Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Matthew

24

1Zvino Jesu wakabuda akabva patembere; vadzidzi vake ndokuswedera kuzomuratidza zvivakwa zvetembere.
1预言圣殿被毁(可13:1-2;路21:5-6)
2Jesu akati kwavari: Hamuoni zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakungatozongosiiwi pano ibwe pamusoro pebwe risingazoputsirwi pasi.
2他对门徒说:“你们不是看见了这一切吗?我实在告诉你们,将来在这里必没有一块石头留在另一块石头上面,每一块都要拆下来。”
3Kuzoti agere pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari vega vachiti: Tiudzei, zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chekuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipi?
3这世代终结的预兆(可13:3-13;路21:7-19)耶稣坐在橄榄山上,门徒暗中前来问他:“请告诉我们,什么时候会有这些事呢?你的降临和这世代的终结,有什么预兆呢?”
4Jesu akapindura akati kwavari: Chenjerai kuti kusava neunokutsausai;
4耶稣回答他们:“你们要小心,不要被人迷惑;
5nekuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye vachatsausa vazhinji.
5因为许多人要假冒我的名而来,说:‘我就是基督’,并且要迷惑许多的人。
6Zvino muchanzwa zvehondo nerunyerekupe rwehondo; chenjerai, musakanganiswa; nekuti zvose zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.
6你们要听见战争,也听见战争的风声;你们要小心,不要惊慌,因为这是免不了的,不过结局还没有到。
7Nekuti rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe, uye kuchava nenzara, nematenda, nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana siyana.
7一个民族要起来攻打另一个民族,一个国家要起来攻打另一个国家,到处都有饥荒和地震,
8Asi zvose izvi kutanga kwemarwadzo emimba.
8这一切不过是痛苦的开始。
9Ipapo vachakukumikidzai mukutambudzika, uye vachakuurayai; uye muchavengwa nemarudzi ose nekuda kwezita rangu.
9那时人要把你们送去受苦,也要杀害你们,你们要因我的名被万民恨恶。
10Zvino vazhinji vachagumbuswa, uye vachatengesana, nekuvengana.
10那时许多人会失去信仰,彼此出卖,互相恨恶;
11Uye vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vatsause vazhinji.
11也有许多假先知出现,要迷惑许多人。
12Nekuti kuipa kuchawanda, rudo rwevazhinji rwuchatonhora.
12因为不法的事增加,许多人的爱心就冷淡了。
13Asi unotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye uchaponeswa.
13唯有坚忍到底的,必然得救。
14Uye evhangeri iyi yeushe ichaparidzwa munyika yose chive uchapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.
14这天国的福音要传遍天下,向万民作见证,然后结局才来到。
15Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakarehwa naDhanyeri muporofita, imire panzvimbo tsvene (unorava ngaanzwisise),
15大灾难的日子(可13:14-23;路21:20-24)“当你们看见但以理先知所说的‘那造成荒凉的可憎者’,站在圣地的时候(读者必须领悟),
16zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;
16那时,住在犹太的应当逃到山上;
17uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora chinhu kubva mumba make;
17在房顶的不要下来拿家里的东西;
18neuri kumunda ngaarege kudzokera shure kunotora nguvo dzake.
18在田里的也不要回去取衣服。
19Mune nhamo vane mimba nevanomwisa nemazuva iwayo!
19当那些日子,怀孕的和乳养孩子的有祸了!
20Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva mukuvhuvhuta, kana nesabata.
20你们应当祈求,叫你们逃难的时候,不是在冬天或安息日,
21Nekuti ipapo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye kusingazovipozve.
21因为那时必有大灾难,这是从世界的开始到现在未曾有过的,以后也必不会再有。
22Dai mazuva iwayo asaipfupiswa, hakuna nyama zvachose yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa, mazuva iwayo achapfupiswa.
22如果那些日子不减少,没有一个人可以存活;但是为了选民,那些日子必会减少。
23Zvino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu pano, kana apo, musatenda.
23那时,如果有人对你们说:‘看哪,基督在这里!’或说:‘他在那里!’你们不要信,
24Nekuti kuchamuka vana Kristu venhema nevaporofita venhema, vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso, zvekuti kana zvichibvira, vatsause nevasanagurwa.
24因为必有假基督和假先知出现,显大神迹和奇事;如果可以的话,他们连选民也要迷惑。
25Tarirai, ndagara ndakuudzai.
25你们看!我已经事先告诉你们了。
26Naizvozvo kana vakati kwamuri: Tarirai, uri murenje, musabuda; tarirai uri mudzimba dzemukati, musatenda.
26如果他们对你们说:‘看!基督在旷野里。’你们不要出去;或说:‘看!他在房子里。’也不要相信。
27Nekuti semheni inobuda kumabvazuva ichipenya kusvikira kumavirira, kuchava saizvozvo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
27电光怎样从东方闪出来,一直照到西方,人子降临的时候,也是这样。
28Nekuti apo pane chitunha, ndipo pachaunganidzwa magora.
