1Zvino wakavaudzawo mufananidzo kuti vanofanira kunyengetera nguva dzose, uye vasaora moyo,
1寡妇与法官的比喻
2achiti: Kwaiva mune rimwe guta neumwe mutongi, wakange asingatyi Mwari, uye asingaremekedzi munhu;
2他说:“某城里有一个法官,不惧怕 神,也不尊敬人。
3zvino kwakange kune chirikadzi muguta iro, yakange ichiuya kwaari, ichiti: Ndiruramisirei kumuvengi wangu.
3那城里有一个寡妇,常常来到他那里,说:‘求你给我伸冤,使我脱离我的对头!’
4Asi wakange asingadi kwenguva; asi pashure pezvinhu izvi wakati mukati make: Kunyange ndisingatyi Mwari, uye ndisingaremekedzi munhu;
4他多次不肯,后来心里说:‘我虽然不惧怕 神,也不尊敬人,
5asi nekuti chirikadzi iyi inonditambudza, ndichairuramisira, zvimwe pakupedzisira ingandisvota.
5只是因为这寡妇常常来麻烦我,就给她伸冤吧,免得她不断地来缠扰我。’”
6Ishe ndokuti: Inzwai mutongi usakarurama zvaanoreva.
6主说:“你们听听这不义的法官所说的话吧。
7Ko Mwari haangaruramisiri here vakasanangurwa vake, vanodana kwaari masikati neusiku, kunyange achivanonokera?
7难道 神不会为昼夜呼吁他的选民伸冤吗?难道 神会耽误他们吗?
8Ndinoti kwamuri: Uchakurumidza kuvaruramisira. Asi kana Mwanakomana wemunhu achisvika, uchawana rutendo panyika here?
8我告诉你们,他要快快地给他们伸冤。然而人子来的时候,在世上找得到这种信心吗?”
9Zvino wakareva mufananidzo uyu kune vamwewo vaizvivimba kuti vakarurama, vachizvidza vamwe, akati:
9税吏和法利赛人的祷告耶稣向那些自恃为义、轻视别人的人,讲了这个比喻:
10Vanhu vaviri vakakwira kutembere kunonyengetera; umwe muFarisi, uye umwe muteresi.
10“有两个人上圣殿去祈祷,一个是法利赛人,一个是税吏。
11MuFarisi wakamira akazvinyengeterera zvinhu izvi, akati: Mwari, ndinokutendai kuti handina kufanana nevamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana kunyange semuteresi uyu.
11法利赛人站着,祷告给自己听,这样说:‘ 神啊,我感谢你,我不像别人,勒索、不义、奸淫,也不像这个税吏。
12Ndinotsanya kaviri pavhiki, ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.
12我一个礼拜禁食两次,我的一切收入都奉献十分之一。’
13Asi muteresi amire kure wakasada kunyange kusimudzira meso kudenga, asi wakarova pachifuva chake, achiti: Mwari, ndinzwirei tsitsi ini mutadzi.
13税吏却远远站着,连举目望天也不敢,只捶着胸说:‘ 神啊,可怜我这个罪人!’
14Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake aruramiswa pane uya; nekuti umwe neumwe unozvikwiridzira uchaninipiswa, uye unozvininipisa uchakwiridzirwa.
14我告诉你们,这个人回去,比那个倒算为义了。因为高抬自己的,必要降卑;自己谦卑的,必要升高。”
15Zvino vakauyisa kwaari vachechewo, kuti avabate; asi vadzidzi vakati vachizviona, vakavatsiura.
15让小孩子到我这里来(太19:13-15;可10:13-16)有人抱着婴孩到耶稣面前,要他抚摩他们。门徒看见了,就责备那些人。
16Asi Jesu wakadanira vacheche kwaari akati: Tenderai vacheche vauye kwandiri, musavadzivisa, nekuti ushe hwaMwari ndehwevakadai.
16耶稣却叫他们过来,说:“让小孩子到我这里来,不要禁止他们,因为 神的国正属于这样的人。
17Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani usingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahwuri.
17我实在告诉你们,凡不像小孩子一样接受 神的国的,决不能进去。”
18Zvino umwe mutungamiriri wakamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndiitei kuti ndigare nhaka yeupenyu hwusingaperi?
18有钱的人难进 神的国(太19:16-29;可10:17-30)有一个官长问耶稣:“良善的老师,我当作什么,才可以承受永生?”
19Jesu ndokuti kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, Mwari.
19耶稣对他说:“你为什么称我是良善的呢?除了 神一位以外,没有良善的。
20Mirairo unoiziva, inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.
20诫命你是知道的:不可奸淫,不可杀人,不可偷盗,不可作假证供,当孝敬父母。”
21Iye ndokuti: Izvi zvose ndakazvichengeta kubva pauduku hwangu.
