1Zvino wakadanira pamwe vadzidzi vake gumi nevaviri, akavapa simba nechikuriri pamusoro pemadhimoni ose, nekuporesa zvirwere.
1差遣十二使徒(太10:5-15;可6:7-13)
2Akavatuma kuparidza ushe hwaMwari nekuporesa varwere.
2差遣他们去宣讲 神的国和医治病人,
3Zvino akati kwavari: Musatakura chinhu cherwendo, kana mudonzvo, kana nhava, kana chingwa, kana mari; uye musava nenguvo mbiri umwe neumwe.
3对他们说:“不要带着什么上路,不要带手杖,不要带口袋,不要带食物,不要带银钱,也不要带两件衣服。
4Uye imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo, mugobvamo.
4无论进哪一家,就住在那里,直到离开。
5Uye ani nani usingakugamuchirii, kana mobuda paguta iro, zuzai kunyange guruva patsoka dzenyu, hwuve uchapupu hwakamirisana navo.
5凡不接待你们的,你们离开那城的时候,当把脚上的灰尘跺下去,作为反对他们的表示。”
6Zvino vakabva vakaenda vachigura misha, vachiparidza evhangeri, nekuporesa panzvimbo dzose.
6于是他们就出去,走遍各乡,传讲福音,到处医治病人。
7Zvino Herodhe, umwe wevatongi vana, wakanzwa zvose zvakaitwa naye; akakanganisika, nekuti zvairehwa nevamwe kuti Johwani wakange amuka kuvakafa;
7希律的困惑(太14:1-2;可6:14-16)分封王希律听见所发生的一切事,犹豫不定,因为有人说:“约翰从死人中复活了。”
8nevamwe kuti Eria waonekwa; nevamwe kuti umwe wevaporofita vekare wamuka.
8又有人说:“以利亚显现了。”还有人说:“古时的一位先知复活了。”
9Asi Herodhe wakati: Johwani ndakagura musoro ini; asi ndiani uyu, ini wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake? Akatsvaka kumuona.
9希律说:“约翰已经斩头了,但这是谁,我怎么会听到他这些事呢?”就设法要见他。
10Zvino vaapositori vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavakange vaita. Akavatora, akaenda navo vari vega kunzvimbo yerenje reguta rinonzi Bhetisaidha.
10给五千人吃饱的神迹(太14:13-21;可6:30-44;约6:1-13)使徒们回来,把所作的事报告耶稣。他带着他们,悄悄地退往伯赛大城去。
11Zvino zvaunga zvakati zvazviziva, zvikamutevera; akavagamuchira, akataura kwavari zveushe hwaMwari, akaporesa vakange vachida kuporeswa.
11群众知道了,也跟了去。他接待他们,向他们讲论 神的国,医好需要医治的人。
12Zuva raiva rotanga kuvira; vanegumi nevaviri vakaswedera vakati kwaari: Regai chaunga chiende, kuti vaende kumisha nekuruwa rwakapoteredza, vagare, vawane chikafu; nekuti pano patiri panzvimbo yerenje.
12天将晚的时候,十二门徒来到他跟前,说:“请解散众人,好让他们往周围的田舍村庄,去找地方住,找东西吃,因为我们这里是旷野。”
13Asi wakati kwavari: Vapei imwi ivo kuti vadye. Vakati: Hatina zvinopfuura zvingwa zvishanu, nehove mbiri, kunze kwekuti isu taenda kunotengera vanhu ava vose chikafu.
13他说:“你们给他们吃吧!”他们说:“我们所有的,不过是五个饼两条鱼,除非去为这些人另买食物。”
14Nekuti vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake: Vagarisei pasi mumapoka, rimwe nerimwe makumi mashanu.
14原来男人就约有五千。他对门徒说:“叫他们一组一组地坐下,每组约五十人。”
15Vakaita saizvozvo, vakavagarisa vose pasi.
