1Zvino zvakaitika nemazuva iwayo, chiga chakabuda kubva kuna Kesari Agasto, kuti nyika yose inyorwe.
1耶稣基督降生(太1:18-25)
2Kunyorwa uku kwaiva kwekutanga kwakaitwa Kuriniosi ari mutungamiriri weSiria.
2这是第一次户口登记,是在居里纽作叙利亚总督的时候举行的。
3Vose ndokuenda kunonyorwa, umwe neumwe kuguta rekwake.
3众人各归各城去登记户口。
4NaJosefawo akakwira achibva Garirea muguta Nazareta, akaenda Judhiya kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetirehemu, nekuti waiva weimba nedzinza raDhavhidhi,
4约瑟本是大卫家族的人,也从加利利的拿撒勒上犹太去,到了大卫的城伯利恒,
5kunonyorwa naMaria mukadzi wakange atsidzira kuwanikwa naye, ava nemimba.
5与所聘之妻马利亚一同登记户口。那时马利亚的身孕已经重了。
6Zvakaitika kuti vachipo, mazuva okusununguka kwake akazadzisika;
6他们在那里的时候,马利亚的产期到了,
7ndokuzvara mwanakomana wake wedangwe, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro, nekuti makange musina nzvimbo yavo muimba yevaeni.
7生了头胎儿子,用布包着,放在马槽里,因为客店里没有地方。
8Zvino kwakange kune vafudzi munyika iyoyo vaigara kuuragu vachichengetedza nguva dzekurinda mapoka avo usiku.
8天使向牧羊人报喜信在伯利恒的郊外,有一些牧人在夜间看守羊群。
9Zvino tarira, mutumwa waIshe akamira pedo navo, nekubwinya kwaIshe kukapenya kwakavakomba; vakatya nekutya kukuru.
9主的一位使者站在他们旁边,主的荣光四面照着他们,他们就非常害怕。
10Zvino mutumwa akati kwavari: Musatya; nekuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko akanaka emufaro mukuru, uchava kuvanhu vose;
10天使说:“不要怕!看哪!我报给你们大喜的信息,是关于万民的:
11nekuti mazvarirwa nhasi Muponesi, unova Kristu Ishe, muguta raDhavhidhi.
11今天在大卫的城里,为你们生了救主,就是主基督。
12Zvino ichi chiratidzo kwamuri: Muchandowana mucheche akaputirwa nemicheka, avete muchidyiro.
12你们要找到一个婴孩,包着布,卧在马槽里,那就是记号了。”
13Uye pakarepo kukavapo pamwe nemutumwa chaunga chehondo yekudenga vachirumbidza Mwari, vachiti:
13忽然有一大队天兵,同那天使一起赞美 神说:
14Rumbidzo kuna Mwari kumusoro-soro, norugare panyika; chishuwo chakanaka kuvanhu.
14“在至高之处,荣耀归与 神!在地上,平安归与他所喜悦的人!”
15Zvino kwakaitika kuti vatumwa vabva kwavari vaenda kudenga, vanhu vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende ikozvino Bhetirehemu, tinoona chinhu ichi chakaitika, Ishe chaatizivisa.
15众天使离开他们升天去了,那些牧人彼此说:“我们往伯利恒去,看看主所指示我们已经成就的事。”
16Zvino vakakurumidza kusvika, vakawana vose Maria naJosefa, nemucheche avete muchidyiro.
16他们急忙去了,找到马利亚、约瑟和那卧在马槽里的婴孩。
17Vakati vaona, vakazivisa kose shoko ravakange vaudzwa maererano neucheche uyu.
17他们见过以后,就把天使对他们论这孩子的话传开了。
18Zvino vose vakanzwa vakashamisika nezvinhu zvakange zvataurwa kwavari nevafudzi.
18听见的人,都希奇牧人所说的事。
19Asi Maria wakachengeta zvinhu izvi zvose, achifungisisa mumoyo make.
19马利亚把这一切放在心里,反复思想。
20Zvino vafudzi vakadzokera, vachikudza nekurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvose zvavakange vanzwa nekuona, sezvakange zvataurwa kwavari.
20牧人因为听见的和看见的,正像天使对他们所说的一样,就回去了,把荣耀赞美归与 神。
21Mazuva masere akati apera kuti mucheche adzingiswe, zita rake ndokunzi Jesu, raakange atumidzwa nemutumwa asati agamuchirwa mudumbu.
21满了八天,替孩子行割礼的时候,就给他起名叫耶稣,就是他成胎之前,天使所起的。
22Zvino mazuva ekunatswa kwake nemurairo waMozisi akati apera, vakauya naye kuJerusarema, kuti vamukumikidze kuna Ishe,
22在圣殿奉献耶稣满了洁净的日子,他们就按着摩西的律法,带孩子上耶路撒冷去,奉献给主。
23(sezvazvakanyorwa pamurairo waIshe kuti: Chirume chose chinozarura chizvaro, chichanzi chitsvene kuna Ishe),
23正如主的律法所记:“所有头生的男孩,都当称为圣归给主。”
24uye vabayire chibayiro sezvazvakarehwa pamurairo waIshe, hangaiwa mbiri, kana njiva mbiri duku.
24又照着主的律法所说的献上祭物,就是一对斑鸠或两只雏鸽。
25Zvino tarira, kwakange kune munhu muJerusarema, zita rake raiva Simioni, ndiyewo munhu waiva akarurama akazvipira kushumira Mwari, akamirira kunyaradzwa kwaIsraeri, neMweya Mutsvene wakange uri pamusoro pake.
25在耶路撒冷有一个人,名叫西面,这人公义虔诚,一向期待以色列的安慰者来到,又有圣灵在他身上。
26Zvino zvakange zvaratidzwa kwaari neMweya Mutsvene, kuti haangaoni rufu asati aona Kristu waIshe.
