1Kwakati kwaedza, vapristi vakuru vose nevakuru vevanhu vakarangana kupikisa Jesu kuti vamuuraye.
1耶稣被押交彼拉多(可15:1;路23:1;约18:28)
2Vakati vamusunga vakamutungamidza ndokunomukumikidza kuna Pondiyo Pirato mutungamiriri.
2他们把他绑起来,押去交给总督彼拉多。
3Zvino Judhasi wakange amutengesa aona kuti wapiwa mhosva, ndokuzvidya moyo akadzosera makobiri esirivheri makumi matatu kuvapristi vakuru nevakuru,
3犹大的结局(参徒1:18-19)那时,出卖耶稣的犹大见耶稣定了罪,就后悔了。他把那三十块银子还给祭司长和长老,说:
4achiti: Ndatadza, ndatengesa ropa risina mhosva. Vakati: Zvinei nesu? Zvionere iwe.
4“我有罪了!我出卖了无辜的人(“人”原文作“血”)!”他们说:“这是你的事,跟我们有什么关系?”
5Akakanda makobiri esirivheri mutembere, akabva akaenda akanozvisungirira.
5犹大把银子丢进圣所,然后离开,出去吊死了。
6Vapristi vakuru vakatora makobiri esirivheri vakati: Hazvitenderwi kuaisa muchivigiro chezvipo, nekuti mutengo weropa.
6祭司长把银子拾起来,说:“这是血钱,不可放在殿库里。”
7Vakarangana, vakatenga nawo munda wemuumbi wehari, uve wekuviga vatorwa.
7他们商议之后,就用那些钱买了“陶匠的田”,用来作外国人的坟地。
8Naizvozvo munda uyo wakanzi munda weropa kusvikira nhasi.
8所以那田称为“血田”,直到今日。
9Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti: Vakabva vatora makobiri esirivheri makumi matatu, mutengo waiye wakatarirwa mutengo, iye vana vaIsiraeri wavakatarira mutengo;
9这应验了耶利米先知所说的:“他们拿了三十块银子,就是以色列人给他估定的价钱,
10vakaaripira munda wemuumbi wehari, saIshe zvaakandiraira.
10用它买了‘陶匠的田’,正如主所指示我的。”
11Zvino Jesu wakamira pamberi pemutungamiriri. Mutungamiriri akamubvunza achiti: Iwe uri mambo wevaJudha here? Jesu akati kwaari: Wareva iwe.
11彼拉多判耶稣钉十字架(可15:2-15;路23:2、3、18-25;约18:29-19:16)耶稣站在总督面前,总督问他:“你是犹太人的王吗?”耶稣回答:“这是你说的。”
12Asi wakati achipomerwa mhosva nevapristi vakuru nevakuru, haana kupindura chinhu.
12祭司长和长老控告他的时候,他却不回答。
13Pirato ndokuti kwaari: Haunzwi kuti zvinhu zvingani zvinopikisa zvavanopupura pamusoro pako here?
13彼拉多又问他:“他们作证指控你这么多的事,你没有听见吗?”
14Asi haana kumupindura kunyange neshoko rimwe chete, zvekuti mutungamiriri wakashamisika zvikuru.
14耶稣一句话也不回答他,令总督非常惊奇。
15Zvino pamutambo mutungamiriri aiva netsika yekusunungurira chaunga musungwa umwe wavanenge vada.
15每逢这节期,总督有一个惯例,就是给群众释放一个他们要求释放的囚犯。
16Uye nenguva iyo vaiva nemusungwa chazezesa wainzi Bharabhasi.
16那时,有个声名狼籍的囚犯,名叫耶数.巴拉巴。
17Naizvozvo vakati vaungana, Pirato akati kwavari: Ndeupi wamunoda kuti ndikusunungurirei? Bharabhasi kana Jesu unonzi Kristu?
17群众聚集的时候,彼拉多问他们:“你们要我给你们释放谁?耶数.巴拉巴或是称为基督的耶稣呢?”
18Nekuti wakange achiziva kuti vakange vamukumikidza negodo.
18他知道他们是因为嫉妒才把耶稣交了来。
19Zvino wakati agara pachigaro chekutonga, mukadzi wake akatumira kwaari, achiti: Usava nechokuita neuyo wakarurama, nekuti ndatambudzika zvinhu zvizhinji nhasi muchiroto pamusoro pake.
19彼拉多坐在审判台上的时候,他的夫人派人来说:“你不要干涉这个义人的事,因为昨夜我在梦中因他受了很多的苦。”
20Asi vapristi vakuru nevakuru vakakumbirisa zvaunga kuti vakumbire Bharabhasi, vaparadze Jesu.
20祭司长和长老怂恿群众,叫他们去要求释放巴拉巴,除掉耶稣。
21Mutungamiriri akapindura akati kwavari: Ndeupi wevaviri wamunoda kuti ndikusunungurirei? Ivo vakati: Bharabhasi.
21总督问他们:“这两个人,你们要我给你们释放哪一个?”他们说:“巴拉巴!”
22Pirato akati kwavari: Ko ndichagoitei Jesu unonzi Kristu? vose vakati kwaari: Ngaarovererwe pamuchinjikwa.
