Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Luke

6

1Zvino zvakaitika nesabata rechipiri shure kwerekutanga, achigura nemuminda yezviyo, vadzidzi vake vatanha hura, vakadya, vachidzipukuta nemaoko.
1安息日的主(太12:1-8;可2:23-28)
2Asi vamwe vevaFarisi vakati kwavari: Munoitirei zvisiri pamutemo kuita nemasabata?
2有几个法利赛人说:“你们为什么作安息日不可作的事呢?”
3Zvino Jesu achivapindura, wakati: Hamuna kuverenga kunyange Dhavhidhi zvaakaita, paakange ava nenzara iye nevakange vanaye,
3耶稣回答:“大卫和跟他在一起的人,在饥饿的时候所作的,你们没有念过吗?
4kuti wakapinda sei mumba maMwari, akatora akadya zvingwa zvekuratidza, akapavo vakange vanaye; izvo zvisiri pamutemo kudyiwa asi nevapristi vega?
4他不是进了 神的殿,吃了陈设饼,也给跟他在一起的人吃吗?这饼除了祭司以外,别的人是不可以吃的。”
5Ndokuti kwavari: Mwanakomana wemunhu ndiIshe wesabatawo.
5他又对他们说:“人子是安息日的主。”
6Zvino zvakaitikawo nerimwe sabata kuti wakapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakange kune munhu ipapo weruoko rwake rwerudyi rwakawonyana.
6治好手枯的人(太12:9-14;可3:1-6)另一个安息日,耶稣进入会堂教导人,在那里有一个人,右手枯干,
7Vanyori nevaFarisi vakamutarisisa, kuona kana angaporesa nesabata, kuti vawane mhosva yavangamupomera.
7经学家和法利赛人要看他会不会在安息日治病,好找把柄控告他。
8Asi iye wakaziva mifungo yavo, akati kumunhu wakange ane ruoko rwakawonyana: Simuka, uende unomira pakati. Akasimuka akamira.
8耶稣知道他们的意念,就对那一只手枯干了的人说:“起来,站在当中!”那人就起来站着。
9Zvino Jesu akati kwavari: Ndichakubvunzai chimwe chinhu: Zviri pamutemo here nemasabata kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu kana kuparadza?
9耶稣对他们说:“我问你们:在安息日哪一样是可以作的呢:作好事还是坏事?救命还是害命?”
10Zvino akaringa-ringa kwavari vose, akati kumunhu: Tambanudza ruoko rwako. Akaita saizvozvo ruoko rwake rwukaporeswa rukagwinya serumwe.
10他环视周围所有的人,就对那人说:“伸出你的手来!”他把手一伸,手就复原了。
11Ivo vakazara neupengo; vakataurirana umwe neumwe, kuti vangamuitei Jesu.
11他们却大怒,彼此商议怎样对付耶稣。
12Zvino zvakaitika nemazuva iwayo kuti wakabuda akaenda kugomo kundonyengetera; agara usiku hwose mukunyengetera kuna Mwari.
12选立十二使徒(太10:2-4;可3:16-19。参徒1:13)在那些日子,有一次耶稣出去到山上祷告,整夜祷告 神。
13Zvino kwakati kwaedza, akadanira vadzidzi vake kwaari; akasanangura kwavari gumi nevaviri, vaakatumidzawo kuti vaapositori;
13天亮以后,他把门徒叫来,从他们中间挑选了十二个人,称他们为使徒,
14Simoni, waakatumidzawo Petro, naAndiriya munin'ina wake, Jakobho naJohwani, Firipi naBhatoromiyo,
14就是西门(又给他起名叫彼得),和他弟弟安得烈,以及雅各、约翰、腓力、巴多罗迈、
15Matewu naTomasi, Jakobho waArifiyosi, naSimoni wainzi Ziroti;
15马太、多马、亚勒腓的儿子雅各、称为激进派的西门、
16Judhasi waJakobho, naJudhasi Isikariyoti, wakazovawo mutengesi.
16雅各的儿子犹大,和出卖主的加略人犹大。
17Akaburuka navo, akamira pakaenzana, nechaunga chevadzidzi vake, nechaunga chikuru chavanhu vaibva Judhiya rose neJerusarema, nepagungwa reTire neSidoni, vakauya kuzomunzwa, nekuporeswa pazvifo zvavo;
17论福论祸(太5:1-12)耶稣和他们下了山,站在平地上,有一大群门徒同他在一起,又有一大批从犹太全地、耶路撒冷和推罗、西顿海边来的人。
18nevakange vachitambudziwa nemweya yetsvina, vakaporeswa.
