Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Mark

13

1Zvino wakati achibuda mutembere, umwe wevadzidzi vake wakati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabwe rudzii, nezvivakwa rudzii!
1预言圣殿被毁(太24:1-2;路21:5-6)
2Jesu achipindura akati kwaari: Unoona zvivakwa izvi zvikuru here? Hakungasiiwi ibwe pamusoro pebwe, risingazoputsirwi pasi.
2耶稣对他说:“你看见这些伟大的建筑吗?将来必没有一块石头留在另一块石头上面,每一块都要拆下来。”
3Zvino wakati agara pagomo reMiorivhi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobho, naJohwani, naAndiriya vakamubvunza vari vega, vachiti:
3这世代终结的预兆(太24:3-14;路21:7-19)耶稣在橄榄山上,面对圣殿坐着,彼得、雅各、约翰和安得烈私下问他:
4Tiudzei, izvozvi zvichagova rinhi? Nechiratidzo chii kana izvozvi zvose zvozadziswa?
4“请告诉我们,什么时候会有这些事呢?这一切事将要成就的时候有什么预兆呢?”
5Zvino Jesu achivapindura akatanga kuti: Chenjerai kusava neunokutsausai.
5耶稣就告诉他们说:“你们要小心,不要被人迷惑。
6Nekuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini iye, vachazotsausa vazhinji.
6有许多人要来,假冒我的名说‘我就是基督’,并且要迷惑许多的人。
7Asi kana muchinzwa zvehondo, nerunyerekupe rwehondo, musakanganiswa nekuti zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere.
7你们听见战争和战争的风声,也不要惊慌,这是免不了的,不过,结局还没有到。
8Nekuti rudzi ruchamukira rudzi; neushe huchamukira ushe; uye kuchava nekudengenyika kwenyika kunzvimbo dzakasiyana siyana, uye kuchava nenzara, nematambudziko; izvi kutanga kwekurwadziwa.
8一个民族要起来攻打另一个民族,一个国家要起来攻打另一个国家,到处要有地震,有饥荒,这些不过是痛苦的开始。
9Zvichenjererei imwi, nekuti vachakukumikidzai kumatare emakurukota, uye mumasinagoge mucharohwa, uye muchauyiswa pamberi pevatongi nemadzimambo nekuda kwangu, chive chapupu kwavari.
9但你们要小心!因为人要把你们交给公议会,你们要在会堂里被鞭打,又要为我的缘故站在总督和君王面前,向他们作见证。
10Uye evhangeri inofanira kutanga kuparidzirwa kumarudzi ose.
10然而福音必须先传给万民。
11Asi kana vachikuuyisai vachikutengesai, musafunganya pakutanga zvamuchataura kana kufanorangarira, asi chero zvamunenge mapiwa nenguva iyo taurai izvozvo; nekuti hamusi imwi munotaura, asi Mweya Mutsvene.
11人把你们捉去送官的时候,用不着预先思虑要说什么,到那时候赐给你们什么话,你们就说什么,因为说话的不是你们,而是圣灵。
12Zvino mukoma uchatengesera munin'ina kurufu, nababa mwanakomana; nevana vachamukira vabereki nekuvaurayisa;
12弟兄要出卖弟兄,父亲要出卖儿子,甚至把他们置于死地;儿女要悖逆父母,害死他们。
13uye muchavengwa nevose nekuda kwezita rangu; asi unotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye uchaponeswa.
13你们为我的名,要被众人恨恶,然而坚忍到底的必然得救。
14Zvino kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakataurwa naDhanyeri muporofita, imire paisingafaniri (unorava ngaanzwisise), zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;
14大灾难的日子(太24:15-28;路21:20-24)“当你们看见‘那造成荒凉的可憎者’,站在不该站的地方(读者必须领悟),那时,住在犹太的应当逃到山上;
15neuri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburukira mumba, kana kupinda kunotora chinhu mumba make.
15在房顶的不要下来,也不要进到屋子里拿什么东西;
16Neuri mumunda ngaarege kutendeukira shure kunotora nguvo yake.
16在田里的也不要回去取衣服。
17Asi vachaona nhamo avo vane mimba neavo vanomwisa nemazuva iwayo!
