1Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti: Ko ndiani mukurusa paushe hwekumatenga?
1天国里谁最大(可9:33-37;路9:46-48)
2Jesu akadanira kwaari mucheche akamumisa pakati pavo.
2耶稣叫了一个小孩子站在他们当中,说:
3Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana musingashandurwi mukava sevacheche, hamungatongopindi muushe hwekumatenga.
3“我实在告诉你们,如果你们不回转,变成像小孩子一样,一定不能进天国。
4Naizvozvo ani nani unozvininipisa semucheche uyu ndiye mukurusa muushe hwekumatenga.
4所以,凡谦卑像这小孩子的,他在天国里是最大的。
5Zvino ani nani unogamuchira mucheche umwe wakadai muzita rangu unogamuchira ini.
5凡因我的名接待一个这样的小孩子的,就是接待我;
6Asi ani nani unogumbusa umwe wevacheche ava vanotenda kwandiri, zvaiva nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe pamutsipa wake, anyudzwe mukudzika kwegungwa.
6但无论谁使一个信我的小弟兄犯罪,倒不如拿一块大磨石拴在他的颈项上,把他沉在深海里。
7Une nhamo nyika, nemhaka yezvigumbuso! Nekuti kunodikamwa kuti zvigumbuso zviuye; asi une nhamo munhu uyo chigumbuso wachinouya naye!
7坚拒犯罪(可9:42-48;路17:1-2)“这世界有祸了,因为充满使人犯罪的事。这些事是免不了的,但那使人犯罪的有祸了!
8Zvino kana ruoko rwako kana rutsoka rwako zvichikugumbusa, uzvigure urashire kure newe; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri mhetamakumbo kana uri chirema pakuti une maoko maviri kana tsoka mbiri ukandirwe mumoto wekusingaperi.
8如果你的一只手或一只脚使你犯罪,就把它砍下来丢掉;你一只手或一只脚进永生,总比有两只手或两只脚被投进永火里好。
9Kana ziso rako richikugumbusa, uridzure urashire kure newe; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu une ziso rimwe pakuti une meso maviri ukandirwe mugehena remoto.
9如果你的一只眼睛使你犯罪,就把它挖出来丢掉;你一只眼睛进永生,总比有两只眼睛被投进地狱的火里好。
10Chenjerai kuti murege kuzvidza umwe wevaduku ava, nekuti ndinoti kwamuri: Kumatenga vatumwa vavo vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kumatenga.
10迷羊的比喻(路15:4-7)“你们要小心,不要轻视这些小弟兄中的一个。我告诉你们,他们的使者在天上,常常见到我天父的面。
11Nekuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzoponesa chakange chakarashika.
11(有些抄本有第11节:“人子来,是要拯救失丧的人。”)
12Munofunga sei? Kana umwe munhu ane zana remakwai, rimwe rawo rikarashika, haangasii here makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, akaenda kumakomo kunotsvaka rakarashika?
12你们认为怎样?有一个人,他有一百只羊,如果失了一只,他会不把九十九只留在山上,去寻找那迷失的吗?
13Kana zvikaitika kuti ariwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Unorifarira kupfuura makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurashika.
13我实在告诉你们,他若找到了,就为这一只羊欢喜,胜过为那九十九只没有迷失的。
14Saizvozvo hakusi kuda kwaBaba venyu vari kumatenga, kuti umwe wevaduku ava aparare.
14照样,你们在天上的父是不愿意这些小弟兄中有一个失丧的。
15Asi kana hama yako yakutadzira, enda umudzore pakati pako naye moga; kana akakunzwa, wawana hama yako.
15怎样对待犯了罪的弟兄“如果你的弟兄犯了罪(“犯了罪”有些抄本作“得罪你”),你趁着和他单独在一起的时候,要去指出他的过失来。如果他肯听,你就得着你的弟兄。
16Asi kana asinganzwi, tora umwe kana vamwe vaviri newe, kuti nemuromo wezvapupu zviviri kana zvitatu shoko rose risimbiswe.
16如果他不肯听,就另外带一两个人同去,好使一切话,凭两三个证人的口,可以确定。
17Kana asina hanya nekuvanzwa, uudze kereke; asi kana asina hanya nekunzwa kerekewo, ngaave kwauri semuhedheni nemuteresi.
