1Zvino Jesu wakapinda, akagura muJeriko.
1税吏长撒该
2Zvino tarira, murume wainzi Zakewu nezita; iye wakange ari mutungamiriri wevateresi, uye iye waiva mufumi;
2有一个人名叫撒该,是税吏长,又很富有。
3uye wakatsvaka kuona Jesu kuti ndiani; asi wakange asingagoni nekuda kwechaunga, nekuti wakange ane chimiro chifupi.
3他想看看耶稣是怎么样的,因为人多,他又身材矮小,就看不见。
4Zvino wakamhanyira mberi, akakwira mumuonde wemusikamori kuti amuone; nekuti wakange achizopfuura nenzira iyo.
4于是他跑到前头,爬上一棵桑树,要看看耶稣,因为耶稣就要从那里经过。
5Zvino Jesu wakati achisvika panzvimbo iyo, wakatarira kumusoro, akamuona, akati kwaari: Zakewu, kurumidza uburuke; nekuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.
5耶稣到了那里,往上一看,对他说:“撒该,快下来,今天我要住在你家里。”
6Zvino wakakurumidza kuburuka, akamugamuchira achifara.
6他就赶快下来,欢欢喜喜地接待耶稣。
7Zvino vakati vazviona vakan'un'una vose vachiti: Wapinda kunogara nemurume mutadzi.
7众人看见就纷纷议论说:“他竟到罪人家里去住宿!”
8Asi Zakewu wakamira, akati kuna Ishe: Tarirai, hafu yefuma yangu, Ishe, ndinopa kuvarombo, uye kana ndakatora chinhu kune umwe munhu nekunyengera, ndinodzosera runa.
8撒该站着对主说:“主啊,请看,我要把家财的一半分给穷人,我若敲诈了谁,就还他四倍。”
9Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno; nekuti iyewo mwanakomana waAbhurahamu.
9耶稣说:“今天救恩到了这家,他也是亚伯拉罕的子孙。
10Nekuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzotsvaka nekuponesa chakarasika.
10因为人子来,是要寻找拯救失丧的人。”
11Vakati vanzwa zvinhu izvi, wakawedzera akataura mufananidzo, nekuti wakange ava pedo neJerusarema, uye nekuti vaifunga kuti ushe hwaMwari hwobva hwodoonekereswa.
11十个仆人的比喻(参太25:14-30)众人听这些话的时候,因为耶稣已经接近耶路撒冷,又因他们以为 神的国快要出现,他就讲了一个比喻,
12Naizvozvo wakati: Umwe munhu une mbiri wakaenda kunyika iri kure, kunozvigamuchirira ushe agodzoka.
12说:“有一个贵族往远方去要接受王位,然后回来。
13Zvino wakadana varanda vake gumi, ndokuvapa pondo gumi, ndokuti kwavari: Bhindaukai kusvikira ndichiuya.
13他叫了自己的十个仆人来,给他们一千银币,说:‘你们拿去作生意,等到我回来。’
14Asi vanhu venyika yake vakange vachimuvenga, vakatuma nhume shure kwake, vachiti: Hatidi uyu kuti atitonge.
14他本国的人却恨他,就派使者跟着去说:‘我们不愿意这个人作王统治我们。’
15Zvino zvakaitika kuti adzoka agamuchira ushe, wakaraira kuti vaya varanda vaakange apa mari, vadanirwe kwaari, kuti anzwe kuti umwe neumwe wakawana zvakadini nekutengeserana.
15他得了王位回来,就吩咐把那些领了钱的仆人召来,要知道他们作生意赚了多少。
16Wekutanga ndokusvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo gumi.
16第一个走过来说:‘主啊,你的一百银币,已经赚了一千。’
17Zvino akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka; nekuti wakange wakatendeka pachiduku-duku, uve nesimba pamusoro pemaguta gumi.
17主人说:‘好,良善的仆人,你既然在最小的事上忠心,可以有权管理十座城。’
18Newechipiri wakasvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo shanu.
18第二个来说:‘主啊,你的一百银币,已经赚了五百。’
19Akati kwaariwo: Newe, uve pamusoro pemaguta mashanu.
19主人说:‘你可以管理五座城。’
20Zvino umwe wakasvika, achiti: Ishe, tarirai pondo yenyu, yandakange ndakachengeta mumucheka wekumeso;
20另一个来说:‘主啊,你看,你的一百银币,我一直保存在手巾里,
21nekuti ndakange ndichikutyai, nekuti muri munhu wakaoma; munotora zvamusina kuisa, muchikohwa izvo zvamusina kudzvara.
21因为我怕你,你一向是严厉的人,没有存的要提取,没有种的要收割。’
22Zvino wakati kwaari: Ndichakutonga nezvinobuda mumuromo mako, muranda wakaipa; wakange uchiziva kuti ini ndiri munhu wakaoma, ndichitora zvandisakaisa, nekukohwa izvo zvandisina kudzvara;
22主人说:‘可恶的仆人!我要凭你的口定你的罪。你知道我是严厉的人,没有存的要提取,没有种的要收割吗?
23naizvozvo sei usina kuisa mari yangu mubhanga, kuti kana ndouya ndigozoitora pamwe nezvibereko.
23那你为什么不把我的钱存入银行,等我回来的时候,把它连本带利取回来呢?’
24Ndokuti kune vakange vamirepo: Mutorerei pondo mupe kuune pondo gumi.
