1Zvakaitika Jesu apedza mashoko iwayo ose, akati kuvadzidzi vake:
1商议怎样杀害耶稣(可14:1-2;路22:1-2)
2Munoziva kuti mushure memazuva maviri ichava pasika, uye Mwanakomana wemunhu uchatengeswa kuti arovererwe pamuchinjikwa.
2“你们知道两天之后就是逾越节,人子将要被交给人,钉在十字架上。”
3Ipapo kwakaungana vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu muruvanze rwomupristi mukuru wainzi Kayafasi.
3那时,祭司长和民间的长老聚集在大祭司该亚法的官邸,
4Vakarangana kuti vabate Jesu nemano, vagomuuraya.
4商议怎样用诡计逮捕耶稣,把他杀害。
5Asi vakati: Kwete pamutambo, kuti kurege kuva nebongozozo pakati pevanhu.
5不过他们说:“不可在节期下手,免得引起民众暴动。”
6Zvino Jesu wakati ari paBhetaniya mumba maSimoni wemaperembudzi,
6有女人用香膏膏主(可14:3-9;约12:1-8)耶稣在伯大尼,在患痲风的西门家里的时候,
7kwakasvika kwaari mukadzi nechinu chearibhasiteri* chechizoro chinokosha zvikuru, akadurura mumusoro wake agere pakudya.
7有一个女人拿着一瓶珍贵的香膏,前来把它浇在耶稣的头上。
8Asi vadzidzi vake vakati vachiona, vakatsamwa vachiti: Kutambisa uku ndokwei?
8门徒看见了,就很生气,说:“为什么这样浪费呢?
9Nekuti chizoro ichi chingadai chatengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo.
9这香膏可以卖很多钱,赒济穷人。”
10Asi Jesu aziva wakati kwavari: Munotambudzirei mukadzi? Nekuti waita basa rakanaka kwandiri;
10耶稣知道了,就说:“为什么难为这个女人呢?她为我作了一件美事。
11nekuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose.
11你们常常有穷人跟你们在一起,然而却不常有我。
12Nekuti pakundidira chizoro ichi pamuviri wangu, waitira kuvigwa kwangu.
12她把这香膏浇在我身上,是为了安葬我而作的。
13Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kose kunozoparidzirwa evhangeri iyi panyika yose, izviwo mukadzi zvaaita zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.
13我实在告诉你们,这福音无论传到世界上什么地方,这女人所作的都要传讲,来记念她。”
14Ipapo umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Judhasi Isikariyoti, wakaenda kuvapristi vakuru,
14犹大出卖耶稣(可14:10-11;路22:3-6)那时,十二门徒中的一个,就是加略人犹大,去见祭司长,说:
15akati: Munoda kundipei, ini ndigomukumikidza kwamuri? Vakatenderana naye pamasirivheri makumi matatu.
15“如果我把他交给你们,你们愿意给我什么呢?”他们就给了他三十块银子。
16Uye kubva panguva iyo akatsvaka mukana wakafanira wekumukumikidza kwavari.
16从那时起,他就找机会把耶稣交给他们。
17Nerekutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tigadzirire kuti mudye pasika?
17最后的晚餐(可14:12-26;路22:7-23;约13:21-30)除酵节的第一天,门徒前来问耶稣:“你要我们在哪里为你预备逾越节的晚餐呢?”
18Akati: Endai muguta kuna nyakuti, muti kwaari: Mudzidzisi unoti: Nguva yangu yava pedo; ndichaita pasika paimba yako nevadzidzi vangu.
18他说:“你们到城里去见某人,对他说,老师说:‘我的时候快到了;我要到你那里和我的门徒守逾越节。’”
19Vadzidzi vakaita Jesu sezvaakaraira; vakagadzirira pasika.
19门徒照耶稣的指示去作,预备好了逾越节的晚餐。
20Zvino ava madekwani akagara pakudya nevanegumi nevaviri.
20到了晚上,耶稣和十二门徒一同吃晚餐。
21Vakati vachidya akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu uchanditengesa.
21他们吃的时候,耶稣说:“我实在告诉你们,你们中间有一个人要出卖我。”
22Zvino vakashungurudzika zvikuru, vakatanga umwe neumwe wavo kuti kwaari: Ishe, zvirokwazvo handisi ini here?