22彼拉多对他们说:“那么,我怎样处置那称为基督的耶稣呢?”他们齐声说:“把他钉十字架!”
23Zvino mutungamiriri akati: Nekuti wakaita chii chakaipa? Asi vakanyanya kudanidzira vachiti: Ngaarovererwe pamuchinjikwa!
23彼拉多说:“他作了什么恶事呢?”众人更加大声喊叫:“把他钉十字架!”
24Zvino Pirato wakati achiona kuti hazvibatsiri chinhu asi kutoti poita bongozozo, wakatora mvura akageza maoko pamberi pechaunga achiti: Handina mhosva neropa reuyu wakarurama; zvionerei imwi.
24彼拉多见无济于事,反会引起骚动,就拿水在群众面前洗手,说:“流这人的血,与我无关,你们自己负责吧。”
25Vanhu vose ndokupindura vakati: Ropa rake ngarive pamusoro pedu nepamusoro pevana vedu.
25群众回答:“流他的血的责任,归在我们和我们子孙的身上吧。”
26Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi wakati arova Jesu netyava, akamukumikidza kuti arovererwe pamuchinjikwa.
26于是彼拉多给他们释放了巴拉巴;他把耶稣鞭打了,就交给他们钉十字架。
27Zvino mauto emutungamiriri akaisa Jesu mumba memutungamiriri, hondo yose ikaunganira kwaari.
27士兵戏弄耶稣(可15:16-20;约19:2-3)总督的士兵把耶稣带到总督府,召集全队士兵到他面前。
28Vakamukurura, vakamufukidza nguvo tsvuku,
28他们脱去他的衣服,给他披上朱红色的外袍,
29vakati varuka korona yemhinzwa, ndokupfekedza musoro wake, nerutsanga muruoko rwake rwerudyi. Vakafugama pamberi pake vakamusweveredza vachiti: Hekanhi, Mambo wevaJudha!
29又用荆棘编成冠冕,戴在他的头上,把一根芦苇放在他的右手,跪在他面前讥笑他说:“犹太人的王万岁!”
30Vakamupfira, ndokutora rutsanga vakamurova musoro.
30然后向他吐唾沫,又拿起芦苇打他的头。
31Vakati vamusweveredza, vakamukurura nguvo, vakamupfekedza nguvo dzake vakamuendesa kunoroverera pamuchinjikwa.
31戏弄完了,就脱下他的外袍,给他穿回衣服,带去钉十字架。
32Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, wainzi Simoni. Iye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa wake.
32耶稣被钉十字架(可15:22-32;路23:33-43;约19:17-24)他们出来的时候,遇见一个古利奈人,名叫西门,就强迫他背耶稣的十字架。
33Vakati vasvika panzvimbo inonzi Gorogota, ndiko kuti, Nzvimbo yedehenya,
33到了一个地方,名叫各各他,就是“髑髅地”的意思,
34vakamupa vhiniga yakavhenganiswa nenduru kuti amwe; asi wakati aravira akasada kumwa.
34他们把苦胆调和的酒给他喝,他尝了却不肯喝。
35Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake vachikanda mujenya, kuti zvizadziswe zvakarehwa nemuporofita zvinoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakanda mujenya pamusoro pezvekufuka zvangu.
35士兵把他钉了十字架,就抽签分他的衣服,
36Uye vakagara pasi, vakamurindapo.
36然后坐在那里看守他。
37Vakaisa pamusoro pemusoro wake rugwaro rwemhosva yake rwakanyorwa kuti: UYU NDIJESU MAMBO WEVAJUDHA.
37他们在耶稣的头以上,钉了一块牌子,写着他的罪状:“这是犹太人的王耶稣”。
38Ndokurovererwa pamuchinjikwa makororo maviri pamwe naye, umwe kuruoko rwerudyi, umwe kuruboshwe.
38当时,有两个强盗和他一同钉十字架,一个在右,一个在左。
39Vakange vachipfuura vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo,
39过路的人嘲笑他,摇着头说:
40vachiti: Iwe unoputsa tembere nekuivaka nemazuva matatu, zviponese; kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.
40“你这个想拆毁圣所,三日之内又把它建造起来的,救救自己吧!如果你是 神的儿子,从十字架上下来吧!”
41Saizvozvowo vapristi vakuru vachisweveredza nevanyori nevakuru vachiti:
41祭司长、经学家和长老也同样讥笑他,说:
42Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa. Kana ari iye Mambo waIsraeri, ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, tigomutenda.
42“他救了别人,却不能救自己。如果他是以色列的王,现在可以从十字架上下来,我们就信他。
43Waivimba naMwari; ngaachimusunungura ikozvino kana achimuda. Nekuti wakati: Ndiri Mwanakomana waMwari.
43他信靠 神;如果 神喜悦他,就让 神现在救他吧,因为他说自己是 神的儿子。”
44Makororowo akarovererwa pamuchinjikwa pamwe naye, akamusveveredza saizvozvo.
44和他一同钉十字架的强盗也都这样侮辱他。
45Zvino kubva paawa rechitanhatu kwakava nerima panyika yose kusvikira paawa repfumbamwe.
