1Ipapo Jesu wakataura kuzvaunga nekuvadzidzi vake,
1经学家和法利赛人有祸了(可12:38-39;路20:45-46)
2achiti: Vanyori nevaFarisi vagere pachigaro chaMozisi;
2“经学家和法利赛人坐在摩西的座位上,
3saka zvose chero zvipi zvavanokuudzai kuti muzvichengete, chengetai nekuita; asi musaita semabasa avo; nekuti vanotaura, asi havaiti.
3所以凡他们吩咐你们的,你们都要遵守,但不可效法他们的行为,因为他们只会说而不去作。
4Nekuti vanosunga mitoro inorema uye inorwadza kutakura, vachiisa pamafudzi evanhu, asi havadi kuisudurusa nemumwe wavo.
4他们把重担捆起来,压在人的肩头上,但自己连一个指头也不肯动。
5Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vaonekwe nevanhu; nekuti vanofarisa mafirakitera* avo, vanorebesa mipendero yenguvo dzavo;
5他们所作的一切,都是要作给人看:他们把经文的匣子做大了,衣服的繸子做长了;
6vanoda zvinzvimbo zvakakwirira pazvirairo, nezvigaro zvemberi mumasinagoge,
6他们喜欢筵席上的首位、会堂里的高位;
7nekwaziso pamisika, nekuidzwa nevanhu kuti: Rabhi*, Rabhi.
7又喜欢人在市中心向他们问安,称呼他们‘拉比’。
8Asi imwi musaidzwa Rabhi, nekuti umwe ndiye mudzidzisi wenyu, Kristu; imwi mose muri hama.
8然而你们不要被人称为‘拉比’,因为只有一位是你们的老师,你们都是弟兄。
9Musaidza munhu panyika baba venyu; nekuti umwe ndiBaba venyu, ivo vari kumatenga.
9不要称呼地上的人为父,因为只有一位是你们的父,就是天父。
10Musaidzwawo vadzidzisi; nekuti umwe ndiye mudzidzisi wenyu, iye Kristu.
10你们也不要被人称为师傅,因为只有一位是你们的师傅,就是基督。
11Asi mukurusa pamuri uchava muranda wenyu.
11你们中间最大的,必作你们的仆人。
12Ani nani unozvikwiridzira uchaderedzwa; ani nani unozvideredza, uchakwiridzirwa.
12凡高抬自己的,必被降卑;凡自己谦卑的,必被升高。
13Asi mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nekuti munopfigira vanhu ushe hwekumatenga; nekuti imwi hamupindi, zvekare hamutenderi avo vanopinda kupinda.
13“虚伪的经学家和法利赛人哪,你们有祸了!你们在人面前关了天国的门,自己不进去,连正要进去的人,你们也不准他们进去。
14Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri, nekuti munodya dzimba dzechirikadzi, uye muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchagamuchira kutongwa nekupfuurisa.
14(有些抄本有第14节:“虚伪的经学家和法利赛人哪,你们有祸了!你们吞没了寡妇的房产,假装作冗长的祷告,所以你们必受更重的刑罚。”)
15Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri, nekuti munopoteredza gungwa nenyika kuzoita umwe atendeuke kuva muJudha; kana awanikwa, munomuita mwanakomana wegehena kukunda imwi kaviri.
15“虚伪的经学家和法利赛人哪,你们有祸了!你们走遍海洋陆地,要使一个人入教;当他入了教,你们却使他沦为地狱之子,比你们更甚。
16Mune nhamo, vatungamiriri vakapofumara, munoti: Ani nani unopika netembere, hachizi chinhu, asi ani nani unopika nendarama yetembere, une mhosva.
16“你们这些瞎眼的向导有祸了!你们说:‘凡指着圣所而起的誓,是没有用的;但指着圣所的金子而起的誓,就必须遵守。’
17Mapenzi nemapofu! Nekuti chikuru ndechipi, ndarama kana tembere inoita ndarama ive tsvene?
17你们这些瞎眼的愚昧人哪,到底是金子大,还是使金子成圣的圣所大呢?
18Uye: Ani nani unopika nearitari, hachizi chinhu; asi ani nani unopika nechipo chiri pamusoro payo, une mhosva.
18你们又说:‘凡指着祭坛所起的誓,是没有用的;但指着坛上的祭物所起的誓,就必须遵守。’
19Mapenzi nemapofu! Nekuti chikuru ndechipi, chipo kana aritari inoita chipo chive chitsvene?
19瞎眼的人哪!到底是祭物大,还是使祭物成圣的祭坛大呢?
20Naizvozvo unopika nearitari, unopika nayo nezvose zviri pamusoro payo.
