Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Matthew

15

1Ipapo kwakauya kuna Jesu vanyori nevaFarisi vachibva kuJerusarema vachiti:
1不可因传统废弃 神的诫命(可7:1-23)
2Sei vadzidzi venyu vachidarika tsika dzevakuru? Nekuti havashambi maoko avo kana vachidya chingwa.
2“你的门徒为什么违背古人的传统,在饭前不洗手呢?”
3Asi akapindura akati kwavari: Nemhaka yei imwiwo muchidarika murairo waMwari nekuda kwetsika dzenyu?
3耶稣回答:“你们又为什么因你们的传统,违背 神的诫命呢?
4Nekuti Mwari wakaraira achiti: Kudza baba namai vako; uye kuti: Unotuka baba kana mai, unofanira kufa rufu.
4 神说:‘当孝敬父母’,又说:‘咒骂父母的必被处死’。
5Asi imwi munoti: Ani nani unoti kuna baba kana mai: Chipi nechipi chaungabatsirwa neni chibayiro,
5你们却说:‘人若对父母说:“我应该给你们的,已经作了献给 神的礼物”,
6naizvozvo haatongokudzi baba vake kana mai vake; naizvozvo mashayisa murairo waMwari maturo netsika dzenyu.
6他就可以不孝敬父母了。’你们因为你们的传统,就废弃了 神的话。
7Vanyepedzeri, Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu achiti:
7伪君子啊,以赛亚指着你们说的预言说得好:
8Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemuromo wavo, vachindikudza nemiromo; asi moyo wavo uri kure neni.
8‘这人民用嘴唇尊敬我,心却远离我;
9Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso dzemirairo yevanhu.
9他们把人的规条当作道理去教导人,所以拜我也是徒然。’”
10Zvino akadanira chaunga kwaari, akati kwavari: Teererai munzwisise.
10耶稣叫群众前来,对他们说:“你们要听,也要明白。
11Hazvisi zvinopinda mumuromo zvinosvibisa munhu; asi izvo zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu.
11进到口里的不能使人污秽,只有从口里出来的,才能使人污秽。”
12Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakati kwaari: Munoziva kuti vaFarisi vakati vachinzwa shoko iri vakagumbuka here?
12门徒前来告诉他:“法利赛人听了这话很生气,你知道吗?”
13Asi wakapindura akati: Chinomera chimwe nechimwe Baba vangu vekudenga chavasina kusima chichadzurwa.
13耶稣说:“所有不是我天父栽种的植物,都要连根拔起来。
14Varegei; vatungamiriri mapofu vemapofu; zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ari maviri.
14由得他们吧!他们是瞎眼的,却作了向导;如果瞎子领瞎子,二人都会跌进坑里。”
15Petro akapindura akati kwaari: Tidudzirei mufananidzo uyu.
15彼得说:“请你给我们解释这个比喻吧。”
16Zvino Jesu akati: Imwiwo muchigere kunzwisisa here?
16耶稣说:“你们还是不明白吗?
17Nazvino hamunzwisisi here, kuti zvose zvinopinda mumuromo zvinoenda mudumbu, zvichizorashwa kunze?
17难道不知道一切进到口里的,是进到肚腹,然后排泄到外面去吗?
18Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumoyo; izvo zvinosvibisa munhu.
18但从口里出来的,是发自内心,才会使人污秽。
19Nekuti mumoyo munobuda ndangariro dzakaipa, umhondi, ufeve, upombwe, umbavha, uchapupu hwenhema, kunyomba.
19因为从心里出来的,有恶念、凶杀、奸淫、淫乱、偷盗、假见证和毁谤。
20Izvi ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya nemaoko asina kushambwa hazvisvibisi munhu.
20这些才会使人污秽,不洗手吃饭却不会这样。”
21Zvino Jesu wakabvapo akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni.
21迦南妇人的信心(可7:24-30)耶稣离开那里,来到推罗、西顿境内。
22Zvino tarira, mukadzi muKanani wakabva kumiganhu iyoyo akadanidzira kwaari achiti: Ndinzwirei tsitsi! Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi. Mukunda wangu wakabatwa zvakaipa nedhimoni.
