Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Luke

8

1Zvino zvakaitika shure kweizvozvo, kuti iye wakagura nemuguta nemusha umwe neumwe, achidanidzira nekuparidza mashoko akanaka oushe hwaMwari; nevanegumi neviri vanaye,
1跟从耶稣的妇女
2nevamwe vakadzi vakange vaporeswa pamweya yakaipa neurwere, Maria unonzi Magidharini, maari makabuda madhimoni manomwe,
2还有几个蒙了医治、脱离污鬼与疾病的妇女,其中有称为抹大拉的马利亚,曾有七个鬼从她身上赶出来;
3naJohwana mukadzi waKuza mutariri waHerodhe, naSusana, nevamwe vazhinji, vaimubatsira nenhumbi dzavo.
3有希律的管家古撒的妻子约亚拿,又有苏珊娜,和许多别的妇女,她们都用自己的财物供给耶稣和门徒。
4Zvino chaunga chikuru chakati chaungana, uye vaibva kuguta ripi neripi vachiuya kwaari, akataura nemufananidzo akati:
4撒种的比喻(太13:2-9;可4:1-9)当时有许多人聚在一起,还有人从各城来到耶稣那里,他就用比喻说:
5Mukushi wakabuda kundokusha mbeu yake; zvino pakukusha kwake, imwe yakawira kurutivi rwenzira, ndokutsikwa netsoka, shiri dzekudenga dzikaidya dzikaipedza.
5“有一个撒种的出去撒种,撒的时候,有的落在路旁,被人践踏,或给空中的小鸟吃掉。
6Uye imwe ikawira paruware; zvino yakamera, ikawoma, nekuti yakashaiwa unyoro.
6有的落在石头地上,一长出来就枯萎了,因为得不着滋润。
7Neimwe ikawira pakati pemhinzwa, mhinzwa ikakura nayo, ikaivhunga.
7有的落在荆棘丛中,荆棘也一齐生长,把它挤住了。
8Uye imwe yakawira muvhu rakanaka, ikamera, ikabereka zvibereko zvinezana. Wakati ataura zvinhu izvi, akadanidzira achiti: Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
8有的落在好土里,就生长起来,结出百倍的果实。”他说了这些话,就大声说:“有耳可听的,就应当听!”
9Vadzidzi vake ndokumubvunza vachiti: Mufananidzo uyo ungavei?
9用比喻的目的(太13:10-17;可4:10-12)门徒问他这比喻是什么意思。
10Ndokubva ati: Kwamuri kwakapiwa kuziva zvakavanzika zveushe hwaMwari; asi kune vamwe zviri mumifananidzo, kuti vachiona vasaona; uye vachinzwa vasanzwisisa.
10他说:“ 神的国的奥秘,只给你们知道,对别人就用比喻,叫他们看却看不见,听却听不明白。
11Zvino mufananidzo ndiwoyu: Mbeu ishoko raMwari.
11解释撒种的比喻(太13:18-23;可4:13-20)“这比喻是说,种子是 神的道,
12Avo vaparutivi rwenzira ndivo vanonzwa, ipapo dhiabhorosi unouya ndokubvisa shoko pamoyo yavo, kuti varege kutenda, vaponeswe.
12那落在路旁的,就是人听了,魔鬼随即来到,从他们心里把道夺去,恐怕他们相信就得救了。
13Nevaparuware ndevaya, vanoti kana vanzwa, vanogamuchira shoko nemufaro; asi ava havana mudzi, vanotenda kwenguva, asi nenguva yemuedzo vanowa.
13那落在石头地上的,就是人听了,欢欢喜喜地接受,但是没有根,不过是暂时相信,一旦遭遇试炼,就倒退了。
14Neyakawira pamhinzwa, ndevaya kana vanzwa, zvino vanoenda ndokuvhungwa nekufunganya nefuma, nemafaro eupenyu, vakasasvitsa zvibereko.
