1Zvino shure kwemazuva matanhatu Jesu akatora Petro naJakobho naJohwani munin'ina wake, akavakwidza mugomo refu vari vega.
1在山上改变形象(可9:2-13;路9:28-36)
2Akashandurwa chimiro pamberi pavo, chiso chake chikapenya sezuva, nguvo dzake dzikachena sechiedza.
2耶稣在他们面前改变了形象,脸好像太阳一样照耀,衣服洁白像光。
3Zvino tarira, kwakaonekwa kwaari Mozisi naEria vachitaura naye.
3忽然,摩西和以利亚向他们显现,跟耶稣谈话。
4Zvino Petro akapindura akati kuna Jesu: Ishe, zvakatinakira kuva pano; kana muchida, ngatiite pano matende matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria.
4彼得对耶稣说:“主啊,我们在这里真好。如果你愿意,我就在这里搭三个帐棚,一个为你,一个为摩西,一个为以利亚。”
5Wakati achataura, tarira, gore rinopenya rakavadzikatira; uye tarira, inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodika, wandinofadzwa maari kwazvo, inzwai iye.
5彼得还说话的时候,有一朵明亮的云彩笼罩他们,云中有声音说:“这是我的爱子,我所喜悦的,你们要听他。”
6Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawa nechiso chavo, vakatya zvikuru.
6门徒听见了,就俯伏在地上,非常害怕。
7Asi Jesu akaswedera akavabata, akati: Simukai, musatya.
7耶稣前来,摸着他们说:“起来,不用怕。”
8Vakati vachisimudza meso avo, havana kuona munhu, kunze kwaJesu chete.
8他们抬起头来,看见只有耶稣自己,没有别的人。
9Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, achiti: Musaudza munhu chiratidzo ichi, kusvikira Mwanakomana wemunhu amuka kuvakafa.
9他们下山的时候,耶稣吩咐他们:“人子从死人中复活以前,你们不要把所看见的异象告诉人。”
10Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti: Vanyori vanogotaurirei vachiti Eria unofanira kutanga kuuya?
10门徒就问他:“那么经学家为什么说,以利亚必须先来呢?”
11Jesu akapindura akati kwavari: Eria uchatanga kusvika zvirokwazvo, uchavandudza zvinhu zvose.
11他回答:“以利亚当然要来,并且复兴一切。
12Asi ndinotaura kwamuri kuti Eria wakatosvika, asi havana kumuziva, asi vakamuitira zvose zvavakada; saizvozvowo Mwanakomana wemunhu uchatambura navo.
12但我告诉你们,以利亚已经来了,可是人们却不认识他,反而任意待他。照样,人子也要这样被他们苦待。”
13Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti wakataura kwavari zvaJohwani Mubhabhatidzi.
13这时门徒才领悟,耶稣是指着施洗的约翰说的。
14Vakati vasvika kuchaunga, kwakauya kwaari munhu, akamufugamira, achiti:
14治好癫痫病的小孩(可9:14-29;路9:37-42)耶稣和门徒来到群众那里,有一个人前来,跪下对耶稣说:
15Ishe, donzwirai mwanakomana wangu tsitsi, nekuti une zvipusha, unotambudzika kwazvo; nekuti kazhinji unowira mumoto, kazhinji mumvura.
15“主啊,可怜我的儿子吧,他患了癫痫病,非常痛苦,好几次掉进火里和水中。
16Uye ndakamuuyisa kuvadzidzi venyu, asi havana kugona kumuporesa.
16我带他去见你的门徒,他们却不能医好他。”
17Jesu akapindura akati: Zera risina rutendo nerakakombama, ndichava nemwi kusvikira rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhi? Muuisei pano pandiri.
17耶稣说:“唉!这又不信又乖谬的世代啊!我要跟你们在一起到几时呢?我要忍受你们到几时呢?把孩子带到我这里来吧。”
18Zvino Jesu akaritsiura, dhimoni rikabuda kwaari, mwana akaporeswa kubva panguva iyoyo.
18耶稣斥责那鬼,鬼就从孩子身上出来;从那时起,孩子就好了。
19Zvino vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga, vakati: Isu takange tisingagoni nei kuribudisa?
19门徒悄悄地前来问耶稣:“为什么我们不能把鬼赶出去呢?”
20Jesu akati kwavari: Nemhaka yekusatenda kwenyu. Nekuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana mune rutendo rwakaita setsanga yemasitadha, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko; uye richabva; hakuna chinhu chingakukonai.
20他说:“因为你们的信心太小了。我实在告诉你们,只要你们的信心像一粒芥菜种,就是对这山说:‘从这里移到那里’,它也必移开。没有什么是你们不能作的。”
21Asi zera iri haribudi kunze chete nekunyengetera nekutsanya.
21(有些抄本有第21节:“这一类的鬼,如果不靠祷告和禁食,是赶不出来的。”)
22Zvino vachakagara muGarirea, Jesu wakati kwavari: Mwanakomana wemunhu wobva wokumikidzwa mumaoko evanhu,
22第二次预言受难及复活(可9:30-32;路9:43-45)他们聚集在加利利的时候,耶稣对门徒说:“人子将要被交在人的手里,
23uye vachamuuraya, asi nezuva retatu uchamutswa. Vakashurukirwa zvikuru.
23他们要杀害他,第三天他要复活。”他们就很忧愁。
24Zvino vakati vachisvika Kapenaume, vanhu vaigamuchira mutero vakauya kuna Petro, vakati: Mudzidzisi wenyu haateri here?
24缴纳殿税他们来到迦百农,收殿税的人前来对彼得说:“你们的老师不纳税吗?”
25Akati: Hongu. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akamutangira achiti: Unofungei Simoni? Madzimambo enyika anotora muripo kana mutero kuna vana ani? Kuvanakomana vavo kana kuvatorwa?
25他说:“纳。”他进到屋子里,耶稣先问他:“西门,你认为怎样?地上的君王向谁征收关税和丁税?向自己的儿子还是外人呢?”
26Petro akati kwaari: Kuvatorwa. Jesu akati kwaari: Saka vanakomana vakasununguka.
26他回答:“外人。”耶稣对他说:“这样,儿子就可以免税了。
27Asi kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa ukande chiredzo; ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana mari; uitore uvape, ive yangu neyako.
27但为了避免触犯他们,你要到海边去钓鱼;把第一条钓上来的鱼拿起来,打开鱼的嘴,你就会找到一个大银币。你可以拿去交给他们作你我的殿税。”