24他就对侍卫说:‘夺过他的一百银币,给那有一千的。’
25Asi vakati kwaari: Ishe, une pondo gumi.
25他们说:‘主啊,他已经有一千银币了。’
26Nekuti ndinoti kwamuri: Wose unazvo uchapiwa; asi uyo usina, uchatorerwa nezvaanazvo.
26主人说:‘我告诉你们,凡是有的,还要给他;没有的,就算他有什么也要拿去。
27Asi vavengi vangu avo, vakange vasingadi kuti nditonge pamusoro pavo, uyisai pano, muvauraye pamberi pangu.
27至于我那些仇敌,就是不愿意我作王统治他们的,把他们拉到这里来,在我面前杀掉!’”
28Zvino wakati areva zvinhu izvi, akapfuurira mberi, achikwira kuJerusarema.
28骑驴进耶路撒冷(太21:1-9;可11:1-10;约12:12-15)耶稣讲完这些话,就往前走,上耶路撒冷去。
29Zvino zvakaitika oswedera kuBhetifage neBhetaniya pagomo rinonzi reMiorivhi, wakatuma vaviri vevadzidzi vake,
29将到伯法其和伯大尼,就在橄榄山那里,他差派两个门徒,
30achiti: Fambai muende mumusha wakatarisana nemwi; kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina munhu wakamborigara; murisunungure, mugoriuyisa.
30说:“你们往对面的村子里去,就会看见一头从来没有人骑过的小驴,拴在那里,把它解开牵来。
31Zvino kana chero munhu akakubvunzai achiti: Munorisunungurirei? Muchataura kwaari kudai: Ishe unorida.
31如果有人问为什么解开它,你们要这样说:‘主需要它。’”
32Avo vakatumwa vakaenda vakanowana sezvaakange ataura kwavari.
32被差的人去了,发现和主所说的一样。
33Zvino vakati vachisunungura dhongwana, varidzi varo vakati kwavari: Munosunungurirei dhongwana?
33他们解开小驴的时候,主人问他们:“你们为什么解开它?”
34Ivo ndokuti: Ishe unorida.
34他们说:“主需要它。”
35Zvino vakariuyisa kuna Jesu; ndokukanda nguvo dzavo pamusoro pedhongwana, vakatasvisa Jesu pariri.
35他们把小驴牵到耶稣那里,把自己的衣服搭在上面,扶着耶稣上去。
36Zvino achifamba, vakawarira nguvo dzavo munzira.
36耶稣前行的时候,众人把自己的衣服铺在路上。
37Zvino wakati oswedera ikozvino pamateru egomo reMiorivhi, chaunga chose chevadzidzi chikatanga kufara chichirumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pamabasa ose esimba avakange vaona,
37他走近耶路撒冷,快要下橄榄山的时候,全体门徒因为所看见的一切神迹,就欢乐起来,大声赞美 神,
38vachiti: Wakaropafadzwa mambo unouya muzita raIshe; rugare kudenga, nekubwinya kumusoro-soro.
38说:“奉主名来的王,是应当称颂的!在天上有和平,在至高之处有荣耀!”
39Uye vamwe vevaFarisi vari pakati pechaunga vakati kwaari: Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu.
39群众中有几个法利赛人对他说:“先生,责备你的门徒吧!”
40Zvino wakapindura akati kwavari: Ndinokuudzai kuti kana ava vakanyarara, mabwe achadanidzira.
40耶稣说:“我告诉你们,他们若不出声,石头都要呼叫了。”
41Zvino wakati aswedera, wakaona guta, akachema pamusoro paro,
41为耶路撒冷哀哭耶稣走近耶路撒冷的时候,看见了城,就为城哀哭,
42achiti: Dai newe waiziva, kunyange pazuva rino rako, zvinhu zverugare rwako; asi zvino zvakavanzirwa meso ako.
42说:“巴不得你在这日子,知道关于你平安的事,但现在这事在你眼前是隐藏的。
43Nekuti mazuva achasvika pamusoro pako, apo vavengi vako vachakukandira muchinjiziri wakakupoteredza, vachakukomba, nekukudzvinyidzira pamativi ose,
43日子将到,你的仇敌必筑垒攻击你,周围环绕你,四面困住你,
44uye vachakuputsira pasi iwe nevana vako mukati mako, havangasii mukati mako ibwe pamusoro peibwe; nekuti hauna kuziva nguva yekushanyirwa kwako.
44要摧毁你和你里面的儿女,没有一块石头留在另一块石头上面,因为你不知道那眷顾你的时期。”
45Zvino wakapinda mutembere, akatanga kudzingira panze vakange vachitengesamo nevaitenga,
45洁净圣殿(太21:12-17;可11:15-19;约2:13-22)耶稣进了圣殿,就赶走作买卖的人,
46achiti kwavari: Kwakanyorwa kuti: Imba yangu imba yemunyengetero; asi imwi maiita bako remakororo.
46对他们说:“经上记着:‘我的殿是祷告的殿’,你们竟把它弄成贼窝了。”
47Zvino waidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere; asi vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu vakatsvaka kumuparadza.
47他天天在圣殿里教导人,祭司长、经学家和民间的首领,都想杀害他;
48Asi havana kuwana zvavangaita, nekuti vanhu vose vakamunamatira vachimunzwa.
48但他们不知道要怎样下手,因为众人都围着他,听他的教训。