17当那些日子,怀孕的和乳养孩子的有祸了!
18Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando.
18你们应当祈求,不要让这些事在冬天发生。
19Nekuti mumazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kwakadaro kusati kwambovapo kubva pakutanga kwezvisikwa Mwari zvaakasika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo.
19因为那些日子必有灾难,这是从 神创世的开始到现在未曾有过的,以后也必不会再有。
20Dai Ishe asina kuatapudza mazuva, hakuna chero nyama yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa, vaakasanangura, wakaatapudza mazuva.
20如果不是主减少那些日子,没有一个人可以存活;但是为了自己的选民,他必使那些日子减少。
21Uye ipapo kana munhu achiti kwamuri: Tarirai, Kristu pano; kana: Tarirai apo, musatenda;
21那时,如果有人对你们说:‘看哪,基督在这里!看哪,他在那里!’你们不要信。
22nekuti vana Kristu venhema, nevaporofita venhema vachamuka, vagoratidza zviratidzo nezvishamiso, kuti vatsause, kana zvichibvira, kunyange vasanangurwa.
22因为必有假基督和假先知出现,行神迹和奇事,如果可以的话,连选民也要迷惑了。
23Asi chenjerai imwi; tarirai, ndagara ndakuudzai zvinhu zvose.
23所以你们应当小心!我已经事先把一切都告诉你们了。
24Asi nemazuva iwayo, shure kwekutambudzika ikoko, zuva richasvibiswa, nemwedzi hauchazopi chiedza chawo,
24人子必驾云降临(太24:29-35;路21:25-33)“当那些日子,在那灾难以后,太阳就变黑了,月亮也不发光,
25nenyeredzi dzekudenga dzichawa, nemasimba ari kumatenga achazungunuswa.
25众星从天坠落,天上的万象震动。
26Ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mumakore ane simba guru nekubwinya,
26那时,他们要看见人子,满有能力和荣耀,驾着云降临;
27ipapo uchatuma vatumwa vake, vagounganidza pamwe vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumugumo wenyika kusvikira kumugumo wedenga.
27他要差派天使,把他的选民从四方,从地极直到天边,都招聚来。
28Zvino dzidzai mufananidzo kubva pamuonde; kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha raswedera.
28“你们应该从无花果树学个功课:树枝发出嫩芽长出叶子的时候,你们就知道夏天近了。
29Saizvozvo imwiwo, kana muchiona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti zvava pedo wava pamukova.
29同样,你们什么时候看见这些事发生,就知道他已经近在门口了。
30Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri, kusvikira zvinhu izvi zvose zvaitika.
30我实在告诉你们,这一切都必会发生,然后这世代才会过去。
31Denga nenyika zvichapfuura; asi mashoko angu haangatongopfuuri.
31天地都要过去,但我的话决不会废去。
32Asi zvezuva iro nenguva, hakuna unoziva, kunyange vatumwa vari kudenga, kunyange Mwanakomana, kunze kwaBaba.
32警醒准备(太24:36-51;路21:34-36)“至于那日子和时间,没有人知道,连天上的天使和子也不知道,只有父知道。
33Chenjerai, murinde, munyengetere; nekuti hamuzivi kuti nguva ndeyarini.
33你们要小心,要警醒,因为你们不知道那日期什么时候来到。
34Semunhu wakafamba rwendo, akasiya imba yake, akapa simba kuvaranda vake, kune umwe neumwe basa rake, akarairawo murindi wemukova kuti arinde.
34这就像一个人出外远行,把责任(“责任”原文作“权柄”)一一地交给他的仆人,又吩咐看门的要警醒。
35Naizvozvo rindai; nekuti hamuzivi kuti mwene weimba unouya rinhi, manheru, kana pakati pousiku, kana pakurira kwejongwe, kana mangwanani;
35所以你们要警醒,因为你们不知道家主什么时候来到,也许在黄昏,也许在半夜,也许在鸡叫时,也许在清晨。
36kuti arege kuerekana auya, akakuwanai muvete.
36恐怕他忽然来到,发现你们正在睡觉。
37Nezvandinotaura kwamuri, ndinotaurira vose: Rindai.
37我对你们所说的话,也是对众人说的,‘你们要警醒’。”