14那落在荆棘里的,就是人听了,走开以后,被今世的忧虑、财富和宴乐挤住了,结不出成熟的子粒来。
15Asi iri muvhu rakanaka, ndevaya vanoti vanzwa shoko, vanorichengeta mumoyo wakarurama nowakanaka, vachibereka zvibereko nekutsungirira.
15但那落在好土里的,就是人用诚实良善的心来听,把道持守住,忍耐着结出果实。
16Hakuna munhu unoti kana atungidza mwenje, unoufukidzira nemudziyo, kana kuisa pasi pemubhedha; asi unouisa pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza.
16隐藏的事终必显露(可4:21-25)“没有人点灯用器皿盖上,或放在床底下,而是放在灯台上,叫进来的人都看得见光。
17Nekuti hakuna chakavanzika, chisingazovi pachena, kana chakavigwa, chisingazozikamwi nekubuda pachena.
17因为没有什么隐藏的事不被显明,也没有什么掩盖的事不被人知道而暴露出来。
18Naizvozvo chenjerai, kuti munonzwa sei; nekuti ani nani unazvo, uchapiwa; asi ani nani usina, uchatorerwa kunyange icho chaanofunga kuti unacho.
18所以你们应当留心怎样听,因为凡是有的,还要给他;凡是没有的,连他自以为有的,也要拿去。”
19Zvino kwakauya kwaari mai nevanin'ina vake, vakasagona kusvika kwaari nekuda kwechaunga.
19谁是耶稣的母亲和弟兄(太12:46-50;可3:31-35)耶稣的母亲和弟弟来到他那里,因为人多,不能到他跟前。
20Akaudzwa nevamwe vakati: Mai venyu nevanin'ina venyu vamire panze, vanoda kukuonai.
20有人转告耶稣:“你母亲和弟弟站在外面要见你。”
21Asi wakapindura akati kwavari: Mai vangu nevanin'ina vangu ndeava vanonzwa shoko raMwari vachiriita.
21他回答他们:“听了 神的道而遵行的人,才是我的母亲,我的弟兄。”
22Zvino zvakaitika nerimwe remazuva kuti wakapinda muchikepe iye nevadzidzi vake, akati kwavari: Ngatiyambukire kune rumwe rutivi rwegungwa; vakatanga kufamba nechikepe.
22平静风浪(太8:23-27;可4:35-41)有一天,耶稣和门徒上了船,他对他们说:“我们渡到海那边去吧。”他们就开了船。
23Zvino vakati vachienda nechikepe, akavata hope; kukauya dutu guru remhepo pagungwa; vakazarirwa nemvura, vakava munjodzi.
23船行的时候,他睡着了。海上忽然起了狂风,他们全身湿透,非常危险。
24Vakaswedera vakamumutsa, vachiti: Tenzi, tenzi, toparara! Ipapo akamuka, akatsiura mhepo nemafungu emvura; zvikaguma, kukava nekudzikama.
24门徒来叫醒耶稣,说:“主啊!主啊!我们没命了!”他醒过来,斥责风浪,风浪就止息、平静了。
25Ndokubva ati kwavari: Rutendo rwenyu rwuripi? Asi vachitya vakashamisika, vakataurirana vachiti: Ndeupi uyu, kuti unoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuteerera?
25耶稣对他们说:“你们的信心在哪里?”他们又惧怕、又希奇,彼此说:“这到底是谁?他吩咐风浪,连风浪也听从他。”
26Zvino vakaenda nechikepe panyika yevaGadharini, yakatarisana neGarirea.
26治好鬼附的格拉森人(太8:28-34;可5:1-20)船到了格拉森人的地区,正在加利利对面,
27Wakati achibudira panyika, akamuchingamidza umwe murume achibva muguta, wakange ane madhimoni kwenguva refu, uye asingapfeki nguvo, asingagari mumba, asi kumarinda.
