1Shure kwezvinhu izvi Jesu wakasimuka akaenda mhiri kwegungwa reGarirea, rinova reTibheriasi.
1给五千人吃饱的神迹(太14:13-21;可6:32-44;路9:10-17)
2Zvino chaunga chikuru chikamutevera, nekuti vakaona zviratidzo zvake zvaaiita kune avo vairwara.
2有一大群人,因为看见了他在病人身上所行的神迹,就跟随了他。
3Jesu ndokukwira mugomo, akagarapo nevadzidzi vake.
3耶稣上了山,同门徒坐在那里。
4Zvino pasika, mutambo wevaJudha, wakange waswedera.
4那时犹太人的逾越节近了。
5Zvino Jesu paakasimudza meso, ndokuona kuti chaunga chikuru chinouya kwaari, akati kuna Firipi: Tichatengepi zvingwa, kuti ava vadye?
5耶稣举目观看,见一大群人向他走过来,就对腓力说:“我们从哪里买饼给这些人吃呢?”
6Wakareva izvozvo achimuidza, nekuti iye waiziva zvaaizoita.
6他说这话,是要试验腓力,因他自己早已知道要怎样作。
7Firipi akamupindura achiti: Zvingwa zvemadhenari* mazana maviri hazvivakwani, kuti umwe neumwe wavo atore chiduku.
7腓力回答:“就算二百银币买的饼,每人分一点,也是不够的。”
8Umwe wevadzidzi vake, Andiriyasi munin'ina waSimoni Petro, akati kwaari:
8有一个门徒,就是西门.彼得的弟弟安得烈,对耶稣说:
9Pane kamukomana pano kane zvingwa zvishanu zvebhari* nehove duku mbiri; asi zvinyi kuvazhinji vakadai?
9“这里有个小孩子,带着五个大麦饼、两条鱼;只是分给这么多人,有什么用呢?”
10Asi Jesu wakati: Garisai vanhu pasi. Zvino kwakange kune uswa uzhinji panzvimbo iyo. Naizvozvo varume vakagara pasi, muuwandu vachinge zvuru zvishanu.
10耶稣吩咐他们:“你们叫众人坐下。”原来那地方的草很多,众人就坐下,单是男人的数目约有五千。
11Zvino Jesu wakatora zvingwa, avonga akagovera kuvadzidzi, vadzidzi vakagovera avo vakange vagere pasi; saizvozvowo zvehove diki zvakawanda sezvavaida.
11耶稣拿起饼来,祝谢了,就分给坐着的人;分鱼也是这样,都是随着他们所要的。
12Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake: Unganidzai zvimedu zvasara, kuti kurege kurashika chinhu.
12他们吃饱了之后,耶稣对门徒说:“把剩下的零碎收拾起来,免得浪费。”
13Naizvozvo vakaunganidza, vakazadza matengu gumi nemaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebhari, zvakasara kune avo vakadya.
13门徒就把众人吃剩那五个大麦饼的零碎收拾起来,装满了十二个篮子。
14Kuzoti vanhu avo vaona chiratidzo Jesu chaakaita, vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita uchauya panyika.
14众人看见耶稣所行的神迹,就说:“这真是那要到世上来的先知。”
15Naizvozvo Jesu aziva kuti voda kuuya nekumubata nesimba, kumuita mambo, akasuduruka akaenda mugomo ari oga.
15耶稣知道群众要来强迫他作王,就独自又退到山上去了。
16Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa,
16耶稣在海面上行走(太14:22-33;可6:47-51)到了晚上,他的门徒下到海边去。
17zvino vapinda muchikepe, vakayambuka gungwa kuuya Kapenaume. Zvino kwakange kwatosviba, asi Jesu wakange asati asvika kwavari.
17他们上了船,要渡海往迦百农去。那时天已经黑了,耶稣还没有到他们那里。
18Gungwa ndokumuka nekuti mhepo huru yaivhuvhuta.
