1Sezvo vazhinji vakaedza kuronga rondedzero yezvinhu zvakatendeka zvizere pakati pedu,
1序言(参徒1:1)
2sezvavakapa kwatiri ivo avo kubva pakutanga vakazvionera, uye vari varanda veshoko,
2按照起初亲眼看见的传道人所传给我们的,编著成书;
3zvakaonekwa zvakanaka kwandiriwo, ndanyatsoongorora zvinhu zvose kubva pakutanga, kuti ndikunyorerei nekutevedzanisa, imwi Teofiro makakurumbira,
3我已经把这些事从头考查过,认为也应该按着次序写给你,
4kuti muzive chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.
4让你晓得所学到的道理,都是确实的。
5Kwaivapo nemazuva aHerodhe mambo weJudhiya umwe mupristi wainzi Zakaria, weboka raAbhiya; nemukadzi wake waibva kuvanasikana vaAroni, nezita rake riri Erizabheti.
5天使预言施洗约翰出生犹太王希律在位的日子,亚比雅班里有一个祭司,名叫撒迦利亚,他妻子是亚伦的后代,名叫以利沙伯。
6Uye vari vaviri vakange vakarurama pamberi paMwari, vachifamba nemurairo wose nezviga zvaIshe, vasina chavangapomerwa.
6他们在 神面前都是义人,遵行主的一切诫命规条,无可指摘,
7Uye vakange vasina mwana, nekuti Erizabheti wakange ari mhanje, uye vakange vaenda pamakore vari vaviri.
7只是没有孩子,因为以利沙伯不生育,二人又都上了年纪。
8Zvino zvakaitika kuti wakati achiita ushumiri hweupristi pamberi paMwari, pachidanho cheboka rake,
8有一次,撒迦利亚在 神面前按着班次执行祭司的职务,
9maererano netsika yeushumiri hweupristi, wakabatwa nemujenya kuti apise zvipfungaidzo zvinonhuwira apinda mutembere yaIshe.
9照祭司的惯例抽中了签,进入主的圣殿烧香。
10Zvino chaunga chose chavanhu chakange chichinyengetera kunze nenguva yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
10烧香的时候,众人都在外面祈祷。
11Zvino kwakaonekwa kwaari mutumwa waIshe, amire kurutivi rwerudyi rwearitari yezvifungaidzo zvinonhuhwira.
11有主的使者站在香坛右边,向他显现。
12Zvino Zakaria wakati achimuona akavhiringidzika, kutya kukamuwira.
12撒迦利亚一见就惊慌起来,十分害怕。
13Asi mutumwa wakati kwaari: Usatya Zakaria; nekuti munyengetero wako wanzwikwa, nemukadzi wako Erizabheti uchakuberekera mwanakomana, ugotumidza zita rake Johwani.
13天使说:“撒迦利亚,不要怕,因为你的祈求已蒙垂听,你妻子以利沙伯要给你生一个儿子,你要给他起名叫约翰。
14Uye uchava nemufaro nekupembera, nevazhinji vachafarira kuberekwa kwake.
14你必欢喜快乐,许多人因他出生,也必喜乐。
15Nekuti uchava mukuru pamberi paIshe, haangatongomwi waini kana zvinodhaka; uye uchazadzwa neMweya Mutsvene kunyange kubva padumbu ramai vake.
15他在主面前要被尊为大,淡酒浓酒都不喝,未出母腹就被圣灵充满。
16Nevazhinji vevana vaIsraeri uchatendeusira kuna Ishe Mwari wavo;
16他要使许多以色列人转向主他们的 神。
17uye iye uchafamba pamberi pake mumweya nesimba raEria, kutendeusira moyo yemadzibaba kuvana, nevasingateereri kuuchenjeri hwevakarurama, kugadzirira Ishe vanhu vakagadzirwa.
17他必有以利亚的灵和能力,行在主的前面,叫父亲的心转向儿女,叫悖逆的转向义人的意念,为主安排那预备好了的人民。”
18Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva nei? Nekuti ini ndava mukweguru, nemukadzi wangu waenda pamazuva ake.
