1Zvino wakati kuvadzidzi: Hazvigoneki kuti zvigumbuso zvisauya; asi une nhamo wazvinouya kubudikidza naye.
1饶恕、信心、服事等教训(太18:6-7、21-22;可9:42)
2Zvaiva nani kwaari kuti guyo rinorema risungirirwe kupoteredza mutsipa wake, ndokukandirwa mugungwa, pakuti agumbuse umwe wevaduku ava.
2就算拿一块大磨石拴在他的颈项上,把他沉在深海里,比他使这小子中的一个犯罪还好。
3Muzvichenjerere imwi. Zvino kana hama yako ikakutadzira, mutsiure; uye kana akatendeuka, mukangamwire.
3你们应当谨慎。如果你弟兄得罪你,就劝戒他;他若懊悔,就饶恕他。
4Uye kana akutadzira kanomwe pazuva, akadzoka kwauri kanomwe pazuva, achiti: Ndatendeuka; uchamukangamwira.
4如果他一天七次得罪你,又七次回转,对你说:‘我懊悔了!’你总要饶恕他。”
5Zvino vaapositori vakati kuna Ishe: Wedzerai kwatiri rutendo.
5使徒对主说:“请你加添我们的信心。”
6Ishe ndokuti: Kana maiva nerutendo rwakaita setsanga yemasitadha, maiti kumuhabhurosi uyu: Dzurwa, usimwe mugungwa; uye waikuteererai.
6主说:“如果你们有信心像一粒芥菜种,就是对这棵桑树说:‘拔起根来,栽到海里去!’它也必听从你们。
7Asi ndeupi kwamuri une muranda unorima kana kufudza, uchati achingopinda achibva kumunda: Swedera ugare pakudya?
7“你们中间谁有仆人去耕地或是放羊,从田里回来,你就对他说:‘快过来坐下吃饭’;
8Asi ungarega here kuti kwaari: Gadzira zvandingaraira, uye uzvisunge chiuno, undishandire, kusvikira ndadya, ndikamwa; zvino mushure iwe udye nekumwa?
8而不对他说:‘给我预备晚餐,束起腰来服事我,等我吃喝完了,你才吃喝’呢?
9Unotenda muranda uyo nekuti wakaita zvarairwa here? Handifungi.
9仆人作了所吩咐的事,主人还谢谢他吗?
10Saizvozvo neimwi, kana maita zvose zvamakarairwa, muti: Tiri varanda pasina, nekuti taita zvataifanira kuita.
10你们也是这样,作完一切吩咐你们的事,应该说:‘我们是无用的仆人,我们只作了应分作的。’”
11Zvino zvakaitika pakuenda kwake kuJerusarema, kuti iye wakapfuura nepakati peSamaria neGarirea.
11治好十个痲风病人耶稣往耶路撒冷去,经过撒玛利亚和加利利的边境。
12Zvino wakati achipinda mune umwe musha, varume gumi vaiva nemaperembudzi vakasangana naye, vamire kure.
12他走进一个村庄,有十个痲风病人迎面而来,远远地站着,
13Zvino ivo vakasimudza inzwi, vachiti: Jesu, Tenzi, tinzwirei tsitsi!
13大声说:“主耶稣啊,可怜我们吧!”
14Zvino wakati achivaona, akati kwavari: Endai munozviratidza kuvapristi. Zvino zvakaitika kuti vachienda, vakanatswa.
14他看见了,就对他们说:“你们去给祭司检查吧。”他们去的时候就洁净了。
15Zvino umwe wavo paakaona kuti aporeswa, wakadzoka achikudza Mwari nenzwi guru;
15内中有一个人见自己已经好了,就回来大声颂赞 神,
16ndokuwira pasi nechiso patsoka dzake, achimuvonga; zvino iye wakange ari muSamaria.
16在耶稣脚前把脸伏在地上感谢他。他是一个撒玛利亚人。
17Asi Jesu wakapindura akati: Vanga vasiri gumi here vanatswa? Ko vapfumbamwe varipi?
17耶稣说:“洁净了的不是有十个人吗?那九个在哪里?
18Hapana kuwanikwa vadzokera kuzopa Mwari rukudzo, kunze kweuyu mutorwa.
18除了这外族人,再没有一个回来颂赞 神吗?”
19Zvino akati kwaari: Simuka, enda; rutendo rwako rwakuponesa.