15门徒就照他的话,叫众人坐下。
16Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, akazvimedura, ndokupa vadzidzi kuti vagadzike pamberi pechaunga.
16耶稣拿起这五个饼,两条鱼,望着天,祝谢了,擘开递给门徒,摆在众人面前。
17Vakadya, vakaguta vose; kukanongwa zvimedu zvakasara kwavari, matengu gumi nemaviri.
17他们都吃饱了,把剩下的零碎拾起来,装满了十二个篮子。
18Zvino zvakaitika ari oga achinyengetera, vadzidzi vakange vanaye; akavabvunza, achiti: Zvaunga zvinoti ndini ani?
18彼得承认耶稣是基督(太16:13-19;可8:27-29)有一次耶稣独自祈祷的时候,只有门徒和他在一起。他问他们:“人说我是谁?”
19Ivo vakapindura vakati: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; nevamwe vakati: Umwe muporofita wevekare wamuka.
19他们回答:“有人说是施洗的约翰,有人说是以利亚,还有人说是古时的一位先知复活了。”
20Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati: Kristu waMwari.
20他又问他们:“你们说我是谁?”彼得回答:“是 神的基督!”
21Akavayambirisa, akaraira kuti varege kuudza munhu izvozvo;
21耶稣预言受难及复活(太16:20-28;可8:30-9:1)耶稣郑重地嘱咐他们,不要把这事告诉人。
22achiti: Mwanakomana wemunhu unofanira kutambudzika zvikuru, nekurambwa nevakuru nevapristi vakuru nevanyori, nekuurawa, nekumutswa zuva retatu.
22又说:“人子必须受许多苦,被长老、祭司长,和经学家弃绝、杀害,第三日复活。”
23Zvino wakati kune vose: Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.
23耶稣又对众人说:“如果有人愿意跟从我,就当舍己,天天背起他的十字架来跟从我。
24Nekuti ani nani unoda kuponesa upenyu hwake, ucharasikirwa nahwo; asi ani nani unorasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu, iye uchahuponesa.
24凡是想救自己生命的,必丧掉生命;但为我牺牲自己生命的,必救了生命。
25Nekuti munhu ungabatsirwa nei, kana akawana nyika yose, asi iye pachake azvitadzire kana kurasikirwa?
25人若赚得全世界,却丧失自己,或赔上自己,有什么好处呢?
26Nekuti ani nani unonyara pamusoro pangu nepamashoko angu, Mwanakomana wemunhu uchanyara pamusoro pake paanouya mukubwinya kwake nekwaBaba, nekwevatumwa vatsvene.
26凡是把我和我的道当作可耻的,人子在他与父并圣天使的荣耀里降临的时候,也必把他当作可耻的。
27Asi ndinokuudzai zvechokwadi: Varipo vamwe vevamire pano vasingazoraviri rufu, kusvikira vaona ushe hwaMwari.
27我实在告诉你们,站在这里的,有人在没有尝过死味以前必定要看见 神的国。”
28Zvino zvakaitika mazuva anenge masere mushure memashoko awa, kuti wakatora Petro naJohwani naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera.
28在山上改变形象(太17:1-13;可9:2-8)说了这些话以后约有八天,耶稣带着彼得、约翰和雅各,上山去祷告。
29Zvino zvakaitika mukunyengetera kwake, chimiro chechiso chake chikashanduka, uye nguvo yake ikachena, ikapenya.
29正祷告的时候,他的面貌就改变了,衣服洁白发光。
30Zvino tarira, varume vaviri vakataura naye, vaiva Mozisi naEria;
30忽然有两个人和他谈话,就是摩西和以利亚。
31Vakaonekwa mukubwinya, akataura zvekubva kwake kwaakange achinopedzisa paJerusarema.
31他们在荣光里显现,谈论他去世的事,就是他在耶路撒冷将要完成的。
32Asi Petro nevaiva naye vakange varemerwa nehope; asi vakati vapepuka, vakaona kubwinya kwake, nevarume vaviri vaiva vamire naye.
