Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Mark

3

1Zvino wakapindazve musinagoge, zvino kwakange kune munhuko wakange ane ruoko rwakawonyana.
1治好手枯的人(太12:9-14;路6:6-11)
2Zvino vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nesabata, kuti vamupomere.
2众人窥探他会不会在安息日医治那个人,好去控告他。
3Zvino akati kumunhu waiva neruoko rwakawonyana: Simuka uende pakati.
3耶稣对那一只手枯干了的人说:“起来,站在当中!”
4Akati kwavari: Zviri pamutemo here kuita zvakanaka nemasabata, kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu, kana kuuraya? Asi vakanyarara.
4又对他们说:“在安息日哪一样是可以作的呢:作好事还是坏事?救命还是害命?”他们一声不响。
5Zvino wakati aringa-ringa kwavari, nekutsamwa, ane shungu nekuda kwekuoma kwemoyo wavo, akati kumunhu: Tambanudza ruoko rwako. Akatambanudza ruoko rwake rwukaporeswa rwukagwinya serumwe.
5耶稣怒目环视他们,因他们的心刚硬而难过,就对那人说:“伸出手来!”他把手一伸,手就复原了。
6VaFarisi vakabuda pakarepo vakarangana nevaHerodhe pamusoro pake kuti vangamuparadza sei.
6法利赛人出来,立刻和希律党人商量怎样对付耶稣,好除掉他。
7Zvino Jesu akabva nevadzidzi vake vakaenda kugungwa; chaunga chikuru chikamutevera chichibva Garirea, nekuJudhiya,
7许多人到海边找耶稣(太12:15-16;路6:17-19)耶稣和门徒退到海边去,一大群从加利利来的人跟着他;
8nekuJerusarema, nekuIdhumeya, nemhiri kwaJoridhani, nevakapoteredza Tire neSidhoni, chaunga chikuru, vakati vanzwa makuriro ezvinhu zvaanoita vakauya kwaari.
8还有许多人听见他所作的一切事,就从犹太、耶路撒冷、以土迈、约旦河外和推罗、西顿一带地方来到他跟前。
9Akataura kuvadzidzi vake kuti igwa duku rimugarire nekuda kwechaunga, kuti varege kumutsikirira.
9因为人多,耶稣就吩咐门徒为他预备一只小船,免得众人拥挤他。
10Nekuti wakange aporesa vazhinji zvekuti vaiwira pamusoro pake kuti vamubate vose vakange vane zvirwere.
10他医好了许多人,所以凡有病的都挤过来要摸他。
11Nemweya yetsvina, payakamuona yakawira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti: Imwi muri Mwanakomana waMwari.
11污灵每次看到他,就仆倒在他面前,大声喊叫说:“你是 神的儿子!”
12Akairairisa zvikuru kuti irege kumubudisa pachena.
12耶稣再三严厉地吩咐他们,不要把他的身分张扬出去。
13Zvino wakakwira mugomo, akadanira kwaari vaakange achida iye; vakauya kwaari.
13选立十二使徒(太10:1-4;路6:12-16。参徒1:13)耶稣上了山,呼召自己所要的人,他们就来了。
14Akagadza gumi nevaviri, kuti vave naye, nekuti avatume kunoparidza,
14他选立了十二个人,称他们为使徒(有些抄本无“称他们为使徒”一句),要他们跟自己常在一起,好差遣他们去传道,
15uye vave nesimba rekuporesa zvirwere nekubudisa madhimoni.
15又有权柄赶鬼。
16NaSimoni akamutumidza zita rinonzi Petro,
16他选立的十二个人是:西门(耶稣给他起名叫彼得),
17naJakobho waZebhedhi, naJohwani munin'ina waJakobho; akavatumidza mazita anonzi Bowanegesi, ndokuti, vanakomana vekutinhira;
17西庇太的儿子雅各,和雅各的弟弟约翰(耶稣给他们二人起名叫半尼其,就是“雷子”的意思),
18naAndiriya, naFiripi, naBhatoromiyo, naMatewu, naTomasi, naJakobho waArifiyosi, naTadhiyo, naSimoni muKenani,
18安得烈、腓力、巴多罗迈、马太、多马、亚勒腓的儿子雅各、达太、激进派的西门,
19naJudhasi Isikariyoti, iyewo wakamutengesa. Ndokubva vapinda mumba.
