1Nekuti ushe hwekumatenga hwakafanana nemunhu, mwene weimba, wakabuda mangwanani-ngwanani kunopinza basa vashandi mumunda wake wemizambiringa.
1葡萄园工人的比喻
2Wakati atenderana nevabati padhenari* pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa.
2他和工人讲定了一天的工钱是一个银币,然后派他们到葡萄园去。
3Akabuda neawa rinenge rechitatu, akaona vamwe vamire pamusika, vasina chekuita;
3大约九点钟,他又出去,看见还有人闲站在街市上,
4akati kwavariwo: Endai imwiwo mumunda wemizambiringa, ndigokupai chero zvakafanira. Vakaendawo.
4就对他们说:‘你们也到葡萄园来吧,我会给你们合理的工钱。’
5Akabudazve neawa rinenge rechitanhatu nerepfumbamwe, akaita saizvozvo.
5他们就去了。约在正午和下午三点钟,他又出去,也是这样作。
6Zvino neawa rinenge regumi nerimwe wakabuda, akawana vamwe vamire vasina chekuita, akati kwavari: Makamirirei pano zuva rose musina chekuita?
6下午五点钟左右,他再出去,看见还有人站着,就问他们:‘你们为什么整天站在这里不去作工?’
7Vakati kwaari: Nekuti hapana munhu wakatipinza basa. Akati kwavari: Endai nemwiwo mumunda wemizambiringa, muchagamuchira zvose zvakafanira.
7他们回答:‘没有人用我们。’他说:‘你们也到葡萄园来吧。’
8Kuzoti ava madekwana, mwene wemunda wemizambiringa wakati kumutariri wake: Dana vabati, uvape mubairo, uchitanga kune vekupedzisira, kusvikira kune vekutanga.
8到了黄昏,园主对管工说:‘把工人叫来,给他们工钱,从最后的开始,到最先来的。’
9Zvino vakati vachiuya veawa rinenge regumi nerimwe, vakagamuchira umwe neumwe dhenari*.
9那些下午五点钟才开始作工的人来了,每个人都领到一个银币。
10Asi vekutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti vachagamuchira zvakapfuura; asi ivo vakagamuchira umwe neumwe dhenari*.
10最先作工的人也来了,以为会多得一点,但每个人也是领到一个银币。
11Vakati vagamuchira vakagunun'unira mwene weimba,
11他们领到之后,就埋怨家主,说:
12vachiti: Ava vekupedzisira, vakabata awa rimwe chete, asi mavaenzanisa nesu takatakura mutoro wezuva nekupisa.
12‘我们整天在烈日之下劳苦,这些后来的人只工作了一个小时,你却给他们跟我们一样的工钱。’
13Asi wakapindura akati kune umwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana here neni padhenari*?
13家主回答他们当中的一个,说:‘朋友,我并没有亏待你。你我不是讲定了一个银币吗?
14Tora zvako uende; ndinoda kupa kune uyu wekupedzisira sewewo.
14拿你的工钱走吧!我给那后来的和给你的一样,是我的主意。
15Ko handitenderwi kuita zvandinoda nezvangu here? Ziso rako rakaipa, nekuti ini ndakanaka here?
15难道我不可以照自己的主意用我的财物吗?还是因为我仁慈你就嫉妒呢?’
16Saizvozvo vekupedzisira vachava vekutanga, nevekutanga vekupedzisira; nekuti vazhinji vakadamwa, asi vashoma vachasarudzwa.
16因此,在后的将要在前,在前的将要在后。”
17Jesu wakati okwira kuJerusarema akatora vadzidzi gumi nevaviri vari vega munzira, akati kwavari:
17第三次预言受难及复活(可10:32-34;路18:31-34)耶稣上耶路撒冷去的时候,把十二门徒带到一边,对他们说:
18Tarirai, tinokwira kuJerusarema, zvino Mwanakomana wemunhu uchakumikidzwa kuvapristi vakuru nevanyori, vachamutongera rufu.
18“我们现在上耶路撒冷去,人子要被交给祭司长和经学家,他们要定他死罪,
19Vachamukumikidza kuvahedheni, kuti vasveveredze, varove netyava, nekuroverera pamuchinjikwa; asi nezuva retatu uchamuka.
19把他交给外族人凌辱、鞭打,并且钉在十字架上。然而第三天他要复活。”
20Zvino kwakauya kwaari mai vevanakomana vaZebhedhi nevanakomana vavo, vakagwadama vachikumbira chimwe chinhu kwaari.
20不是要人服事而是要服事人(可10:35-45)那时,西庇太的儿子的母亲,带着她的两个儿子前来见耶稣。她跪在耶稣面前求他。
21Akati kwavari: Munodei? Vakati kwaari: Rairai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, umwe kuruboshwe, muushe hwenyu.
21耶稣问她:“你想要什么?”她说:“求你下令,使我这两个儿子在你的国里,一个坐在你的右边,一个坐在你的左边。”
22Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kumwa mukombe wandichamwa ini here, uye kubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini? Vakati kwaari: Tinogona.
22耶稣回答:“你们不知道你们求的是什么。我将要喝的杯,你们能喝吗?”他们说:“能。”
23Akati kwavari: Muchamwa zvirokwazvo mukombe wangu, nekubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi, nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kuti ndipe, asi ndezvevakazvigadzirirwa naBaba vangu.
23他对他们说:“我的杯你们固然要喝,只是坐在我的左右,不是我可以赐的;我父预备赐给谁,就赐给谁。”
24Vanegumi vakati vanzwa, vakatsamwira avo mukoma nemunin'ina vaviri.
24其他十个门徒听见了,就向他们兄弟二人生气。
25Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti vatungamiriri vechirudzi vanovatsikirira, nevakuru vanoratidza simba pamusoro pavo.
25耶稣把他们叫过来,说:“你们知道各国都有元首统治他们,也有官长管辖他们。
26Asi hazvingazodaro pakati penyu; asi ani nani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu.
26但你们中间却不要这样;谁想在你们中间成为大的,就要作你们的仆役;
27Ani nani unoda kuva wekutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu.
27谁想在你们中间为首的,就要作你们的奴仆。
28SeMwanakomana wemunhu usina kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nekupa upenyu hwake rwuve rudzikinuro rwevazhinji.
28正如人子来,不是要受人的服事,而是要服事人,并且要舍命,作许多人的赎价。”
29Vakati vachibuda Jeriko, chaunga chikuru chikamutevera.
29治好瞎眼的人(可10:46-52;路18:35-43)他们从耶利哥出来的时候,有许多人跟着耶稣。
30Zvino tarira, mapofu maviri agere parutivi rwenzira, akati achinzwa kuti Jesu wopfuura, akadanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi!
30有两个瞎眼的人坐在路旁,听说耶稣经过,就喊叫:“主啊,大卫的子孙,可怜我们吧!”
31Chaunga chikaatsiura kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi!
31群众责备他们,叫他们不要出声,他们却更加放声喊叫:“主啊,大卫的子孙,可怜我们吧!”
32Jesu ndokumira, akaadana, akati: Munoda kuti ndikuitirei?
32耶稣就站住,叫他们过来,说:“要我为你们作什么呢?”
33Akati kwaari: Ishe, kuti meso edu asvinudzwe:
33他们说:“主啊,求你开我们的眼睛。”
34Jesu akanzwa tsitsi, akabata meso awo; pakarepo meso awo akaonazve, akamutevera.
34耶稣就怜悯他们,摸他们的眼睛。他们立刻能看见,就跟从了耶稣。