1Vakati vachiswedera kuJerusarema, vasvika Bhetefage pagomo reMiorivhi, ipapo Jesu akatuma vadzidzi vaviri,
1骑驴进耶路撒冷(可11:1-10;路19:28-38;约12:12-15)
2achiti kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, nedhongwana rinayo; sunungurai, muuyise kwandiri.
2对他们说:“你们往对面的村子里去,立刻就会看见一头驴拴在那里,还有小驴跟它在一起。把它们解开,牵来给我。
3Kana ani nani achitaura chinhu kwamuri, muchati: Ishe unozvida; pakarepo uchazvitumira.
3如果有人问你们,就要说:‘主需要它们。’他会立刻让你们牵走。”
4Izvozvo zvose zvakaitika, kuti zvizadziswe zvakataurwa nemuporofita, achiti:
4这件事应验了先知所说的:
5Udzai mukunda weZiyoni: Tarira Mambo wako unouya kwauri, ari munyoro, akatasva mbongoro, nedhongwana, mwana wemhuka yemutoro.
5“要对锡安的居民(“居民”原文作“女子”)说:‘看哪,你的王来到你这里了;他是温柔的,他骑着驴,骑的是小驴。’”
6Vadzidzi vakaenda, vakaita Jesu sezvaakavaraira,
6门徒照着耶稣的吩咐去作。
7vakauisa mbongoro nedhongwana, vakaisa nguvo dzavo pamusoro pazvo; vakamugadza pamusoro pazvo.
7牵了驴和小驴来,把衣服搭在它们上面,耶稣就骑上。
8Chaunga chikuru kwazvo chikawarira nguvo dzacho munzira; vamwe vakatema matavi pamiti vakawarira munzira.
8有一大群人把自己的衣服铺在路上,也有人从树上把树枝砍下来,铺在路上。
9Zvaunga zvakange zvakamutungamirira nevakange vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana* kuMwanakomana waDavhidhi! Ngaarumbidzwe iye unouya muzita raIshe! Hosana* kumusoro-soro!
9前呼后拥的群众喊叫着:“‘和散那’归于大卫的子孙,奉主名来的是应当称颂的,高天之上当唱‘和散那’。”
10Wakati apinda muJerusarema, guta rose rikazungunuswa, richiti: Ndiani uyu?
10耶稣进了耶路撒冷,全城都震动起来,他们问:“这人是谁?”
11Zvaunga zvikati: Uyu ndiJesu muporofita weNazareta reGarirea.
11大家都说:“这就是那先知耶稣,是从加利利的拿撒勒来的。”
12Zvino Jesu wakapinda mutembere yaMwari, akadzingira vose vaitengesa nevaitenga mutembere, akapidigura matafura evaitsinhanha mari, nezvigaro zvevaitengesa njiva.
12洁净圣殿(可11:15-19;路19:45-47;约2:13-22)耶稣进了圣殿,把殿里所有作买卖的人赶走,并推倒找换银钱的人的桌子,和卖鸽子的人的凳子;
13Akati kwavari: Kwakanyorwa kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yemunyengetero; asi imwi munoiita bako remakororo.
13又对他们说:“经上记着:‘我的殿要称为祷告的殿。’你们竟把它弄成贼窝了。”
14Kukauya kwaari mapofu nevaikamhina mutembere; akavaporesa.
14殿里的瞎子和瘸腿的都走过来,耶稣就医好他们。
15Asi vapristi vakuru nevanyori vakati vachiona zvinhu zvinoshamisa zvaakange achiita, nevana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana* kuMwanakomana waDhavhidhi! vakatsamwa,
15祭司长和经学家看见耶稣所行的奇事,又看见小孩子在殿中喊叫“‘和散那’归于大卫的子孙”,就很忿怒,
16vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivava here? Jesu akati kwavari: Hongu, hamuna kutongoverenga here, kuti: Mumuromo mavacheche nevanoyamwa makaperedzera rumbidzo?