18忽然海上起了狂风,波浪翻腾。
19Zvino vakati vakwasva masitadhiya* anenge makumi maviri nemashanu kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa, achiswedera pachikepe; zvino vakatya.
19门徒摇橹约行了五六公里,看见耶稣在海面上行走,渐渐靠近船,就害怕起来。
20Asi wakati kwavari: Ndini, musatya.
20耶稣对他们说:“是我,不要怕。”
21Zvino vakada kumugamuchira muchikepe; pakarepo chikepe chikasvika kunyika kwavakange vachienda.
21他们这才把他接上船,船就立刻到了他们要去的地方。
22Chifume chaunga chakange chimire kune rumwe rutivi rwegungwa, chichiona kuti pakange pasina rimwe igwa ipapo kunze kweriri rimwe makange mapinda vadzidzi vake mariri, uye kuti Jesu haana kupinda nevadzidzi vake mugwa, asi vadzidzi vake vakange vaenda voga,
22耶稣是生命的食物第二天,站在海那边的群众,看见只有一只小船留在那里,并且知道耶稣没有和他的门徒一同上船,门徒是自己去的;
23(asi kwakasvika mamwe magwa aibva Tibheriyasi pedo nenzvimbo pavakadya chingwa, mushure mokunge Ishe avonga)
23不过有几只从提比里亚来的船停在那里,靠近他们在主祝谢以后吃饼的地方。
24naizvozvo chaunga chakati chaona kuti Jesu wakange asipo kana vadzidzi vake, ivo vakapindawo mumagwa, vakasvika Kapenaume, vachitsvaka Jesu.
24群众见耶稣和门徒都不在那里,就上船往迦百农去找耶稣。
25Zvino vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari: Rabhi*, masvika pano rinhi?
25他们在对岸找到了耶稣,就问他:“拉比,你几时到这里来的?”
26Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Munonditsvaka, kwete nekuti makaona zviratidzo, asi nekuti makadya zvezvingwa mukaguta.
26耶稣回答:“我实实在在告诉你们,你们找我,不是因为看见了神迹,而是因为吃了饼又吃饱了。
27Musashandira chikafu chinoparara, asi chikafu chinogara kusvika kuupenyu hwusingaperi, Mwanakomana wemunhu chaachakupai; nekuti Mwari Baba vakaisa pane uyu mucherechedzo.
27不要为那必朽坏的食物操劳,却要为那存到永生的食物操劳,就是人子所要赐给你们的,因为人子是父 神所印证的。”
28Naizvozvo vakati kwaari: Tichaitei, kuti tishande mabasa aMwari?
28众人又问他:“我们应该作什么,才算是作 神的工作呢?”
29Jesu akapindura akati kwavari: Iri ndiro basa raMwari, kuti mutende kune waakatuma iye.
29耶稣回答:“信 神所差来的,就是作 神的工了。”
30Naizvozvo vakati kwaari: Ko imwi munoita chiratidzo chipi kuti tione tikutendei? munoshandei?
30于是他们就说:“你要行什么神迹,让我们看了就信你呢?你到底能作什么呢?
31Madzibaba edu akadya mana* murenje, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.
31我们的祖宗在旷野吃过吗哪,正如经上所记:‘他把从天上来的食物赐给他们吃。’”
32Naizvozvo Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mozisi haana kukupai chingwa chakabva kudenga; asi Baba vangu vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga.
32耶稣对他们说:“我实实在在告诉你们,不是摩西把那从天上来的食物赐给你们,而是我父把天上来的真食物赐给你们;
33Nekuti chingwa chaMwari ndiye unoburuka achibva kudenga achipa upenyu kunyika.
33因为 神的食物就是从天上降下来,把生命赐给世人的那一位。”
34Zvino vakati kwaari: Ishe, tipei chingwa ichi nguva dzose.
