1Zvino wakatangazve kudzidzisa pagungwa; kukaungana kwaari chaunga chikuru zvekuti wakapinda muchikepe akagara mugungwa; uye chaunga chese chakange chiri pagungwa panyika.
1撒种的比喻(太13:1-9;路8:4-8)
2Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati kwavari padzidziso yake:
2他用比喻教训他们许多事,在教训中他说:
3Teererai; tarirai, mukushi wakabuda kunokusha.
3“你们听着!有一个撒种的出去撒种,
4Zvino zvakaitika pakukusha, imwe yakawira parutivi rwenzira; shiri dzekudenga dzikauya dzikaidya dzikaipedza.
4撒的时候,有的落在路旁,小鸟飞来就吃掉了。
5Asi imwe yakawira panzvimbo dzine mabwe, payakange isina ivhu zhinji; pakarepo ikamera, nekuti yakange isina udziku hwevhu;
5有的落在泥土不多的石地上,因为泥土不深,很快就长起来。
6asi zuva rakati rabuda, yakapiswa, uye nekuti yakange isina mudzi ikasvava.
6但太阳一出来,就把它晒干,又因为没有根就枯萎了。
7Uye imwe yakawira pamhinzwa, mhinzwa ikakura ikaivhunga, ikasabereka chibereko.
7有的落在荆棘里,荆棘长起来,把它挤住,它就结不出果实来。
8Uye imwe yakawira muvhu rakanaka; ikabereka chibereko chakakura ikawedzera, ikabereka, imwe makumi matatu, neimwe makumi matanhatu, neimwe zana.
8有的落在好土里,就生长繁茂,结出果实,有三十倍的、有六十倍的、有一百倍的。”
9Ndokuti kwavari: Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
9耶稣又说:“有耳可听的,就应当听。”
10Zvino wakati ava oga, vakange vakamukomba nevanegumi nevaviri vakamubvunza zvemufananidzo.
10用比喻的目的(太13:10-17;路8:9-10)耶稣独自一人的时候,那些经常跟着他的人和十二门徒,来问这些比喻的意义。
11Uye akati kwavari: Kwamuri kwakapiwa kuziva chakavanzika cheushe hwaMwari; asi kune avo vari kunze, zvose zvinoitwa nemifananidzo;
11耶稣对他们说:“ 神的国的奥秘,只给你们知道,但对于外人,一切都用比喻,
12kuti vachiona vaone asi varege kuonesesa, vachinzwa vanzwe asi vasinganzwisisi, zvimwe chero nguva varege kutendeuka, vakangamwirwe zvivi.
12叫他们‘看是看见了,却不领悟,听是听见了,却不明白,免得他们回转过来,得到赦免。’”
13Zvino akati kwavari: Hamuzivi mufananidzo uyu here? Zvino muchaziva sei mifananidzo yose?
13解释撒种的比喻(太13:18-23;路8:11-15)耶稣又对他们说:“你们不明白这个比喻,怎能明白一切比喻呢?
14Mukushi unokusha shoko.
14撒种的人所撒的就是道。
15Zvino ava ndivo veparutivi rwenzira, apo panokushwa shoko, uye kana vachirinzwa, pakarepo Satani unouya ndokubvisa shoko rakakushwa mumoyo yavo.
15那撒在路旁的,就是人听了道,撒但立刻来,把撒在他心里的道夺去。
16Uye saizvozvo ava ndivo vakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ivo kana vanzwa shoko, pakarepo vanorigamuchira nemufaro,
16照样,那撒在石地上的,就是人听了道,立刻欢欢喜喜地接受了;
17asi havana mudzi mavari, asi ndevenguva; pashure kana matambudziko nekushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa.
17可是他们里面没有根,只是暂时的;一旦为道遭遇患难,受到迫害,就立刻跌倒了。
18Zvino ava ndivo vanokushwa mumhinzwa, vanonzwa shoko,
18那撒在荆棘里的,是指另一些人;他们听了道,
19asi kuzvidya moyo kwezvenyika ino nekunyengera kwefuma neruchiva pamusoro pezvimwe zvinhu zvichipinda, zvichivhunga shoko, rova risingabereki.
19然而今世的忧虑、财富的迷惑,以及种种的欲望,接连进来,把道挤住,就结不出果实来。
20Naava ndivo vakakushwa muvhu rakanaka, ndivo vanonzwa shoko, ndokugamuchira, vagobereka chibereko, umwe makumi matatu, uye umwe makumi matanhatu, uye umwe zana.
20那撒在好土里的,就是人听了道,接受了,并且结出果实,有三十倍的、有六十倍的、有一百倍的。”
21Zvino wakati kwavari: Mwenje unouiswa kuti uiswe pasi pedengu kana pasi pemubhedha here? Kwete kuti uiswe pachigadziko chemwenje here?