16对耶稣说:“你听见他们说什么吗?”耶稣说:“我听见了。’你从小孩和婴儿的口中,得着了赞美。’这话你们没有念过吗?”
17Akavasiya, akabuda panze peguta, achienda Bhetaniya, ndokuvatapo.
17于是离开他们,出了城,来到伯大尼,在那里过了一夜。
18Kuzoti mangwanani-ngwanani wakati achidzokera kuguta, akanzwa nzara.
18咒诅无花果树(可11:12-14、20-24)耶稣清早回城的时候,觉得饿了。
19Zvino wakati achiona muonde panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha chete; akati kwauri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri kusvikira narinhi. Pakarepo muonde ukasvava.
19他看见路旁有一棵无花果树,就走过去;但他在树上什么也找不到,只有叶子,就对树说:“你永远不再结果子了。”那棵树就立刻枯萎。
20Vadzidzi vakati vachiona, vakashamisika, vachiti: Muonde wasvava pakarepo sei?
20门徒看见了,十分惊奇,说:“这棵无花果树是怎样立刻枯萎的呢?”
21Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nerutendo, musingakononi, hamungaiti izvi kumuonde chete, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa ukandirwe mugungwa; zvichaitwa.
21耶稣回答他们:“我实在告诉你们,如果你们有信心,不怀疑,不但能作我对无花果树所作的,就是对这座山说‘移开,投到海里去’,也必成就。
22Nezvose zvipi nezvipi zvamunokumbira mumunyengetero, kana muchitenda, muchazvigamuchira.
22你们祷告,无论求什么,只要相信,都必得着。”
23Wakati apinda mutembere, vapristi vakuru nevakuru vevanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripi? Ndiani wakakupai simba iri?
23质问耶稣凭什么权柄作事(可11:27-33;路20:1-8)耶稣进了圣殿,正在教导人的时候,祭司长和民间的长老前来问他:“你凭什么权柄作这些事?谁给你这权柄?”
24Jesu akapindura akati kwavari: Neni ndichakuvhunzai shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzai kuti ndinoita izvi nesimba ripi.
24耶稣回答他们:“我也要问你们一句话,如果你们告诉我,我就告诉你们我凭什么权柄作这些事。
25Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabvepi? Kudenga here kana kuvanhu? Vakarangana vachiti: Kana tikati: Kudenga, uchati kwatiri: Saka makagoregerei kumutenda?
25约翰的洗礼是从哪里来的呢?是从天上来的,还是从人来的呢?”他们就彼此议论:“如果我们说‘是从天上来的’,他会问我们’那你们为什么不信他呢?’
26Asi kana tikati: Kuvanhu, tinotya chaunga; nekuti vose vakatora Johwani semuporofita.
26如果我们说‘是从人来的’,我们又怕群众,因为他们都认为约翰是先知。”
27Vakapindura Jesu vakati: Hatizivi. Ndokuti kwavari: Neni handingakuudziyi simba randinoita naro zvinhu izvi.
27于是回答耶稣:“我们不知道。”耶稣也对他们说:“我也不告诉你们,我凭什么权柄作这些事。
28Zvino munofungei? Munhu waiva nevana vaviri; akauya kune wekutanga, akati: Mwana, enda nhasi unobata mumunda wangu wemizambiringa.
28两个儿子的比喻“你们认为怎样?有一个人,他有两个儿子。他去对大儿子说:‘孩子,你今天到葡萄园去工作吧。’
29Iye akapindura akati: Handidi; asi pashure akatendeuka akaenda.
29他说:‘我不想去。’但后来他改变主意,就去了。
30Akaenda kune wechipiri akataura saizvozvo. Iye akapindura akati: Ndinoenda, Ishe; akasaenda.
30父亲又照样去吩咐小儿子。小儿子说:‘父亲,我会去的。’后来却没有去。
31Ndeupi kune ivavo vaviri wakaita kuda kwababa? Vakati kwaari: Wekutanga. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari.