20所以,凡指着祭坛起誓的,他就是指着祭坛和坛上的一切起誓;
21Neunopika netembere, unopika nayo, neunogara mairi;
21指着圣所起誓的,就是指着圣所和住在那里的 神起誓;
22neunopika nedenga, unopika nechigaro cheushe chaMwari, neunogara pamusoro pacho.
22指着天起誓的,就是指着 神的宝座和坐在宝座上的起誓。
23Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri, nekuti munopa chegumi cheminte*, neadhiri*, nekumini*, muchirega zvakakosha zvemurairo zvinoti: Kururamisira mhaka, netsitsi, nekutendeka; izvi zvamaifanira kuita nekusarega zvimwe.
23“虚伪的经学家和法利赛人哪,你们有祸了!你们把薄荷、茴香、芹菜,献上十分之一,却忽略律法上更重要的,就如正义、怜悯和信实;这些更重要的是你们应当作的,但其他的也不可忽略。
24Vatungamiriri mapofu, munomimina rutunga, muchimedza kamera.
24你们这些瞎眼的向导啊,你们把蚊虫滤出来,却把骆驼吞下去。
25Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nekuti munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati muzere neupambi nekusazvidzora.
25“虚伪的经学家和法利赛人哪,你们有祸了!你们洗净杯盘的外面,里面却装满了抢夺和放荡。
26MuFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati memukombe nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo.
26瞎眼的法利赛人哪,先把杯和盘的里面洗净,好使外面也可以干净。
27Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nekuti makafanana nemarinda akadzudzurwa akaita machena, anoonekwa akanaka zvirokwazvo kunze, asi mukati muzere nemafupa evakafa netsvina yose.
27“虚伪的经学家和法利赛人哪,你们有祸了!你们好像粉饰了的坟墓,外面好看,里面却装满了死人的骨头和各样的污秽;
28Saizvozvo nemwi munoonekwa kunze makarurama kuvanhu, asi mukati muzere neunyepedzeri neuipi.
28照样,你们外面看来像义人,里面却充塞着虚伪和不法。
29Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nekuti munovaka marinda evaporofita, nekushongedza makuva evakarurama,
29“虚伪的经学家和法利赛人哪,你们有祸了!你们建造先知的墓,修饰义人的碑,
30muchiti: Dai taiva pamazuva emadzibaba edu, tingadai tisina kugoverana navo paropa revaporofita.
30并且说:‘我们若活在我们祖先的时代,决不会与他们一同流先知的血。’
31Saka munopupura nezvenyu kuti muri vanakomana veavo vakauraya vaporofita.
31这样,你们就指证自己是杀害先知的人的子孙了。
32Nemwi chizadzisai chiyero chemadzibaba enyu!
32那么,去完成你们祖先的罪孽吧!
33Imwi nyoka, chizvarwa chezviva, muchatiza sei kutonga kwegehena?
33你们这些蛇,这些毒蛇所生的啊,你们怎能逃脱地狱的刑罚呢?
34Naizvozvo, tarirai, ini ndinotumira kwamuri vaporofita, nevakachenjera, nevanyori; vamwe vavo vamuchauraya nekuvaroverera pamuchinjikwa; vamwe vavo vamucharova netyava mumasinagoge enyu, nekushusha muguta nemuguta.
34因此,我差派先知、智慧人和经学家到你们那里;有些你们要杀害又钉在十字架上,有些你们要在会堂里鞭打,从一个城赶逐到另一个城。
35Kuti kuuye pamusoro penyu ropa rose revakarurama, rakateurirwa panyika, kubva paropa raAberi wakarurama, kusvikira paropa raZakaria, mwanakonana waBharakia, wamakaponda pakati petembere nearitari.
35所以,从义人亚伯的血起,到巴拉加的儿子撒迦利亚的血为止,他就是你们在圣所和祭坛中间所杀的,所有义人在地上所流的血,都要归在你们身上。
36Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Izvi zvose zvichauya pamusoro pezera iri.
36我实在告诉你们,这一切都必临到这个世代。
37Jerusarema! Jerusarema! Iwe unouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndakange ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, semhambo inounganidza hukwana dzayo munyasi memapapiro, asi hamuna kuda.
37为耶路撒冷叹息(参路13:34-35)“耶路撒冷,耶路撒冷啊,你杀害先知,又用石头把奉派到你们那里的人打死。我多次想招聚你的儿女,好像母鸡招聚小鸡到翅膀底下,只是你们不愿意。
38Tarirai, imba yenyu yasiiwa kwamuri riri dongo.
38你看,你们的家必成为荒场,留给你们。
39Nekuti ndinoti kwamuri: Hamuchazondioni kubva zvino, kusvikira muchiti: Wakaropafadzwa unouya nezita raIshe.
39我告诉你们,从今以后,你们一定见不到我,直等到你们说:‘奉主名来的,是应当称颂的。’”