Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Mark

12

1Zvino wakatanga kutaura kwavari nemifananidzo, achiti: Munhu wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini, akavaka shongwe, akauhaisa* kuvarimi, ndokuenda parwendo.
1佃户的比喻(太21:33-46;路20:9-19)
2Nenguva yakafanira, akatumira muranda kuvarimi, kuti agamuchire kubva kuvarimi zvezvibereko zvemunda wemizambiringa.
2到了时候,园主派了一个仆人到佃户那里,向佃户收取葡萄园一部分的果子。
3Vakamubata vakarova, vakamurega achienda asina chinhu.
3佃户抓住他,打了他,放他空手回去。
4Akatumazve kwavari umwe muranda; iye vakamuposhera mambwe, vakamukuvadza mumusoro, vakamurega achienda anyadziswa.
4园主再派另外一个仆人到他们那里,他们打伤了他的头,并且侮辱他。
5Akatumazve umwe; naiye vakamuuraya; nevamwe vazhinji, vachirova vamwe, nekuuraya vamwe.
5园主又派另一个去,他们就把他杀了。后来又派去许多仆人,有的给他们打了,有的给他们杀了。
6Naizvozvo wakange achine mwanakomana umwe mudikamwa wake, akamutumirawo kwavari pakupedzisira, achiti: Vachakudza mwanakomana wangu.
6还有一个,就是园主的爱子,最后园主派他到那里去,说:‘他们必尊敬我的儿子。’
7Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai ngatimuurayei, nhaka ichava yedu.
7那些佃户却彼此说:‘这是继承产业的;来,我们杀了他,产业就是我们的了。’
8Vakamutora vakauraya, vakaposhera kunze kwemunda wemizambiringa.
8于是抓住他,把他杀了,扔在葡萄园外。
9Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa uchaitei? Uchauya akaparadza varimi, akapa munda wemizambiringa kune vamwe.
9这样,葡萄园的主人要怎么办呢?他要来除掉那些佃户,把葡萄园租给别人。
10Ko hamuna kuverenga here rugwaro urwu runoti: Ibwe vavaki ravakarasha, ndiro rava musoro wekona;
10你们没有念过这段圣经吗:‘建筑工人所弃的石头,成了房角的主要石头;
11izvozvo zvakaitwa naIshe, uye zvinoshamisa pameso edu?
11这是主所作的,在我们眼中看为希奇。’”
12Zvino vakatsvaka kumubata, asi vakatya chaunga; nekuti vaiziva kuti wakange ataura mufananidzo uyu akanangana navo. Vakamusiya vakaenda.
12他们知道他这比喻是针对他们说的,就想要捉拿他,但因为害怕群众,只好离开他走了。
13Zvino vatuma kwaari vamwe vevaFarisi nevevaHerodhe, kuti vamubate pakutaura.
13以纳税的事问难耶稣(太22:15-22;路20:19-26)后来,他们派了几个法利赛人和希律党的人到耶稣那里去,要找他的把柄来陷害他。
14Zvino vakati vauya, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, hamuna hanya nemunhu; nekuti hamutariri chimiro chemunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi: Zviri pamutemo kupa Kesari mutero here, kana kwete?
14他们来到了,就对他说:“老师,我们知道你为人诚实,不顾忌任何人,因为你不徇情面,只照着真理把 神的道教导人。请问纳税给凯撒可以不可以?我们该纳不该纳呢?”
15Tipe here, kana tirege kupa? Asi iye wakaziva unyepedzeri hwavo, wakati kwavari: Munondiidzirei? Ndivigirei dhenari*, kuti ndione.
15耶稣看出他们的假意,就对他们说:“你们为什么试探我呢?拿一个银币来给我,让我看看。”
16Vakariuyisa. Akati kwavari: Mufananidzo uyu nerunyoro urwu ndezvani? Vakati kwaari: ZvaKesari.
16他们就拿来了。耶稣问他们:“这是谁的像,谁的名号?”他们回答他:“凯撒的。”
17Jesu akapindura akati kwavari: Dzoserai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari. Vakashamisika naye.
17耶稣说:“凯撒的应当归给凯撒, 神的应当归给 神。”他们就对他十分惊奇。
18Zvino kwakauya kwaari vaSadhusi, vanoti hakuna kumuka kwevakafa, vakamubvunza vachiti:
18人复活后不娶不嫁(太22:23-33;路20:27-38)撒都该人向来认为没有复活的事,他们来到耶稣那里,问他:
19Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa, akasiya mukadzi, akasasiya vana, kuti munin'ina wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake mbeu.
19“老师,摩西曾写给我们说:‘如果一个人死了,留下妻子,没有儿女,他的弟弟就应当娶他的妻子,为哥哥立后。’
20Zvino kwakange kune vanakomana vanomwe vemunhu umwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa akasasiya mbeu.
20从前有兄弟七人,头一个娶了妻子,死了,没有留下孩子;
21Wechipiri akamutora, akafa, uyu akasasiyawo mbeu; newechitatu saizvozvo.
21第二个娶了她,也没有留下孩子,就死了;第三个也是这样。
22Nevanomwe vose vakamutora, vakasasiya mbeu; shure kwevose mukadzi akafawo.
22那七个人都没有留下孩子,最后那女人也死了。
23Naizvozvo pakumuka kwevakafa, kana vachimuka, uchava mukadzi wani kwavari? Nekuti vanomwe vakava naye kuita mukadzi.
23到了复活的时候,他们都要复活,她是哪一个的妻子呢?因为七个人都娶过她。”
24Jesu akapindura akati kwavari: Hamuna kurashika here naizvozvo, nekuti hamuzivi magwaro kana simba raMwari?
