1Zvino Jesu wakapindura akataurazve navo nemifananidzo, achiti:
1婚筵的比喻(路14:16-24)
2Ushe hwekumatenga hwakafananidzwa neumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wemuchato;
2“天国好像一个王,为儿子摆设婚筵。
3akatuma varanda vake kunodana avo vakange vakokwa kumuchato, asi havana kuda kuuya.
3他派仆人去叫被邀请的人来参加婚筵。但他们不肯来。
4Akatuma zvekare vamwe varanda, achiti: Udzai vakakokerwa muti: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu, nzombe dzangu nezvakakora zvabayiwa, uye zvinhu zvose zvagadzirwa; uyai kumuchato.
4他再派另一些仆人去,说:‘你们告诉被邀请的人,我已经预备好了筵席,公牛和肥畜已经宰了,一切都预备妥当。来参加婚筵吧!’
5Asi havana kuzvikoshesa, vakaenda, umwe kumunda wake, umwe kukutengeserana kwake;
5但那些人却不理会就走了;有的去耕田,有的去作买卖,
6vakasara vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavauraya.
6其余的抓住王的仆人,凌辱他们,并且把他们杀了。
7Zvino mambo wakati azvinzwa, wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza mhondi idzo, akapisa guta ravo.
7王就发怒,派兵消灭那些凶手,焚毁他们的城。
8Zvino akati kuvaranda vake: Muchato wagadzirwa, asi vakange vakokwa vakange vasina kufanira.
8然后对仆人说:‘婚筵已经预备好了,只是被邀请的人不配。
9Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumuchato vose vamunowana.
9所以你们要到大路口,凡遇见的,都请来参加婚筵。’
10Varanda ivavo vakabudira kunzira, vakaunganidza vose nekuwanda kwevavakawana, zvose vakaipa nevakanaka; imba yemuchato ikazara nevagere pakudya.
10“那些仆人就走到街上,把所有遇见的,不论好人坏人,都招聚了来,婚筵上就坐满了人。
11Zvino mambo wakati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona ipapo munhu usina kupfeka chipfeko chemuchato;
11王进来与赴筵的人见面,看见有一个人没有穿着婚筵的礼服,
12akati kwaari: Shamwari, wapinda sei pano usina chipfeko chemuchato? Akashaya remuromo.
12就对他说:‘朋友,你没有婚筵的礼服,怎能进到这里来呢?’他就无话可说。
13Zvino mambo akati kuvaranda: Musungei makumbo nemaoko, mumubvise, mumukandire kurima rekunze kwekupedzisira; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
13于是王对侍从说:‘把他的手和脚都绑起来,丢到外面的黑暗里,在那里必要哀哭切齿。’
14Nekuti vazhinji vakadamwa, asi vashoma vanosanangurwa.
14因为被召的人多,选上的人少。”
15Zvino vaFarisi vakaenda vakanorangana kuti vangamuteya sei pakutaura.
15以纳税的事问难耶稣(可12:13-17;路20:20-26)法利赛人就去商量,怎样找耶稣的话柄来陷害他。
16Vakatuma kwaari vadzidzi vavo vane vaHerodhe, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, uye munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, musingarangariri zvemunhu, nekuti hamutariri chimiro chevanhu.
16他们派了自己的门徒和希律党的人一同去问耶稣:“老师,我们知道你为人诚实,照着真理把 神的道教导人,不顾忌任何人,因为你不徇情面。
17Naizvozvo tiudzei: Imwi munofungei? Zvinotenderwa kupa Kesari mutero here, kana kwete?
17请把你的意见告诉我们,纳税给凯撒,可不可以呢?”
18Asi Jesu wakaziva kuipa kwavo, akati: Munondiidzirei, vanyepedzeri?
18耶稣看出他们的恶意,就说:“虚伪的人,为什么试探我呢?
19Ndiratidzei mari yemutero. Vakamuvigira dhenari.*
19拿纳税的钱币给我看看。”他们就拿了一个银币给他。
20Zvino akati kwavari: Mufananidzo uyu nechinyorwa ichi ndezvani?
20耶稣问他们:“这是谁的像,谁的名号?”
21Vakati kwaari: ZvaKesari. Ipapo akati kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari.
21他们回答:“凯撒的。”他就对他们说:“凯撒的应当归给凯撒, 神的应当归给 神。”
22Vakati vanzwa vakashamisika, vakamusiya, vakaenda.