22他们就很忧愁,一个一个地问他:“主啊,是我吗?”
23Ndokupindura akati: Unoseva ruoko neni mundiro ndiye uchanditengesa.
23他回答:“那和我一同把手蘸在盘子里的人,他要出卖我。
24Mwanakomana wemunhu unoenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi une nhamo munhu uyo Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuberekwa.
24正如经上指着人子所说的,他固然要离世,但出卖人子的那人有祸了!他没有生下来倒好。”
25Judhasi uyo wakamutengesa ndokupindura akati: Rabhi*, zvirokwazvo handisi ini here? Akati kwaari: Wataura iwe.
25那出卖耶稣的犹大说:“拉比,是我吗?”他说:“这是你说的。”
26Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa vadzidzi akati: Torai, idyai, ichi ndicho muviri wangu.
26他们吃的时候,耶稣拿起饼来,祝谢了就擘开,递给门徒,说:“你们拿去吃吧,这是我的身体。”
27Akatora mukombe, akavonga, akapa kwavari, achiti: Imwai mose pauri.
27耶稣又拿起杯来,祝谢了就递给他们,说:“你们都喝吧,
28Nekuti iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji rekukangamwirwa kwezvivi.
28这是我的血,是为立约的,为许多人流出来,使罪得赦。
29Asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino handichamwi zvechibereko ichi chemuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazomwa naro nemwi chava chitsva muushe hwaBaba vangu.
29我告诉你们,从今以后我必不再喝这葡萄酒,直到我和你们在我父的国里喝新酒的那一天。”
30Zvino vakati vaimba rwiyo vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.
30他们唱完了诗,就出来往橄榄山去。
31Ipapo Jesu wakati kwavari: Imwi mose muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno; nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, uye makwai eboka achaparadzirwa.
31预言彼得不认主(可14:27-31;路22:31-34;约13:36-38)那时,耶稣对他们说:“今天晚上,你们因我的缘故都要后退,因为经上记着:‘我要击打牧人,羊群就分散了。’
32Asi shure kwekumutswa kwangu, ndichakutungamirirai Garirea.
32我复活以后,要比你们先到加利利去。”
33Asi Petro wakapindura akati kwaari: Kunyange vose vakagumburwa nekuda kwenyu, ini handingatongogumburwi.
33彼得对他说:“就算所有的人都因你的缘故后退,我却永不后退。”
34Jesu akati kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Muusiku huno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.
34耶稣对他说:“我实在告诉你,今天晚上鸡叫以前,你会三次不认我。”
35Petro akati kwaari: Kunyange zvakandifanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Vadzidziwo vose vakadaro.
35彼得对他说:“就算必须与你一同死,我也决不会不认你。”门徒也都这样说。
36Zvino Jesu wakasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi: Garai pano ini ndichamboenda ndinonyengetera uko.
36在客西马尼祷告(可14:32-42;路22:39-46)耶稣和门徒来到一个地方,名叫客西马尼,就对门徒说:“你们坐在这里,我要到那边去祷告。”
37Akatora pamwe naye Petro nevanakomana vaviri vaZebhedhi, akatanga kushungurudzika nekutambudzika.
37他带了彼得和西庇太的两个儿子一起去,心里忧愁难过,
38Ipapo akati kwavari: Mweya wangu unoshungurudzika kwazvo kusvikira parufu; garai pano murinde neni.
38对他们说:“我的心灵痛苦得快要死了;你们留在这里,与我一同警醒吧。”
39Akaenda mberi zvishoma, akawa nechiso chake, akanyengetera achiti: Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri. Asi kusava sezvandinoda ini asi imwi.
39他稍往前走,把脸俯伏在地上,祷告说:“我的父啊!可能的话,求你使这杯离开我;但不要照我的意思,只要照你的旨意。”
40Akauya kuvadzidzi, akavawana vavete, akati kuna Petro: Saka makoniwa kurinda neni awa rimwe here?
40耶稣回到门徒那里,看见他们都睡着了,就对彼得说:“你们连一个小时也不能同我警醒吗?
41Rindai munyengetere, kuti musapinda mumuedzo; mweya unoda zvirokwazvo, asi nyama ine utera.