26圣灵启示他,在死前必得见主所应许的基督,
27Wakapinda mutembere neMweya; zvino vabereki vakati vachiuisa mucheche Jesu, kuti vaite pamusoro pake netsika yemurairo,
27他又受圣灵感动进了圣殿。那时,耶稣的父母抱着孩子进来,要按着律法的规矩为他行礼。
28iye akamutora mumaoko ake, akavonga Mwari, achiti:
28西面就把他接到手上,称颂 神说:
29Tenzi, ikozvino regai muranda wenyu aende nerugare, seshoko renyu;
29“主啊,现在照你的话,释放仆人平平安安地去吧!
30nekuti meso angu aona ruponeso rwenyu,
30因我的眼睛已经看见你的救恩,
31rwamakagadzirira pamberi pezviso zvevanhu vose;
31就是你在万民面前所预备的,
32chiedza chekuzarurira vahedheni, nekubwinya kwerudzi rwenyu Israeri.
32为要作外族人启示的光,和你民以色列的荣耀。”
33Josefa namai vake vakashamisika nezvinhu zvakarehwa pamusoro pake.
33他父母因论到他的这些话而希奇。
34Zino Simioni akavaropafadza, akati kuna Maria mai vake: Tarira, uyu wakaisirwa kuwa nekumuka kwevazhinji kuna Israeri, nekuva chiratidzo chichapikiswa;
34西面给他们祝福,对他母亲马利亚说:“看哪!这孩子被立,要叫以色列中许多人跌倒,许多人兴起,又要成为反对的目标,
35uye newe, munondo uchapinda nemweya wako pachako; kuti ndangariro dzemoyo mizhinji dzifukurwe.
35(你自己的心也会被刀刺透,)这样,许多人心中的意念就要被揭露出来。”
36Zvino kwakange kuna Ana muporofitakadzi, mukunda waFanueri, wedzinza raAsheri; wakange akwegura kwazvo, wakararama nemurume makore manomwe kubvira paumhandara hwake.
36又有一个女先知,就是亚拿,是亚设支派法内利的女儿。她已经上了年纪,从童女出嫁,和丈夫住了七年,
37Uye ari chirikadzi yemakore angava makumi masere nemana, wakange asingabvi mutembere, achishumira nemitsanyo neminyengetero usiku nemasikati.
37就寡居了,直到八十四岁(“就寡居了,直到八十四岁”或译:“就寡居了八十四年”)。她没有离开过圣殿,以禁食和祷告昼夜事奉主。
38Naiye wakati achisvika nenguva iyoyo akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kuna vose vakange vachitarisira kusunungurwa muJerusarema.
38就在那时候,她前来称谢 神,并且向期待耶路撒冷蒙救赎的众人,讲论孩子的事。
39Zvino vakati vapedza zvinhu zvose zvaienderana nemurairo waIshe, vakadzokera Garirea kuguta ravo Nazareta.
39他们按着主的律法办完一切,就回加利利,到自己的城拿撒勒去了。
40Mucheche akakura, akasimba mumweya, akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzakange dziri pamusoro pake.
40孩子渐渐长大,强壮起来,充满智慧,有 神的恩典在他身上。
41Zvino vabereki vake vaienda kuJerusarema makore ose pamutambo wepasika.
41孩童耶稣上耶路撒冷过节每年逾越节,他父母都上耶路撒冷去。
42Zvino wakati ava nemakore gumi nemaviri, vakakwira kuJerusarema zvichienderana netsika yemutambo,
42当他十二岁时,他们按着节期的惯例,照常上去。
43vakati mazuva apera, pakudzoka kwavo, mwana Jesu akasara kuJerusarema, asi Josefa namai vake vasingazvizivi,
43过完了节,他们回去的时候,孩童耶稣仍留在耶路撒冷,他父母却不知道,
44asi vaimufungira kuva mune vamwe vevakange vachifamba navo, vakafamba mufambo wezuva, vakazomutsvaka pakati pehama nekuvazikanwi.
44还以为他在同行的人中间。走了一天,就在亲戚和熟人中找他,
45Asi vakati vasingamuwani, vakadzokera kuJerusarema vachimutsvaka.
45没有找到,就转回耶路撒冷找他。
46Zvino zvakaitika shure kwemazuva matatu, vakamuwana mutembere, agere pakati pavadzidzisi, achivateerera, achivabvunza.
46过了三天,才发现他在圣殿里,坐在教师中间,一面听,一面问。
47Vose vakange vachimunzwa vakavhiringidzika nekuziva nemhinduro dzake.
47所有听见他的人,都希奇他的聪明和应对。
48Zvino vakati vamuona vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitirei zvakadai kwatiri? Tarira, baba vako neni tanga tichikutsvaka tichishungurudzika.
48他父母见了,非常惊奇,他母亲说:“孩子,为什么这样对待我们呢?你看,你父亲和我都很担心地在找你呢!”
49Akati kwavari: Munonditsvaka sei? Manga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?
49他说:“为什么找我呢?你们不知道我必须在我父的家里吗?(“在我父的家里吗?”或译:“以我父的事为念吗?”)”
50Asi ivo havana kunzwisisa shoko raakataura kwavari.
50但他们不明白他所说的话。
51Zvino akaburuka navo, akasvika Nazareta; akazviisa pasi pavo. Asi mai vake vakachengeta mashoko iwayo ose mumoyo mavo.
51他就同他们下去,回到拿撒勒,并且顺从他们。他母亲把这一切事,都存在心里。
52Jesu akawedzera panjere nekukura, nepakudiwa naMwari nevanhu.
52耶稣的智慧和身量,以及 神和人对他的喜爱,都不断增长。