27耶稣一上岸,就有城里一个被鬼附着的人,迎面而来。这人已经很久不穿衣服,不住在家里,只住在坟墓里。
28Wakati achiona Jesu, akadanidzira ndokuwira pasi pamberi pake, akati nenzwi guru: Ndinei nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokukumbirisai, musanditambudza.
28他一见耶稣,就俯伏喊叫,大声说:“至高 神的儿子耶稣,我跟你有什么关系呢?求你不要使我受苦。”
29Nekuti wakange araira mweya wetsvina kuti ubude kumunhu; nekuti wakange wamubata nguva zhinji uye waichengetwa akasungwa nemaketani nemabote; asi akadambura zvisungo, achitinhirwa kumarenje nedhimoni.
29因为耶稣已经吩咐这污灵从那人身上出来。原来这污灵屡次抓住那人;那人被铁链和脚链捆锁,而且有人看管,他竟挣断锁链,被鬼赶入旷野。
30Jesu ndokumubvunza achiti: Zita rako ndiani? Akati: Regiyoni; nekuti madhimoni mazhinji akange apinda maari.
30耶稣问他:“你叫什么名字?”他说:“群。”因为进到那人里面的鬼很多。
31Akamukumbirisa kuti arege kuiraira kuti iende kugomba risina chigadziko.
31他们求耶稣,不要赶他们进入无底坑。
32Zvino kwakange kuripo ipapo boka renguruve zhinji dzaifura mugomo; akamukumbirisa kuti amatendere kupinda madziri. Akamatendera.
32那里有一大群猪正在山上吃东西。他们求耶稣准他们进入猪群。耶稣准许了,
33Zvino madhimoni akabuda kumunhu, akapinda munguruve; boka ndokupitirikira kumawere richiinda kudziva, rikabitirirwa.
33鬼就从那人身上出来,进入猪群,猪群闯下山崖,掉在海里淹死了。
34Zvino vaidzifudza vachiona zvaitika, vakatiza, vakaenda kunotaura muguta nemuruwa.
34放猪的看见所发生的事就逃跑,到城里和各乡村把这事传开。
35Zvino vakabuda kunoona zvaitika; vakasvika kuna Jesu, vakawana munhu, wakange abuda madhimoni maari agere patsoka dzaJesu, akapfeka uye akakwana mupfungwa; vakatya.
35众人就出来看发生了什么事。来到耶稣那里,看见鬼已经离开的那人,穿着衣服,神志清醒,坐在耶稣脚前,他们就害怕。
36Vakange vazvionawo vakavaudza kuti wakaponeswa sei waiva nemadhimoni.
36当时看见的人,把被鬼附过的人怎样得到医治,说给他们听。
37Zvino chaunga chose chedunhu rakapoteredza vaGadharini chakakumbirisa kwaari kuti abve kwavari, nekuti vabatwa nekutya kukuru; akapinda muchikepe, akadzokera.
37格拉森一带的人,都要求耶稣离开他们,因为他们大大惧怕。他就上船回去了。
38Asi murume wakange abuda madhimoni maari, wakakumbirisa kwaari kuti ave naye. Asi Jesu wakamurega achienda, achiti:
38鬼已经离开的那人求耶稣,要跟他在一起;但耶稣打发他回去,说:
39Dzokera kumba kwako, undotaura kuti zvikuru sei Mwari zvaaita kwauri. Akaenda, akaparidza muguta rose kuti zvikuru sei Jesu zvaakamuitira.
39“你回家去,述说 神为你作了怎样的事。”他就走遍全城,传讲耶稣为他作了怎样的事。
40Zvino zvakaitika kuti pakudzoka kwaJesu, chaunga chakamugamuchira; nekuti vose vakange vakamurindira.