22有一个迦南的妇人从那地区出来,喊着说:“主啊,大卫的子孙,可怜我吧!我的女儿被鬼附得很苦。”
23Asi haana kumupindura kana shoko. Vadzidzi vake ndokuuya kwaari vakamukumbirisa vachiti: Muindisei, nekuti unodanidzira shure kwedu.
23耶稣一句话也不回答她。门徒上前求他说:“请叫她走吧,她一直跟在我们后面喊叫。”
24Asi wakapindura akati: Handina kutumwa zvimwe, kunze kwekumakwai akarashika eimba yaIsraeri.
24耶稣回答:“我被差遣,只是到以色列家的迷羊那里去。”
25Zvino akauya akamukotamira achiti: Ishe, ndibatsirei henyu.
25她来跪在耶稣面前说:“主啊,求你帮助我!”
26Asi wakapindura akati: Hazvina kunaka kutora chingwa chevana ndokukandira imbwanana.
26耶稣回答:“拿儿女的饼丢给小狗吃是不好的。”
27Asi iye akati: Hongu, Ishe, asi nembwanana dzinodya zvezvimedu zvinowa patafura yavatenzi vadzo.
27她说:“主啊,是的,不过小狗也吃主人桌子上掉下来的碎渣。”
28Zvino Jesu akapindura akati kwaari: Haiwa mukadzi, rutendo rwako rukuru! Ngazvive kwauri sezvaunoda. Mukunda wake akaporeswa kubva panguva iyoyo.
28于是耶稣对她说:“妇人,你的信心真大,照你所想的给你成就吧!”从那时起,她的女儿就好了。
29Jesu ndokubva ipapo akauya pedo negungwa reGarirea; akakwira mugomo, akagara ipapo.
29治好许多病人(可7:31-37)耶稣离开那里,来到加利利海边,就上山坐下。
30Zvino zvaunga zvikuru zvikauyisa kwaari, vanokamhina, mapofu, zvimumumu, zvirema, nevamwe vazhinji, vakavakanda patsoka dzaJesu; akavaporesa;
30有许多人来到他那里,把瘸腿的、瞎眼的、残废的、哑的和许多别的病人,都带到耶稣跟前,他就医好他们。
31zvekuti zvaunga zvakashamisika zvichiona zvimumumu zvichitaura, zvirema zvakagwinya, vanokamhina vachifamba, nemapofu achiona; vakarumbidza Mwari waIsraeri.
31群众看见哑巴说话,残废的复原,瘸腿的行走,瞎眼的看见,就十分惊奇,于是颂赞以色列的 神。
32Jesu ndokudanira vadzidzi vake kwaari akati: Ndinonzwa tsitsi nechaunga, nekuti vakagara neni zvino mazuva matatu vasina chinhu chekudya, uye handingavaindisi vasina kudya, zvimwe vangaziya panzira.
32给四千人吃饱的神迹(可8:1-10。参太14:13-21)耶稣叫门徒前来,说:“我怜悯这一群人,因为他们跟我在一起已经有三天,也没有什么吃的;我不想叫他们饿着肚子回去,恐怕他们在路上晕倒。”
33Vadzidzi vake ndokuti kwaari: Tichawanepi zvingwa zvakawanda zvakadaro murenje, kuti tigutise chaunga chikuru chakadai?
33门徒对他说:“我们在这旷野地方,哪里有足够的食物给这许多的人吃饱呢?”
34Jesu ndokuti kwavari: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe, nehove duku shomanene.
34耶稣问他们:“你们有多少饼?”他们说:“七个饼和几条小鱼。”
35Ndokuraira zvaunga kuti zvigare pasi pavhu.
35他就吩咐群众坐在地上,
36Akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akamedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa chaunga.
36拿起那七个饼和那些鱼,祝谢了,擘开递给门徒,门徒又分给众人。
37Vakadya vose vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, matengu manomwe azere.
37大家都吃了,并且吃饱了。他们把剩下的零碎拾起来,装满了七个大篮子。
38Zvino avo vakadya vakange vari varume zvuru zvina pasina vakadzi nevana vaduku.
38吃的人,除了妇女和孩子,共有四千。
39Zvino wakati aregera zvaunga zvichienda, akapinda muchikepe, akasvika kumiganhu yeMagidhara.
39耶稣解散了群众,就上了船,来到马加丹地区。