1Sabata rakati rapfuura, Maria Magidharini, naMaria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwira, kuti vaende kunomuzodza.
1耶稣复活(太28:1-8;路24:1-10;约20:1-10)
2Mangwanani-ngwanani kwazvo nomusi wokutanga wevhiki vakaenda kuguva, zuva robuda.
2礼拜日的大清早,出太阳的时候,她们就来到坟墓那里,
3Vakati pakati pavo: Ndiani uchatikungurusira ibwe kubva pamukova weguva?
3彼此说:“谁可以给我们辊开墓门的石头呢?”
4Zvino vakati vachitarira, vakaona kuti ibwe rakange ratokunguruswa, nekuti raiva guru-guru.
4原来那块石头非常大,她们抬头一看,却见石头已经辊开了。
5Zvino vakati vachipinda muguva, vakaona jaya rakange rigere kurudyi, rakapfeka nguvo chena yakareba; vakavhunduka;
5她们进了坟墓,看见一位身穿白袍的青年,坐在右边,就非常惊恐。
6rikati kwavari: Musavhunduka; munotsvaka Jesu muNazareta wakarovererwa pamuchinjikwa; wamuka, haasi pano; tarirai panzvimbo pavakange vamuradzika.
6那青年对她们说:“不要惊慌!你们寻找那钉十字架的拿撒勒人耶稣,他不在这里,已经复活了;请看他们安放他的地方。
7Asi endai, mundoudza vadzidzi vake naPetro kuti unokutungamirirai kuGarirea, muchandomuonako sezvaakakuudzai.
7你们去告诉他的门徒和彼得:他要比你们先到加利利去,你们在那里必定看见他,正如他从前告诉你们的。”
8Vakabuda nekukurumidza vakatiza paguva; uyezve kudedera nekuvhunduka kwakavabata; vakasataura chinhu kuna ani zvake, nekuti vakange vachitya.
8因为惊恐战栗,她们一从坟墓出来就逃跑;由于害怕,她们什么也没有告诉人。(有些抄本无第9至20节)
9Zvino Jesu wakati amuka mangwanani-ngwanani newokutanga wevhiki, wakaonekwa pakutanga kuna Maria Magidharini, waakabudisa kwaari madhimoni manomwe.
9主向抹大拉的马利亚显现(约20:11-18)礼拜日的清早,耶稣复活了,先向抹大拉的马利亚显现,耶稣曾经从她身上赶出七个鬼。
10Iye akaenda akaudza avo vaiva naye, pavaichema vachirira.
10她就去告诉那些向来和耶稣在一起的人,那时他们正在悲哀哭泣。
11Naivo vanzwa kuti mupenyu, uye kuti wakange aonekwa naye, havana kutenda.
11他们听见耶稣活了,又被马利亚看见了,却不相信。
12Shure kweizvozvo wakazviratidza nechimwe chimiro kuvaviri vavo vachifamba, vachienda muruwa.
12向两个门徒显现(路24:13-35)这事以后,门徒中有两个人往乡下去,正走路的时候,耶稣用另外的形象,向他们显现,
13Ivowo vakaenda, vakaudza vakange vasara; naivo vakasavatenda.
13他们就去告诉其他的人,那些人也不相信。
14Pashure wakazviratidza kune vanegumi neumwe vagere pakudya, akamhura kusatenda kwavo neukukutu hwemoyo, nekuti havana kutenda vaya vakange vamuona amuka.
14吩咐门徒往普天下传福音(太28:16-20;路24:36-49;约20:19-23;徒1:6-8)后来,十一个门徒吃饭的时候,耶稣向他们显现,责备他们的不信和心硬,因为他们不信那些在他复活以后见过他的人。
15Akati kwavari: Endai munyika yose muparidze evhangeri kuchisikwa choga-choga.
15他又对他们说:“你们到全世界去,向所有的人传福音。
16Uyo unotenda akabhabhatidzwa uchaponeswa; asi usingatendi uchapiwa mhosva.
16信而受洗的必定得救,不信的必被定罪。
17Zviratidzo izvi zvichavatevera vanotenda: Muzita rangu vachabudisa madhimoni, vachataura nendimi itsva;
17信的人必有神迹随着他们,就是奉我的名赶鬼,用新方言说话,
18vachanonga nyoka; kunyange vakamwa chero chinhu chinouraya, hachingatongovakuvadzi; vachaisa maoko pavarwere, vakapora.
18用手握蛇,喝了什么毒物也不受害,手按病人就必好了。”
19Naizvozvo Ishe shure kwekunge ataura kwavari, akagamuchirwa kumusoro kudenga, akagara kuruoko rwerudyi rwaMwari.
19耶稣升天(路24:50-53;徒1:9-11)主耶稣向门徒讲完了话,就被接到天上,坐在 神的右边。
20Ivo vakabuda, vakaparidza kose-kose, Ishe achibata navo, achisimbisa shoko nezviratidzo zvaitevera. Amen.
20门徒出去,到处传扬福音,主和他们同工,借着相随的神迹,证实所传的道。(有少数抄本有〔较短的结语〕:9“那些妇女把耶稣所吩咐的一切都告诉彼得和他的同伴。10这些事以后,耶稣借着他们亲自把那神圣不朽、永远救恩的信息从东到西传扬出去。阿们。”放在第8节之后;另有少数抄本把它放在第20节之后。)