1Zvino kwakaswedera kwaari vateresi nevatadzi vose, kuzomunzwa.
1失羊的比喻(太18:12-14)
2VaFarisi nevanyori vakatsutsumwa vachiti: Uyu unogamuchira vatadzi, achidya navo.
2法利赛人和经学家,纷纷议论说:“这个人接待罪人,又和他们一起吃饭。”
3Zvino wakavaudza mufananidzo uyu, achiti:
3耶稣就对他们讲了这个比喻,说:
4Ndeupi munhu kwamuri ungati ane makwai zana, kana arashikirwa nerimwe rawo, usingasii makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe murenje, akatevera rakarashika kusvikira ariwana?
4“你们中间谁有一百只羊,失去一只,不把九十九只留下在旷野,去寻找那失落的,直到找着呢?
5Uye kana ariwana, unoriisa pamafudzi ake achifara.
5既找着了,就欢欢喜喜地放在肩上,
6Zvino kana asvika kumusha, unodana pamwe shamwari nevavakidzani, achiti kwavari: Farai neni, nekuti ndawana gwai rangu rakange rarashika.
6回到家里,请朋友邻舍来,对他们说:‘请大家和我一同欢乐,因为我失去的羊已经找到了!’
7Ndinoti kwamuri: Saizvozvo mufaro uchava kudenga pamusoro pemutadzi umwe unotendeuka, kupfuura pamusoro pevakarurama makumi mapfumbamwe nevapfumbamwe, vasingatsvaki kutendeuka.
7我告诉你们,因为一个罪人悔改,天上也要这样为他欢乐,比为九十九个不用悔改的义人欢乐更大。
8Kana ndeupi mukadzi une makobiri gumi, kana arashikirwa nekobiri rimwe, usingatungidzi mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa kusvikira ariwana?
8失银币的比喻“或是一个女人,有十个银币,失去一个,哪能不点上灯,打扫屋子,细细地找,直到找着呢?
9Uye kana ariwana, unodana shamwari nevavakidzani pamwe, achiti: Farai neni, nekuti ndawana kobiri randanga ndarashikirwa naro.
9既找着了,就请朋友邻舍来,说:‘请大家和我一同欢乐,因为我失去的那个银币,已经找到了。’
10Saizvozvo, ndinokutaurirai, kuti mufaro uripo pamberi pevatumwa vaMwari pamusoro pemutadzi umwe unotendeuka.
10我告诉你们,因为一个罪人悔改, 神的使者也必这样为他欢乐。”
11Zvino wakati: Umwe munhu waiva ane vanakomana vaviri;
11浪子的比喻耶稣又说:“某人有两个儿子。
12muduku wavo ndokuti kuna baba: Baba, ndipei mugove wenhumbi wakanangana neni. Akavagovera nhumbi dzake.
12小儿子对父亲说:‘爸爸,请把我应得的家业给我。’父亲就把财产分给他们两兄弟。
13Pasina kupfuura mazuva mazhinji, mwanakomana muduku wakaunganidza zvose pamwe, akasimuka akaenda kunyika iri kure; uye akaparadza ikoko nhaka yake, achirarama neunzenza.
13过了不多几天,小儿子收拾一切,到远方去了,在那里生活放荡,浪费钱财。
14Zvino wakati aparadza zvose, kwakauya nzara huru panyika iyo, iye akatanga kushaiwa.
14他花尽了一切所有的,那地方又遇上了严重的饥荒,就穷困起来;
15Zvino wakaenda, akanozvibatanidza neumwe wezvizvarwa zvenyika iyo; akamutumira kuminda yake kunofudza nguruve.
15于是他去投靠当地的一个居民。那人打发他到田里去放猪,
16Wakange achishuva kugutsa dumbu rake nemateko nguruve adzaidya; asi hakuna munhu waimupa.
16他恨不得吃猪所吃的豆荚,可是没有人给他。
17Zvino wakati apengenuka, akati: Varikichi vazhinji sei vababa vangu vane zvingwa zvakawandisisa, asi ini ndofa nenzara.
17他醒悟过来,说:‘我父亲有那么多雇工,又有丰富的食物,我却要在这里饿死吗?
18Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu, ndigoti kwavari: Baba, ndakatadzira kudenga, nepamberi penyu;
18我要起来,到我父亲那里去,对他说:爸爸,我得罪了天,也得罪了你,
19uye handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; ndiitei seumwe wevarikichi venyu.
19不配再称为你的儿子,把我当作一个雇工吧!’
20Akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi wakati achiri kure, baba vake vakamuona, vakanzwa tsitsi, vakamhanya ndokuwira pahuro pake, nekumutsvoda.
20于是他起来往父亲那里去。他还在远处时,他父亲看见了他,就动了慈心,跑过去抱着他,连连与他亲嘴。
21Zvino mwanakomana akati kwavari: Baba, ndakatadzira kudenga nepamberi penyu, uye handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.
21儿子说:‘爸爸,我得罪了天,也得罪了你,不配再称为你的儿子。’
22Asi baba vakati kuvaranda vavo: Budai nenguvo yakanakisisa mumupfekedze, muise mhete paruoko rwake, nemanyatera patsoka;
22父亲却吩咐仆人说:‘快把那最好的袍子拿来给他穿,把戒指戴在他手上,把鞋穿在他脚上,
23muuye nemhuru yakakodzwa, mubaye, uye ngatidye tifare;
23把肥牛犊牵来宰了,我们要吃喝快乐,
24nekuti uyu mwanakomana wangu wakange afa, zvino wararamazve; wakange arashika, asi wawanikwa; zvino vakatanga kufara.
24因为我这儿子是死而复活、失而又得的。’他们就欢乐起来。
25Zvino mwanakomana wake mukuru wakange ari kumunda; zvino wakati achisvika, oswedera paimba, akanzwa mumhanzi nekutamba.
25“那时,大儿子正在田里。他回来离家不远的时候,听见音乐跳舞的声音,
26Zvino wakadanira kwaari umwe wevaranda, akabvunza kuti izvi zvinorevei.
26就叫了一个仆人来,问他这是怎么一回事。
27Zvino akati kwaari: Munin'ina wako wasvika; zvino baba vako vabaya mhuru yakakodzwa, nekuti vamugamuchira akagwinya.
27仆人说:‘你弟弟回来了,你父亲因为他平安无恙地回来,就宰了肥牛犊。’
28Asi wakatsamwa, akasada kupinda; naizvozvo baba vake vakabuda, vakamukumbirisa.
28大儿子就生气,不肯进去;父亲出来劝他。
29Asi iye wakapindura akati kuna baba: Tarirai, makore mazhinji ndakakubatirai, handina kutongodarika murairo wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu.
29他对父亲说:‘你看,我服事你这么多年,从来没有违背过你的命令,可是你没有给我一只山羊羔,叫我和朋友一同欢乐。
30Asi mangoti mwanakomana wenyu uyu wakaparadza nhumbi dzenyu nezvifeve achisvika, mamubaira mhuru yakakodzwa.
30但你这个儿子,常常跟娼妓在一起,花尽了你的财产,他一回来,你倒为他宰杀肥牛犊!’
31Vakati kwaari: Mwana, iwe uneni nguva dzose, uye zvose zvangu ndezvako.
31父亲对他说:‘孩子,你常跟我在一起,我的一切都是你的。
32Asi kwaifanira kuti kupemberwe nekufarwa, nekuti munin'ina wako uyu wakange afa, wararamazve; wakange arashika, wawanikwa.
32只是因为你这个弟弟是死而复活、失而又得的,我们应该欢喜快乐。’”