Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Luke

7

1Zvino wakati apedza mashoko ake ose munzeve dzevanhu, akapinda muKapenaume.
1治好百夫长的仆人(太8:5-13)
2Zvino muranda weumwe mukuru wezana, waiva akakosha kwaari, wakange achirwara, achitandadza.
2有百夫长所重用的一个奴仆,病得快要死了。
3Zvino wakati anzwa zvaJesu, akatuma kwaari vakuru vevaJudha, achikumbira kuti auye aporese muranda wake.
3百夫长听见耶稣的事,就打发犹太人中几个长老到他那里,求他去医治他的奴仆。
4Zvino ivo vakati vachisvika kuna Jesu, vakamukumbirisa zvikuru, vachiti: Wakafanira kuti mumuitire izvozvi;
4长老们就来见耶稣,恳切地求他说:“你给他行这事,是他配得的,
5nekuti unoda rudzi rwedu, uye ndiye wakativakira sinagoge.
5因为他爱我们的人民,给我们建造会堂。”
6Zvino Jesu akaenda navo. Zvino apo akange asisiri kure neimba, mukuru wezana akatuma shamwari kwaari, achiti kwaari: Ishe, musazvitambudza; nekuti handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga remba yangu;
6耶稣就和他们同去。离那家不远的时候,百夫长派几个朋友来说:“主啊,不必劳驾,因为你到舍下来,我实在不敢当,
7naizvozvo handina kumbofunga ini pachangu ndakafanira kuuya kwamuri; asi taurai neshoko, muranda wangu uchaporeswa.
7我也觉得没有资格去见你;只要你说一句话,我的仆人就必好了。
8Nekuti iniwo ndiri munhu wakaiswa pasi pesimba, ndine mauto pasi pangu; ndinoti kune uyu: Enda, unoenda; uye kune umwe: Uya, unouya; nekumuranda wangu: Ita ichi, achiita.
8因为我自己是在别人的权下,也有兵在我以下;我对这个说:‘去!’他就去;对另一个说:‘来!’他就来;对我的仆人说:‘作这个!’他就作。”
9Jesu wakati anzwa zvinhu izvi, akashamisika naye, akatendeuka, akati kuchaunga chaimutevera: Ndinoti kwamuri: Handina kuwana rutendo rukuru rwakadai kunyange pakati paIsraeri.
9耶稣听见这些话,就很惊奇,转身对跟随的众人说:“我告诉你们,这样的信心,我在以色列中从来没有见过。”
10Zvino avo vakange vatumwa vodzokera kumba vakawana muranda airwara agwinya.
10奉派的人回到家里,见那奴仆已经好了。
11Zvino zvakaitika zuva raitevera, kuti wakaenda kuguta rainzi Naini; zvino vazhinji vevadzidzi vake nechaunga chikuru vakaenda naye.
11使拿因城寡妇的儿子复活后来耶稣往拿因城去,与他同去的有门徒和一大群人。
12Zvino, wakati achiswedera pasuwo reguta, zvino tarira, mushakabvu achibudiswa kunze, mwamakomana umwe woga wamai vake, uye ivo vaiva chirikadzi; nechaunga cheguta chakange chinaye.
12他走近城门的时候,有人把一个死人抬出来,是个独生子,他母亲又是个寡妇。城里有一大群人陪着她。
13Zvino Ishe wakati amuona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usachema.
13主看见了,就怜悯她,对她说:“不要哭!”
14Zvino akaswedera akabata uchanja; zvino vatakuri vakamira; akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka!
14于是上前按着杠子,抬的人就站住。他说:“青年人,我吩咐你起来!”
15Mushakabvu akamuka ndokugara, akatanga kutaura; akamupa kuna mai vake.
15那死人就坐起来,开口说话,耶稣就把他交给他母亲。
16Kutya ndokubata vose; vakarumbidza Mwari, vachiti: Muporofita mukuru wamuka pakati pedu; nekuti: Mwari washanyira vanhu vake.
16众人都惊惧,颂赞 神说:“有伟大的先知在我们中间兴起来了!”又说:“ 神眷顾他的子民了!”
17Zvino shoko rake rikabudira muJudhiya rose nenharaunda yose yakapoteredza.
17于是这话传遍了犹太和周围各地。
18Vadzidzi vaJohwani ndokumupira zvezvinhu izvozvi zvose.