34他们对耶稣说:“主啊,求你常把这食物赐给我们。”
35Jesu ndokuti kwavari: Ndini chingwa cheupenyu; uyo unouya kwandiri, haangatongovi nenzara; neunotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
35耶稣说:“我就是生命的食物,到我这里来的,必定不饿;信我的,永远不渴。
36Asi ndakati kwamuri: Nemwi makandiona, asi hamuna kutenda.
36但我告诉你们,你们虽然见了我,还是不信。
37Vose Baba vavanondipa vachauya kwandiri; neunouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze.
37凡是父赐给我的人,必到我这里来;到我这里来的,我决不丢弃他,
38Nekuti ndakaburuka kudenga, kwete kuti ndiite chido changu, asi chido chaiye wakandituma.
38因为我从天上降下来,不是要行自己的意思,而是要行那差我来者的旨意。
39Zvino ichi ndicho chido chaBaba vakandituma, kuti chose chavakandipa, ndisarasikirwa nechinhu pachiri, asi ndichimutse nezuva rekupedzisira.
39那差我来者的旨意就是:他所赐给我的人,我连一个也不失落,并且在末日我要使他们复活。
40Uye ichi ndicho chido chewakandituma, kuti wose unoona Mwanakomana uye achitenda kwaari, ave neupenyu hwusingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.
40因为我父的旨意,是要使所有看见了子而信的人有永生,并且在末日我要使他们复活。”
41Zvino vaJudha vakagunin'ina pamusoro pake, nekuti wakati: Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.
41犹太人因为耶稣说“我是从天上降下来的食物”,就纷纷议论他。
42Ndokuti: Uyu haasi iye Jesu Mwanakomana waJosefa, baba namai vake vatinoziva isu here? Zvino iye unogoti sei: Ndakaburuka kubva kudenga.
42他们说:“这不是约瑟的儿子耶稣吗?他的父母我们不都认识吗?他现在怎么说‘我是从天上降下来的’呢?”
43Naizvozvo Jesu akapindura akati kwavari: Musagunin'ina pakati penyu.
43耶稣回答:“你们不要彼此议论。
44Hakuna munhu unogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti Baba vakandituma vamukweva, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.
44如果不是差我来的父吸引人,就没有人能到我这里来;到我这里来的,在末日我要使他复活。
45Zvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Uye vachadzidziswa vose naMwari. Wose naizvozvo wakanzwa naBaba akadzidza, unouya kwandiri.
45先知书上记着:‘众人都必受 神的教导。’凡听见从父那里来的教训而又学习的,必到我这里来。
46Kwete kuti kune wakaona Baba, kunze kweuyo unobva kuna Mwari, ndiye wakaona Baba.
46这不是说有人见过父;只有从 神那里来的那一位,他才见过父。
47Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri, une upenyu hwusingaperi.
47我实实在在告诉你们,信的人有永生。
48Ini ndiri chingwa cheupenyu.
48我就是生命的食物,
49Madzibaba enyu akadya mana* murenje, asi akafa.
49你们的祖宗在旷野吃过吗哪,还是死了。
50Ichi chingwa chinoburuka kubva kudenga, kuti munhu adye pachiri agorega kufa.
50这是从天上降下来的食物,使人吃了就不死。
51Ini ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kubva kudenga; kana munhu achidya zvechingwa ichi, uchararama nekusingaperi. Uye chingwa ini chandichapa, inyama yangu, ini yandichapira upenyu hwenyika.
51我就是从天上降下来生命的食物,人若吃了这食物,就必活到永远。我要赐的食物就是我的肉,是为了世人的生命而赐的。”
52Naizvozvo vaJudha vakakakavadzana vachiti: Uyu unogona kutipa sei nyama yake tidye?
52于是,犹太人彼此争论,说:“这个人怎能把他的肉给我们吃呢?”
53Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti mudye nyama yeMwanakomana wemunhu nekumwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.
53耶稣就对他们说:“我实实在在告诉你们,你们若不吃人子的肉,不喝人子的血,就没有生命在你们里面。
54Unodya nyama yangu nekumwa ropa rangu, une upenyu hwusingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.
