Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Mark

11

1Vakati vasvika pedo neJerusarema, paBhetifage neBhetaniya, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vevadzidzi vake,
1骑驴进耶路撒冷(太21:1-9;路19:28-38;约12:12-15)
2akati kwavari: Fambai muende kumusha wakatarisana nemwi; pakarepo kana muchangopinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina munhu wakamborigara; murisunugure, mugouya naro.
2对他们说:“你们往对面的村子里去,一进去,就会看见一头小驴拴在那里,是没有人骑过的,把它解开牵来。
3Kana munhu akati kwamuri: Munoitirei izvi? Muti: Ishe unorida. Pakarepo ucharitumira pano.
3如果有人问你们:‘为什么这样作?’你们就说:‘主需要它,并且很快会送还到这里来。’”
4Vakaenda, vakanowana dhongwana rakasungirwa pamukova kunze, panzira yemumusha; vakarisunungura.
4门徒去了,就发现一头小驴,拴在门外的街上,就把它解开。
5Vamwe vevakange vamirepo vakati kwavari: Munoitei muchisunungura dhongwana?
5站在那里的人有的问他们说:“你们为什么解它?”
6Vakavaudza Jesu sezvaakaraira; vakavarega vachiinda.
6门徒照着耶稣所说的话回答他们,那些人就让他们牵走了。
7Zvino vakauya nedhongwana kuna Jesu, vakakandira nguvo dzavo pamusoro paro, akagara pamusoro paro.
7门徒把小驴牵到耶稣那里,把自己的衣服搭在上面,耶稣就骑了上去。
8Nevazhinji vakawarira nguvo dzavo munzira, nevamwe vakatema masanzu vakawarira munzira.
8许多人把衣服铺在路上,还有人从田野里砍了些树枝也铺在路上。
9Zvino avo vakange vachitungamira nevakange vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa unouya muzita raIshe;
9前行后随的人都喊着说:“‘和散那’,奉主名来的是应当称颂的!
10hwakaropafadzwa ushe hwaBaba vedu Dhavhidhi, hunouya muzita raIshe! Hosana* kumusoro-soro!
10那将要来临的,我们祖先大卫的国是应当称颂的!高天之上当唱‘和散那’!”
11Jesu ndokupinda muJerusarema, nemutembere; akati aringa-ringa zvinhu zvose, yava nguva yemadekwani, akabuda, akaenda Bhetaniya nevanegumi nevaviri.
11耶稣到了耶路撒冷,进入圣殿,察看了一切,因为时候已经不早,就和十二门徒出城往伯大尼去。
12Uye mangwana vachibuda Bhetaniya, akanzwa nzara.
12咒诅无花果树(太21:18-19)第二天他们从伯大尼出来,耶稣饿了。
13Wakati achiona muonde uri kure, une mashizha, akaendako achiti zvimwe angawana chinhu pauri; asi asvika pauri haana kuwana chinhu kunze kwemashizha; nekuti yakange isiri nguva yemaonde.
13他远远看见一棵长满了叶子的无花果树,就走过去,看看是否可以在树上找到什么。到了树下,除了叶子什么也找不着,因为这不是收无花果的时候。
14Zvino Jesu akapindura, akati kwauri: Kusava nemunhu unozodya zvibereko pauri kubva zvino kusvika kusingaperi. Vadzidzi vake vakazvinzwa.
14耶稣对树说:“永远再没有人吃你的果子了!”他的门徒也听见了。
15Vakasvika kuJerusarema; Jesu akapinda mutembere, akatanga kudzingira panze avo vaitengesa nevaitenga mutembere; akapidigura matafura evaitsinhanisa mari, nezvigaro zvaivo vaitengesa njiva.
15洁净圣殿(太21:12-17、20-22;路19:45-47;约2:13-16)他们来到耶路撒冷。耶稣进了圣殿,就把殿里作买卖的人赶走,又推倒找换银钱的人的桌子,和卖鸽子的人的凳子;
16Zvino akasatendera kuti munhu atakure mudziyo achipfuura nemutembere.
16不许人拿着器皿穿过圣殿。
17Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yekunyengetera yemarudzi ose? Asi imwi makaiita bako remakororo.
