1Zvino zvakaitika kuti chaunga chakati chichimumbandidzira kuti vanzwe shoko raMwari, iye akamira parutivi rwegungwa reGenesareti;
1呼召四个门徒(太4:18-22;可1:16-20;约1:40-42)
2akaona zvikepe zviviri zvimire parutivi rwegungwa; asi varedzi vakange vabuda mazviri vachisuka mimbure.
2他看见两只船停在湖边,渔夫离开船洗网去了。
3Akapinda mune chimwe chezvikepe chaiva chaSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pavhu zvishoma. Ndokubva agara pasi, akadzidzisa zvaunga ari muchikepe.
3他上了西门的那一只船,请他撑开,离岸不远,就坐下,从船上教导众人。
4Zvino wakati amira kutaura, akati kuna Simoni: Pinda kwakadzika udzikise mimbure yenyu kuti ubate.
4讲完了,就对西门说:“把船开到水深的地方,下网打鱼!”
5Simoni akapindura, akati kwaari: Tenzi, tafondoka usiku hwose hwakazara, tikasabata chinhu, asi zvamadaro, ndichadzikisa mumbure.
5西门说:“主啊,我们整夜劳苦,毫无所得,不过,我愿照你的话下网。”
6Vakati vaita izvozvi, vakakomba dutu rehove zhinji; mumbure wavo ukange wobvaruka.
6他们下了网,就圈住很多鱼,网几乎裂开,
7Vakaninira vamwe vavo vakange vari mune chimwe chikepe, kuti vauye vazovabatsira; vakauya vakazadza zvikepe zviri zviviri, zvekuti zvakatanga kunyura.
7就招呼另外那只船上的同伴来帮助,他们就来把两只船装满,甚至船要下沉。
8Zvino Simoni Petro wakati achiona, akawira pasi pamabvi aJesu, achiti: Ibvai kwandiri, Ishe, nekuti ndiri munhu mutadzi.
8西门.彼得看见这种情景,就俯伏在耶稣膝前,说:“主啊,离开我,因为我是个罪人。”
9Nekuti kushamisika kwakange kwamubata, nevose vakange vanaye, nekubatwa kwehove dzavakange vabata;
9他和跟他在一起的人,因这网所打的鱼,都十分惊骇。
10saizvozvowo Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vaiva vadyidzani naSimoni. Jesu ndokuti kuna Simoni: Usatya, kubva zvino ucharedza vanhu.
10西门的伙伴,西庇太的儿子雅各、约翰也是这样。耶稣对西门说:“不要怕!从今以后,你要作得人的渔夫了。”
11Zvino, vakati vaisa zvikepe kunyika, vakasiya zvose vakamutevera.
11他们把两只船拢了岸,撇下一切,跟从了耶稣。
12Zvino zvakaitika, ari kune rimwe remaguta, tarira, murume azere maperembudzi; wakati achiona Jesu akawa nechiso, ndokumugombetedza, achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.
12治好痲风病人(太8:2-4;可1:40-45)有一次,耶稣在一个城里,突然有一个满身痲风的人看见他,就把脸伏在地上,求他说:“主啊!如果你肯,必能使我洁净。”
13Ndokubva atambanudza ruoko, akamubata, achiti: Ndinoda, chinatswa. Pakarepo maperembudzi akabva kwaari.
13耶稣伸手摸他,说:“我肯,你洁净了吧!”痲风立刻离开了他。
14Iye akamuraira kuti asaudza munhu; akati: Asi enda undozviratidza kumupristi, ubayire pakunatswa kwako, Mozisi sezvaakaraira, chive chapupu kwavari.
14耶稣嘱咐他不可告诉任何人,“你只要去给祭司检查,并且照着摩西所规定的,为你得洁净献祭,好向大家作证。”
15Asi shoko pamusoro pake rakanyanya kupararira; zvaunga zvikuru zvikaungana kuzonzwa, nekuporeswa naye pazvifo zvavo.
15但他的名声却越发传扬出去,成群的人来聚集,要听道,并且要使他们的疾病痊愈。
16Asi iye waienda kumarenje achinonyengetera.
16耶稣却退到旷野去祷告。
17Zvino zvakaitika nerimwe ramazuva, iye paakange achidzidzisa; zvino vaFarisi nevadzidzisi vemurairo vakange vagerepo, vaibva kumisha yese yeGarirea neJudhiya neJerusarema; nesimba raIshe rakange riripo kuvaporesa.
17治好瘫子(太9:2-8;可2:3-12)有一天,耶稣正在教导人,法利赛人和律法教师也坐在那里,他们是从加利利和犹太各乡村,并耶路撒冷来的;主的能力与他同在,叫他能医病。
18Uye tarira, varume vakange vakatakura munhu pauchanja wakange akafa mitezo; vakatsvaka kumupinza vaise pamberi pake.
18有人用床抬着一个瘫子,想送进去,放在耶稣跟前。
19Zvino, vakati vachishaiwa pavangamupinza napo nekuda kwechaunga, vakakwira padenga peimba, vakamuburusira pasi pakati neuchanja hwake, nemumapfuriro pamberi paJesu.
