1Zvino Jesu azere neMweya Mutsvene wakadzoka achibva paJoridhani, akatungamirirwa neMweya kurenje,
1耶稣受试探(太4:1-11;可1:12-13)
2achiidzwa nadhiabhorosi mazuva makumi mana. Uye wakange asingadyi chinhu nemazuva iwayo; zvino akati apera pakupedzisira akazonzwa nzara.
2那些日子他什么也没有吃,日子满了他就饿了。
3Zvino dhiabhorosi akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, udza ibwe iri kuti rive chingwa.
3魔鬼对他说:“你若是 神的儿子,就吩咐这块石头变成食物吧!”
4Jesu akamupindura, achiti: Kwakanyorwa kuti: Munhu haangararami nechingwa chete, asi neshoko rimwe nerimwe raMwari.
4耶稣回答:“经上记着:‘人活着不是单靠食物。’”
5Dhiabhorosi ndokumutora akamutungamidza pagomo refu, akamuratidza ushe hwose hwenyika nechinguvana.
5魔鬼引他上到高处,霎时间把天下万国指给他看,
6Dhiabhorosi ndokuti kwaari: Simba iri rose ndichakupa nekukudzwa kwahwo, nekuti ndakaripiwa ini, uye ndinoripa ani nani wandinoda.
6对他说:“这一切权柄、荣华,我都可以给你;因为这些都交给了我,我愿意给谁就给谁。
7Naizvozvo iwe kana ukandishumira pamberi pangu, zvose zvichava zvako.
7所以,只要你在我面前拜一拜,这一切就全是你的了。”
8Jesu akapindura akati kwaari: Ibva shure kwangu, Satani; nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchamata Ishe, Mwari wako, uye umushumire iye oga.
8耶稣回答:“经上记着:‘当拜主你的 神,单要事奉他。’”
9Akaenda naye kuJerusarema, akamuisa pachiruvu chetembere, akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano;
9魔鬼又引他到耶路撒冷,叫他站在殿顶上,对他说:“你若是 神的儿子,就从这里跳下去吧!
10nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Ucharaira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;
10因为经上记着:‘他为了你,会吩咐自己的使者保护你。’
11uye: Pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe.
11又记着:‘用手托住你,免得你的脚碰到石头。’”
12Jesu achipindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe Mwari wako.
12耶稣回答:“经上说:‘不可试探主你的 神。’”
13Dhiabhorosi akati apedza muedzo wose, akabva kwaari kusvikira pane imwe nguva.
13魔鬼用尽了各种试探,就暂时离开了耶稣。
14Zvino Jesu wakadzokera kuGarirea nesimba reMweya; mukurumbira wake ukabudira kudunhu rose rakapoteredza.
14在加利利传道(太4:12-17;可1:14-15)耶稣带着圣灵的能力,回到加利利。他的名声传遍了周围各地。
15Iye ndokudzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa nevose.
15他在各会堂里教导人,很受众人的尊崇。
16Akasvika paNazareta, paakange arerwa; netsika yake wakapinda musinagoge nemusi wesabata, akasimuka kuti averenge.
16在本乡遭人厌弃(太13:53-58;可6:1-6)耶稣来到拿撒勒自己长大的地方,照着习惯在安息日进入会堂,站起来要读经。
17Akapiwa rugwaro rwomuporofita Isaya. Zvino wakati avhura rugwaro, akawana nzvimbo pakange pakanyorwa kuti:
17有人把以赛亚先知的书递给他,他展开书卷找到一处,上面写着:
18Mweya waIshe uri pamusoro pangu, nekuti wakandizodza, kuti ndiparidzire evhangeri kuvarombo; wakandituma kuti ndiporese vakavodzwa moyo, kuparidza kusunungurwa kuna vakatapwa, nekuona kumapofu, ndisunungure vakatsikirirwa,
18“主的灵在我身上,因为他膏我去传福音给贫穷的人,差遣我去宣告被掳的得释放,瞎眼的得看见,受压制的得自由,
19nekudanidzira gore rakanaka raIshe.
19又宣告主悦纳人的禧年。”
20Akapeta rugwaro, akadzosera kumuranda, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamudzvokora.
20他把书卷卷好,交还侍役,就坐下。会堂里众人都注视他。
21Zvino akatanga kuti kwavari: Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.
21他就对他们说:“这段经文今天应验在你们中间(“中间”原文作“耳中”)了。”
22Vose vakapupura nezvake, vakashamisika nemashoko enyasha akabuda mumuromo make, vakati: Uyu haazi mwanakomana waJosefa here?
22众人称赞他,希奇他口中所出的恩言,并且说:“这不是约瑟的儿子吗?”
23Akati kwavari: Zvirokwazvo muchataura kwandiri dimikira iri: Murapi, zvirape iwe; zvose zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaumi, zviitewo muno munyika yekwako.
23他说:“你们必向我说这俗语:‘医生,治好你自己吧!’也必说:‘我们听见你在迦百农所行的一切事,也该在你本乡这里行啊!’”
24Iye ndokuti: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakuna muporofita unogamuchirwa munyika yekwake.