19耶稣就对他说:“起来,走吧,你的信使你痊愈了。”
20Zvino wakati achibvunzwa nevaFarisi, kuti ushe hwaMwari hwunosvika rinhi, akavapindura akati: Ushe hwaMwari hahwuuyi nekuonekwa;
20 神的国降临的情形(太24:37-41)法利赛人问耶稣:“ 神的国什么时候来到呢?”他回答:“ 神的国来到,是眼睛看不见的。
21uye havangati: Tarirai pano; kana: Tarira uko. Nekuti tarirai, ushe hwaMwari hwuri mukati menyu.
21人不能说:‘看哪!在这里’,或说:‘在那里’;因为 神的国就在你们里面。”
22Zvino wakati kuvadzidzi: Mazuva achasvika amuchashuva kuona rimwe ramazuva eMwanakomana wemunhu, asi hamungarioni.
22他又对门徒说:“日子将到,你们渴望看见人子的一个日子,却见不到。
23Zvino vachati kwamuri: Tarirai pano; kana: Tarirai uko; regai kuenda, kana kutevera.
23有人会对你们说:‘看哪,在那里;看哪,在这里!’你们不要出去,也不要追随他们。
24Nekuti semheni inopenya ichibva kune rumwe rutivi pasi pedenga ichivhenekera kusvikira kune rumwe rutivi pasi pedenga, saizvozvo zvichaitawo Mwanakomana wemunhu nezuva rake.
24电光怎样从天这边一闪,直照到天那边,人子在他的日子也是这样。
25Asi kutanga unofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji, nekurambwa nezera iri.
25但他必须先受许多苦,被这个世代弃绝。
26Uye sezvazvakange zvakaita mumazuva aNowa, ndizvo zvazvichavawo mazuva eMwanakomana wemunhu.
26挪亚的时代怎样,人子的时代也是怎样。
27Vaidya, vaimwa, vaiwana, vachiwaniswa, kusvikira zuva iro Nowa raakapinda naro muareka, mafashame akasvika, ndokuvaparadza vose.
27当时人们吃喝嫁娶,直到挪亚进入方舟的那一天,洪水来了,把他们全都灭掉。
28Saizvozvowo sezvazvakange zvakaita mumazuva aRoti; vaidya, vaimwa, vaitenga, vaitengesa, vaidzvara, vaivaka;
28在罗得的时代也是这样,人们吃喝买卖,耕种建造,
29asi nemusi Roti waakabuda muSodoma, kwakanaya moto nesarufa zvichibva kudenga, zvikaparadza vose.
29直到罗得离开所多玛的那一天,火与硫磺从天上降下来,把他们全都灭掉。
30Zvichava seizvi nezuva Mwanakomana wemunhu raachabudiswa pachena naro.
30人子显现的日子也是这样。
31Muzuva iro, uyo uchava pamusoro pedenga reimba, nenhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; neuri kumunda saizvozvo ngaarege kudzokera zvinhu zviri shure.
31当那日,人在房顶上,器具在屋里,不要下来拿;在田里的,照样不要回家。
32Yeukai mukadzi waRoti.
32应当记着罗得的妻子的教训。
33Ani nani unotsvaka kuponesa upenyu hwake ucharashikirwa nahwo, uye ani nani unorashikirwa nahwo uchahwuraramisa.
33凡是想保全生命的,必丧掉生命;凡是牺牲生命的,却必保全生命。
34Ndinoti kwamuri: Muusiku uhwo kuchava nevaviri pamubhedha umwe; umwe uchatorwa, uye umwe uchasiiwa.
34我告诉你们,当那夜,两个人在一张床上,一个被接去,一个被撇下。
35Vaviri vachava vachikuya pamwe, umwe uchatorwa, uye umwe uchasiiwa.
35两个女人一起推磨,一个被接去,一个被撇下。”
36Vaviri vachava mumunda; umwe uchatorwa, uye umwe asiiwe.
36(有些抄本有第36节:“两个人在田里,一个被接去,一个撇下来。”)
37Zvino vakapindura vakati kwaari: Kupi Ishe? Ndokuti kwavari: Pane mutumbi, ndipo pachaunganidzwa magora.
37门徒问耶稣:“主啊,这些事会在哪里发生呢?”主说:“尸首在哪里,鹰也会聚集在哪里。”