18撒迦利亚对天使说:“我怎么能知道这事呢?我已经老了,我妻子也上了年纪。”
19Mutumwa achipindura akati kwaari: Ini ndini Gabhirieri, unomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure kwauri, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.
19天使回答:“我是站在 神面前的加百列,奉差遣向你说话,报给你这好消息。
20Zvino tarira, uchava chimumumu, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitika zvinhu izvi, nekuti hauna kutenda mashoko angu, achazadziswa nenguva yawo.
20看吧!到了时候我的话必要应验;因为你不信我的话,你必成为哑巴,直到这些事成就的那一天,才能说话。”
21Vanhu vakange vakamirira Zakaria, vakashamisika nekunonoka kwake mutembere.
21众人等候撒迦利亚;因他在圣殿里迟迟不出来,觉得奇怪。
22Zvino wakati abuda, akakonewa kutaura kwavari; vakaziva kuti wakange aona dzengerere mutembere; iye akavaninira nemaoko, akaramba ari chimumu.
22等到他出来,却不能讲话,竟成了哑巴,不断地向他们打手式,他们就知道他在圣殿里见了异象。
23Zvino zvakaitika kuti mazuva okushumira kwake akati achangopera, akaenda kumba kwake.
23供职的日子满了,他就回家去。
24Zvino shure kwemazuva iwayo, mukadzi wake Erizabheti akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti:
24过了几天,他妻子以利沙伯怀了孕,隐藏了五个月,说:
25IShe wandiitira saizvozvi nemazuva aakanditarira, kuti abvise ruzvidzo rwangu pakati pevanhu.
25“主在眷顾的日子,这样看待我,要把我在人间的羞耻除掉。”
26Zvino nemwedzi wechitanhatu mutumwa Gabrieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea rinonzi Nazareta,
26天使预言耶稣降生到了第六个月,天使加百列奉 神差遣,往加利利的拿撒勒城去,
27kumhandara, yakange yatsidza kuwanikwa nemurume ainzi Josefa, weimba yaDhavhidhi; zita remhandara riri Maria.
27到了一个童贞女那里,她已经和大卫家一个名叫约瑟的人订了婚,童贞女的名字是马利亚。
28Mutumwa akapinda kwaari akati: Hekanhi, iwe une nyasha! Ishe unewe, wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi.
28天使进去,对她说:“恭喜!蒙大恩的女子,主与你同在!”
29Iye wakati achimuona akavhiringidzwa neshoko rake, akafunganya kuti uku kukwazisa rudzii kwakadai.
29她却因这话惊慌起来,反复思想这样祝贺是什么意思。
30Zvino mutumwa akati kwaari: Usatya Maria; nekuti wawana nyasha kuna Mwari.
30天使说:“马利亚,不要怕!因你已从 神那里蒙了恩。
31Zvino tarira, uchava nemimba, ugozvara mwanakomana, uchatumidza zita rake kuti Jesu.
31你将怀孕生子,要给他起名叫耶稣。
32Iye uchava mukuru, uchanzi Mwanakomana weWekumusoro-soro; Ishe Mwari uchapa kwaari chigaro cheushe chababa vake Dhavhidhi.
32他将要被尊为大,称为至高者的儿子,主 神要把他祖大卫的王位赐给他,
33Uchatonga pamusoro peimba yaJakobho kusvikira narinhi, neushe hwake hahwungavi nemugumo.
33他要作王统治雅各家,直到永远,他的国没有穷尽。”
34Maria ndokuti kumutumwa: Izvi zvingava sei, nekuti handizivi murume?
34马利亚对天使说:“我还没有出嫁,怎能有这事呢?”
35Mutumwa akapindura akati kwaari: Mweya Mutsvene uchauya pamusoro pako, nesimba reWokumusoro-soro richakudzikatira; naizvozvo icho chitsvene chichaberekwa newe chichanzi Mwanakomana waMwari.
35天使回答:“圣灵要临到你,至高者的能力要覆庇你,因此那将要出生的圣者,必称为 神的儿子。
36Uye tarira, Erizabheti hama yako, iyewo wava nemimba yemwanakomana pakuchembera kwake; nemwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye wainzi mhanje.