17如果他再不听,就告诉教会;如果连教会他也不听,就把他看作教外人和税吏吧。
18Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchasunga panyika, chichasungwa kudenga; uye chipi nechipi chamunosunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.
18“我实在告诉你们,你们在地上捆绑的,在天上也被捆绑;你们在地上释放的,在天上也被释放。
19Zvekare ndinoti kwamuri: Kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechinhu chipi nechipi chavanokumbira, chichaitwa kwavari naBaba vangu vari kumatenga.
19我又告诉你们,你们当中若有两个人,在地上同心为什么事祈求,我在天上的父必为他们成全。
20Nekuti apo vaviri kana vatatu vakaungana muzita rangu, ipapo ndiripo pakati pavo.
20因为无论在哪里,有两三个人奉我的名聚会,我就在他们中间。”
21Zvino Petro wakauya kwaari akati: Ishe, hama yangu ichanditadzira kangani, ndichiikangamwira? Kusvikira kanomwe here?
21不饶恕人的也得不着饶恕那时,彼得前来问耶稣:“主啊,如果我的弟兄得罪我,我要饶恕他多少次?七次吗?”
22Jesu akati kwaari: Handiti kwauri: Kusvikira kanomwe, asi kusvikira makumi manomwe akapamhidzirwa kanomwe.
22耶稣对他说:“我告诉你,不是七次,而是七十个七次。
23Naizvozvo ushe hwekumatenga hunofananidzwa neumwe mambo, wakange achida kugadzirisa zvemari nevaranda vake.
23因此,天国好像一个王,要和他的仆人算帐,
24Zvino wakati achitanga kugadzirisa zvemari, umwe akauyiswa kwaari wakange ane chikwereti chematarenda* zvuru zvemazana zvinegumi.
24刚算的时候,有人带了一个欠下六千万银币的人来。
25Asi zvaakange asina chaangaripa nacho, ishe wake akaraira kuti atengeswe nemukadzi wake nevana, nezvose zvaakange anazvo, kuti muripo uitwe.
25他没有钱偿还,主人就下令叫人把他和他的妻子儿女,以及一切所有的都卖掉,用来偿还。
26Naizvozvo muranda wakawira pasi, akamunamata, achiti: Ishe, ivai nemoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.
26那仆人就跪下拜他,说:‘请宽容我,我会把一切还给你的。’
27Zvino ishe wemuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamukangamwira chikwereti.
27主人动了慈心,把那仆人放了,并且免了他的债。
28Asi muranda uyo wakati achibuda, akawana umwe muranda waibata pamwe naye, wakange ane ngava kwaari remadhenari* zana; akamubata, akamudzipa, akati: Ndiripe ngava rangu.
28那仆人出来,遇见一个欠了他一百个银币的仆人,就抓住他,扼着他的喉咙,说:‘把你欠我的钱还给我。’
29Zvino muranda waibata pamwe naye akawira pasi patsoka dzake akamugombetedza achiti: Uve nemoyo murefu neni, ndichazokuripira zvose.
29那和他一同作仆人的就跪下求他,说:‘请宽容我,我会还给你的。’
30Asi iye haana kutenda, asi wakaenda, akamupotsera mutirongo, kusvikira achizoripa chikwereti.
30他却不肯,反而把他带走,关在监里,等他把所欠的还清。
31Zvino varanda vaibata pamwe naye vakati vachiona zvakange zvaitika, vakashungurudzika kwazvo, vakaenda vakaudza ishe wavo zvose zvakaitika.
31其他的仆人看见这事,非常难过,就去向主人报告这一切事情。
32Zvino ishe wake wakati amudanira kwaari akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukangamwira chikwereti icho chose, nekuti wakandigombetedza.
32于是主人叫他来,对他说:‘你这个恶仆,你求我,我就免了你欠我的一切。
33Ko iwe hauzaifanira kunzwira tsitsi here umwe muranda unobata pamwe newe, seniwo ndakakunzwira tsitsi.
33难道你不应该怜悯你的同伴,好像我怜悯你一样吗?’
34Zvino ishe wake akatsamwa, akamukumikidza kuvarwadzisi, kusvikira achizoripa zvose zvakafanira kwaari.
34于是主人大怒,把他送去服刑,等他把所欠的一切还清。
35Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana musingakangamwiri umwe neumwe hama yake zvitadzo zvavo nemoyo yenyu yose.
35如果你们各人不从心里饶恕你的弟兄,我的天父也必这样待你们。”