19因为人多,没有办法进去,就上了房顶,从瓦间把瘫子和床往当中缒下去,正在耶稣跟前。
20Iye wakati aona rutendo rwavo, akati kwaari: Munhu, zvivi zvako wazvikangamwirwa.
20他看见他们的信心,就说:“朋友(“朋友”原文作“人”),你的罪赦了。”
21Zvino vanyori nevaFarisi vakatanga kufunga, vachiti: Ndiani uyu unotaura kunyomba? Ndiani unogona kukangamwira zvivi, kunze kwaMwari oga?
21经学家和法利赛人就议论起来,说:“这人是谁,竟然说僭妄的话?除 神一位以外,谁能赦罪呢?”
22Zvino Jesu paakaziva mifungo yavo, akapindura, akati kwavari: Munofungei mumoyo yenyu?
22耶稣知道他们的议论,就对他们说:“你们心里为什么议论呢?
23Chii chakareruka, kuti: Zvivi zvako wazviregererwa; kana kuti: Simuka, ufambe?
23说:‘你的罪赦了’,或说:‘起来行走’,哪一样容易呢?
24Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu une simba panyika rekuregerera zvivi (akati kune wakange akafa mitezo): Ndinoti kwauri: Simuka, utore uchanja hwako, uende kumba kwako.
24然而为了要你们知道,人子在地上有赦罪的权柄,(他就对瘫子说:)我吩咐你,起来,拿起你的床,回家去吧。”
25Pakarepo akasimuka pamberi pavo, akatora chaakange avete pachiri, akaenda kumba kwake, achirumbidza Mwari.
25那人立刻当众起来,拿着他躺过的床,颂赞 神,回家去了。
26Kuvhiringidzika kukabata vose, vakarumbidza Mwari, vakazadzwa nekutya, vachiti: Taona chisionekwe nhasi.
26众人都惊奇,颂赞 神,并且十分惧怕,说:“我们今天看见了不平常的事。”
27Zvino shure kwezvinhu izvi wakabuda, akaona muteresi, wainzi Revhi, agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere.
27呼召利未(太9:9-13;可2:14-17)事后,耶稣出去,看见一个税吏,名叫利未,坐在税关那里,就对他说:“来跟从我!”
28Ndokubva asiya zvose, akasimuka akamutevera.
28他就撇下一切,起来跟从了耶稣。
29Revhi ndokumuitira mabiko makuru mumba make; kukavapo chaunga chikuru chavateresi nevamwe vakange vagere navo pakudya.
29利未在自己家里,为他大摆筵席,有许多税吏和别的人一起吃饭。
30Asi vanyori vavo nevaFarisi vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti: Nemhaka yei muchidya nekunwa nevateresi nevatadzi?
30法利赛人和经学家埋怨他的门徒,说:“你们为什么跟税吏和罪人一起吃喝呢?”
31Jesu achipindura akati kwavari: Vakagwinya havadi murapi, asi avo vanorwara.
31耶稣回答:“健康的人不需要医生,有病的人才需要。
32Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi vauye mukutendeuka.
32我来不是要召义人,而是要召罪人悔改。”
33Zvino vakati kwaari: Nemhaka yei vadzidzi vaJohwani vachitsanya kazhinji, vachiita minyengetero, uye saizvozvo vevaFarisi, asi venyu vanodya nekunwa?
33新旧的比喻(太9:14-17;可2:18-22)他们说:“约翰的门徒常常禁食、祈祷,法利赛人的门徒也是这样,而你的门徒却又吃又喝。”
34Asi wakati kwavari: Munogona kutsanyisa vana veimba yemuchato muwani achiri kwavari here?
34耶稣说:“新郎跟宾客在一起的时候,你们怎么可以叫宾客禁食呢?
35Asi mazuva achasvika, apo muwani achabviswa kwavari, ipapo vachatsanya nemazuva iwayo.
35但日子到了,新郎要被取去,离开他们,那一天他们就要禁食了。”
36Akataurawo mufananidzo kwavari, akati: Hakuna munhu unoisa chigamba chemucheka mutsva panguvo sharu; kana zvakasadaro naichowo chitsva chinobvarura, nechigamba chemucheka mutsva hachipindirani nesharu.
36他又对他们设个比喻说:“没有人会从新衣服撕下一块布,补在旧衣服上,如果这样,不但新衣服撕破了,而且新撕下的布,也和旧的不调和。
37Uye hakuna munhu unodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvakasadaro, waini itsva ichaparusa hombodo iyo ikateuka, uye hombodo dzikaparara.
37也没有人会把新酒装在旧皮袋里;如果这样,新酒就会把皮袋胀破,不但酒漏掉,皮袋也损坏了;
38Asi waini itsva inofanira kuiswa muhombodo itsva, zvichengetedzeke zviri zviviri.
38人总是把新酒装在新皮袋里。
39Uye hakuna munhu unoti kana amwa waini sharu pakarepo akashuva itsva; nekuti unoti: Sharu iri nani.
39喝惯陈酒的人,就不想喝新酒,他总说陈的好。”