36你看,你亲戚以利沙伯,被称为不生育的,在老年也怀了男胎,现在已是第六个月了,
37Nekuti naMwari hakuna chinhu chisingazogoneki.
37因为在 神没有一件事是不可能的。”
38Maria ndokuti: Tarirai, murandakadzi waIshe; ngazvive kwandiri seshoko renyu. Mutumwa ndokubva kwaari.
38马利亚说:“我是主的婢女,愿照你的话成就在我身上!”天使就离开她去了。
39Zvino Maria akasimuka nemazuva iwayo akaenda kunyika yazvikomo nekukurumidza, kuguta raJudha;
39马利亚往见以利沙伯后来,马利亚就起身,急忙向山地去,来到犹大的一座城,
40akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erizabheti.
40进了撒迦利亚的家,向以利沙伯问安。
41Zvino zvakaitika kuti Erizabheti wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akatamba mudumbu rake; naErizabheti akazadzwa neMweya Mutsvene,
41以利沙伯一听见马利亚的问安,腹中的胎儿就跳动,以利沙伯也被圣灵充满,
42akadanidzira nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye chakaropafadzwa chibereko chedumbu rako!
42就高声说:“你在女子中是有福的!你腹中的胎儿也是有福的!
43Ko zvandibvira nepi, kuti mai vaIshe wangu vauye kandiri?
43我主的母亲竟然到我这里来。这事怎会临到我呢?
44Nekuti tarira, inzwi rekukwazisa kwako rangoti richisvika munzeve dzangu, mwana watamba mudumbu rangu nemufaro.
44你看,你问安的声音一进我的耳朵,我腹中的胎儿就欢喜跳跃。
45Uye wakaropafadzwa unotenda, nekuti zvakataurwa naIshe kwaari zvichazadziswa.
45这相信主传给她的话必要成就的女子是有福的。”
46Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe,
46马利亚尊主为大(参撒上2:1-10)马利亚说:“我心尊主为大,
47nemweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu;
47我灵以 神我的救主为乐,
48nekuti wakatarira kuninipiswa kwemurandakadzi wake; nekuti tarira, kubva zvino mazera ose achati ndakaropafadzwa.
48因为他垂顾他使女的卑微,看哪!今后万代都要称我为有福。
49Nekuti une masimba wakandiitira zvinhu zvikuru; nezita rake idzvene.
49全能者为我行了大事,他的名为圣;
50Netsitsi dzake dziri kuna avo vanomutya kubva kumazera nemazera.
50他的怜悯世世代代归与敬畏他的人。
51Wakaita zvinesimba noruoko rwake; wakaparadzira vanozvikudza mundangariro dzemoyo yavo.
51他用膀臂施展大能,驱散心里妄想的狂傲人。
52Wakaburusa vane masimba pazvigaro zvoushe, akasimudza vakaderera.
52他使有权能的失位,叫卑微的升高,
53Vanenzara wakavagutsa nezvinhu zvakanaka, asi vafumi wakavaendesa vasina chinhu.
53让饥饿的得饱美食,使富足的空手回去。
54Wakabatsira Israeri muranda wake kuti arangarire tsitsi,
54他扶助了他的仆人以色列,为要记念他的怜悯,
55sezvaakataura kumadzibaba edu, kuna Abhurahamu nekumbeu yake kusvikira rinhi narinhi.
55正如他向我们列祖所说的,恩待亚伯拉罕和他的后裔,直到永远。”
56Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumba kwake.
56马利亚和以利沙伯同住约有三个月,就回家去了。
57Zvino nguva yaErizabheti yekusununguka kwake yakazara; akabereka mwanakomana.
57施洗约翰出生以利沙伯的产期到了,生了一个儿子。
58Zvino vavakidzani nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe wakange amuitira tsitsi dzake huru, vakafara naye.
58邻里亲戚,听见主向她大施怜悯,都和她一同欢乐。
59Zvino zvakaitika kuti nezuva rerusere vakauya kuzodzingisa mucheche, vakamutumidza maererano nezita rababa vake Zakaria.