18约翰派门徒去见耶稣(太11:2-6)约翰的门徒把这一切事告诉约翰。他就叫了两个门徒,
19Johwani akadanira kwaari vamwe vaviri vevadzidzi vake, akavatuma kuna Jesu achiti: Imwi ndimwi munouya here, kana tichakataririra umwe?
19差他们往主那里去,说:“你就是那位要来的,还是我们要等别人呢?”
20Zvino varume vakati vasvika kwaari, vakati: Johwani Mubhabhatidzi watituma kwamuri achiti: Ndimwi unouya here, kana titaririre umwe?
20两人来到耶稣跟前,说:“施洗的约翰差我们来问你:‘你就是那位要来的,还是我们要等别人呢?’”
21Zvino munguva iyoyo akaporesa vazhinji pazvifo neurwere, nepamweya yakaipa; nekumapofu mazhinji akapa kuona.
21就在那时候,耶稣治好许多患疾病的、遭灾难的、身上有污鬼附着的,并且施恩给瞎眼的,使他们看见。
22Zvino Jesu achipindura akati kwavari: Endai mundoudza Johwani zvamakaona nezvamakanzwa; zvekuti, mapofu anoonazve, vanokamhina vanofamba, vane maperembudzi vanonatsva, matsi dzinonzwa, vakafa vanomutswa, varombo vanoparidzirwa evhangeri.
22耶稣回答他们:“你们回去,把看见和听见的都告诉约翰,就是瞎的可以看见,跛的可以走路,患痲风的得到洁净,聋的可以听见,死人复活,穷人有福音听。
23Uye wakaropfadzwa ani nani usingagumbuswi neni.
23那不被我绊倒的,就有福了。”
24Zvino vatumwa vaJohwani vakati vabva, wakatanga kutaura kuzvaunga pamusoro paJohwani, achiti: Makabudira kurenje kunoonei? Rutsanga runozununguswa nemhepo here?
24耶稣论约翰(太11:7-19)约翰差来的人走了以后,耶稣对群众讲起约翰来,说:“你们到旷野去,是要看什么?被风吹动的芦苇吗?
25Asi makange mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vari munguvo dzinobwinya, vachirarama zvakanaka, vari mudzimba dzamadzimambo.
25你们出去到底要看什么?身穿华丽衣服的人吗?这些衣服华丽,生活奢侈的人,是在王宫里的。
26Asi makange mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange unopfuura zvikuru muporofita.
26那么,你们出去要看什么?先知吗?我告诉你们,是的。他比先知重要得多了。
27Uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake, zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, uchagadzira nzira yako pamberi pako.
27圣经所记:‘看哪,我差遣我的使者在你面前,他必在你前头预备你的道路’,这句话是指着他说的。
28Nekuti ndinoti kwamuri: Pakati pevakaberekwa nevakadzi, hakuna muporofita mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi; asi mudukusa muushe hwaMwari mukuru kwaari.
28我告诉你们,妇人所生的,没有一个比约翰更大,然而在 神的国里最小的比他还大。”
29Zvino vanhu vose vakati vachizvinzwa, nevateresi vakati Mwari wakarurama, zvavakange vabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwaJohwani.
29众人和税吏受过约翰的洗礼,听见这话,就称 神为义。
30Asi vaFarisi nenyanzvi dzemutemo vakaramba zano raMwari vachizvipikisa, vakasabhabhatidzwa naye.
30但法利赛人和律法师,未受过约翰的洗礼,就拒绝 神对他们的美意。
31Asi Ishe akati: Zvino vanhu vezera iri ndichavafananidza nei? Vakafanana nei?
31耶稣又说:“我要把这世代的人比作什么呢?他们好像什么呢?
32Vakafanana nevana vaduku vagere pamisika vachidanidzirana vachiti: Takakuridzirai nyere asi hamuna kutamba, takakuririrai asi hamuna kuchema.
32他们好像小孩子坐在巿中心,彼此呼叫,说:‘我们给你们吹笛子,你们却不跳舞;我们唱哀歌,你们也不啼哭。’
33Nekuti Johwani Mubhabhatidzi wakauya asingadyi chingwa kana kumwa waini, zvino moti: Une dhimoni;
33因为施洗的约翰来了,不吃饭,不喝酒,你们说他是鬼附的。
34Mwanakomana wemunhu wauya achidya, achimwa, zvino moti: Tarirai munhu wamakaro nemumwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi.