32彼得和同伴都在打盹。醒过来之后,就看见他的荣光,并与他站在一起的那两个人。
33Zvino zvakaitika pakubva kwavo paari, Petro akati kuna Jesu: Tenzi, zvakanaka kuti tive pano; zvino ngatiite matende matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.
33二人正要离开他的时候,彼得对耶稣说:“主啊,我们在这里真好!我们可以搭三个帐棚,一个为你,一个为摩西,一个为以利亚。”他根本不知道自己在说什么。
34Wakati achitaura izvozvo, kwakauya gore rikavadzikatira; vakatya pakupinda kwavo mugore.
34他说这话的时候,有一片云彩笼罩他们,他们入了云彩,门徒就害怕起来。
35Zvino kwakabuda inzwi mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodika; inzwai iye.
35有声音从云彩里出来,说:“这是我的儿子,我所拣选的(“这是我的儿子,我所拣选的”有些抄本作“这是我的爱子”),你们要听从他!”
36Zvino inzwi rakati raitika, Jesu akawanikwa ari oga. Asi ivo vakanyarara, vakasaudza munhu mumazuva iwayo chimwe chezvinhu zvavakange vaona.
36声音过了,只见耶稣独自在那里。在那些日子,门徒保持缄默,不把所看见的告诉任何人。
37Zvino zvakaitika kuti nezuva raitevera, vaburuka mugomo, chaunga chikuru chikamuchingamidza.
37治好癫痫病的小孩(太17:14-18;可9:14-27)第二天,他们下了山,有一大群人迎面而来。
38Zvino tarira, murume muchaunga wakadanidzira, achiti: Mudzidzisi, ndinokukumbirisai, tarirai mwanakomana wangu nekuti ndiye wakaberekwa umwe woga;
38在人群中有一个人喊叫说:“老师,求你怜悯我的儿子,因为他是我的独生子。
39zvino tarirai, mweya unomubata, pakarepo woridza mhere, uye unomugwinhisa achipupuma furo, unorema kubva paari, asi uchimusvuura.
39你看,污灵一抓住他,他就忽然喊叫,并且抽疯,口吐白沫;污灵又折磨糟践他,不肯放过他。
40Zvino ndakakumbirisa vadzidzi venyu kuti vaubudise, asi vakasagona.
40我求过你的门徒,把他赶出去,他们却办不到。”
41Jesu achipindura akati: Haiwa zera risina rutendo rakatsauka, ndichava nemwi kusvikira rinhi, ndichikuitirai moyo murefu? Uyisa mwanakomana wako pano.
41耶稣说:“唉!这不信又乖谬的世代啊!我跟你们在一起,忍受你们,要到几时呢?把你儿子带到这里来吧!”
42Zvino wakati achaswedera, dhimoni rikamudambura, rikamugwinhisa zvikuru; asi Jesu wakatsiura mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamudzosera kuna baba vake.
42那孩子正走过来的时候,污鬼把他摔倒,使他重重地抽疯。耶稣斥责那污灵,把孩子医好,交给他父亲。
43Vose vakashamiswa zvikuru neukuru hwaMwari. Zvino vose vachakashamisika nezvose Jesu zvaakaita, akati kuvadzidzi vake:
43众人都惊奇 神的大能。众人还在希奇耶稣所作的这一切时,他对门徒说:
44Imwi isai mashoko awa munzeve dzenyu: Nekuti Mwanakomana wemunhu uchakumikidzwa mumaoko evanhu.
44第二次预言受难及复活(太17:22-23;可9:30-32)“你们要把这些话存在心里:人子将要被交在人的手里。”
45Asi havana kuziva chirevo ichi, uye chakange chakavanzika kwavari, kuti vasachinzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pechirevo ichi.
45门徒不明白这话,因为这话的意思是隐藏的,不让他们明白,他们也不敢问。
46Zvino kwakamuka nharo pakati pavo, kuti ndiani ungava mukurusa kwavari.
