Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Matthew

14

1Panguva iyo Herodhe umwe wevatongi vana wakanzwa mukurumbira waJesu,
1施洗约翰被杀(可6:14-29)
2akati kuvaranda vake: Uyu ndiJohwani Mubhabhatidzi; iye wakamuka kuvakafa, naizvozvo mabasa esimba awa anobata maari.
2就对臣仆说:“这人是施洗的约翰,他从死人中复活,所以他身上有行神迹的能力。”
3Nekuti Herodhe wakange abata Johwani akamusunga akamuisa mutirongo nekuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripi munin'ina wake.
3原来希律为了他弟弟腓力的妻子希罗底的缘故,拘捕了约翰,把他捆绑,关在监里,
4Nekuti Johwani wakange ati kwaari: Hazvitenderwi kwauri kuti uve naye.
4因为约翰多次告诉他:“你占有她是不合理的。”
5Zvino wakange achida kumuuraya, akatya chaunga, nekuti vaimutora semuporofita.
5他想杀约翰,但又害怕群众,因为他们都认为约翰是个先知。
6Asi kwakati kuchichengetedzwa zuva rekuberekwa kwaHerodhe, mukunda waHerodhiasi akatamba pakati pavo, akafadza Herodhe.
6到了希律生日的那天,希罗底的女儿在众人面前跳舞,希律非常高兴,
7Naizvozvo wakavimbisa nemhiko kuti uchamupa chipi nechipi chaaizokumbira.
7就起誓答应她,无论求什么都给她。
8Zvino iye, wakati amborairwa namai vake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohwani Mubhabhatidzi.
8她在母亲的怂恿之下,说:“请把施洗的约翰的头放在盘子上给我。”
9Mambo akashungurudzika, asi nekuda kwemhiko, uye kwevakange vagere naye pakudya, wakaraira kuti apiwe.
9王就忧愁,但因为誓言和在座的宾客,就下令给她。
10Akatuma vanhu akagura Johwani musoro mutirongo.
10他派人去,在监里斩了约翰的头,
11Musoro wake ukauyiswa mundiro, ukapiwa kumusikana, akauisa kuna mai vake.
11把头放在盘子上,拿来给那女孩子,她又带给母亲。
12Vadzidzi vake vakauya vakatora mutumbi vakauviga, ndokuenda ndokuudza Jesu.
12约翰的门徒前来,领了尸体,把它埋葬,然后去告诉耶稣。
13Jesu wakati azvinzwa, akabvapo nechikepe, akaenda kunzvimbo yerenje ari oga; asi zvaunga zvakati zvichizvinzwa zvikamutevera netsoka zvichibva mumaguta.
13给五千人吃饱的神迹(可6:32-44;路9:10-17;约6:1-13。参太15:32-38)耶稣听见了,就离开那里,独自坐船到旷野去。群众听见了,就从各城步行来跟随他。
14Zvino Jesu wakati abuda akaona chaunga chikuru, akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo.
14耶稣上了岸,看见一大群人,就怜悯他们,医好了他们的病人。
15Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti: Iyi inzvimbo yerenje, uye ikozvino nguva dzaenda; regai zvaunga zviende, kuti vaende kumisha vanozvitengera chikafu.
15黄昏的时候,门徒前来对他说:“这是旷野的地方,时间也不早了,请叫群众散开,好让他们往村里去,买自己的食物吧。”
16Asi Jesu wakati kwavari: Havafaniri kuenda; vapei imwi kuti vadye.
16耶稣回答:“他们用不着离开,你们给他们吃吧!”
17Asi vakati kwaari: Hatina pano kunze kwezvingwa zvishanu nehove mbiri.
17但门徒说:“我们这里除了五个饼和两条鱼,什么也没有。”
18Iye akati: Uyai nazvo pano pandiri.
18他说:“拿过来给我。”
19Akaraira zvaunga kuti zvigare pasi pauswa, akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, ndokutarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, akamedura ndokupa zvingwa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa kuzvaunga.
19于是吩咐群众坐在草地上,拿起那五个饼两条鱼,望着天,祝谢了;然后把饼擘开,递给门徒,门徒又分给群众。
20Vakadya vose, vakaguta, vakaunganidza zvimedu zvakasara, matengu gumi nemaviri azere.
20大家都吃了,并且吃饱了,他们把剩下的零碎拾起来,装满了十二个篮子。
21Uye vakange vadya vaiva varume zvuru zvishanu pasina vakadzi nevana vaduku.
21吃的人,除了妇女和孩子,约有五千。
22Pakarepo Jesu wakamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vamutungamirire mhiri, iye acharega zvaunga zvichienda.
22耶稣在海面上行走(可6:45-52;约6:15-21)耶稣立刻催门徒上船,叫他们先到对岸去,他却留下来叫群众散开。
23Zvino wakati arega zvaunga zvichienda, akakwira mugomo ari oga kunonyengetera; akati ava madekwana, wakange ari oga ipapo.
23他解散了群众,就独自上山去祷告。到了晚上,他还是独自一人在那里。
24Asi chikepe zvino chakange chava pakati pegungwa chichivheyeswa nemafungu; nekuti mhepo yakange ichipikisa.
24那时门徒的船已经离岸数公里,因为逆风,被波浪冲击。
25Nenguva yechina yemurindiro yeusiku Jesu akaenda kwavari achifamba pamusoro pegungwa.
25天快亮的时候(“天快亮的时候”原文作“夜里四更天”),耶稣在海面上向他们走过去。
26Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka vachiti idzangaradzimu. Vakadanidzira nekutya.
26门徒见他在海面上行走,就很惊慌,说:“有鬼啊!”并且恐惧得大叫起来。
27Asi pakarepo Jesu wakataura navo akati: Tsungai moyo; ndini; musatya.
27耶稣立刻对他们说:“放心吧!是我,不要怕。”
28Petro ndokumupindura akati: Ishe, kana muri imwi ndirairei ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.
28彼得对他说:“主啊,如果是你,让我在水面上到你那里去。”
29Ndokubva ati: Uya. Petro ndokuburuka muchikepe akafamba pamusoro pemvura, kuenda kuna Jesu.
29他说:“来吧!”彼得就从船上下来,行在水面上,走向耶稣那里去。
30Asi wakati achiona mhepo ine simba akatya; zvino otanga kunyura, akadanidzira, achiti: Ishe, ndiponesei!
30但他一见风浪就害怕,快要沉下去的时候,就呼叫:“主啊!救我!”
31Pakarepo Jesu wakatandavadza ruoko, akamubata, akati kwaari: Iwe werutendo ruduku, unokononei?
31耶稣马上伸手拉住他,对他说:“小信的人哪,为什么疑惑?”
32Vakati vapinda muchikepe, mhepo ikanyarara.
32他们上了船,风就平静了。
33Vakange vari muchikepe ndokuuya vakamunamata vachiti: Zvirokwazvo muri Mwanakomana waMwari.
33船上的人都拜他,说:“你真是 神的儿子。”
34Vakati vayambuka, vakasvika panyika yeGenesareti.
34治好革尼撒勒的病人(可6:53-56)他们过到对岸,来到革尼撒勒的地区。
35Varume venzvimbo iyo vakati vamuziva, vakatuma shoko panyika yose iyo yakapoteredza, vakauyisa kwaari vose vairwara.
35那地的人认出是耶稣,就把消息传遍了那一带。众人把一切有病的人都带来,
36Vakakumbirisa kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake; uye vose vakabata vakaporeswa.
36求耶稣让他们只摸一摸他衣服的繸子,摸着的人就都痊愈了。