59到了第八天,他们来给孩子行割礼,要照他父亲的名字,叫他撒迦利亚。
60Asi mai vake vakapindura vakati: Kwete, asi uchanzi Johwani.
60但他母亲说:“不可,要叫他约翰。”
61Vakati kwaari: Hakuna munhu kuhama dzenyu unodaidzwa nezita iro.
61他们说:“你亲族里没有叫这名字的。”
62Vakataura nemaoko kuna baba vake, kuti vanoda kuti anzi ani.
62他们就向孩子的父亲打手式,看他要叫他什么。
63Vakakumbira chinyorero, vakanyora vachiti: NdiJohwani zita rake; vakashamisika vose.
63他要了一块写字版,写上说:“他的名字是约翰。”众人都希奇。
64Muromo wake ukazarurwa pakarepo, nerurimi rwake rukasununguka, akataura, achirumbidza Mwari.
64撒迦利亚的口舌立刻开了,就出声称颂 神。
65Kutya kukawira vose vaigara vakavakomba; nemashoko iwayo ose akanzwikwa kunyika yose yezvikomo yeJudhiya.
65住在周围的人都害怕,这一切事传遍了整个犹太山地,
66Zvino vose vakanzwa, vakazviisa mumoyo yavo, vachiti: Mucheche uyu uchazova ani? Uye ruoko rwaIshe rwakava naye.
66凡听见的就把这些事放在心里,说:“这孩子将会成为怎样的人呢?因为主的手与他同在。”
67Zvino Zakaria baba vake vakazadzwa neMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti:
67撒迦利亚的预言他的父亲撒迦利亚被圣灵充满,预言说:
68Ngaarumbidzwe Ishe Mwari waIsraeri, nekuti wakashanyira kuvanhu vake nekuvadzikunura;
68“主,以色列的 神,是应当称颂的,因他眷顾自己的子民,施行救赎,
69akatisimudzira runyanga rworuponeso mumba maDhavhidhi muranda wake;
69在他仆人大卫家中,为我们兴起救恩的角,
70sezvaakataura nemuromo wevaporofita vake vatsvene, vakange varipo kubva pasichigare;
70正如主自古以来借圣先知口中所说的,
71ruponeso pamhandu dzedu, neparuoko rwavose vanotivenga;
71救我们脱离仇敌,和恨我们的人的手;
72kuitira madzibaba edu tsitsi, nekurangarira sungano yake tsvene,
72向我们列祖施怜悯,记念他的圣约,
73mhiko yaakapika kuna Abhurahamu baba vedu;
73就是他对我们祖先亚伯拉罕所起的誓,
74kutipa, kuti tasunungurwa muruoko rwevavengi vedu, timushumire tisingatyi;
74把我们从仇敌手中救拔出来,叫我们可以坦然无惧,用圣洁公义,在他面前一生一世敬拜他。
75muutsvene nekururama pamberi pake mazuva ose eupenyu hwedu.
75
76Newe mucheche, uchanzi muporofita weWokumusoro-soro, nekuti uchatungamira pamberi pechiso chaIshe, kugadzirira nzira dzake;
76孩子啊,你要称为至高者的先知,因为你要行在主的面前,预备他的路,
77kupa ruzivo rweruponeso kuvanhu vake nekangamwiro yezvivi zvavo;
77使他的子民,因罪得赦,就知道救恩。
78netsitsi dzaMwari wedu, mauri mambakwedza ekudenga anotishanyira;
78因我们 神的怜悯,使清晨的阳光从高天临到我们,
79kuvhenekera vagere murima nemumvuri worufu, nekururamisa tsoka dzedu munzira yerugare.
79光照那坐在黑暗中死荫里的人,引导我们的脚,走上平安的路。”
80Mucheche akakura, akasimba mumweya, akava mumarenje, kusvikira zuva rekuratidzwa kwake kuna Israeri.
80这孩子渐渐长大,心灵健壮,住在旷野,直到他在以色列人中公开露面的日子。