19以及加略人犹大,就是出卖耶稣的那个人。
20Chaunga chikaunganazve zvekuti vakange vasingagoni kana kudya chingwa.
20亵渎圣灵的罪不得赦免(太12:22-32;路11:14-23,12:10)耶稣进了屋子,群众又聚了来,以致他们连饭都不能吃,
21Vekwake vakati vachizvinzwa vakabuda kunomubata; nekuti vakati: Unopenga.
21那些和他在一起的人听见了,就出来抓住他,因为他们说他癫狂了。
22Nevanyori vakaburuka vachibva kuJerusarema vakati: Una Bheerizebhuri, nekuti: Unobudisa madhimoni nemutungamiriri wemadhimoni.
22从耶路撒冷下来的经学家说:“他有别西卜附在身上!”又说:“他靠着鬼王赶鬼。”
23Zvino akavadanira kwaari, akati kwavari nemifananidzo: Satani ungagona kubudisa Satani sei?
23耶稣把他们叫来,用比喻对他们说:“撒但怎能赶逐撒但呢?
24Kana ushe hwakapesana hwuchimirisana, ushe uhwo hahungagoni kumira.
24一国若自相纷争,那国就站立不住;
25Kana imba yakapesana ichimirisana, imba iyo haigoni kumira.
25一家若自相纷争,那家就站立不住。
26Uye kana Satani achizvimukira, akapesana, haangagoni kumira, asi unopera.
26如果撒但自相攻打纷争,不但站立不住,而且还要灭亡。
27Hakuna ungagona kupinda mumba mehamburamakaka, akapamba nhumbi dzayo, kunze kwekuti atanga kusunga hamburamakaka, ndokuzopamba imba yayo.
27谁都不能进入壮汉的家,抢夺他的财物,除非先把壮汉捆绑起来,才可以抢劫他的家。
28Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvivi zvose zvichakangamwirwa kuvanakomana vevanhu, nekunyomba kose kwavanonyomba nako;
28我实在告诉你们,世人的一切罪和一切亵渎的话,都可以得到赦免;
29asi ani nani unonyomba achipikisa Mweya Mutsvene haana kangamwiro narinhi asi une mhosva yekutongwa kusingaperi.
29但亵渎圣灵的,就永世不得赦免,他还要担当罪恶到永远。”
30Nekuti vakati: Une mweya wetsvina.
30耶稣说这话,是因为他们说他有污灵附在身上。
31Zvino kwakauya vanin'ina namai vake, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari vachimudana.
31谁是耶稣的母亲和弟兄(太12:46-50;路8:19-21)耶稣的母亲和弟弟来了,站在外面,传话给他,叫他出来。
32Chaunga chakange chigere chakamukomba; vakati kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vari panze vanokutsvakai.
32有许多人正围坐在耶稣身边,他们告诉他:“你看,你的母亲和弟弟(有些抄本在此有“妹妹”一词)在外面找你。”
33Akavapindura achiti: Mai vangu ndiani kana vanin'ina vangu?
33耶稣回答他们:“谁是我的母亲,我的弟兄呢?”
34Zvino akaringa-ringa kupoteredza avo vakange vagere vakamukomba akati: Tarirai mai vangu nevanin'ina vangu.
34于是四面观看那些围坐的人,说:“你们看,我的母亲!我的弟兄!
35Nekuti ani nani unoita kuda kwaMwari, ndiye munin'ina wangu nehanzvadzi yangu namai.
35凡遵行 神旨意的,就是我的弟兄姊妹和母亲了。”