34人子来了,又吃又喝,你们说:‘你看,这人贪食好酒,与税吏和罪人为友。’
35Asi uchenjeri hwunonzi hwakarurama nevana vake vose.
35但 神的智慧,借着他的儿女就证实是公义的了。”
36Zvino umwe wevaFarisi wakamukumbira kuti adye naye; akapinda mumba momuFarisi, akagara pakudya.
36赦免犯了罪的女人(太26:6-13;可14:3-9;约12:1-8)有一个法利赛人,请耶稣同他吃饭,他就到法利赛人家去赴席。
37Zvino tarira, mukadzi muguta iro, waiva mutadzi, wakati aziva kuti ugere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chearibhasiteri chechizoro.
37那城里有一个女人,是个罪人,知道他在法利赛人家里吃饭,就拿着一瓶香膏,
38Akamira patsoka dzake mushure make achichema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi, akapusika nevhudzi remusoro wake, ndokutsvoda tsoka dzake ndokudzizodza nechizoro.
38站在耶稣背后,挨近他的脚哭,眼泪滴湿他的脚,又用自己的头发擦干,不住地吻他的脚,并且抹上香膏。
39Zvino muFarisi wakange amudana wakati achizviona, akataura mukati make, achiti: Uyu dai aiva muporofita, ungadai aiziva kuti ndiani, uye ndewakadini mukadzi unomubata, nekuti mutadzi.
39请他的法利赛人看见了,心里说:“这人若是先知,必定知道摸他的是谁,是怎样的女人,因为她是个罪人!”
40Jesu ndokupindura akati kwaari: Simoni, ndine chekutaura kwauri. Iye ndokuti: Mudzidzisi, revai.
40耶稣对他说:“西门,我有句话要对你说。”他说:“老师,请说。”
41Kwakange kune vakwereti vaviri kune umwe mukweretesi; umwe wakange ane chikwereti chamadhenari* anamazana mashanu, uye umwe makumi mashanu.
41耶稣说:“一个债主有两个债户,一个欠五百银币,一个欠五十。
42Vakati vasina chekuripisa, akangovakangamwira vari vaviri. Naizvozvo ndeupi wavo, taura, uchamuda kupfuura umwe?
42他们都无力偿还,债主就把两人豁免了。他们之中哪一个更爱他呢?”
43Simoni akapindura akati: Ndinofunga ndouyo waakakangamwira kupfuura umwe. Akati kwaari: Watonga zvakarurama.
43西门回答:“我想是那个多得恩免的。”耶稣说:“你判断对了。”
44Zvino akatendeukira kumukadzi, akati kuna Simoni: Unoona mukadzi uyu here? Ndapinda mumba mako, mvura yetsoka dzangu hauna kundipa; asi uyu wanyorevesa tsoka dzangu nemisodzi, akapusika nevhudzi remusoro wake.
44于是转身向着那女人,对西门说:“你看见这女人吗?我进了你的家,你没有给我水洗脚,但这女人用眼泪湿了我的脚,用头发擦干。
45Hauna kunditsvoda, asi iye chinguri chandapinda, haana kumira kutsvoda tsoka dzangu.
45你没有和我亲嘴;但这女人,自从我进来,就不住地亲我的脚。
46Nemafuta musoro wangu hauna kuuzodza; asi iye wazodza tsoka dzangu nechizoro.
46你没有用油抹我的头;但这女人用香膏抹我的脚。
47Naizvozvo, ndinoti kwauri: Zvivi zvake zvizhinji zvakangamwirwa, nekuti wada zvikuru; asi unokangamwirwa zvishoma, unoda zvishoma.
47所以我告诉你,她许多罪都蒙赦免了,因为她的爱多;那赦免少的,爱就少。”
48Zvino akati kwaari: Zvivi zvako zvakangamwirwa.
48耶稣就对她说:“你的罪赦免了。”
49Zvino avo vakange vagere pakudya naye vakatanga kureva mukati mavo, vachiti: Ndiani uyu unokangamwirawo zvivi?
49跟他一起吃饭的人心里说:“这是谁,竟然赦罪呢?”
50Akati kumukadzi: Rutendo rwako rwakuponesa; enda nerugare.
50耶稣对那女人说:“你的信救了你,平安地去吧!”