1Zvino akapindazve muKapenaume pashure pemazuva; zvikanzwikwa kuti uri mumba.
1治好瘫子(太9:1-8;路5:18-26)
2Zvino pakarepo vazhinji vakaungana zvekuti pakange pasisina nzvimbo, kunyange pamukova; akataura shoko kwavari.
2许多人就都来聚集,甚至连门前都没有地方了,耶稣就对他们讲道。
3Vakauya kwaari, vakaisa wakange akafa mitezo, akatakurwa navanhu vana.
3那时有人把一个瘫子带到耶稣那里,是由四个人抬来的。
4Zvino vakati vasingagoni kusvika pedo naye nekuda kwechaunga, vakapfurunyura denga paakange ari, vakati varipfurunyura vakaburusira uchanja hwaakange avete pahwuri wakange akafa mitezo.
4因为人挤,不能带到他面前,就对着耶稣所在的地方,拆去房顶;拆通了,就把瘫子连人带褥子缒了下去。
5Jesu wakati aona rutendo rwavo akati kune wakange akafa mitezo: Mwana, zvivi zvako zvakangamwirwa kwauri.
5耶稣看见他们的信心,就对瘫子说:“孩子,你的罪赦了。”
6Zvino vamwe vevanyori vakange vagerepo, vakafunga mumoyo yavo vachiti:
6当时有几个经学家也坐在那里,心里议论说:
7Uyu unotaurirei kunyomba sezvizvi? Ndiani unogona kukangamwira zvivi kunze kweumwe chete, Mwari?
7“这个人为什么这样说话?他说僭妄的话了。除了 神一位以外,谁能赦罪呢?”
8Zvino pakarepo Jesu achiziva mumweya wake kuti vanofunga saizvozvo mukati mavo akati kwavari: Munofungirei zvinhu izvi mumoyo yenyu?
8耶稣心里立刻知道他们这样议论,就对他们说:“你们心里为什么议论这事?
9Chii chakakareruka zvikuru, kuti kune wakafa mitezo: Zvivi zvako zvakangamwirwa kwauri, pane kuti: Simuka, utore uchanja hwako, ufambe?
9对瘫子说‘你的罪赦了’,或说‘起来,拿着你的褥子走’,哪一样容易呢?
10Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu une simba panyika rekukangamwira zvivi (akati kune wakange akafa mitezo):
10然而为了要你们知道人子在地上有赦罪的权柄,(他就对瘫子说:)
11Ndinoti kwauri: Simuka utore uchanja hwako, uende kumba kwako.
11我吩咐你,起来,拿起你的褥子,回家去吧。”
12Zvino pakarepo wakasimuka, akatora uchanja, ndokubuda pamberi pavo vose; zvekuti vose vakashamisika, vakarumbidza Mwari, vachiti: Hatina kumbozviona zvakadai.
12那人就起来,立刻拿着褥子,当众出去了。众人都非常惊奇,颂赞 神,说:“我们从来没有见过这样的事。”
13Wakabudazve akaenda kurutivi rwegungwa, chaunga chese chikauya kwaari, akavadzidzisa.
13呼召利未(太9:9-13;路5:27-32)耶稣又出去,到了加利利海边;众人都到他面前来,他就教导他们。
14Wakati achipfuura, akaona Revhi waArifiyosi agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere. Akasimuka akamutevera.
14他往前走的时候,看见亚勒腓的儿子利未坐在税关那里,就对他说:“来跟从我!”他就起来跟从了耶稣。
15Zvino zvakaitika agere pakudya mumba make, kuti vateresi vazhinji nevatadzi vakagarawo pamwe naJesu nevadzidzi vake; nekuti vakange vari vazhinji vakamutevera.
15后来耶稣在利未家里吃饭,有很多税吏和罪人也来与他和门徒一起吃饭;因为这样的人很多,并且他们已经跟随了耶稣。
16Zvino vanyori nevaFarisi vakati vamuona achidya nevateresi nevatadzi, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei achidya nekumwa nevateresi nevatadzi?
16法利赛派的经学家,看见耶稣与罪人和税吏一起吃饭,就对耶稣的门徒说:“他跟税吏和罪人一起吃饭吗?”
17Jesu wakati achizvinzwa akati kwavari: Vakagwinya havadi chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi mukutendeuka.
17耶稣听见了,就对他们说:“健康的人不需要医生,有病的人才需要;我来不是要召义人,而是要召罪人。”
18Uye vadzidzi vaJohwani nevevaFarisi vaitsanya; vakauya vakati kwaari: Nemhaka yeyi vadzidzi vaJohwani nevevaFarisi vachitsanya asi vadzidzi venyu havatsanyi?
18新旧的比喻(太9:14-17;路5:33-38)约翰的门徒和法利赛人正在禁食,有人来问耶稣说:“为什么约翰的门徒和法利赛人的门徒常常禁食,你的门徒却不禁食呢?”
19Jesu akati kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kutsanya muwani achiri kwavari here? Kana vachingova nemuwani kwavari, havagoni kutsanya;
19耶稣回答:“新郎跟宾客在一起的时候,宾客怎能禁食呢?只要新郎还在,就不能禁食。
20asi mazuva awo achasvika apo muwani achabviswa kwavari, ipapo mumazuva iwayo vachatsanya.
20但日子到了,新郎要被取去,离开他们,那一天他们就要禁食了。
21Uye hakuna unosonera chigamba chemucheka usina kuonyana panguvo sharu; kana zvikasadaro chinoiswa chinobvarura pane yakasakara buri rikanyanya.
21没有人会把一块新布缝在旧衣服上,如果这样,新的布就会把旧衣服扯破,裂开的地方就更大了。
22Uye hakuna unodira waini itsva muhombodo sharu, zvikasadaro waini itsva inoparusa hombodo, waini ikateuka nehombodo ikaparara, asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva.
22也没有人会把新酒装在旧皮袋里,如果这样,酒就会把皮袋胀破,酒和皮袋都损坏了;新酒总该装在新皮袋里。”
23Zvino zvakaitika kuti achigura nemuminda yezviyo nesabata, vadzidzi vake ndokutanga kutanha hura vachifamba.
23安息日的主(太12:1-8;路6:1-5)有一次,在安息日,耶稣从麦田经过,他的门徒一面走路,一面摘麦穗。
24VaFarisi ndokuti kwaari: Tarira, vanoitirei nesabata izvo zvisiri pamutemo?
24法利赛人对耶稣说:“你看,他们为什么作安息日不可作的事?”
25Iye akati kwavari: Hamuna kutomboverenga here Dhavhidhi zvaakaita, musi waakange ashaiwa, ava nenzara, iye nevakange vanaye?
25耶稣对他们说:“大卫和跟他一起的人在饥饿缺食的时候所作的,你们没有念过吗?
26Kuti wakapinda sei mumba maMwari nenguva yaAbhiatari mupristi mukuru, akadya zvingwa zvekuratidza zvakange zvisiri pamutemo kudyiwa kunze nevapristi, akapawo kwavari vaaiva naye?
26他不是在亚比亚他作大祭司的时候,进了 神的殿,吃了除祭司以外谁都不可以吃的陈设饼,而且还给跟他在一起的人吃吗?”
27Akati kwavari: Sabata rakaitirwa munhu, kwete munhu kuitirwa sabata.
27耶稣又告诉他们:“安息日是为人设立的,人并不是为安息日设立的。
28Naizvozvo Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyange wesabata.
28这样,人子也是安息日的主。”