40治好血漏病的女人(太9:18-22;可5:21-34)耶稣回来的时候,众人欢迎他,因为大家都在等着他。
41Zvino tarira, kwakasvika murume, zita rake rainzi Jairosi, iye wakange ari mukuru wesinagoge, ndokuwira patsoka dzaJesu, akamukumbirisa kuti apinde mumba make;
41那时,有一个人来了,名叫叶鲁,他是一位会堂主管。他俯伏在耶稣脚前,求他往他家里去,
42nekuti wakange ane mukunda wakaberekwa umwe woga wemakore anenge gumi nemaviri, uye iye wakange achitandadza. Zvino wakati achaenda, zvaunga zvikamumbandidzira.
42因为他的独生女,约十二岁,快要死了。耶稣去的时候,群众拥挤着他。
43Uye mukadzi, waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri, wakange apedzera zvose zveupenyu hwake kuvarapi, asingagoni kurapwa kwete neumwe.
43有一个女人,患了十二年的血漏病,在医生手里花尽了全部养生的(有些抄本无“在医生手里花尽了全部养生的”一句),没有一个能医好她。
44Akauya mushure make, akabata mupendero wenguvo yake; pakarepo kubuda kweropa kwake kukaguma.
44她从后面挤来,一摸耶稣的衣裳繸子,血就立刻止住。
45Jesu ndokuti: Ndiani wandibata? Zvino vose vakati vachiramba, Petro nevaiva naye vakati: Tenzi, chaunga chinokumbandidzirai nekukutsikirirai zvino moti: Ndiani wandibata?
45耶稣说:“摸我的是谁?”众人都不承认。彼得说:“主啊,众人都拥挤着你。”
46Asi Jesu wakati: Uripo wandibata; nekuti ini ndaziva kuti simba rabuda kwandiri.
46耶稣说:“必定有人摸我,因为我觉得有能力从我身上出去。”
47Zvino mukadzi wakati achiona kuti haana kuvanzika, akauya achibvunda, akawira pasi pamberi pake, akarondedzera kwaari pamberi pevanhu vose kuti wakamubata nechikonzero chipi, uye kuti wakaporeswa pakarepo sei.
47那女人见不能隐瞒,就战战兢兢地过来,向他俯伏,把摸他的缘故,和怎样立刻得到医治,在众人面前说出来。
48Zvino akati kwaari: Mukunda, tsunga moyo, rutendo rwako rwakuponesa; enda nerugare.
48耶稣对她说:“女儿,你的信使你痊愈了,平安地去吧!”
49Wakati achataura, kwakauya umwe achibva kumba kwemukuru wesinagoge, achiti kwaari: Mukunda wenyu wafa; musatambudza Mudzidzisi.
49使女孩复活(太9:23-26;可5:35-43)耶稣还在说话的时候,有人从会堂主管家里来,说:“你的女儿死了,不必再劳动老师了。”
50Asi Jesu wakati achinzwa, akamupindura, achiti: Usatya, tenda chete, uye uchaponeswa.
50耶稣听见就对他说:“不要怕,只要信,她必得痊愈。”
51Zvino wakati apinda mumba, haana kutendera munhu kupinda, kunze kwaPetro, naJakobho, naJohwani, nababa vemusikana, namai.
51到了那家,除了彼得、约翰、雅各和女孩的父母以外,他不准任何人同他进屋里去。
52Uye vose vakachema, vachimuririra. Asi wakati: Musachema, haana kufa, asi uvete.
52众人都在痛哭哀号,他说:“不要哭!她不是死了,而是睡着了。”
53Vakamuseka nekumhura, vachiziva kuti wafa.
53他们明知女孩已经死了,就嘲笑他。
54Asi wakavabudisira vose panze, akamubata ruoko, akadanidzira, achiti: Musikana, muka!
54他进去拉着女孩的手,叫她说:“孩子,起来!”
55Mweya wake ukadzoka, akamuka pakarepo; akaraira kuti apiwe chikafu.
55她的灵魂回来了,她就立刻起来。耶稣吩咐给她东西吃。
56Zvino vabereki vake vakavhiringidzika; asi wakavaraira kuti varege kuudza munhu zvakaitika.
56她父母非常惊奇。耶稣嘱咐他们不要把他所作的事告诉人。