18他们要听他讲道,也要他们的疾病得医好。还有一些被污灵缠扰的也痊愈了。
19Chaunga chose chikatsvaka kumubata; nekuti kwakabuda simba kwaari rikaporesa vose.
19群众都设法摸他,因为有能力从他身上出来,治好众人。
20Ndokusimudzira meso ake kuvadzidzi vake, akati: Makaropafadzwa varombo, nekuti ushe hwaMwari ndohwenyu.
20耶稣抬头看着门徒,说:“贫穷的人有福了,因为 神的国是你们的。
21Makaropafadzwa imwi munenzara zvino, nekuti muchagutiswa. Makaropafadzwa imwi munochema ikozvino, nekuti muchaseka.
21饥饿的人有福了,因为你们要得饱足。哀哭的人有福了,因为你们将要喜乐。
22Makaropafadzwa, kana vanhu vachikuvengai, uye kana vachikusarurai, vachikunyombai, vachirasha zita renyu serakashata, nekuda kweMwanakomana wemunhu.
22世人为人子的缘故憎恨你们、排斥你们、辱骂你们,弃绝你们的名好像弃绝恶物,你们就有福了。
23Farai nezuva iro, muuruke nemufaro; nekuti tarirai, mubairo wenyu mukuru kudenga; nekuti saizvozvo ndizvo zvakaita madzibaba avo kuvaporofita.
23那时你们应该欢喜跳跃,因为你们在天上的赏赐是大的,他们的祖先对待先知也是这样。
24Asi mune nhamo imwi vakafuma! Nekuti magamuchira nyaradzo yenyu.
24“然而你们富有的人有祸了,因为你们已经得了你们的安慰。
25Mune nhamo imwi munoguta! Nekuti muchanzwa nzara. Mune nhamo imwi munoseka zvino! Nekuti muchachema nekuwungudza.
25你们饱足的人有祸了,因为你们将要饥饿。你们喜乐的人有祸了,因为你们将要痛哭。
26Mune nhamo kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu! Nekuti madzibaba avo akaita saizvozvo kuvaporofita venhema.
26人都说你们好的时候,你们就有祸了,因为你们的祖先对待假先知也是这样。
27Asi ndinoti kwamuri munonzwa: Idai mhandu dzenyu, itai zvakanaka kune vanokuvengai,
27当爱仇敌(太5:39-42)“只是我告诉你们听道的人:当爱你们的仇敌,善待恨你们的人。
28ropafadzai vanokutukai, munyengeterere vanokubatai zvakaipa.
28咒诅你们的,要为他们祝福,凌辱你们的,要为他们祷告。
29Kune unokurova padama, umupe rimwewo; unokutorera nguvo yako, usarambidza neshati yako.
29有人打你一边的脸,把另一边也转给他打;有人拿你的外衣,连内衣也让他拿去。
30Asi upe umwe neumwe unokumbira kwauri; neunokutorera zvako, usazvirevazve.
30向你求的,就给他;有人拿去你的东西,不用再要回来。
31Sezvamunoda kuti vanhu vaite kwamuri, imwi muvaitirewo saizvozvo.
31你们愿意人怎样待你们,你们就应当怎样待人。
32Uye kana muchida avo vanokudai, mune kuvongwa kwakadini? Nekuti vatadziwo vanoda vanovada.
32如果单爱那些爱你们的人,那有什么好处呢?罪人也爱那些爱他们的人。
33Uye kana muchiitira zvakanaka kune avo vanokuitirai zvakanaka, mune kuvongwa kwakadini? Nekuti vatadzi vanoitawo izvozvo.
33如果只善待那些善待你们的人,那有什么好处呢?罪人也会这样行。
34Uye kana muchikweretesa vamunotarisira kugamuchira kwavari, mune kuvongwa kwakadini? Nekuti vatadzi vanokweretesawo vatadzi, kuti vagamuchirezve zvakaenzana nazvo.
34如果借给人,又指望向人收回,那有什么好处呢?罪人也借给罪人,要如数收回。
35Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka, mukweretese musingatarisirizve chinhu; zvino mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vana veWokumusoro-soro; nekuti iye unemoyo munyoro kune vasingavongi nevakaipa.
