako, ufambe.
11他却回答:“那使我痊愈的对我说:‘拿起你的褥子走吧’。”
12Saka vakamubvunza vachiti: Ndiani munhu uyo wati kwauri: Simudza nhovo yako ufambe?
12他们就问:“那对你说‘拿起来走吧’的是谁?”
13Zvino wakange aporeswa wakange asingazivi kuti ndiani; nekuti Jesu wakange asvova, zvakwaiva nechaunga panzvimbo iyoyo.
13那医好了的人不知道他是谁,因为那里人很多,耶稣已经避开了。
14Shure kwezvinhu izvi Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira waporeswa; usatadzazve, zvimwe chimwe chakanyanya kuipa chingaitika kwauri.
14后来,耶稣在殿里遇见那人,对他说:“你已经痊愈了,不可再犯罪,免得招来更大的祸患。”
15Munhu akabva, akaudza vaJudha kuti ndiJesu wakamuporesa.
15那人就去告诉犹太人,使他痊愈的就是耶稣。
16Zvino nekuda kweizvozvo vaJudha vakashusha Jesu, ndokutsvaka kumuuraya, nekuti wakaita zvinhu izvi nesabata.
16从此犹太人就迫害耶稣,因为他常常在安息日作这些事。
17Asi Jesu wakavapindura akati: Baba vangu vanoshanda kusvikira ikozvino, neni ndinoshanda.
17耶稣却对他们说:“我父作工直到现在,我也作工。”
18Saka naizvozvo vaJudha vakanyanya kutsvaka kumuuraya, nekuti wakange asingadariki sabata chete, asi wakatiwo Mwari ndiBaba vake vomene, achizvienzanisa naMwari.
18因此犹太人就更想杀耶稣,因为他不但破坏安息日,而且称 神为自己的父,把自己与 神当作平等。
19Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mwanakomana haagoni kuita pachake, kunze kwezvaanoona Baba vachichiita; nekuti chero zvavanoita, izvo ndizvowo saizvozvo Mwanakomanawo zvaanoita.
19人子的权柄耶稣又对他们说:“我实实在在告诉你们,子靠着自己不能作什么,只能作他看见父所作的;因为父所作的事,子也照样作。
20Nekuti Baba vanoda Mwanakomana, uye vanomuratidza zvinhu zvose zvavanoita ivo; vachamuratidzawo mabasa makuru anopfuura awa, kuti imwi mushamisike.
20父爱子,把自己所作的一切指示给他看,还要把比这些更大的事指示给他看,使你们惊奇。
21Nekuti Baba sezvavanomutsa vakafa vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana unoraramisawo vaanoda.
21父怎样叫死人复活,使他们得生命,子也照样随自己的意思使人得生命。
22Nekuti naBaba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kose;
22父不审判人,却已经把审判的权柄完全交给子,
23kuti vose vakudze Mwanakomana sezvavanokudza Baba. Usingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma.
23使所有的人尊敬子好像尊敬父一样。不尊敬子的,就是不尊敬那差他来的父。
24Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unonzwa shoko rangu, nekutenda kune wakandituma, une upenyu hwusingaperi; uye haasviki mukupiwa mhosva, asi wapfuura murufu akaenda muupenyu.
24我实实在在告诉你们,那听见我的话又信那差我来的,就有永生,不被定罪,而是已经出死入生了。
25Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Awa rinouya, nazvino ravapo, apo vakafa vachanzwa inzwi reMwanakomana waMwari, uye vanonzwa vachararama.
25我实实在在告诉你们,时候将到,现在就是了,死人要听见 神儿子的声音,听见的人就要活了。
26Nekuti Baba sezvavane upenyu mavari pachavo, saizvozvo vakapa kuMwanakomanawo kuti ave neupenyu maari pachake;
26就如父是生命的源头,照样他也使子成为生命的源头,
27uye vakamupa simba rekutongawo, nekuti Mwanakomana wemunhu.