24耶稣对他们说:“你们错了,不正是因为你们不明白圣经,也不晓得 神的能力吗?
25Nekuti kana vachimuka kuvakafa, havawanani, kana kuwaniswa, asi vakaita savatumwa vari kumatenga.
25因为人从死里复活以后,也不娶,也不嫁,而是像天上的天使一样。
26Zvino maererano nevakafa, kuti vanomutswa, hamuna kurava here mubhuku raMozisi, kuti Mwari wakataura naye sei mugwenzi, achiti: Ndiri Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?
26关于死人复活的事,摩西的经卷中荆棘篇上, 神怎样对他说:‘我是亚伯拉罕的 神,以撒的 神,雅各的 神’,你们没有念过吗?
27Haazi Mwari wevakafa, asi Mwari wevapenyu; imwi naizvozvo marashika kwazvo.
27他不是死人的 神,而是活人的 神。你们是大错特错了!”
28Zvino umwe wevanyori wakasvika, wakati anzwa vachirangana, achiziva kuti wakange avapindura zvakanaka, akamubvunza achiti: Ndeupi murairo wekutanga kune yose?
28最重要的诫命(太22:34-40;路10:25-28)有一个经学家,听到他们的辩论,觉得耶稣回答得好,就来问他:“诫命中哪一条是第一重要的呢?”
29Jesu akamupindura, achiti: Wokutanga kumirayiro yose ndiwoyu: Inzwa Israeri, Ishe Mwari wedu, ndiIshe umwe chete!
29耶稣回答:“第一重要的是:‘以色列啊,你要听!主我们的 神是独一的主。
30Uye ida Ishe Mwari wako nemoyo wako wose, uye nemweya wako wose, uye nefungwa dzako dzose, uye nesimba rako rose. Uyu murairo wekutanga.
30你要全心、全性、全意、全力,爱主你的 神。’
31Newechipiri wakadai ndeuyu: Ida umwe wako sezvaunozvida. Hakuna umwe murairo mukuru kune iyeyi.
31其次是:‘要爱人如己。’再没有别的诫命比这两条更重要的了。”
32Zvino munyori akati kwaari: Zvakanaka, Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo kuti kuna Mwari umwe chete, uye hakuna umwe kunze kwake;
32那经学家对耶稣说:“老师,是的,你说的很对, 神是独一的,除了他以外再没有别的 神。
33nekumuda nemoyo wose, uye nefungwa dzose, uye nemweya wose, uye nesimba rose, nekuda wekwako sewe, zvinopfuura zvipiriso zvose zvinopiswa nezvibayiro.
33我们要用全心、全意、全力去爱他,并且要爱人如己,这就比一切燔祭和各样祭物好得多了。”
34Zvino Jesu wakati achimuona kuti wapindura nenjere, akati kwaari: Hausi kure neushe hwaMwari. Kukasava nemunhu shure kweizvozvo wakazotsunga kumubvunza.
34耶稣见他回答得有智慧,就对他说:“你距离 神的国不远了。”从此再也没有人敢问他了。
35Zvino Jesu wakati achidzidzisa mutembere, akapindura akati: Vanyori vanoreva sei kuti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?
35大卫称基督为主(太22:41-46;路20:41-44)耶稣在殿里教训人,说:“经学家怎么说基督是大卫的子孙呢?
36Nekuti Dhavhidhi amene wakati neMweya Mutsvene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
36大卫自己被圣灵感动却说:‘主对我的主说:你坐在我的右边,等我把你的仇敌放在你的脚下(有些抄本作“等我使你的仇敌作你的脚凳”)。’
37Naizvozvo Dhavhidhi amene unomuidza Ishe, ko mwanakomana wake papi? Chaunga chikuru chikamunzwa nemufaro.
37大卫自己既然称他为主,他又怎么会是大卫的子孙呢?”群众都喜欢听他。
38Zvino wakati kwavari padzidziso yake: Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, nekwaziso pamisika,
38耶稣叫人提防经学家(太23:1-7;路20:45-47)耶稣教导人的时候,说:“你们要提防经学家,他们喜欢穿长袍走来走去,喜欢人在市中心向他们问安,
39nezvigaro zvemberi mumasingagoge, nezvinzvimbo zvakakwirira pazvirairo;
39又喜欢会堂里的高位,筵席上的首座。
40vanodya dzimba dzechirikadzi, uye nekunyepedzera vachiita minyengetero mirefu; ivava vachagamuchira kurashwa kukuru kwazvo.
40他们吞没了寡妇的房产,又假装作冗长的祷告。这些人必受更重的刑罚。”
41Jesu akagara pasi akatarisana nechivigiro chezvipo, akatarira kuti chaunga chinokanda sei mari muchivigiro; zvino vafumi vazhinji vakange vachikanda zvizhinji.
41穷寡妇的奉献(路21:1-4)耶稣面对银库坐着,看着大家怎样把钱投入库中。许多有钱的人投入很多的钱。
42Zvino kwakasvika imwe chirikadzi murombo, ikakanda tumari twemhangura tuviri tuduku, ndiro kobiri.
42后来,有一个穷寡妇来投入了两个小钱,就是一个铜钱。
43Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda zvizhinji kupfuura vose vakanda muchivigiro chezvipo;
43耶稣把门徒叫过来,对他们说:“我实在告诉你们,这穷寡妇投入库里的,比众人投的更多。
44nekuti vose vakanda pamuraudziro wavo; asi iye paurombo hwake wakanda zvose zvaanazvo, zvose zveupenyu hwake.
44因为他们都是把自己剩余的投入,这寡妇是自己不足,却把她一切所有的,就是全部养生的,都投进去了。”