Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Matthew

25

1Panguva iyo ushe hwekumatenga huchafananidzwa nevasikana gumi vakatora marambi avo vakabuda kunochingamidza muwani.
1十个童女的比喻
2Zvino vashanu vavo vakange vakachenjera, vashanu vari mapenzi.
2她们中间有五个是愚蠢的,五个是聪明的。
3Avo vari mapenzi vakatora marambi avo, vakasatora mafuta pamwe navo.
3那些愚蠢的拿着灯,却没有带油;
4Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemarambi avo.
4但那些聪明的拿着灯,也把油装在瓶里带来。
5Zvino muwani wakati achinonoka, vose vakatsumwaira vakavata.
5新郎很晚还没有到,她们都打瞌睡,而且睡着了。
6Asi pakati peusiku kwakadanidzirwa: Tarirai, muwani ouya, budai munomuchingamidza!
6半夜,有人喊叫:‘新郎来了,快出来迎接他。’
7Zvino vasikana avo vose vakamuka, vakagadzira marambi avo.
7那些童女都醒过来,整理她们的灯。
8Mapenzi akati kune vakachenjera: Tipei pamafuta enyu nekuti marambi edu odzima.
8愚蠢的对聪明的说:‘请把你们的油分一点给我们,我们的灯快要灭了。’
9Asi vakachenjera vakapindura vachiti: Zvimwe haangakwaniri isu nemwi; asi zviri nani endai kune vanotengesa munozvitengera.
9聪明的回答:‘这些恐怕不够我们大家用,不如你们自己到卖油的地方去买吧!’
10Asi vakati vachienda kunotenga, muwani akasvika. Zvino vakange vakagadzirira vakapinda naye mumuchato, mukova ukapfigwa.
10她们去买油的时候,新郎来了;准备好了的童女就和他一同进去参加婚筵,门就关上了。
11Pashure kwakauyavo vamwe vasikana, vachiti: Ishe, Ishe, tizarurirei!
11后来,其余的童女也来到,说:‘主啊,主啊,给我们开门吧!’
12Asi wakapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handikuziviyi imwi.
12新郎却回答:‘我实在告诉你们,我不认识你们。’
13Naizvozvo rindai, nekuti hamuzivi zuva kana nguva Mwanakomana wemunhu yaachauya.
13所以你们要警醒,因为不知道那日子和那时间。
14Nekuti zvakaita semunhu wakafamba rwendo, akadana varanda vake, akavapa zvaaiva nazvo.
14三个仆人的比喻(路19:12-27)“天国又像一个人要出外远行,就叫自己的仆人来,把产业交给他们。
15Uye kune umwe wakapa matarenda* mashanu, umwe maviri, umwe rimwe, umwe neumwe zvakakwanirana nesimba rake; pakarepo akafamba rwendo rwake.
15他按照各人的才干,一个给三万个银币,一个给一万二千个银币,一个给六千个银币(原文作“五个,二个,一个他连得”;一个他连得等于六千个银币),然后就远行去了。
16Uye wakagamuchira matarenda* mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akaita mamwe matarenda mashanu.
16那领了三万的马上去做生意,另外赚了三万。
17Saizvozvovo wemaviri akawanawo mamwe maviri.
17那领了一万二千的也是这样,另赚了一万二千。
18Asi wakagamuchira rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yaishe wake.
18但那领了六千的,却去把地挖开,把主人的钱藏起来。
19Shure kwenguva refu, ishe wevaranda ivavo wakasvika, akagadzira zvemari navo.
19过了很久,那些仆人的主人回来了,要和他们算帐。
20Kwakauya wakange agamuchira matarenda mashanu akauyisa mamwe matarenda mashanu achiti: Ishe, makandikumikidza matarenda mashanu; tarirai, ndawana pamusoro pawo mamwe matarenda mashanu.
20那领了三万个银币的,带着另外的三万前来,说:‘主啊,你交了三万给我,你看,我又赚了三万。’
21Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.
21主人对他说:‘又良善又忠心的仆人哪,你作得好!你既然在不多的事上忠心,我要派你管理许多的事。进来,享受你主人的快乐吧!’
22Wakange agamuchira matarenda maviri akauyawo akati: Ishe, makandikumikidza matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri pamusoro pawo.
22那领了一万二千的也前来,说:‘主啊,你交了一万二千给我,你看,我又赚了一万二千。’
23Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.
23主人对他说:‘又良善又忠心的仆人哪,你作得好!你既然在不多的事上忠心,我要派你管理许多的事。进来,享受你主人的快乐吧!’
24Asi wakange agamuchira tarenda rimwe naiye wakauya akati: Ishe, ndakange ndichikuzivai imwi kuti muri munhu wakawoma, munokohwa pamusina kudzvara, munounganidza pamusina kukusha;
24那领了六千的也前来,说:‘主啊,我知道你是个严厉的人,没有撒种的地方,你要收割;没有散播的地方,你要收聚。
25zvino ndakatya, ndikaenda ndikanoviga tarenda renyu muvhu; tarirai, mava nechenyu!
