Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Mark

7

1Zvino kwakaunganira kwaari vaFarisi nevamwe vevanyori vaibva kuJerusarema;
1不可因传统废弃 神的诫命(太15:1-20)
2vakati vaona vamwe vevadzidzi vake vachidya zvingwa nemaoko ane tsvina, ndiko kuti asina kushambwa, vakasvora.
2他们看见他的门徒有人用不洁的手,就是没有洗过的手吃饭,
3Nekuti vaFarisi, nevaJudha vose, havadyi kunze kwekuti vashamba maoko kwazvo, vachibatirira tsika dzevakuru.
3(原来法利赛人和所有的犹太人都拘守古人的传统,如果不认真洗手,就不吃东西;
4Kana vachibva pamusika, kunze kwekuti vashamba, havadyi; nezvimwe zvinhu zvizhinji zviripo zvavakange vagamuchira kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira, nenhovo.
4从街市回来,不先洗手,也不吃东西,还有许多别的传统,他们都沿袭拘守,例如洗杯、洗罐、洗铜器等等。)
5Ipapo vaFarisi nevanyori vakamubvunza, vachiti: Nemhaka yei vadzidzi venyu vasingafambi netsika yevakuru, asi vanodya chingwa nemaoko asina kushambwa?
5法利赛人和经学家问耶稣:“你的门徒为什么不遵行古人的传统,用不洁的手吃饭呢?”
6Asi wakapindura akati kwavari: Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu imwi vanyepedzeri, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Zera iri rinondikudza nemiromo, asi moyo wavo uri kure neni.
6耶稣对他们说:“以赛亚指着你们这班伪君子所说的预言是对的,经上记着:‘这人民用嘴唇尊敬我,心却远离我;
7Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso, dziri mirairo yevanhu.
7他们把人的规条当作道理去教导人,所以拜我也是徒然。’
8Nekuti munosiya mirairo yaMwari, muchibatirira tsika yevanhu, sekusuka hari nemikombe, nezvimwe zvizhinji zvakadaro munozviita.
8你们拘守着人的传统,却离弃了 神的诫命。”
9Zvino akati kwavari: Munoramba nemazvo murairo waMwari, kuti muchengete tsika yenyu.
9耶稣又对他们说:“你们为了坚守自己的传统,而巧妙地把 神的诫命拒绝了。
10Nekuti Mozisi wakati: Kudza baba vako namai vako; uye: Unotuka baba kana mai, unofanira kufa rufu.
10因为摩西说:‘当孝敬父母’,又说:‘咒骂父母的,必被处死。’
11Asi imwi munoti: Kana munhu achiti kuna baba kana mai: Chinhu chipi nechipi chamunobatsirwa nacho neni "iKorbani*", ndokuti chipo kuna Mwari,
11你们倒说:‘人对父母说,我应该给你的供奉,已经作了各耳板’(各耳板意思是奉给 神的供物),
12hamuchamutenderi kuitira baba vake kana mai vake chinhu,
12你们就不让那人再为父母作什么。
13muchishayisa shoko raMwari maturo netsika dzenyu dzamunogamuchidzana; nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.
13这样,你们借着所领受的传统,把 神的话废弃了。你们还作了许多这一类的事。”
14Zvino wakati adanira kwaari chaunga chose akati kwavari: Nditeererei mose, munzwisise.
14于是耶稣又把群众叫过来,对他们说:“你们大家都要听我说,也要明白:
15Hapana chinhu chinobva kunze kwemunhu chinopinda maari chingamusvibisa; asi zvinhu zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu.
15从外面进去的,不能使人污秽,从里面出来的,才能使人污秽。”
16Kana aripo ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
16(有些抄本有第16节:“有耳可听的,就应该听。”)
17Zvino wakati apinda mumba achibva kuchaunga, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pemufananidzo.
17耶稣离开群众,进了屋子,门徒就来问他这比喻的意思。
18Akati kwavari: Saizvozvo nemwi hamunzwisisi here? Hamunzwisisi here kuti chose chinobva kunze chichipinda mumunhu hachigoni kumusvibisa?
18他对他们说:“连你们也是这样不明白吗?难道不知道从外面进去的,不能使人污秽吗?
19Nekuti hachipindi mumoyo make, asi mudumbu; chichibuda kunze, achinatsa zvikafu zvose.