31这两个儿子,哪一个听父亲的话呢?”他们说:“大儿子。”耶稣对他们说:“我实在告诉你们:税吏和娼妓比你们先进 神的国。
32Nekuti Johwani wakauya kwamuri nenzira yekururama, mukasamutenda; asi vateresi nezvifeve vakamutenda, asi imwi makati muchiona, hamuna kuzotendeuka shure kwaizvozvi kuti mumutende.
32约翰来到你们那里,指示你们行义路(或译:“约翰在义路中,来到你们这里”),你们不信他;税吏和娼妓却信了他。你们看见了之后,还是没有改变心意去信他。
33Inzwai umwe mufananidzo. Kwaiva nemunhu, mwene weimba, wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini mauri, akavaka shongwe, akauhaisa* kuvarimi, akafamba rwendo.
33佃户的比喻(可12:1-12;路20:9-19)“你们再听一个比喻:有一个家主,栽种了一个葡萄园,四面围上篱笆,在园子里挖了一个压酒池,盖了一座瞭望台,然后把园子租给佃户,就远行去了。
34Kuzoti nguva yezvibereko yaswedera, akatuma varanda vake kuvarimi kuti vagamuchire zvibereko zvawo.
34到了收成的时候,园主派了仆人到佃户那里,收取应该纳给他的果子。
35Asi varimi vakabata varanda vake, umwe vakarova, umwe vakauraya, umwe vakataka nematombo.
35佃户却抓住他的仆人,打伤一个,杀了一个,又用石头打死一个。
36Akatumazve vamwe varanda vazhinji kune vekutanga; vakavaitira saizvozvo.
36于是园主再派其他的仆人去,人数比前一次更多,但佃户也是同样对付他们。
37Asi pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti: Vacharemekedza mwanakomana wangu.
37最后,他派了自己的儿子去,说:‘他们必尊敬我的儿子。’
38Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuurayeyi tibate nhaka yake.
38佃户看见他的儿子,就彼此说:‘这是继承产业的;来,我们杀了他,占有他的产业吧!’
39Zvino vakamubata vakaposhera kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya.
39于是他们抓住他,把他推出葡萄园外杀了。
40Naizvozvo kana mwene wemunda wemizambiringa achisvika, uchaitei kuvarimi ivavo?
40那么,葡萄园的主人来到的时候,会怎样对待那些佃户呢?”
41Vakati kwaari: Uchaparadza zvakaipa avo vakaipa, akahaisa vamwe varimi munda wemizambiringa, vachazomupa zvibereko nenguva dzazvo.
41他们回答:“他会毫不留情地除掉那些恶人,把葡萄园租给按时缴纳果子的佃户。”
42Jesu akati kwavari: Hamuna kutongoverenga here pamagwaro panoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakazova musoro wekona; uku kuita kwaIshe, kunoshamisa pameso edu?
42耶稣对他们说:“经上记着:‘建筑工人所弃的石头,成了房角的主要石头;这是主所作的,在我们眼中看为希奇。’这话你们没有念过吗?
43Naizvozvo ndinoti kwamuri: Ushe hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri, hukapiwa kurudzi rwunobereka zvibereko zvahwo.
43因此我告诉你们, 神的国要从你们那里取去,赐给那结果子的外族人。
44Uye unowira pamusoro pebwe iri, uchavhuniwa; asi pane upi neupi warinowira richamukuya.
44谁跌在这石头上,就必摔碎;这石头掉在谁的身上,就必把他压得粉碎。”
45Vapristi vakuru nevaFarisi vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti unotaura ivo.
45祭司长和法利赛人听了耶稣这些比喻,知道是指着他们说的。
46Zvino vakati vachitsvaka kumubata vakatya zvaunga nekuti vaimutora semuporofita.
46他们想要逮捕他,但又怕群众,因为他们都认为耶稣是先知。