Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Matthew

19

1Zvino zvakaitika apo Jesu apedza mashoko iwayo, akabva Garirea, akasvika kumiganhu yeJudhiya mhiri kweJoridhani.
1 神配合的,人不可分开(可10:1-12)
2Zvaunga zvikuru zvikamutevera, akazviporesapo.
2有许多人跟着他;他在那里医好了他们。
3VaFarisi vakauyawo kwaari, vachimuidza vachiti kwaari: Zvinotenderwa here kumunhu kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi?
3法利赛人前来试探耶稣,说:“人根据某些理由休妻,可以吗?”
4Akapindura, akati kwavari: Hamuna kurava here, kuti uyo wakavaita kubva pakutanga wakavaita murume nemukadzi?
4他回答:“造物者从起初‘造人的时候,就造男造女’。’因此人要离开父母,与妻子连合,二人成为一体。’这些话你们没有念过吗?
5Akati: Nekuda kwaizvozvi munhu uchasiya baba namai, uye uchanamatira kumukadzi wake; avo vaviri vachava nyama imwe.
5
6Naizvozvo havachisiri vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo izvo Mwari zvaakabatanidza ngakurege kuva nemunhu unoparadzanisa.
6这样,他们不再是两个人,而是一体的了。所以 神所配合的,人不可分开。”
7Vakati kwaari: Mozisi wakagorairei kupa rugwaro rwekurambana, nekumuramba?
7他们就问:“为什么摩西却吩咐‘人若给了休书,就可以休妻’呢?”
8Akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo yenyu Mozisi wakakutenderai kuramba vakadzi venyu; asi kubva pakutanga zvakange zvisina kudaro.
8他说:“摩西因为你们的心硬,才准许你们休妻,但起初并不是这样。
9Asi ndinoti kwamuri: Ani nani unoramba mukadzi wake, kunze kwemhaka yeupombwe, akawana umwe, unopomba; neunowana wakarambwa unopomba.
9我告诉你们,凡休妻另娶的,如果不是因为妻子不贞,就是犯奸淫了。”
10Vadzidzi vake vakati kwaari: Kana nyaya yemunhu nemukadzi yakadaro, hazvibatsiri kuwana.
10门徒对他说:“夫妻的关系既然是这样,倒不如不结婚了。”
11Asi akati kwavari: Vose havagamuchiri shoko iri, kunze kwevakaripiwa.
11耶稣对他们说:“这话不是每个人都能领受的,只有赐给谁,谁才能领受。
12Nekuti kune vakachekwa, vakaberekwa vakadaro kubva mudumbu ramai; uye kune vakachekwa, vakaitwa vakachekwa nevanhu; uye kune vakachekwa vakazviita vakachekwa nekuda kweushe hwekumatenga. Unogona kugamuchira izvi, ngaagamuchire.
12有些人是生来就不能结婚的,有些人不能结婚是因为人使他们这样,也有些人是为了天国的缘故自愿这样的。谁能领受就领受吧!”
13Zvino kwakauyiswa kwaari vana vaduku, kuti aise maoko pamusoro pavo, anyengetere; asi vadzidzi vakavatsiura.
13给小孩子按手祈祷(可10:13-16;路18:15-17)那时,有人带了小孩子到耶稣面前,求他给他们按手祈祷,门徒就责备那些人。
14Asi Jesu wakati: Tenderai vana vaduku, musavadzivisa kuuya kwandiri; nekuti ushe hwekumatenga ndehwevakadai.
14但耶稣说:“让小孩子到我这里来,不要禁止他们,因为天国是属于这样的人的。”
15Akaisa maoko pamusoro pavo, akabvapo.
15于是他给他们按手,然后离开那里。
16Zvino tarira, kwakaswedera umwe akati kwaari: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi kuti ndive neupenyu husingaperi?
16有钱的人难进 神的国(可10:17-31;路18:18-30)有一个人前来见耶稣,说:“老师,我要作什么善事,才可以得着永生?”
17Akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, ndiye Mwari. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo.
17耶稣说:“为什么问我关于善的事呢?只有一位是善的。如果你想进入永生,就应当遵守诫命。”
18Akati kwaari: Ipi? Jesu ndokuti: Usauraya, usapomba, usaba, usapupura nhema;
18他问:“什么诫命?”耶稣回答:“就是‘不可杀人,不可奸淫,不可偷盗,不可作假证供;
19kudza baba vako namai, uye, ude umwe wako sezvaunozvida iwe.
19当孝敬父母,当爱人如己’。”
20Jaya rikati kwaari: Izvozvo zvose ndakazvichengeta kubva pauduku hwangu; ndichiri kushaiwei?
20那青年对他说:“这一切我都遵守了,还缺少什么呢?”
21Jesu akati kwariri: Kana uchida kuva wakaperera, enda utengese zvaunazvo upe varombo, uye uchava nefuma kudenga; ugouya pano unditevere.
21耶稣对他说:“如果你想要完全,就去变卖你所有的,分给穷人,你就必定有财宝在天上,而且你要来跟从我。”
22Asi jaya rakati ranzwa shoko iro rikaenda richishungurudzika; nekuti rakange rine nhumbi zhinji.
22那青年听见这话,就忧忧愁愁地走了,原来他的财产很多。
23Jesu akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mufumi ucharemerwa kupinda muushe hwekumatenga.
23耶稣对门徒说:“我实在告诉你们,有钱的人是很难进天国的。
24Ndinotizve kwamuri: Zvakarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.
24我又告诉你们,骆驼穿过针眼,比有钱的人进 神的国还容易呢!”
25Vadzidzi vake vakati vazvinzwa, vakashamisika kwazvo, vachiti: Ndiani ungagona kuponeswa?
25门徒听见了,十分惊奇,就问他:“这样,谁可以得救呢?”
26Asi Jesu wakatarira akati kwavari: Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.
26耶稣看着他们说:“在人这是不能的,在 神却凡事都能。”
27Ipapo Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai; tichagowanei?
27那时彼得对他说:“你看,我们已经舍弃一切跟从了你,我们会得到什么呢?”
28Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Imwi makanditevera, pakuberekwa kutsva kana Mwanakomana wemunhu achizogara pachigaro cheushe chekubwinya kwake, imwiwo muchagara pazvigaro zveushe gumi nezviviri, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri.
28耶稣对他们说:“我实在告诉你们,到了万物更新,人子坐在他荣耀的宝座上的时候,你们这些跟从我的人,也会坐在十二个宝座上,审判以色列的十二个支派。
29Uye umwe neumwe wakasiya dzimba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwezita rangu, uchagamuchira zvine zana, akagara nhaka yeupenyu husingaperi.
29凡为我的名撇下房屋、兄弟、姊妹、父母、儿女或田地的,他必得着百倍,并且承受永生。
30Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzisira vekutanga.
30然而许多在前的将要在后,在后的将要在前。”