28尸首在哪里,鹰也必聚在哪里。
29Pakarepo shure kwekutambudzika kwemazuva iwayo, zuva richasvibiswa, nemwedzi hauchazopi chiedza chawo, uye nyeredzi dzichawa kudenga, nemasimba ekumatenga achazungunuswa.
29人子必驾云降临(可13:24-31;路21:25-33)“那些日子的灾难刚过去:太阳就变黑了,月亮也不发光,众星从天坠落,天上的万象震动。
30Uye ipapo kuchaonekwa chiratidzo cheMwanakomana wemunhu kudenga; uye ipapo marudzi ose enyika achachema, uye achaona Mwanakomana wemunhu achiuya mumakore ekudenga nesimba nekubwinya kukuru.
30“那时,人子的征兆要显在天上,地上的万族都要哀号,并且看见人子带着能力,满有荣耀,驾着天上的云降临。
31Uye uchatuma vatumwa vake nekurira kukuru kwehwamanda, vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumugumo wematenga kusvikira kumugumo wawo.
31当号筒发出响声,他要差派使者,把他的选民从四方,从天这边到天那边都招聚来。
32Asi dzidzai mufananidzo kubva pamuonde: Kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha raswedera.
32“你们应该从无花果树学个功课:树枝长出嫩芽生出叶子的时候,你们就知道夏天近了;
33Saizvozwo nemwi, kana moona izvozvi zvose, zivai kuti wava pedo pamikova.
33同样,当你们看见这一切,就知道人子已经近在门口了。
34Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika.
34我实在告诉你们,这一切都必要发生,然后这世代才会过去。
35Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
35天地都要过去,但我的话决不会废去。
36Asi zvezuva iro nenguva iyo hakuna unozviziva, kunyangwe vatumwa vekumatenga, asi Baba vangu chete.
36警醒准备(可13:32-37;路17:26-30、34-36)“至于那日子和时间,没有人知道,连天上的使者和子也不知道,只有父知道。
37Asi semazuva aNowa, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
37挪亚的时代怎样,人子降临的时候也是这样。
38Nekuti sepamazuva akatangira mafashame, vaidya nekumwa, nekuwana nekuwaniswa, kusvikira zuva Nowa raakapinda muareka,
38洪水之前的时代,人们吃喝嫁娶,直到挪亚进入方舟的那一天;
39uye vakange vasingazivi, kusvikira kwasvika mafashame avabvisa vose, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
39等到洪水来到,把他们冲去,他们才明白过来;人子降临的时候也是这样。
40Ipapo vaviri vachava mumunda; umwe achatorwa, umwe achasiiwa.
40那时,两个人在田里工作,一个被接去,一个撇下来;
41Vakadzi vaviri vachikuya paguyo; umwe achatorwa, neumwe achasiiwa.
41两个女人在磨坊推磨,一个被接去,一个撇下来。
42Rindai naizvozvo, nekuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaachauya.
42因此,你们要警醒,因为不知道你们的主什么时候要来。
43Asi zivai izvi, kuti dai mwene weimba aiziva kuti inguva yekurinda ipi ichasvika mbavha, ungadai airinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.
43你们都知道,家主若晓得窃贼晚上什么时候会来,就会提高警觉,不让他摸进屋里。
44Naizvozvo imwiwo ivai makagadzirira; nekuti neawa ramusingafungiri, Mwanakomana wemunhu anouya.
44所以,你们也要准备妥当,因为在想不到的时候,人子就来了。
45Ko ndiani muranda wakatendeka, wakangwara, ishe wake wakamugadza pamusoro pevaranda vake kuti avape chikafu nenguva yakafanira?
45忠心的仆人有福了(路12:42-46)“谁是忠心和精明的仆人,被主人指派管理全家,按时分派粮食的呢?
46Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika anomuwana achiita saizvozvo.
46主人来到,看见他这样作,那仆人就有福了。
47Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Uchamugadza pamusoro pezvose zvaanazvo.
47我实在告诉你们,主人要指派他管理自己的一切财产。
48Asi kana muranda uyo wakaipa akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuuya,
48如果他是个坏的仆人,心里说‘我的主人不会那么快回来’,
49ndokutanga kurova vamwe varanda vanobata pamwe naye, nekudya nekumwa nezvidhakwa,
49就动手打其他的仆人,又和醉酒的人吃喝。
50ishe wemuranda uyo uchasvika nezuva raasingatariri nenguva yaasingazivi,
50在他想不到的日子,不知道的时间,那仆人的主人要来,
51akamugura nepakati, akamugovera mugove wake nevanyepedzeri, apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
51严厉地处罚他,使他和虚伪的人同在一起;在那里必要哀哭切齿。”