25所以,我就害怕起来,去把你的钱藏在地里。你看,你的钱还在这里。’
26Ishe wake akapindura akati kwaari: Muranda wakaipa une usimbe, wakange uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudzvara, ndichiunganidza pandisina kukusha.
26可是主人对他说:‘你这个又可恶又懒惰的仆人,你既然知道我要在没有撒种的地方收割,在没有散播的地方收聚,
27Saka waifanira kuisa mari yangu kuvatsinhanisi vemari, neni pakusvika ndingadai ndagamuchira zvangu nezvibereko.
27那你就应该把我的钱存入银行,到我回来的时候,可以连本带利收回。
28Naizvozvo mutorerei tarenda, mupe kune une matarenda gumi.
28你们把他的六千银币拿去,交给那个有六万的。
29Nekuti wose unazvo uchapiwa ave nezvakawandisa; asi usina uchatorerwa nechaanacho.
29因为凡是有的,还要给他,他就充足有余;凡是没有的,就算他有什么也要拿去。
30Uye muranda pasina murasirei kurima rekunze, ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
30把这没有用的仆人丢在外面的黑暗里,在那里必要哀哭切齿。’
31Zvino kana Mwanakomana wemunhu achiuya mukubwinya kwake, nevatumwa vatsvene vose vanaye, ipapo uchagara pachigaro cheushe chekurumbidzwa kwake.
31人子必审判万族“当人子在他的荣耀里,带着所有的使者降临的时候,他要坐在荣耀的宝座上。
32Zvino pamberi pake pachaunganidzwa ndudzi dzose; uye uchadziparadzanisa imwe kubva kune imwe, semufudzi unoparadzanisa makwai kubva kumbudzi.
32万族要聚集在他面前,他要把他们彼此分开,好像牧羊人把绵羊和山羊分开一样:
33Uchamisa makwai kuruoko rwake rwerudyi, asi mbudzi kuruboshwe.
33把绵羊放在右边,山羊放在左边。
34Zvino Mambo uchati kune vari kuruoko rwake rwerudyi: Uyai, imwi makaropfadzwa naBaba vangu, mugare nhaka yeushe hwakagadzirirwa imwi kubva pakuvamba kwenyika.
34那时,王要对右边的说:‘蒙我父赐福的,来承受创世以来为你们预备好的国吧。
35Nekuti ndakange ndine nzara, mukandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukandipa chekumwa; ndakange ndiri mweni, mukandigamuchira;
35因为我饿了,你们给我吃;我渴了,你们给我喝;我作旅客,你们接待我;
36ndakashama, mukandipfekedza; ndakange ndichirwara, mukandishanyira; ndakange ndiri mutirongo, mukauya kwandiri.
36我赤身露体,你们给我衣服穿;我病了,你们看顾我;我在监里,你们来看我。’
37Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, tikakupai chekudya, kana mune nyota tikapa chekumwa?
37义人就回答:‘主啊,我们什么时候见你饿了就给你吃,渴了就给你喝呢?
38Takakuonai rinhi muri mweni, tikagamuchira, kana makashama, tikapfekedza?
38又什么时候见你作旅客就接待你,赤身露体就给你衣服穿呢?
39Takakuonai rinhi isu muchirwara, kana mutirongo, tikauya kwamuri?
39或者什么时候见你病了,或在监里就来看你呢?’
40Uye Mambo uchapindura ati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Sezvamakaitira umwe wehama dzangu idzi mudukusa, makaitira ini.
40王要回答他们:‘我实在告诉你们,你们所作的,只要是作在我一个最小的弟兄身上,就是作在我的身上了。’
41Ipapo uchatiwo kune vari kuruoko rweruboshwe: Ibvai kwandiri, imwi makapiwa rushambwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa Diabhorosi nevatumwa vake.
41“王也要对左边的说:‘你们这被咒诅的,离开我,到为魔鬼和他的使者所预备的永火里去吧!
42Nekuti ndakange ndine nzara, mukasandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukasandipa chekunwa;
42因为我饿了,你们没有给我吃;我渴了,你们没有给我喝;
43ndakange ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndakashama, mukasandipfekedza; ndichirwara, nemutirongo, mukasandishanyira.
43我作旅客,你们没有接待我;我赤身露体,你们没有给我衣服穿;我病了,我在监里,你们没有看顾我。’
44Ipapo ivava vachamupindurawo vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana makashama, kana muchirwara, kana muri mutirongo, tikasakushandirai?
44他们就回答:‘主啊,我们什么时候见你饿了、渴了、作旅客、赤身露体、病了,或在监里,却没有服事你呢?’
45Zvino uchavapindura achiti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamusina kuitira umwe wevadukusa ava, hamuna kuitirawo ini.
45王要回答他们:‘我实在告诉你们,这些事你们既然没有作在一个最小的身上,就是没有作在我的身上了。’
46Ava vachaenda kukurangwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi.
46他们要进入永远的刑罚,义人却要进入永生。”