35你们要爱仇敌,善待他们;借出去,不要指望偿还;这样你们的赏赐就大了,你们也必作至高者的儿子,因为 神自己也宽待忘恩的和恶人。
36Naizvozvo ivai netsitsi, sababa venyuwo vane tsitsi.
36你们要仁慈像你们的父仁慈一样。
37Musatonga, mugorega kutongwawo; musapa mhosva, mugorega kupiwawo mhosva; regererai, mugoregererwawo.
37不可判断(太7:1-5)“你们不要判断人,就必不受判断;不要定人的罪,就必不被定罪;要饶恕人,就必蒙饶恕;
38Ipai, mugopiwawo; chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, nekuzunguzirwa, chinopfachukira vachakupai pachifuva chenyu. Nekuti nechiyero ichocho chamunoyera nacho muchayerwa nacho zvekare.
38要给人,就必有给你们的;并且要用十足的升斗,连按带摇,上尖下流地倒在你们怀里;因为你们用什么升斗量给人,就必用什么升斗量给你们。”
39Akataura mufananidzo kwavari akati: Kuti bofu ringatungamirira bofu here? Ko haangawiri mugomba ari maviri here?
39耶稣又用比喻对他们说:“瞎子怎能给瞎子领路呢?两个人不都要掉在坑里吗?
40Mudzidzi haasi pamusoro pemudzidzisi wake; asi umwe neumwe kana apedzeredzwa uchava semudzidzisi wake.
40学生不能胜过老师,所有学成的,不过和老师一样。
41Uye unotarirei rubanzu ruri muziso reumwe wako, asi danda riri muziso rako pachako haurinanzereri?
41为什么看得见你弟兄眼中的木屑,却想不到自己眼中的梁木呢?
42Kana unogona kureva sei kune umwe wako, uchiti: Umwe wangu, rega ndibudise rubanzu ruri muziso rako, iwe pachako usingaoni danda riri muziso rako? Iwe munyepedzeri, budisa pakutanga danda kubva muziso rako, zvino ipapo uchaona zvakanaka kubudisa rubanzu ruri muziso reumwe wako.
42你不看见自己眼中的梁木,怎能对你弟兄说:‘弟兄,容我除去你眼中的木屑’呢?伪君子啊!先去掉自己眼中的梁木,才能看得清楚,好去掉弟兄眼中的木屑。
43Nekuti hausi muti wakanaka unobereka chibereko chakaipa; kana muti wakaipa unobereka chibereko chakanaka.
43坏树不能结好果子(太7:16-20,12:33-35)“因为好树不能结坏果子,坏树不能结好果子。
44Nekuti muti umwe neumwe unozikamwa nechibereko chawo pachawo. Nekuti pamhinzwa, havatanhi maonde, kana parukato kutanha mazambiringa.
44凭着果子就可以认出树来。人不能从荆棘上采无花果,也不能从蒺藜里摘葡萄。
45Munhu wakanaka kubva pafuma yakanaka yemoyo wake unobudisa zvakanaka, nemunhu wakaipa kubva pafuma yakaipa yemoyo wake unobudisa zvakaipa; nekuti kubva pazvizere mumoyo make muromo wake unotaura.
45良善的人从心中所存的良善发出良善,邪恶的人从心中所存的邪恶发出邪恶;因为心中所充满的,口里就说出来。
46Zvino munondiidzirei Ishe, Ishe, musingaiti zvinhu zvandinoreva?
46听道要行道(太7:24-27)“你们为什么称呼我‘主啊!主啊!’却不遵行我的吩咐呢?
47Ani nani unouya kwandiri akanzwa mashoko angu akaaita, ndichakuratidzai kuti wakafanana nani;
47每一个到我跟前,听我的话并且去行的,我要指示你们他像什么人。
48wakafanana nemunhu wakavaka imba, akachera akadzikisa, akateya nheyo paruware; zvino mafashame akati auya, rukova rukarova zvine simba paimba iyo, rukasagona kuizunungusa; nekuti yakange yakateyiwa paruware.
48他像一个人建造房屋,挖深了地,把根基建在磐石上。大水泛滥的时候,急流冲击那房屋,不能使它动摇,因为它建造得好。
49Asi unonzwa asingaiti, wakafanana nemunhu wakavaka imba pavhu isina nheyo; ipo rukova rwakarova nesimba, pakarepo ikawa, kuwa kweimba iyo kukava kukuru.
49但那听见而不遵行的,就像人在地上建屋,没有根基,急流一冲,就立刻倒塌,毁坏得很厉害。”