Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Mark

8

1Nemazuva iwayo zvakwakange kune chaunga chikuru kwazvo, vasina chavangadya, Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari:
1给四千人吃饱的神迹(太15:32-39)
2Ndine tsitsi nechaunga; nekuti chadogara neni mazuva matatu vasina zvavangadya.
2“我怜悯这一群人,因为他们和我在一起已经有三天,没有什么吃的了。
3Kana ndikavarega vaende kumba kwavo nenzara, vachaziya panzira; nekuti vamwe vavo vanobva kure.
3如果我叫他们散开,饿着肚子回家去,他们会在路上晕倒,因为有人是从很远的地方来的。”
4Vadzidzi vake vakamupindura, vakati: Zvingabvepi zvingwa munhu zvaangagutsa nazvo ava murenje muno?
4门徒回答:“在这旷野地方,从哪里能找食物叫这些人吃饱呢?”
5Akavabvunza, akati: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe.
5他问他们:“你们有多少饼?”他们说:“七个。”
6Zvino akaraira chaunga kuti chigare pasi pavhu; akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pechaunga.
6耶稣吩咐群众坐在地上;拿起那七个饼,祝谢了,擘开递给门徒,叫他们摆开;门徒就摆在众人面前,
7Uye vakange vane hove duku shoma; zvino akadziropafadza, akati vadziise pamberi pavo.
7他们还有几条小鱼,耶稣祝了福,就吩咐把这些也摆开。
8Vakadya, vakaguta; ndokununga zvimedu zvakasara, matengu manomwe.
8众人都吃了,并吃饱了。他们把剩下的零碎收拾起来,装满了七个大篮子。
9Avo vakange vadya vainge vaiva zvuru zvina; akavarega vachienda.
9当时人数约有四千。耶稣解散了群众,
10Pakarepo akapinda muchikepe nevadzidzi vake, akauya kumativi eDharimanuta.
10就立刻和门徒上了船,来到大玛努他地区。
11Zvino vaFarisi vakabuda, vakatanga kupikisana naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza.
11求耶稣显神迹(太16:1-4)法利赛人出来,跟耶稣辩论;他们想试探他,求他显个从天上来的神迹。
12Akagomera zvikuru pamweya wake akati: Zera iri rinotsvakirei chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna chiratidzo chichapiwa kuzera iri.
12耶稣灵里深深地叹息,说:“这世代为什么总是寻求神迹?我实在告诉你们,决不会有神迹显给这个世代的!”
13Ndokubva avasiya, akapindazve muchikepe, akabva akayambukira kumhiri.
13于是他离开他们,又上船往对岸去了。
14Zvino vadzidzi vakange vakangamwa kutora zvingwa; uye vakange vasina navo chinhu muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete.
14提防法利赛人和希律的酵(太16:5-12)门徒忘了带饼,船上除了一个饼,身边没有别的了。
15Zvino akavaraira, achiti: Ngwarirai, muchenjere mbiriso yevaFarisi nembiriso yaHerodhe.
15耶稣嘱咐他们说:“你们要小心,提防法利赛人的酵和希律的酵!”
16Vakarangana pakati pavo vachiti: Nekuti hatina zvingwa.
16门徒彼此议论说:“这是因为我们没有饼吧?”
17Zvino Jesu wakati achizviziva akati kwavari: Munorangana sei kuti hamuna zvingwa? Hamusati maziva, kana kunzwisisa here? Muchine moyo mikukutu here?
17耶稣知道了,就说:“为什么议论没有饼这件事呢?你们还不知道,还不明白吗?你们的心还是这么迟钝吗?
18Mune meso hamuoni here? Uye mune nzeve, hamunzwi here? Uye hamurangariri here?
18你们有眼不能看,有耳不能听吗?你们不记得吗?
19Pandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Vakati kwaari: Gumi nemaviri.
19我擘开那五个饼给五千人吃,你们收拾的零碎装满了几个篮子呢?”他们说:“十二个。”
20Uye pazvinomwe pavanezvuru zvina, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Ndokuti: Manomwe.
20“那七个饼分给四千人吃,你们收拾的零碎装满了几个大篮子呢?”他们说:“七个。”
21Ndokubva ati kwavari: Sei musinganzwisisi?