22他们听了,十分惊奇,就离开他走了。
23Nezuva iroro kwakauya kwaari vaSadhusi, ivo vanoti hakuna kumuka kwevakafa, vakamubvunza,
23人复活后不娶不嫁(可12:18-27;路20:27-40)撒都该人向来认为没有复活的事。那一天,他们前来问耶稣:
24vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakati: Kana munhu akafa asina vana, munin'ina wake uchawana mukadzi wake, agomutsira mukoma wake mbeu.
24“老师,摩西说:‘如果一个人死了,没有儿女,他的弟弟应该娶他的妻子,为哥哥立后。’
25Paiva pakati pedu nevanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa; uye asina mbeu, akasiya mukadzi wake kumunin'ina wake.
25从前我们这里有兄弟七人,头一个结了婚,没有孩子就死了,留下妻子给他的弟弟。
26Saizvozvowo wechipiri, newechitatu, kusvikira kune wechinomwe.
26第二个、第三个直到第七个都是这样。
27Pakupedzisira kwevose mukadzi akafawo.
27最后,那女人也死了。
28Zvino pakumuka kwevakafa, uchava mukadzi waani pavanomwe? Nekuti vose vakava naye.
28那么,复活的时候,她是这七个人中哪一个的妻子呢?因为他们都娶过她。”
29Jesu akapindura, akati kwavari: Marashika, musingazivi magwaro, kana simba raMwari;
29耶稣回答他们:“你们错了,因为你们不明白圣经,也不晓得 神的能力。
30nekuti pakumuka kwevakafa havawanani, havawaniswi; asi vakaita sevatumwa vaMwari kudenga.
30复活的时候,人们也不娶也不嫁,而是像天上的使者一样。
31Asi maererano nekumuka kwevakafa, hamuna kuverenga here zvakataurwa kwamuri naMwari, achiti:
31关于死人复活的事, 神对你们讲过:‘我是亚伯拉罕的 神,以撒的 神,雅各的 神’,你们没有念过吗? 神不是死人的 神,而是活人的 神。”
32Ini ndiri Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? Mwari haazi Mwari wevakafa, asi wevapenyu.
32
33Zvino zvaunga zvichizvinzwa, zvakashamisika nedzidziso yake.
33群众听了他的教训,就十分诧异。
34VaFarisi vakati vachinzwa kuti washayisa vaSadhusi remuromo, vakaungana pamwe.
34最重要的诫命(可12:28-31)法利赛人听见耶稣使撒都该人无话可说,就聚集在一起。
35Zvino umwe wavo, nyanzvi yemutemo, wakamubvunza, achimuidza, ichiti:
35他们中间有一个律法家,试探耶稣说:
36Mudzidzisi, ndeupi mutemo mukuru pamurairo?
36“老师,律法中哪一条诫命是最重要的呢?”
37Jesu akati kwaari: Ida Ishe Mwari wako, nemoyo wako wose, uye nemweya wako wose, uye nefungwa dzako dzose.
37他回答:“你要全心、全性、全意爱主你的 神。
38Ndiwo murairo wekutanga uye mukuru.
38这是最重要的第一条诫命。
39Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida umwe wako sezvaunozvida iwe.
39第二条也和它相似,就是要爱人如己。
40Murairo wose nevaporofita zvakaremberedzwa pamirairo iyi miviri.
40全部律法和先知书,都以这两条诫命作为根据。”
41Zvino vaFarisi vachakaungana, Jesu akavabvunza,
41基督是大卫的子孙(可12:35-37;路20:41-44)法利赛人聚在一起的时候,耶稣问他们:
42achiti: Munofungei pamusoro paKristu? Mwanakomana waani? Vakati kwaari: WaDhavhidhi.
42“你们对基督的看法怎样?他是谁的子孙呢?”他们回答:“大卫的子孙。”
43Akati kwavari: Ko Dhavhidhi wakagomudana sei muMweya kuti Ishe, achiti:
43耶稣就说:“那么大卫被圣灵感动,怎么会称他为主呢?他说:
44Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?
44‘主对我的主说:你坐在我的右边,等我把你的仇敌放在你的脚下。’
45Zvino, kana Dhavhidhi achimuti Ishe, unogova mwanakomana wake sei?
45“大卫既然称他为主,他怎么又是大卫的子孙呢?”
46Zvino hakuna wakagona kumupindura shoko; uye kwakange kusina munhu kubva pazuva iro wakatsunga kumubvunzazve.
46没有人能够回答他。从那天起,也没有人敢再问他。