24他又说:“我实在告诉你们,没有先知在他本乡是受欢迎的。
25Asi chokwadi ndinoti kwamuri: Chirikadzi zhinji dzaivako kuna Israeri pamazuva aEria, apo denga rakavharwa makore matatu nemwedzi mitanhatu, kusvikira kwava nenzara huru panyika yose;
25我对你们说实话,当以利亚的时候,三年六个月不下雨(“不下雨”原文作“天闭塞”),遍地大起饥荒,那时以色列中有许多寡妇,
26asi Eria haana kutumwa kune umwe wavo, kunze kwekuSarepita yeSidhoni, kumukadzi chirikadzi.
26以利亚没有奉差遣往他们中间任何一个那里去,只到西顿撒勒法的一个寡妇那里。
27Uye vanemaperembudzi vazhinji vaivako kuna Israeri panguva yemuporofita Erisha; asi hakuna umwe wavo wakanatswa, kunze kwaNaamani muSiria.
27以利沙先知的时候,以色列中有许多患痲风的人,其中除了叙利亚的乃缦,没有一个得洁净的。”
28Ipapo vose vakange vari musinagoge vakazara nehasha, vachinzwa zvinhu izvi.
28会堂里的众人听见这话,都怒气填胸,
29Ndokusimuka, vakamusundidzira kunze kweguta, vakamutinha kusvika pamawere pegomo, pakange pakavakwa guta ravo, kuti vamuposhera pasi.
29起来赶他出城(这城原来建在山上),他们拉他到山崖,要把他推下去。
30Asi iye wakapfuura nepakati pavo akaenda.
30耶稣却从他们中间走过,就离去了。
31Wakabva aburukira Kapenaume, guta reGarirea; uye waivadzidzisa nemasabata.
31在迦百农赶出污灵(可1:21-28)耶稣下到加利利的迦百农城,在安息日教导人。
32Vakashamisika nedzidziso yake, nekuti shoko rake rakange rine simba.
32他们对他的教训都很惊奇,因为他的话带着权柄。
33Zvino musinagoge makange mune munhu waiva ane mweya wedhimoni retsvina; akadanidzira nenzwi guru,
33会堂里有一个被污鬼附着的人,大声喊叫:
34akati: Regai! Tinei nemwi Jesu muNazareta? Mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.
34“哎!拿撒勒人耶稣,我们跟你有什么关系呢?你来毁灭我们吗?我知道你是谁,你是 神的圣者。”
35Zvino Jesu akautsiura, achiti: Nyarara, ubude kwaari! Dhimoni rakati ramuwisira pakati, rikabuda kwaari, risina kumukuvadza.
35耶稣斥责他说:“住口!从他身上出来!”鬼把那人摔倒在众人中间,就从他身上出来了,没有伤害他。
36Kushamisika kukavasvikira vose, vakataurirana, vachiti: Ishoko ripi iri? Nekuti nesimba nechikuriri unoraira mweya yetsvina, ikabuda.
36众人都惊骇,彼此谈论说:“这是怎么回事?他用权柄能力吩咐污灵,污灵竟出来了。”
37Mukurumbira wake ukabuda kunzvimbo dzose dzedunhu rakapoteredza.
37耶稣的名声,传遍了周围各地。
38Zvino wakasimuka akabuda musinagoge, akapinda mumba maSimoni; zvino mbuyawasha vaSimoni vakange vakabatwa nefivhiri huru; vakamukumbirira kwaari.
38治病赶鬼(太8:14-17;可1:29-34)他起身离开会堂,进入西门的家。西门的岳母正在发高热,他们为她求耶稣。
39Zvino akakotamira pamusoro pavo, akatsiura fivhiri, ikavarega; uye pakarepo vakasimuka vakavashandira.
39耶稣站在她旁边,斥责那热病,热就退了;她立刻起身服事他们。
40Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva nevarwere vezvirwere zvakasiyana siyana vakavauyisa kwaari; akaisa maoko pamusoro peumwe neumwe wavo akavaporesa.
40日落的时候,不论害什么病的人,都被带到耶稣那里;他一一为他们按手,医好他们。
41Nemadhimoni akabuda kuvazhinji, achidanidzira achiti: Imwi muri Kristu Mwanakomana waMwari. Akaatsiura akasaatendera kutaura, nekuti akange achiziva kuti ndiKristu.
41又有鬼从好些人身上出来,喊着说:“你是 神的儿子。”耶稣斥责他们,不许他们说话,因为他们知道他是基督。
42Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kunzvimbo yerenje, zvaunga zvikamutsvaka, zvikauya kwaari, zvikamudzivirira kuti arege kubva kwazviri.
42往别的城传道(可1:35-39)天一亮,耶稣出来,到旷野地方去。众人寻找他,一直找到他那里,要留住他,不要他离开他们。
43Asi wakati kwavari: Ndinofanira kuparidzira evhangeri yeushe hwaMwari kumamwe magutawo; nekuti ndizvo zvandakatumirwa.
43他却说:“我也必须到别的城去传 神国的福音,因为我是为了这缘故奉差遣的。”
44Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.
44于是他往犹太的各会堂去传道。