41应当警醒、祷告,免得陷入试探;你们心灵虽然愿意,肉体却是软弱的。”
42Akaendazve rwechipiri akanyengetera, achiti: Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura kubva kwandiri, kunze kwekuti ndaumwa, kuda kwenyu ngakuitwe.
42他又再次走开,祷告说:“我的父啊!如果这杯不能离开我,一定要我喝,就愿你的旨意成全。”
43Akauya, akavawana vavatazve, nekuti meso avo akange orema.
43他再回来的时候,看见门徒睡着了,因为他们十分疲倦。
44Akavasiya, akaendazve akanyengetera rwechitatu, achitaura mashoko iwawo.
44他又离开他们,第三次去祷告,说的也是同样的话。
45Ndokuuya kuvadzidzi vake ndokuti kwavari: Chirambai muvete muzorore; tarirai, nguva yaswedera, Mwanakomana wemunhu wotengeswa mumaoko evatadzi.
45然后,他回到门徒那里,对他们说:“你们还在睡觉休息吗?看哪,时候到了,人子要被交在罪人的手里了。
46Simukai, ngatiende, tarirai, wonditengesa wava pedo.
46起来,我们走吧!出卖我的人来了。”
47Zvino achataura, tarira, Judhasi umwe wevanegumi nevaviri wakasvika, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo chichibva kuvapristi vakuru nevakuru vevanhu.
47耶稣被捕(可14:43-50;路22:47-53;约18:3-11)耶稣还在说话的时候,十二门徒中的犹大,带着一大群拿着刀棒的人来到,他们是祭司长和民间的长老派来的。
48Zvino iye wakamutengesa wakavapa chiratidzo achiti: Uyo wandichatsvoda, ndiye, mumubate.
48出卖耶稣的人给他们一个暗号,说:“我跟谁亲嘴,谁就是他;你们可以抓住他。”
49Uye pakarepo akasvika kuna Jesu, akati: Hekanhi, Rabhi*! Akamutsvoda.
49他立刻前来对耶稣说:“拉比,你好。”跟着就与他亲嘴。
50Jesu akati kwaari: Shamwari, wavingei? Ipapo vakaswedera vakaisa maoko pana Jesu, vakamubata.
50耶稣对他说:“朋友,你来要作的事,快作吧!”于是那些人上前来,动手拿住耶稣,逮捕了他。
51Uye tarirai, umwe wevaiva naJesu akatambanudza ruoko, akavhomora munondo wake akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake.
51有一个与耶稣在一起的人,伸手拔出刀来,砍了大祭司的仆人一刀,削掉他的一只耳朵。
52Ipapo Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako munzvimbo yawo, nekuti vose vanobata munondo vanoparara nemunondo.
52耶稣对他说:“把你的刀收回原处!凡动刀的必死在刀下。
53Kana unofunga here kuti handigoni ikozvino kukumbira kuna Baba vangu, vakandigadzikira mapoka emauto evatumwa anopfuura makumi maviri?
53你以为我不能求我的父,他就马上给我派十二营以上的天使下来吗?
54Ko magwaro angazadziswa sei kuti zvinofanira kuti zvidaro?
54如果这样,经上预言这事必须发生,怎能应验呢?”
55Nenguva iyoyo Jesu wakati kuzvaunga: Mabuda semunovinga gororo neminondo netsvimbo kuzondibata here? Ndaigara nemwi mazuva ose ndichidzidzisa mutembere, asi hamuna kundibata.
55那时,耶稣对众人说:“你们带着刀棒出来,把我当作强盗捉拿吗?我天天坐在殿里教导人,你们却没有逮捕我。
56Asi izvi zvose zvaitika, kuti magwaro evaporofita azadziswe. Ipapo vadzidzi vose vakamusiya, vakatiza.
56但这整件事的发生,是要应验先知书上的话。”那时,门徒都离开他逃跑了。
57Avo vakange vabata Jesu vakamuendesa kuna Kayafasi mupristi mukuru, apo pakange paungana vanyori nevakuru.
57大祭司审问耶稣(可14:53-65;路22:54、66-71;约18:12-13、19-24)那些逮捕了耶稣的人,把他押去见大祭司该亚法。那时经学家和长老已经聚集在那里了。
58Asi Petro wakamutevera ari kure kusvikira paruvanze rwemupristi mukuru, akapinda mukati, akagara nevaranda kuzoona mugumo.