21他说:“这一切我从小都遵守了。”
22Zvino Jesu wakati achinzwa zvinhu izvi akati kwaari: Uchiri kushaiwa chinhu chimwe; tengesa zvose zvaunazvo, ugovere varombo, uye uchava nefuma yakakosha kudenga; ugouya pano wonditevera.
22耶稣听了,就告诉他:“你还缺少一件,应当变卖你一切所有的,分给穷人,你就必定有财宝在天上,而且你还要来跟从我。”
23Zvino wakati anzwa zvinhu izvi, akashungurudzika zvikuru; nekuti wakange akafuma zvikuru.
23他听见这话,非常忧愁,因为他十分富有。
24Zvino Jesu wakati achiona kuti washungurudzika zvikuru akati: Zvicharemera sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari.
24耶稣见他这样,就说:“富有的人要进 神的国,是多么难哪!
25Nekuti zvakareruka kuti kamera ripinde richidarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.
25骆驼穿过针眼,比有钱的人进 神的国还容易呢。”
26Zvino avo vakanzwa, vakati: Zvino ndiani unogona kuponeswa?
26听见的人说:“这样,谁可以得救呢?”
27Asi iye akati: Zvinhu zvisingagoneki nevanhu, zvinogoneka naMwari.
27耶稣说:“人所不能的,在 神却是可能的。”
28Petro ndokuti: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai.
28彼得说:“你看,我们已舍弃自己所有的,跟从你了!”
29Zvino akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vabereki, kana madzikoma nevaninina, kana mukadzi, kana vana, nekuda kweushe hwaMwari,
29耶稣说:“我实在告诉你们,人为 神的国撇下房屋、妻子、弟兄、父母或儿女,
30usingazogamuchiri zvakapetwa kazhinji nenguva ino, nemunguva inouya upenyu hwusingaperi.
30没有不在今世得许多倍,来世得永生的。”
31Zvino wakatora vanegumi nevaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye zvinhu zvose zvakanyorwa nevaporofita maererano neMwanakomana wemunhu zvichazadziswa.
31第三次预言受难及复活(太20:17-19;可10:32-34)耶稣把十二门徒带到一边,对他们说:“我们现在上耶路撒冷去,先知所写的一切,都要成就在人子身上。
32Nekuti uchakumikidzwa kune vechirudzi, agosekwa, nekuitirwa zvakaipa, nekupfirwa,
32他要被交给外族人,受戏弄,被凌辱,他们要向他吐唾沫,
33uye vachamurova netyava nekumuuraya; uye pazuva retatu uchamukazve.
33鞭打他,杀害他;第三日他要复活。”
34Asi ivo havana kunzwisisa chinhu chimwe cheizvozvi, uye shoko iri rakange rakavanzwa kwavari, uye havana kunzwisisa zvinhu zvakarehwa.
34这些话的含义对门徒是隐藏的。他们听了,一点也不明白,不知道他说的是什么。
35Zvino zvakaitika oswedera Jeriko, rimwe bofu raigara padivi penzira richipemha;
35治好瞎眼的人(太20:29-34;可10:46-52)耶稣走近耶利哥的时候,有一个瞎眼的人坐在路旁讨饭,
36rakati richinzwa chaunga chichipfuura, rikabvunza kuti chinyi ichi.
36他听见人群经过,就问是什么事。
37Zvino vakariudza kuti: Jesu weNazareta unopfuura.
37别人告诉他,是拿撒勒人耶稣经过。
38Zvino rakadanidzira richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
38他就喊叫说:“大卫的子孙耶稣啊,可怜我吧!”
39Zvino vakange vakatungamira vakaritsiura kuti rinyarare; asi iro rakanyanyisa kudanidzira, richiti: Mwanakomana waDavidhi, ndinzwirei tsitsi!
39在前头走的人责备他,叫他不要出声;但他越发喊叫:“大卫的子孙,可怜我吧!”
40Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti riuyiswe kwaari; zvino rakati raswedera akaribvunza,
40耶稣站住,吩咐领他过来。等他走近,就问他:
41achiti: Unoda kuti ndikuitirei? Zvino rakati: Ishe, kuti ndionezve.
41“你要我为你作什么?”他说:“主啊,叫我能看见!”
42Jesu ndokuti kwaari: Chionazve! Rutendo rwako rwakuponesa.
42耶稣说:“你就看见吧!你的信使你痊愈了。”
43Pakarepo rikaonazve, rikamutevera, richirumbidza Mwari; vanhu vose vakati vachizviona vakarumbidza Mwari.
43他立刻看见了,就跟随耶稣,颂赞 神。众人看见这事,也赞美 神。