54吃我肉、喝我血的,就有永生,在末日我要使他复活;
55Nekuti nyama yangu chikafu zvirokwazvo, neropa rangu chimwiwa zvirokwazvo.
55因为我的肉是真正的食物,我的血是真正的饮料。
56Unodya nyama yangu nekumwa ropa rangu, unogara mandiri, neni maari.
56吃我肉、喝我血的人,就住在我里面,我也住在他里面。
57Baba vapenyu sezvavakandituma, neni ndinorarama naBaba; naizvozvo unondidya, naiye uchararama neni.
57正如永活的父差遣了我,我也因父活着;照样,吃我肉的人也必因我而活。
58Ichi chingwa chakaburuka kubva kudenga; hazvina kuita semadzibaba enyu akadya mana* akafa; unodya chingwa ichi, uchararama nekusingaperi.
58这就是从天上降下来的食物,不像吗哪,你们的祖宗吃过,还是死了;吃这食物的,必活到永远。”
59Zvinhu izvi wakazvireva musinagoge achidzidzisa paKapenaume.
59这些话是耶稣在迦百农会堂里教导人的时候说的。
60Naizvozvo vazhinji vevadzidzi vake vakati vachinzwa, vakati: Iri shoko igukutu; ndiani unogona kurinzwa?
60永生之道他的门徒中,有许多人听了,就说:“这话很难,谁能接受呢?”
61Asi Jesu aziva mukati make kuti vadzidzi vake vanogunin'ina neizvi, wakati kwavari: Izvi zvinokugumbusai kanhi?
61耶稣心里知道门徒为了这事议论纷纷,就对他们说:“这话使你们动摇吗?
62Ko muchagodini kana muchiona Mwanakomana wemunhu achikwira kwaaiva pakutanga?
62如果你们看见人子升到他原来所在的地方,又怎样呢?
63Mweya ndiye unoraramisa, nyama haibatsiri chinhu; mashoko ini andinotaura kwamuri, mweya uye upenyu.
63使人活的是灵,肉体是无济于事的。我对你们所说的话是灵、是生命。
64Asi variko vamwe venyu vasingatendi. Nekuti Jesu wakange achiziva kubva pakutanga, kuti ndivanaani vaisatenda, uye kuti ndiani waizomutengesa.
64然而你们中间却有不信的人。”原来从起初耶稣就知道那些不信的是谁,那要把他出卖的又是谁。
65Akati: Nekuda kwaizvozvi ndati kwamuri: Hakuna munhu unogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti azvipiwa naBaba.
65耶稣跟着说:“所以我对你们说过,如果不是父所赐的,没有人能到我这里来。”
66Kubva ipapo vazhinji vevadzidzi vake vakadzokera shure, vakasazofambazve naye.
66从此,他的门徒中有许多人退去了,不再与他同行。
67Naizvozvo Jesu wakati kune vanegumi nevaviri: Imwiwo hamudi kuenda here?
67于是耶稣对十二门徒说:“你们也想离去吗?”
68Zvino Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, tichaenda kuna ani? Mashoko eupenyu hwusingaperi ari kwamuri,
68西门.彼得回答:“主啊,你有永生之道,我们还跟从谁呢?
69uye isu tinotenda, uye tinoziva kuti ndimwi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.
69我们已经相信,并且知道你是 神的圣者。”
70Jesu akavapindura akati: Ini handina kukusanangurai imwi vanegumi nevaviri here, asi umwe wenyu ndidhiabhorosi.
70耶稣说:“我不是拣选了你们十二个人吗?但你们中间有一个是魔鬼。”
71Waireva Judhasi Isikarioti waSimoni; nekuti ndiye waizomutengesa, ari umwe wevanegumi nevaviri.
71耶稣这话是指着加略人西门的儿子犹大说的,因为他虽然是十二门徒之一,却要出卖耶稣。