19因为不是进到他的心,而是进到他的肚腹,再排泄到外面去。”(他这样说是表示各样食物都是洁净的。)
20Ndokubva ati: Icho chinobuda mumunhu, ndicho chinosvibisa munhu.
20接着他又说:“从人里面出来的,才会使人污秽。
21Nekuti kubva mukati mumoyo wevanhu munobuda mifungo yakaipa, upombwe, ufeve, umhondi,
21因为从里面,就是从人的心里,发出恶念、淫乱、偷盗、凶杀、
22umbavha, ruchiva, kuipa, kunyengera, meso-meso, ziso rakaipa, kunyomba, kuzvikudza, upenzi;
22奸淫、贪心、邪恶、诡诈、放荡、嫉妒、毁谤、骄傲、愚妄;
23zvose zvinhu izvi zvakaipa zvinobva mukati, zvichisvibisa munhu.
23这一切恶事,是从人里面出来的,都能使人污秽。”
24Zvino kubva ipapo wakasimuka akaenda kumiganhu yeTire neSidoni; akapinda mumba, asingadi kuti pave neunozviziva, asi akakoniwa kuvanzika.
24叙利亚妇人的信心(太15:21-28)耶稣从那里动身到推罗(有些抄本在此有“和西顿”)境内去。进了一所房子,本来不想让人知道,却隐藏不住。
25Nekuti mukadzi, waiva nemukunda muduku wakange ane mweya wetsvina, wakanzwa nezvake, akauya akawira patsoka dzake.
25有一个女人,她的小女儿被污灵附着,她听见了耶稣的事,就来俯伏在他脚前。
26Uye mukadzi waiva muGiriki, muSirofenike pachizvarwa; akamukumbirisa kuti abudise dhimoni pamukunda wake.
26这女人是外族人,属于叙利亚的腓尼基族。她求耶稣把鬼从她女儿身上赶出去。
27Asi Jesu akati kwaari: Regai vana vatange kuguta, nekuti hazvina kunaka kutora chingwa chevana, ndokukandira kuimbwanana.
27耶稣对她说:“应该先让儿女吃饱。拿儿女的饼去丢给小狗吃是不好的。”
28Akapindura akati kwaari: Hongu, Ishe; kunyange nembwanana dziri pasi petafura dzinodya zvezvimedu zvevana.
28那女人回答他:“主啊,是的,不过小狗在桌子底下,也可以吃孩子们掉下来的碎渣。”
29Akati kwaari: Nekuda kweshoko iri, enda; dhimoni rabva pamukunda wako.
29耶稣对她说:“就凭这句话,你回去吧,鬼已经从你女儿身上出去了。”
30Akabva akaenda kumba kwake, akawana dhimoni rabuda, mukunda avete panhovo.
30她回到家里,看见小孩子躺在床上,鬼已经出去了。
31Zvino wakatizve achibva kumiganhu yeTire neSidhoni, akauya kugungwa reGarirea, nepakati pemiganhu yeDhekapori.
31治好又聋又哑的人(太15:29-31)耶稣从推罗境内出去,经过西顿,回到低加波利地区的加利利海。
32Vakauisa kwaari umwe waiva matsi waikakamira, vakamukumbirisa kuti aise ruoko pamusoro pake.
32有人带着一个又聋又哑的人到他那里,求耶稣按手在他身上。
33Akamutora ari oga kubva pachaunga, akapinza mimwe yake munzeve dzake, akapfira, ndokubata rurimi rwake.
33耶稣把他从人群中带到一边,用指头探他的耳朵,吐唾沫抹他的舌头,
34Atarira kumusoro kudenga, akagomera, akati kwaari: "Efata"; ndiko kuti: Zarurwa!
34然后望着天,长长地叹了一口气,对他说:“以法大!”意思是“开了吧”。
35Pakarepo nzeve dzake dzakazarurwa, chisungo cherurimi rwake chikasunungurwa, akataura zvakarurama.
35那人的耳朵就开了,舌头也松了,说话也准确了。
36Ndokuvaraira, kuti varege kuudza munhu; asi pakunyanya kuvaraira, vakanyanya zvikuru kuparidza izvozvo.
36耶稣嘱咐他们不要告诉人。但他越是嘱咐,他们却越发传扬。
37Vakashamisika zvikuru kwazvo, vachiti: Wakaita zviri zviviri zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nezvimumumu kuti zvitaure.
37众人非常惊讶说:“他所作的一切事都好极了;他竟然使聋子听见,又使哑巴说话。”