58彼得远远地跟着耶稣,直到大祭司的官邸。他进到里面,和差役坐在一起,要看事情怎样了结。
59Zvino vapristi vakuru nevakuru nedare remakurukota rose vakatsvaka uchapupu hwenhema hunopikisa Jesu kuti vamuuraye.
59祭司长和公议会全体都想找假证供来控告耶稣,好把他处死;
60Asi havana kuhuwana, kunyange zvapupu zvenhema zvizhinji zvakauya, zvikasahuwana. Pakupedzisira kwakasvika zvapupu zviviri,
60虽然有许多人前来作假证供,却找不着证据。最后有两个人前来说:
61zvikati: Uyu wakati: Ndinogona kuputsa tembere yaMwari, nekuivaka nemazuva matatu.
61“这人说过:‘我可以拆毁 神的圣所,三日之内又把它建造起来。’”
62Zvino mupristi mukuru akasimuka akati kwaari: Haupinduri chinhu here? Ava vanopupurei zvinopikisana newe?
62大祭司就站起来,对耶稣说:“你为什么不回答?这些人作证,控告你的是什么呢?”
63Asi Jesu wakanyarara. Mupristi mukuru akapindura akati kwaari: Ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utiudze kana uri Kristu, Mwanakomana waMwari.
63耶稣却不作声。大祭司又对他说:“我指着永生的 神要你起誓,告诉我们你是不是基督、 神的儿子。”
64Jesu akati kwaari: Wataura iwe; asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya pamusoro pemakore edenga.
64耶稣回答:“这是你说的;但我告诉你们:从今以后,你们要看见人子,坐在权能者的右边,驾着天上的云降临。”
65Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguvo dzake achiti: Wanyomba; tichiri kudirei zvapupu? Tarirai, ikozvino manzwa kunyomba kwake.
65大祭司就撕开衣服,说:“他说了亵渎的话,我们还要什么证人呢?你们现在听见了这亵渎的话,
66Munofungei? Vakapindura vakati: Une mhoswa yerufu.
66认为怎样呢?”他们回答:“他是该死的。”
67Zvino vakamupfira pachiso, vakamurova netsiva, vamwe vakamurova nembama,
67于是他们吐唾沫在他的脸上,用拳头打他,也有人用掌掴他,说:
68vachiti: Porofita kwatiri, iwe Kristu, ndiani wakurova?
68“基督啊,向我们说预言吧!是谁打你呢?”
69Petro wakange agere panze paruvanze; ndokuuya kwaari umwe murandakadzi achiti: Iwewo wakange una Jesu weGarirea.
69彼得三次不认主(可14:66-72;路22:55-62;约18:16-18、25-27)彼得坐在外面的院子里,有一个婢女走过来对他说:“你也是和加利利人耶稣一伙的。”
70Asi iye wakaramba pamberi pevose achiti: Handizivi zvaunoreva.
70彼得却当众否认,说:“我不知道你说什么。”
71Zvino wakati abuda pasuwo, umwe mukadzi akamuona, akati kune vaivapo: Uyuwo wakange ana Jesu weNazareta.
71他出到门口,又有一个婢女看见他,就对那里的人说:“这人是和拿撒勒人耶稣一伙的。”
72Akarambazve nemhiko, kuti: Handizivi munhu uyu.
72彼得再次否认,并且发誓说:“我不认识那个人。”
73Shure kwechinguva chiduku kwakauya vakange vamirepo vachiti kuna Petro: Zvirokwazvo iwewo uri wavo; kunyange kutaura kwako kunokuratidza.
73过了一会,站在那里的人前来对他说:“你的确是他们中间的一个,因为一听你的口音就认出来了。”
74Zvino wakatanga kutuka nekupika kuti: Handizivi munhu uyu. Pakarepo jongwe rikarira.
74彼得就发咒起誓说:“我不认识那一个人。”立刻鸡就叫了。
75Petro ndokurangarira shoko raJesu raakati kwaari: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu. Ndokubuda panze akachema zvakaomarara.
75彼得想起耶稣所说的话:“鸡叫以前,你会三次不认我”,他就出去痛哭。