46门徒争论谁最大(太18:1-5;可9:33-40)后来,门徒起了意见,争论谁是最大的。
47Asi Jesu wakati achiona kufunga kwemoyo wavo, akatora mucheche, akamuisa parutivi rwake,
47耶稣看出他们的心意,就领了一个小孩子来,叫他站在自己旁边,
48akati kwavari: Ani nani unogamuchira mucheche uyu muzita rangu, unogamuchira ini, uye ani nani unogamuchira ini unogamuchira wakandituma; nekuti mudukusa pakati penyu mose, ndiye uchava mukuru.
48对他们说:“凡因我的名接待这小孩子的,就是接待我;凡接待我的,就是接待那差我来的。谁是你们中间最小的,那人就是最大的。”
49Johwani akapindura akati: Tenzi, taona umwe achibudisa madhimoni muzita renyu, tikamudzivisa, nekuti haateverani nesu.
49约翰说:“主,我们看见有一个人奉你的名赶鬼,就禁止他,因为他不和我们一起跟从你。”
50Asi Jesu akati kwaari: Musamudzivisa, nekuti uyo usingatipikisi, ndewedu.
50耶稣说:“不要禁止他,因为不反对你们的,就是赞成你们的。”
51Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva ekukwidzwa kwake, kuti iye akarinzira chiso chake kuenda kuJerusarema,
51撒玛利亚人不接待主耶稣被接上升的日子快到了,他就决意向耶路撒冷去,
52akatuma vatumwa pamberi pechiso chake; vakaenda, vakapinda mumusha wevaSamaria, kunomugadzirira.
52并且差遣使者走在前头;他们去了,进入撒玛利亚的一个村庄,要为他预备。
53Asi havana kumugamuchira, nekuti chiso chake chaienda kuJerusarema.
53那里的人不接待他,因为他面向着耶路撒冷走。
54Zvino vadzidzisi vake, Jakobho naJohwani, vakati vachizviona vakati: Ishe, munoda kuti tiraire moto uburuke kubva kudenga, uvapedze, Eriawo sezvaakaita here?
54他的门徒雅各、约翰看见了,就说:“主啊,你要我们吩咐火从天降下来,烧灭他们吗?”
55Asi wakatendeuka akavatsiura akati: Hamuzivi kuti muri vemweya wakadii.
55耶稣就转过身来,责备他们,
56Nekuti Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoparadza upenyu hwevanhu asi kuhwuponesa. Ndokuenda kune umwe musha.
56然后他们就往别的村庄去了。
57Zvino zvakaitika vachifamba munzira, umwe wakati kwaari: Ishe, ndichakuteverai kupi zvako kwamunoenda.
57要求跟从耶稣(太8:19-22)他们走路的时候,有一个人对他说:“你无论往哪里去,我都要跟从你!”
58Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paanotsamhidza musoro.
58耶稣说:“狐狸有洞,天空的飞鸟有窝,人子却没有栖身的地方。”
59Akati kune umwe: Nditevere. Asi iye akati: Ishe, nditenderei ndiende kunoviga baba vangu pakutanga.
59他对另一个人说:“你跟从我吧!”那人说:“主啊,请准我先回去安葬我的父亲吧。”
60Asi Jesu wakati kwaari: Rega vakafa vavige vakafa vavo; asi iwe enda undoparidza ushe hwaMwari.
60耶稣说:“让死人去埋葬他们的死人,你应该去传扬 神的国。”
61Umwezve akati: Ndichakuteverai Ishe, asi nditenderei kutanga kuti ndinovawoneka ivo vari mumba mangu.
61又有一个人说:“主,我要跟从你,但容我先回去,向家人道别。”
62Asi Jesu akati kwaari: Hakuna ungati kana aisa ruoko rwake pagejo, akacheukira kuzvinhu zviri shure, wakafanira ushe hwaMwari.
62耶稣说:“手扶着犁向后看的,不适合进 神的国。”