1Zvino pakarepo mangwanani-ngwanani vapristi vakuru vakaita zano nevakuru nevanyori nedare remakurukota rose, vakasunga Jesu, vakamutakura, vakamukumikidza kuna Pirato.
1耶稣被押交彼拉多(太27:1-2、11-14;路23:1-3;约18:29-37)
2Pirato ndokumubvunza achiti: Iwe uri Mambo wevaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Unoreva iwe.
2彼拉多问他:“你是犹太人的王吗?”耶稣回答:“你说的是。”
3Vapristi vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji, asi iye haana kupindura chinhu.
3祭司长控告了他许多事。
4Pirato akamubvunzazve achiti: Haupinduri chinhu here? Tarira, zvinhu zvingani zvavanokupupurira!
4彼拉多又问他:“你看,他们控告你这么多的事!你什么都不回答吗?”
5Asi Jesu haana kuzopindurazve chinhu, zvekuti Pirato wakashamisika.
5耶稣还是一言不答,使彼拉多非常惊奇。
6Zvino pamabiko waivasunungurira musungwa umwe, chero upi wavanenge vakumbira.
6彼拉多判耶稣钉十字架(太27:15-26;路23:13-25;约18:38-19:16)每逢这节期,彼拉多按着众人所要求的,照例给他们释放一个囚犯。
7Zvino kwakange kune wainzi Bharabhasi, akasungwa pamwe nevakange vamutsa mhirizhonga naye, vakange vaita umhondi pamhirizhonga iyoyo.
7有一个人名叫巴拉巴,和作乱的人囚禁在一起,他们作乱的时候,曾杀过人。
8Zvino chaunga chakadanidzira, vakatanga kukumbira kuti aite sezvaaigarovaitira.
8群众上去,要求彼拉多援例给他们办理。
9Asi Pirato akavapindura, achiti: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wevaJudha here?
9彼拉多回答他们:“你们要我给你们释放这个犹太人的王吗?”
10Nekuti wakange achiziva kuti vapristi vakuru vakange vamutengesa negodo.
10他知道祭司长是因为嫉妒才把耶稣交了来。
11Asi vapristi vakuru vakamutsa chaunga, kuti zviri nani avasunungurire Bharabhasi.
11祭司长却煽动群众,宁可要总督释放巴拉巴给他们。
12Pirato akapindura akatizve kwavari: Naizvozvo munoda kuti ndimuitirei, wamunoti ndiMambo wevaJudha?
12彼拉多又对他们说:“那么,你们称为犹太人的王的,你们要我怎样处置他呢?”
13Vakadanidzirazve vachiti: Murovere pamuchinjikwa!
13他们就喊着说:“把他钉十字架!”
14Asi Pirato akati kwavari: Nemhaka yei? Wakaita chakaipa chei? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Murovere pamuchinjikwa!
14彼拉多说:“他作了什么恶事呢?”众人却更加大声喊叫:“把他钉十字架!”
15Zvino Pirato, achida kuti agutse chaunga, akavasunungurira Bharabhasi; ndokukumikidza Jesu, amurova netyava, kuti arovererwe pamuchinjikwa.
15彼拉多有意讨好群众,就释放了巴拉巴给他们,把耶稣鞭打了,交给他们钉十字架。
16Zvino mauto akamuisa mukati meruvanze, rwunova imba yemutungamiriri, akadanira hondo yose pamwe;
16士兵戏弄耶稣(太27:27-31)士兵把耶稣带进总督府的院子里,召集了全队士兵。
17vakamupfekedza zvine ruvara rwehute, vakaruka korona yemhinzwa, vakaisa paari.
17他们给他披上紫色的外袍,又用荆棘编成冠冕给他戴上;
18Vakatanga kumukwazisa, vachiti: Hekanhi, Mambo wevaJudha!
18就向他祝贺说:“犹太人的王万岁!”
19Vakamurova musoro norutsanga, vakamupfira, vakafugama mabvi, vakamunamata.
19又用一根芦苇打他的头,向他吐唾沫,并且跪下来拜他。
20Zvino vakati vamusweveredza, vakamubvisa zveruvara rwehute, ndokumupfekedza nguvo dzake pachake, vakabuda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.
20他们戏弄完了,就把他的紫色的外袍脱下,给他穿回自己的衣服,带他出去,要钉十字架。
21Vakamanikidza umwe waipfuura wainzi Simoni muKurini, achibva kuruwa, baba vaArekizandiro naRufo, kuti atakure muchinjikwa wake.
21耶稣被钉十字架(太27:32-44;路23:26-43;约19:17-24)有一个古利奈人西门,就是亚历山大和鲁孚的父亲,从乡下来到,经过那里,士兵就强迫他背着耶稣的十字架。
22Vakamuisa kunzvimbo yainzi Gorogota, ndokuti kana zvichishandurwa: Nzvimbo yedehenya.
22他们把耶稣带到各各他地方(这地名译出来就是“髑髅地”),
23Vakamupa waini yakavhenganiswa nemura kuti amwe, asi haana kugamuchira.
23拿没药调和的酒给他,他却不接受。
24Zvino vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mujenya pamusoro padzo, kuti umwe neumwe uchatorei.