21耶稣说:“你们还不明白吗?”
22Zvino wakasvika kuBhetisaidha; vakauyisa bofu kwaari, vakamukumbirisa kuti aribate.
22治好伯赛大瞎眼的人后来他们到了伯赛大,有人带了一个瞎眼的人到他跟前,求耶稣摸他。
23Akabata ruoko rwebofu, akaribudisira kunze kwemusha; akati apfira meso aro, akaisa maoko pamusoro paro, akaribvunza kana richiona chinhu.
23耶稣拉着他的手,领他到村外,吐唾沫在他的眼睛上,又用双手按在他的身上,问他:“你看见什么没有?”
24Ndokutarira kumusoro rikati: Ndinoona vanhu vakaita semiti, vachifamba.
24他往上一看,说:“我看见人了!看见他们好像树走来走去。”
25Mushure maizvozvo akaisazve maoko pamusoro pameso aro akaritaridza kumusoro, rikaporeswa, rikaona vose zvakajeka.
25于是耶稣再按手在他的眼睛上,他定睛一看,就复原了,样样都看得清楚了。
26Akarirega richienda kumba kwaro, achiti: Usapinda mumusha uye usaudza ani nani mumusha.
26耶稣叫他回家去,说:“连这村子你也不要进去。”
27Zvino Jesu akabuda nevadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesariya yeFiripi; vari munzira akabvunza vadzidzi vake achiti kwavari: Vanhu vanoti ndini ani?
27彼得承认耶稣是基督(太16:13-16、20;路9:18-21)耶稣和门徒出去,要到该撒利亚.腓立比附近的村庄。在路上他问门徒说:“人说我是谁?”
28Vakapindura vachiti: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; vamwezve: Umwe wevaporofita.
28他们回答:“有人说是施洗的约翰;有人说是以利亚;还有人说是先知里的一位。”
29Iye akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati kwaari: Imwi muri Kristu.
29他又问他们说:“那么你们呢?你们说我是谁?”彼得回答:“你就是基督。”
30Akavaraira zvikuru kuti varege kuudza munhu pamusoro pake.
30耶稣郑重地嘱咐他们,不要把他的事告诉人。
31Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana wemunhu unofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji nekurambwa nevakuru, nevapristi vakuru, nevanyori, agourawa, uye mushure mamazuva matatu amukezve.
31耶稣预言受难及复活(太16:21-28;路9:22-27)于是他教导他们,人子必须受许多苦,被长老、祭司长和经学家弃绝、杀害,三天后复活。
32Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akamutorera parutivi, akatanga kumutsiura.
32耶稣坦白地说了这话,彼得就把他拉到一边,责怪他。
33Asi iye atendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akatsiura Petro achiti: Ibva shure kwangu, Satani; nekuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.
33耶稣转过身来,望着门徒,斥责彼得说:“撒但,退到我后面去!因为你不思念 神的事,只思念人的事。”
34Zvino wakati adanira kwaari chaunga pamwe nevadzidzi vake, akati kwavari: Ani nani unoda kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
34于是把众人和门徒都叫过来,对他们说:“如果有人愿意跟从我,就应当舍己,背起他的十字架来跟从我。
35Nekuti ani nani unoda kuponesa upenyu hwake, ucharashikirwa nahwo, asi ani nani ucharashikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu nekweevhangeri, ndiye uchahuponesa.
35凡是想救自己生命的,必丧掉生命;但为我和福音牺牲生命的,必救了生命。
36Nekuti zvinobatsirei munhu, kana akawana nyika yose akarashikirwa nemweya wake?
36人就是赚得全世界,却赔上自己的生命,有什么好处呢?
37Kana kuti munhu uchapei kuti chive muripo wemweya wake?
37人还能用什么换回自己的生命呢?
38Nekuti ani nani unonyara pamusoro pangu nepamashoko angu pazera iri reupombwe nekutadza, Mwanakomana wemhunhu uchanyarawo pamusoro pake, paanouya mukubwinya kwaBaba vake ane vatumwa vatsvene.
38在淫乱罪恶的世代,凡把我和我的道当作可耻的,人子在他父的荣耀里,和圣天使一起降临的时候,也必把他当作可耻的。”