27并且把执行审判的权柄赐给他,因为他是人子。
28Musashamisika nezvizvi; nekuti awa rinouya, apo vose vari mumakuva vachanzwa inzwi rake,
28你们不要把这事看作希奇,因为时候将到,那时所有在坟墓里的都要听见他的声音,
29zvino vachabuda, avo vakaita zvakanaka, mukumuka kweupenyu; neavo vakaita zvakaipa, mukumuka kwekupiwa mhosva.
29并且都要出来;行善的复活得生命,作恶的复活被定罪。
30Ini handigoni kuita chinhu pachangu; semanzwiro angu, ndinotonga; uye kutonga kwangu kwakarurama, nekuti handitsvaki chido changu, asi chido chaBaba vakandituma.
30给耶稣作见证的“我靠着自己不能作什么,我怎样听见,就怎样审判。我的审判是公义的,因为我不寻求自己的意思,只求那差我来者的旨意。
31Kana ndichipupura nezvangu, uchapupu hwangu hahusi hwechokwadi.
31我若为自己作证,我的见证就不真。
32Uripo umwe unopupura nezvangu; uye ndinoziva kuti uchapupu hwaanopupura nezvangu ndehwechokwadi
32然而另有一位为我作证的,我知道他为我作的见证是真的。
33Imwi makatumira kuna Johwani, uye akapupurira chokwadi.
33你们曾经派人到约翰那里,他为真理作过见证。
34Asi ini handigamuchiri uchapupu hunobva kumunhu, asi ndinoreva zvinhu izvi kuti imwi muponeswe.
34我不接受从人而来的见证,但我说这些事,是要你们得救。
35Iye wakange ari mwenje unopfuta neunovhenekera, nemwi makange muchishuva kufara kwazvo kwechinguvana muchiedza chake.
35约翰是一盏点亮的灯,你们情愿暂时在他的光中欢乐。
36Asi ini ndine uchapupu ukuru kune hwaJohwani; nekuti mabasa Baba avakandipa kuti ndimapedze, awa mabasa ini andinoita, anopupura nezvangu kuti Baba vakandituma.
36但我有比约翰更大的见证,因为父赐给我要我完成的工作,就是我所要作的,证明我是父所差来的。
37NaBaba vakandituma, ivo vakapupura nezvangu. Hamuna chero nguva kunzwa inzwi rake, kana kuona chimiro chake.
37差我来的父亲自为我作了见证。他的声音,你们从没有听过;他的容貌,你们从没有见过;
38Uye hamuna shoko rake rinogara mamuri, nekuti iye waakatuma, uyu imwi hamuna kumutenda.
38他的道,你们也不放在心里,因为你们不信他所差来的那一位。
39Nzverai magwaro, nekuti imwi munofunga kuti mune upenyu hwusingaperi maari, uye ndiwo anopupura nezvangu.
39你们研究圣经,因为你们认为圣经中有永生,其实为我作证的就是这圣经,
40Asi hamudi kuuya kwandiri, kuti muve neupenyu.
40然而你们却不肯到我这里来得生命。
41Handigamuchiri rukudzo kuvanhu;
41“我不接受从人而来的称赞;
42asi ndinokuzivai imwi, kuti hamuna rudo rwaMwari mamuri.
42我知道你们心里没有 神的爱。
43Ini ndauya muzita raBaba vangu, asi hamuna kundigamuchira; kana umwe akauya muzita rake pachake, muchamugamuchira iye.
43我奉我父的名而来,你们不接待我;如果有别人以自己的名义而来,你们倒接待他。
44Munogona kutenda sei imwi munogamuchira rukudzo umwe kune umwe, asi musingatsvaki rukudzo rwunobva kuna Mwari oga?
44你们彼此接受称赞,却不寻求从独一的 神而来的称赞,怎么能信呢?
45Musafunga kuti ini ndichakupai mhosva kuna Baba; uriko unokupai mhosva, ndiye Mozisi wamunovimba naye imwi.
45不要以为我要向父控告你们,有一位控告你们的,就是你们所仰赖的摩西。
46Nekuti dai maitenda Mozisi, maitenda ini; nekuti iye wakanyora nezvangu.
46你们若信摩西,也必信我,因为他所写的书曾论及我。
47Asi kana musingatendi magwaro ake, muchatenda sei mashoko angu?
47你们若不信他所写的,怎能信我的话呢?”