21隐藏的事终必显露(路8:16-18)耶稣又对他们说:“灯难道是拿来放在量器底下或床底下的吗?它不是该放在灯台上吗?
22Nekuti hapana chakavigwa chisingazovhundunurwi, kana chakachengetwa chakavanda, asi kuti zvibude pachena.
22因为没有什么隐藏的事不被显明出来,没有什么掩盖的事不被揭露的。
23Kana munhu ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
23有耳可听的,就应当听。”
24Zvino wakati kwavari: Chenjererai zvamunonzwa; nechiyero chamunoyera nacho chichayerwa kwamuri, nekwamuri imwi munonzwa, chichawedzerwa.
24耶稣又对他们说:“要留心你们所听到的,你们用什么尺度量给人, 神也要用什么尺度量给你们,并且要超过尺度给你们。
25Nekuti ani nani unacho uchapiwa; asi usina uchatorerwa kunyange nechaanacho.
25因为那有的,还要给他;那没有的,就算他有什么也要拿去。”
26Zvino akati: Hwakadaro ushe hwaMwari, sezvinonzi munhu unokusha mbeu muvhu.
26种子发芽生长的比喻耶稣说:“ 神的国好像人在地里撒种,
27Zvino ovata nekumuka usiku nemasikati, mbeu inomera ichikura iye asingazivi kuti sei.
27他夜里睡觉,白天起来,种子发芽生长,自己也不知道怎么会这样的。
28Nekuti ivhu rinozviberekera chibereko pacharo, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura.
28地生五谷是自然的,先长苗,后吐穗,最后穗上结满了子粒。
29Asi kana chibereko chaibva, pakarepo unotuma jeko nekuti kukohwa kwasvika.
29庄稼熟了,就派人用镰刀割下,因为收成的时候到了。”
30Zvino wakati: Tichafananidza nei ushe hwaMwari? Tingahuenzanisa nemuenzaniso upi?
30芥菜种的比喻(太13:31-35;路13:18-19)又说:“我们要把 神的国比作什么呢?我们可以用什么比喻来形容它呢?
31Setsanga yemasitadha*, iyo kana ichidzvarwa muvhu, idukusa kumbeu dzose dzepanyika;
31它好像一粒芥菜种,刚种下去的时候,比地上的一切种子都小,
32asi kana yadzvarwa, inokura ichiva huru kumirivo yose, ichiita matavi makuru zvekuti shiri dzekudenga dzinogona kuvakira pamumvuri wawo.
32种下以后,生长起来,却比一切蔬菜都大,长出大枝子,甚至天空的飞鸟都可以在它的荫下搭窝。”
33Zvino nemifananidzo mizhinji yakadaro, akataura shoko kwavari, sepavaigona kunzwa napo.
33耶稣用许多这样的比喻,照着他们所能听懂的,向他们讲道;
34Asi kunze kwemifananidzo haana kutaura kwavari; asi vava vega, wakadudzira vadzidzi vake zvose.
34不用比喻,就不对他们讲。只有单独和自己的门徒在一起的时候,才把一切解释给他们听。
35Zvino nezuva iroro ava madekwana, wakati kwavari: Ngatiyambukire mhiri.
35平静风浪(太8:18、23-27;路8:22-25)当天黄昏,耶稣对门徒说:“我们渡到海那边去吧。”
36Vakarega chaunga chichiinda, vakaenda naye akangodaro muchikepe. Zvino kwaivawo nemamwe magwa naye.
36门徒离开群众,耶稣已经在船上,他们就载他过去,也有别的船和他同去。
37Zvino kwakamuka dutu guru remhepo, mafungu akazviroverera muchikepe, zvekuti chakange zvino chozadzwa.
37忽然起了狂风,波浪不断地打进船来,舱里积满了水。
38Asi iye wakange ari shure muchikepe avete pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari: Mudzidzisi, hamuna hanya kuti toparara here?
38耶稣却在船尾靠着枕头睡着了。门徒把他叫醒,对他说:“老师,我们要死了,你不管吗?”
39Akamuka akatsiura mhepo, akati kugungwa: Nyarara, gadzikana! Mhepo ikamira, kukava nekudzikama kukuru.
39耶稣起来,斥责了风,又对海说:“不要作声!安静吧!”风就停止,大大地平静了。
40Ndokuti kwavari: Munotyirei zvakadaro? Hamuna rutendo sei?
40然后对他们说:“为什么这样胆怯呢?你们怎么没有信心呢?”
41Vakatya nekutya kukuru, vakati umwe kune umwe: Zvino ndiani uyu, kuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?
41门徒非常惧怕,彼此说:“这到底是谁,连风和海都听从他?”