17他又教训众人说:“经上不是写着‘我的殿要称为万国祷告的殿’吗?你们竟把它弄成贼窝了。”
18Zvino vanyori nevapristi vakuru vakazvinzwa, vakatsvaka kuti vangamuparadza sei; nekuti vakange vachimutya, nekuti chaunga chose chakashamisika nedzidziso yake.
18祭司长和经学家听见了,就想办法怎样除掉耶稣,却又怕他,因为群众都希奇他的教训。
19Zvino ava madekwana, wakabuda kunze kweguta.
19到了晚上,他们就到城外去。
20Zvino mangwanani-ngwanani vakati vachipfuura, vakaona muonde waoma kubva pamidzi.
20早晨,他们经过的时候,看见那棵无花果树连根都枯萎了。
21Petro akarangarira akati kwaari: Rabhi*, tarirai muonde wamakapa rushambwa wawoma.
21彼得想起来就对耶稣说:“拉比,请看,你所咒诅的无花果树,已经枯萎了。”
22Jesu akapindura akati kwavari: Ivai nerutendo kuna Mwari.
22耶稣回答他们:“你们对 神要有信心(“你们对 神要有信心”有些抄本作“如果你们对 神有信心”)。
23Nekuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe neumwe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe mugungwa, asingakononi mumoyo make, asi achitenda kuti zvinhu zvaanoreva zvichaitika, zvichaitika kwaari chero zvaanoreva.
23我实在告诉你们,无论什么人对这座山说‘移开,投到海里’,只要他心里不怀疑,相信他所说的一定能够成就,就必给他成就。
24Naizvozvo ndinoti kwamuri: Zvinhu zvose chero zvamunokumbira muchinyengetera, tendai kuti muchagamuchira, uye zvichava zvenyu.
24所以我告诉你们,凡是你们祷告祈求的,只要相信能够得到,就必得到。
25Kana mumire muchinyengetera, kangamwirai kana mune chakanangana neumwe; kuti Baba venyuwo vari kumatenga vakukangamwirei kudarika kwenyu.
25你们站着祷告的时候,如果有谁得罪了你们,就该饶恕他,好使你们的天父也饶恕你们的过犯。”
26Asi kana imwi musingakangamwiri Baba venyu vari kumatenga havakangamwiriwo kudarika kwenyu.
26(有些抄本有第26节:“如果你们不饶恕人,你们的天父也必不饶恕你们的过犯。”)
27Vakasvikazve kuJerusarema; zvino wakati achifamba mutembere, vapristi vakuru nevanyori nevakuru vakauya kwaari,
27质问耶稣凭什么权柄作事(太21:23-27;路20:1-8)他们又来到耶路撒冷。耶稣在殿里行走的时候,祭司长、经学家和长老来到他跟前,
28zvino vakati kwaari: Unoita zvinhu izvozvi nemasimba api; ndiani wakakupa masimba awa aunoita nawo zvinhu izvi?
28问他:“你凭什么权柄作这些事?谁给你权柄作这些事?”
29Jesu akapindura akati kwavari: Iniwo ndichakubvunzai mubvunzo umwe, mundipindure, neni ndichakuudzai kuti ndinoita zvinhu izvozvi nemasimba api.
29耶稣对他们说:“我要问你们一句话,你们回答了我,我就告诉你们我凭什么权柄作这些事。
30Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu? Ndipindurei.
30约翰的洗礼是从天上来的,还是从人来的呢?你们回答我吧。”
31Vakaonesana, vachiti: Kana tikati: Kudenga, uchati: Makagoregerei kumutenda?
31他们就彼此议论:“如果我们说‘是从天上来的’,他就会说‘那你们为什么不信他呢?’
32Asi kana tikati: Kuvanhu; vakange vachitya vanhu; nekuti vose vakange vachiverenga Johwani kuti muporofita zvirokwazvo.
32如果我们说‘是从人来的’......”他们害怕群众,因为众人都认为约翰的确是先知。
33Vakapindura vachiti kuna Jesu: Hatizivi. Jesu akapindura akati kwavari: Ini handingakuudziyiwo kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.
33于是他们回答耶稣:“我们不知道。”耶稣对他们说:“我也不告诉你们我凭什么权柄作这些事。”