45耶稣死时的情形(可15:33-41;路23:44-49;约19:28-30)从正午到下午三点钟,遍地都黑暗了。
46Neawa rinenge repfumbamwe Jesu wakadanidzira nenzwi guru achiti: "Eri, Eri rama sabakitani?" Ndiko kuti: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiirei?
46大约三点钟,耶稣大声呼叫:“以利,以利,拉马撒巴各大尼?”意思是“我的 神,我的 神,你为什么离弃我?”
47Vamwe vakange vamirepo pavakati vanzwa vakati: Uyo unodana Eria.
47有几个站在那里的人,听见了就说:“这个人在呼叫以利亚呢。”
48Pakarepo umwe wavo akamhanya, akatora chipanje, akazadza nevhiniga ndokuisa parutsanga, ndokumupa kuti amwe.
48有一个人马上跑去拿海绵蘸满了酸酒,用芦苇递给他喝。
49Asi vamwe vakati: Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.
49但其他的人说:“等一等,我们看看以利亚来不来救他。”
50Jesu ndokudanidzirazve nenzwi guru akapa mweya.
50耶稣再大声呼叫,气就断了。
51Zvino tarira, vheiri retembere rakabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
51忽然,圣所里的幔子从上到下裂成两半;地面震动,石头崩裂;
52Makuva akazarurwa; nemitumbi mizhinji yevatsvene vakange varere ikamutswa;
52而且坟墓开了,许多睡了的圣徒的身体也复活了,
53vakati vabuda pamakuva shure kwekumuka kwake vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa kuvazhinji.
53从坟墓里出来;到了耶稣复活之后,他们进到圣城向许多人显现。
54Zvino mukuru wezana nevaiva naye vakarinda Jesu vakati vachiona kudengenyeka kwenyika nezvinhu zvakaitika, vakatya zvikuru vachiti: Zvirokwazvo uyu wakange ari Mwanakomana waMwari.
54百夫长和跟他一起看守耶稣的士兵,看见了地震和所发生的事情,就十分惧怕,说:“这个人真是 神的儿子。”
55Nevakadzi vazhinji vakange varipo, vakatarira vari kure, vakange vatevera Jesu vachibva Garirea vachimushandira.
55有许多妇女在那里远远地观看;她们是从加利利开始跟随耶稣服事他的。
56Pakati pavo paiva naMaria Magidharini, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vevanakomana vaZebhedhi.
56她们中间有抹大拉的马利亚、雅各和约西的母亲马利亚,以及西庇太的儿子的母亲。
57Zvino ava manheru kukasvika umwe mufumi achibva Arimatiya wainzi Josefa. Iyewo pachake waiva mudzidzi waJesu.
57耶稣葬在新坟墓里(可15:42-47;路23:50-56;约19:38-42)到了晚上,有一个亚利马太的富翁来到,他名叫约瑟,是耶稣的门徒。
58Uyu wakaenda kuna Pirato akakumbira mutumbi waJesu. Ipapo Pirato akaraira kuti mutumbi aupiwe.
58这个人去见彼拉多,请求领取耶稣的身体,彼拉多就吩咐给他。
59Josefa wakati atora mutumbi, akauputira nemucheka werineni wakachena.
59约瑟领了耶稣的身体,用干净的细麻布裹好,
60Akauradzika muguva rake idzva, raakange achera muruware; akakungurusira ibwe guru pamukova weguva, akabva.
60放在自己的新坟墓里,就是在磐石里凿出来的。他辊了一块大石头来挡住墓门,然后才离开。
61Uye ipapo paiva naMaria Magidharini neumwe Maria, vagere pakatarisana neguva.
61抹大拉的马利亚和另一个马利亚都在那里,对着坟墓坐着。
62Nezuva raitevera zuva raitevera rekugadzirira, vapristi vakuru nevaFarisi vakaungana kuna Pirato,
62卫兵严密看守坟墓第二天,就是过了“预备日”的那一天,祭司长和法利赛人去见彼拉多,说:
63vachiti: Ishe tinorangarira kuti munyepedzeri uyu wakati achiri mupenyu: Mushure memazuva matatu ndichamuka.
63“大人,我们想起那个骗子,生前说过:‘三天之后,我要复活。’
64Naizvozvo rairai kuti guva richengetwe kusvikira zuva retatu; zvimwe vadzidzi vake vangauya usiku vakamuba, vagoti kuvanhu: Wakamuka kuvakafa; kurashika kwekupedzisira kukazonyanyisa pane kwekutanga.
64所以请你下令把坟墓严密看守,直到第三天,免得他的门徒来把他偷去,然后对民众说:‘他从死人中复活了。’这样,日后的骗局比起初的就更大了。”
65Pirato akati kwavari: Mune varindi, endai murichengete sezvamunoziva.
65彼拉多对他们说:“你们带着卫兵,尽你们所能的去严密看守吧。”
66Vakaenda, vakanochengeta guva, vakaisa mucherechedzo pabwe, vane varindi.
66他们就去把墓前的石封好,又派卫兵把守,严密地守住坟墓。