24他们就把他钉了十字架;又抽签分他的衣服,看谁得着什么。
25Rakange rava awa rechitatu, vakabva vamuroverera pamuchinjikwa.
25他们钉他十字架的时候,是在上午九点钟。
26Nerugwaro rwemhosva yake rwakange rwakanyorwa pamusoro, ruchiti: MAMBO WEVAJUDHA.
26耶稣的罪状牌上写着“犹太人的王”。
27Pamwe naye vakaroverera pamuchinjikwa makororo maviri, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe rwake.
27他们又把两个强盗和他一同钉十字架,一个在右,一个在左。
28Rugwaro rukazadzisika, rwunoti: Wakaverengwa pamwe nevasina murairo.
28(有些抄本有第28节:“这就应验了经上所说的:‘他和不法者同列。’”)
29Nevaipfuura vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Ehe-e, iwe unoputsa tembere, nekuivaka nemazuva matatu,
29过路的人讥笑他,摇着头说:“哼,你这个要拆毁圣所,三日之内又把它建造起来的,
30zviponese, uburuke pamuchinjikwa!
30从十字架上把自己救下来吧!”
31Saizvozvo vapristiwo vakuru vakamusweveredza pamwe nevanyori pakati pavo, vachiti: Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa.
31祭司长和经学家也同样讥笑他,彼此说:“他救了别人,却不能救自己;
32Kristu Mambo waIsraeri ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, kuti tione titende. Nevakange varovererwa pamuchinjikwa pamwe naye vakamunyomba.
32以色列的王基督啊,现在可以从十字架上下来,让我们看见就信吧。”那和他同钉十字架的人也侮辱他。
33Zvino awa rechitanhatu rakati rasvika, rima rikavapo panyika yose kusvikira paawa repfumbamwe.
33耶稣死时的情形(太27:45-56;路23:44-49;约19:28-30)从正午到下午三点钟,遍地都黑暗了。
34Zvino neawa repfumbamwe, Jesu akadana nenzwi guru, achiti: "Eroi, Eroi, rama Sabhakitani!" Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiirei?
34下午三点的时候,耶稣大声呼号:“以罗伊,以罗伊,拉马撒巴各大尼?”这句话译出来就是:“我的 神,我的 神,你为什么离弃我?”
35Vamwe vevakange vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati: Tarirai, unodana Eria.
35有些站在旁边的人听见了就说:“看,他呼叫以利亚呢。”
36Ipapo umwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, akaisa parutsanga, akamupa kuti amwe, achiti: Regai, tione kana Eria achiuya kumuburusa.
36有一个人跑去拿海绵浸满了酸酒,绑在芦苇上,递给他喝,说:“等一等,我们看看以利亚来不来救他。”
37Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru akapa mweya.
37耶稣大叫一声,气就断了。
38Vheiri retembere rikabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi.
38圣所里的幔子,从上到下裂成两半。
39Zvino mukuru wezana wakange amirepo pakatarisana naye, wakati achiona kuti wadanidzira akapa mweya, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wanga ari Mwanakomana waMwari.
39站在他对面的百夫长,看见他这样断气,就说:“这人真是 神的儿子!”
40Uye kwakange kune vakadziwo vakatarira vari kure, pakati pavo pakange pana Maria Magidhariniwo, naMaria mai vaJakobho muduku naJose, naSarome,
40也有些妇女远远地观看,她们之中有抹大拉的马利亚,小雅各和约西的母亲马利亚,以及撒罗米。
41(avowo vaimutevera achiri muGarirea, vachimushandira), nevamwe vakadzi vazhinji vakange vakwira kuJerusarema naye.
41这些妇女,当耶稣在加利利的时候,就一直跟随他、服事他。此外,还有许多和他一同上耶路撒冷的妇女。
42Zvino atova manheru, zvarakange riri gadziriro, ndokuti zuva rinotangira sabata,
42耶稣葬在坟墓里(太27:57-61;路23:50-56;约19:38-42)到了晚上,因为是预备日,就是安息日的前一日,
43Josefa waiva weArimatia, nhengo yedare yairemekedzwa, wakange akamirirawo pachake ushe hwaMwari wakauya, akapinda kuna Pirato akatsunga, akakumbira chitunha chaJesu.
43一个一向等候 神国度的尊贵的议员,亚利马太的约瑟来了,就放胆地进去见彼拉多,求领耶稣的身体。
44Pirato akashamisika nekuti wakange atofa; akadanira kwaari mukuru wezana, akamubvunza kana akange ava nenguva afa.
44彼拉多惊讶耶稣已经死了,就叫百夫长前来,问他耶稣是不是死了很久。
45Zvino wakati azvinzwa nemukuru wezana, akapa Josefa chitunha.
45他从百夫长知道了实情以后,就把尸体给了约瑟。
46Akatenga mucheka werineni, akamuburusa, akamuputira nemucheka wakapfava, ndokumuradzika muguva rakange rakacherwa muruware, ndokukungurusira ibwe pamukova weguva.
46约瑟买了细麻布,把耶稣取下,用细麻布裹好,安放在一个从磐石凿出来的坟墓里,又辊过一块石头来挡住墓门。
47Zvino Maria Magidharini, naMaria mai vaJose, vakaona paakaradzikwa.
47抹大拉的马利亚和约西的母亲马利亚都看见安放他的地方。